Unotsvaka Pfuma Yakavanzwa Here?
“Mutsa usakafanirwa norugare ngazviwedzerwe kwamuri kupfurikidza nezivo yakarurama yaMwari neyaJesu Ishe wedu.”—2 PETRO 1:2, “NW.”
1, 2. Zvinhui zvinoita kuti ndarama ive inokosha neinodhura?
NEIKO ndarama ichidhura kwazvo? Iyo inongova zvayo simbi yakapfava, bva ukoshi hwayo hunopinda mumazana amadhora paaunzi. Chokwadi, iyo inogona kuumbwa uye inoita chishongo chinokwezva muchimiro chemhete kana kuti koza. (1 Timotio 2:9; Jakobho 2:2) Bva, kudai ukarasika murenje, uchifa nenzara nenyota, haungagoni kuidya kana kuti kuinwa. Mumugariro iwoyo chingwa kana kuti ndiro yomupunga nemvura zvaizova zvinokosha zvikuru kupfuura ndarama.
2 Neiko, ipapoka, ndarama ichikosheswa zvikuru kwazvo? Kutanga, iyo haiwanzowanika uye yakaoma kuwana. Somuenzaniso, apo mugodhi wendarama weEmpire kuchamhembe kweCalifornia wakachipa muna 1957 nemhaka yokuti wakanga usati uchine mhindu, vashandi vomumugodhi vakanga vachichera paudzame hwakatwasuka hwaanopfuura mamita 1 500 asi vaifanira kuburuka makiromita matatu vachienda kuno rumwe rutivi kuti vasvike ndarama. Kusvikira papfundo iroro, mutengo wakakwirira wendarama wakanga waita kuti nhamburiko huru yokuramba vachiitsvaka ive yakafanira.
3. Ipfumai yatinogona kutsvaka?
3 Isu, kunyanguvezvo, tinogona kuchera nokuda kwechimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura ndarama. Chiiko ichocho? Mambo akachenjera Soromoni akapa mhinduro makore 3 000 apfuura, achiti: “Kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirvheri, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana [zivo imene, NW] yaMwari.” Fungidzira vanhu vaduku navasina simba vachikwanisa kuwana “zivo imene yaMwari”!—Zvirevo 2:3-5.a
Chikonzero Nei Vose Vachida Zivo Yakarurama
4. Chii chinofanira kubatanidzwa muzivo yakarurama yomuKristu?
4 Chibviro chenguva yaKristu, zivo iyoyo inokosha yakakura kusvikira pakubatanidza zvakawanda zvikuru kupfuura yakanga ichiwanika kuvarume navakadzi vakatendeka vechiHebheru vekare. Pauro akakutaura, achiti: “Kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei [mudzimu, NW] wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva; mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kune tariro yei, nepfuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.”—VaEfeso 1:17, 18.
5. Neiko vakazodzwa vachifanira kupa ngwariro yenguva dzose kuzivo yavo yokuda kwaMwari?
5 Shure panguva iyeyo, iri rakanga riri zano rakananga nokuda kwehama tsvene dzakazodzwa dzaKristu, uye richiri nhasi. Sorutivi rwechipiri rwe“mbeu” yechipikirwa, vakadaro zvipfuro chaizvo zvoruparadziko rwomudzimu rwaSatani. (VaGaratia 3:26-29; VaEfeso 6:11, 12) Vakazodzwa, zvikurukuru, vanofanira kuita kuti kudanwa kwavo kuve kwechokwadi kupfurikidza nokusaregeredza chipo chapachena chomutsa usakafanirwa waMwari. Ndokusaka ivo vachifanira kusimbisa nguva dzose mano avo omudzimu kupfurikidza nokumutsidzira zivo yavo yakarurama yokuda kwaMwari neShoko.—VaEfeso 3:7; VaHebheru 6:4-6; 2 Petro 1:9-12.
6. (a) Neiko tose zvedu tichida zivo yakarurama, pasinei zvapo nokuti zivo yedu ndeyokumatenga kana kuti ndeyapasi? (b) Chii chinodikanwa kuti tiwane zivo yakarurama?
6 Zvakadiniko naavo vane tariro iri upenyu husingaperi pasi pano? Neiko zivo yakarurama ichikosha nokuda kwavo? Imhaka yokuti hakuna mwero yeperero yechiKristu, sokunge kune mupimo wakakwira nokuda kwavakazodzwa, avo vane tariro yokudenga, kupfuura nokuda kwamamwe makwai, ayo ane tariro yapasi. (Johane 10:16; 2 Petro 3:13) Nheyo dzechiKristu dzinoshanda zvakaenzana kuvose. Nokuda kwechikonzero ichocho, tose zvedu tinofanira kuchajazve mabhatiri edu omudzimu nezivo yakarurama pahwaro hwenguva dzose. Asi kuva nenhamburiko zvinobatanidzwa. Tinofanira kupinda mukuchera kwomudzimu, sokunge nokuda kwepfuma yakavanzwa.—Pisarema 105:4, 5.
Kutenga Nguva Yokuchera
7. (a) Zvitambudzoi zviripo zvingadzivisa kuwana kwedu zivo yakarurama? (b) Ndeipi ingava miuyo yokuregeredza kwomudzimu?
7 Vanhu vazhinjisa nhasi vanorarama upenyu hwokubatikana, uye samaKristu tinoratidzika kuva vakatobatikana zvikuru kupfuura vazhinjisa namarudungwe edu emisangano yeBhaibheri, basa romumunda, basa rokunyika, basa romumba, basa rokuchikoro, uye zvichingodaro. Bva, kungofanana sezvo tichironga nguva zuva rimwe nerimwe yokudya, naizvozvo tinofanira kutsaura nguva yokudyisa ndangariro yedu noumudzimu hwedu. Kwakanga kusati kuri kutaura kwenhando uko Jesu akaita apo iye akanokora Dheuteronomio 8:3: “Kwakanyorwa kunzi, ‘Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kuri kwose kunobuda mumuromo maJehovha.’” (Mateo 4:4, NW) Kana tikaregeredza umudzimu hwedu, tinoregeredza zvinokosha zvedu zvomudzimu netariro yedu yenguva yemberi. Ipapo tingavamba kutsvedzemuka ndokuzununguka. Naizvozvo tinogona sei kuita nguva yefundo yeBhaibheri yomunhu oga yenguva dzose?
8. Izanoi rapaMagwaro rinotipa murangariro wakafanira pafundo yedu yomunhu oga?
8 Mashoko omuapostora Pauro akafanira zvikuru: “Ngwarirai zvikuru kuti mafambire enyu asave saavasina kuchenjera asi savanhu vakachenjera, muchizvitengera mumene nguva yakafanira, nemhaka yokuti mazuva akaipa. Nokuda kwaikoku regai kuva vasina mufungo, asi pfuurirai kunzwisisa chiri kuda kwaJehovha.” Tinogona kunzwisisa chiri kuda kwaJehovha bedzi kana tikapa ngwariro kuShoko rake kupfurikidza nefundo yedu yomunhu oga. Uye ikoko kunoreva kuti tinofanira ‘kutenga nguva yakafanira’ kana kuti ‘kushandisa nguva yedu zvakanakisisa.’—VaEfeso 5:15-17; Phillips.
9. Ndokupi kwatingava tichirasikirwa nenguva iyo inogona kuwanwa nokuda kwefundo yomunhu oga? Ipa zvinoitika zvomunhu oga.
9 Kana tikakamuranisa mibato yedu isingakoshi yezuva rimwe nerimwe, tinowana kuti yakawanda yenguva yedu yokusununguka inoshandiswa sei? Pamberi peterevhizheni here? Mudziyo iwoyo unokotsirisa unogona kuba chinhu chipi nechipi kuvambira pamaawa maviri kusvikira kumashanu madekwana mamwe namamwe oupenyu hwedu! Maawa mangani pazuva aunopedza somunhu oga uchitarira terevhizheni? Kazhinji kazhinji, chinopiwa, kupfurikidza nesimbiso yacho pamasimba masimba nevatano, chakaipa. Uye kazhinji kazhinji chakarongedzerwa kufadza ku“chishuvo chenyama nechishuvo chameso neratidzirwo yokuzvitutumadza yemitoo yomunhu youpenyu.” (1 Johane 2:15-17, NW) Bva, vazhinji vanoshaiwa simba rokudzima terevhizheni. Hungu, ichi chiitwa chazvino uno chinogona kupedza chinhu chedu chinokosha zvikurusa, nguva.
10. Neiko kuchikosha kwazvo nhasi kuti tishandise nguva yedu nokuchenjera?
10 Kana takatendeseka kwatiri timene, tichaziva kuti kunowanzova kunobvira kuwana nguva yemibato yakadai sefundo yeBhaibheri. Uye fundo yomunhu oga yeBhaibheri iyo inotungamirira kuzivo yakarurama inokosha nokuda kwomuKristu munguva dzino dzinotambudza. Bva, navanopfuura 41 000 vakadzingwa gore rapera, kuri pachena kuti hama nehanzvadzi vakawanda vakaregeredza umudzimu hwavo. Kupfeka nokuchengeta “chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chinobva kuna Mwari” harisati riri chete basa rapanguva nenguva. Kunyange somuchinoitika chomurwi anopfeka chifukidziro chaichoicho chesimbi, ibasa rezuva nezuva.—VaEfeso 6:10-18; VaRoma 1:28-32; 2 Timotio 3:1.
11. Muenzanisoi unogadza mhuri yeBheteri mukuva vakarongeka nokuda kwefundo yemhuri?
11 Kupote nyika inopfuura mitezo 9 000 yemhuri dzeBheteri 95 pahofisi dzamapazu dzeWatch Tower Society ine fundo yayo yemhuri madekwana ari ose omuMuvhuro. Ivo vanofunda Nharireyomurindi mukugadzirira musangano wokupera kwevhiki, uye panguva dzakawanda ivo vanewo hurukuro yeBhaibheri kana kuti rusando rwekirasi nokuda kwemitezo mitsva zvikuru yemhuri. Hungu, Muvhuro madekwana efundo yemhuri yeBheteri yenyika yose. Nguva yenyu yefundo yomunhu oga kana kuti yemhuri iri rini?—VaHebheru 10:24, 25.
Maturusi Nenzira Yokuashandisa Nayo
12. Ndaapi ari akati kuti amativi akatanhamara efundo eNew World Translation of the Holy Scriptures—With Reference?
12 Sezvo mushandi womumugodhi ane maturusi ebasa rake, naizvozvo tine maturusi okuchera nawo mumugodhi wendarama weShoko raMwari. Rangarira, somuenzaniso, New World Translation of the Holy Scriptures—With References. Panguva ino yakabudiswa muchiDutch, chiNgezi, chiFrench, chiGerman, chiItaly, chiJapan, chiPutukezi, uye chiSpain. Naizvozvo, vazhinjisa veZvapupu zvaJehovha vane turusi rinoshamisa rokuwana naro zivo yakarurama yaMwari wechokwadi. Iyi shanduro yeBhaibheri inobatanidza zviuru zvenongedzero dzomumucheto namashoko omuzasi akawanda. Inewo wedzero ine mapeji 36 ine mashoko ane udzame pamhatsa yemibvunzo inokosha yeBhaibheri.b
13. Maidii anofadza anopiwa pamusoro pokushandiswa kwe“zivo” uye “zivo yakarurama” muMagwaro echiHebheru naMagwaro echiGiriki?
13 Seri, Reference Bible ine ndaza ye“Bible Words Indexed” huru. Tinogona sei kushandisa iyoyo? Kana ukanzvera kopi yako nokuda kwokutaura kwokuti “accurate knowledge,” uchawana magwaro gumi akarongwa. Asi hakuna norumwe rwaiwawa rwuri muMagwaro echiHebheru. Ikoko kunoreva here kuti Magwaro echiHebheru haasimbisi kudikanwa kwezivo yakadaro? Aiwa. Nokuti pasi peshoko rokuti “knowledge,” pane nongedzero 24, kubatanidza 18 dzinobva muMagwaro echiHebheru. Zvisinei, mutauro wechiHebheru hauna shoko chairo nokuda kwe“zivo yakarurama.” Naizvozvo, sezvauchaona munongedzero, iro pane dzimwe nguva rinosimbisa kudikanwa kweinopfuura zivowo zvayo kupfurikidza nokubatanidza “zivo” namashoko akadai so“kunzwisisa” uye “nzwisiso” kana kuti kutaura nezvezivo seiri “yakawanda.”—Dhanieri 1:4; 12:4; Jeremia 3:15, NW.
14. Mapfundoi makuru anofadza aripo pasi pe“knowledge” muInsight on the Scriptures?
14 Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, chiGiriki cheBhaibheri chakapa musiano muduku asi unokosha pakati pemwero miviri yezivo. Uye sezvatinochera, tinoda kuziva zvakawanda pamusoro pomusiano uri pakati pouku kutaura kuviri sezvakunoshanda kumaKristu. Neiko zivo, gnoʹsis, uye zivo yakarurama, e·piʹgno·sis, zvichikosha nokuda kwamaKristu? Ndokupi kwatinogona kuwana mhinduro? Muenisaikoropidhia yeBhaibheri Insight on the Scriptures. Aya mavhoriyamu iimba yepfuma yakadini! Tsvaka musoro unoti “Knowledge.” Ipapo uchawana nyaya yakakwana pamusoro pamashoko atiri kurangarira uye pamusoro pamavara anowirirana uchenjeri, nzwisiso, kunzwisisa, uye mano okufunga. Uye tawana iyi “ndarama” yose, aya mashoko, kupfurikidza chete nokushandisa yamuro dzefundo yeBhaibheri shomanene! Asi kune dzakawanda.—Pisarema 19:9, 10.
15. Ndimamwe maturusii enzvero atinawo, uye iwo anogona sei kushandiswa?
15 Kana waida kuronda fundo yakakwana zvikuru ya“knowledge” uye mashoko anowirirana, ungagona kushandisa Indexes dzezvinyorwa zveWatch Tower Society, zvinowanika muchiverengero chakati chemitauro. Uye sezvo taongorora musoro wezivo, unogona kutevera muitiro mumwe chetewo nokuda kwamazana edzimwe nhau. Fungidzira pfuma yamashoko iri pasi pezita raJehovha! Izivo yakarurama yakawanda zvakadini iripo pamusoro paChangamire Ishe wechisiko chapose pose!—Pisarema 68:19, 20; Mabasa 4:24.
16. Chii chinotaura Magwaro pamusoro pokunzvera?
16 Neidzi yamuro dzefundo nedzimwe dzinobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society, i“pfuma yakavanzwa” yakaisvonaka zvakadini yatinogona kuwana! Ko iwe unoda “ndarama” here? Unofunga kuti yakafanira here? Uchawana here nguva yokuichera?—Zvirevo 2:1-5.
Ndiani Anotungamirira Mukuchera Mugodhi Kwomudzimu?
17. Chii chatinofanira kuita kuti tiwane zivo yaMwari naKristu?
17 Chii chiri chinhu chikuru kukuwana iyi zivo inokosha yaMwari naKristu? Sundo—chishuvo chokuva nechimiro chinotenderwa naJehovha noMwanakomana wake nechishuvo chokugamuchira chipo choupenyu husingaperi. Jesu akakutaura neiyi nzira: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu ari wose anokumbira anogamuchira, uye munhu ari wose anotsvaka anowana, uye munhu ari wose anogogodza achazaruriwa.” Asi cherechedza mugariro wacho. Jesu akati, ‘Rambai muchikumbira, kutsvaka, uye kugogodza.’ Hachisati chichingova chete chinhu chenguva imwe. Kutsvakwa kwezivo kunofanira kuva kwenguva dzose.—Mateo 5:6; 7:7, 8, NW.
18. Mumhuri, ndiani anofanira kutungamirira mukutsvaka zivo yakarurama, uye nei?
18 Mumhuri yechiKristu, ndiani anofanira kutungamirira mukuchera nokuda kwezivo yakarurama? Pauro anopindura, achiti: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Hungu, vabereki, zvikurukuru baba, vanofanira kutungamirira mukuratidza kunzwisiswa kwezvinokosha zvomudzimu. Uye ikoko kunotiyeuchidza zvakare nezvokudikanwa kwegadziriro yenguva dzose iyo mhuri inogona kukarira ndokutarira mberi kwairi.—VaEfeso 6:4, NW.
19. Nhambo dzefundo yemhuri dzinogona sei kuitwa kuti dzive dzinofadza? Chii chiri chinoitika chemhuri yenyu?
19 Nhambo dzefundo yemhuri dzinogona kuitwa kuti dzifadze. Somuenzaniso, kana iwe une vana, kuregererei kuvaita kuti vasarudze musoro uye ipapo kuvagovera kuita nzvero muzvinyorwa zvakasiana-siana mukuwirirana nezera ravo namano. Ipapo pashure pehafu yeawa kana kuti kupfuura, uyai pamwe chete uye onai izvo mumwe nomumwe awana panhau yagoverwa. Kana konikodhenzi ichiwanika, muduku anogona kuverenga kuti shoko rakati rinooneka kangani muMagwaro echiHebheru naMagwaro echiGiriki. Zvichida mukuru achawana zvakaisvonaka zviri mumavhoriyamu aInsight. Vabereki vanoziva mano avana vavo noukuru hwengwariro yavo uye vanofanira kuvakira rusando pazvinhu izvozvo. Iva anochinjika naanoonga. Kurudzira mhuri yako mukuchera kwavo kwomudzimu—uye iva nevavariro yakarurama.
Kuchera Nevavariro Yakarurama
20. Ivavariroi yakaipa yatinofanira kudzivisa mufundo yedu yomunhu oga?
20 Kuzvininipisa ivara rechiKristu. (Zvirevo 11:2; 1 Timotio 2:9) Tinofanira here, ipapoka, kuva tichifunda kuti tiganze neizvo tinenge tadzidza? Kana kuti tinofanira kuita ratidzirwo yapachena yezivo yedu uye zvichida kuratidza vamwe savasingazivi here? Kana kuti tinofanira kuzivisa dudziro dzedu timene kana kuti fungidziro here? Pauro akapa zano, achiti: “Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachena, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.”—VaRoma 12:3.
21, 22. Zivo yedu yakarurama inofanira kutitapura sei?
21 Nhamburiko yapachokwadi nokushandiswa kwezivo yakarurama zvinogona kutungamirira kukutenda, runako, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chehama, uye rudo. Petro akaratidza ukoshi hwaizvozvi paakanyora, achiti: “Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvicharamba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasino usimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.”—2 Petro 1:2-8.
22 Zivo yedu inofanira kutapura mwoyo. Inofanira kutisunda kuratidza rudo nokuda kwaMwari uye nokuda kwomuvakidzani uye kuva maKristu anobereka zvibereko mumufambiro wedu noushumiri. Ikoku kuchaguma nechinzwano nokunzwisiswa kwakazara zvikuru kwomuenzaniso waKristu. (VaEfeso 4:13) Ituso yakaisvonaka zvakadini nokuda kwokutsvaka pfuma yakavanzwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Nenzira inofadza, pana Zvirevo 2:5 (NW), kutaura kwokuti “zivo imene yaMwari” kunooneka muSeptuagint yechiGiriki sae·piʹgno·sis, kana kuti “zivo yakarurama,” kumwe kwokushandiswa kusere kweshoko iroro rechiGiriki muSeptuagint.
b Nokuda kwokutsanangurwa kune udzame kwenzira yokuwana nayo zvizhinjisa muReference Bible, ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1986, mapeji 27-30.
Mibvunzo Yokufungisisa
◻ Mukuwirirana naMambo Soromoni, chii chinokosha zvikuru kupfuura pfuma yakavanzwa?
◻ Neiko zivo yakarurama ichikosha nokuda kwavakazodzwa uye nokuda kwamamwe makwai?
◻ Tinogona sei kutanga nguva nokuda kwefundo yomunhu oga?
◻ Maturusii chaiwo atinawo okuchera nokuda kwezivo yakarurama?
◻ Ndiani anofanira kutungamirira mufundo yemhuri, uye tinofanira kufunda nevavariroi?