Rutongeso rwaMwari Pa“munhu Wokusateerera Mutemo”
“Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto.”—MATEO 7:19.
1, 2. Ndiani ari munhu wokusateerera mutemo, uye akavamba sei?
APO muapostora Pauro akafuridzirwa naMwari kudeya kutaura kuuya kwo“munhu wokusateerera mutemo,” iye akataura kuti akanga ava kutanga kuoneka kunyange muzuva rake. Sezvatsanangura nyaya yapfuura, Pauro akanga achitaura pamusoro peboka ravanhu vaizotungamirira mukuwa pakutenda vachibva muchiKristu chechokwadi. Kubva ikoko muzvokwadi kwakavamba mukupera kwezana ramakore rokutanga, zvikurukuru pashure porufu rwavaapostora vokupedzisira. Boka risingateereri mutemo rakatanga dzidziso nemiitiro zvakanga zvichipesana neShoko raMwari.—2 VaTesaronika 2:3, 7; Mabasa 20:29, 30; 2 Timotio 3:16, 17; 4:3, 4.
2 Pashure penguva yakati, iri boka risingateereri mutemo rakakura kuva vakuru vechiKristudhomu. Simba raro rakasimbiswa namambo weRoma Constantine muzana ramakore rechina apo chechi dzakawa pakutenda dzakabatanidzwa neHurumende yechihedheni. Sezvo chiKristudhomu chakapfuurira kuparadzika kuva masekete akawanda, vakuru vorudzidziso vakapfuurira kuzvisimudza vamene pamusoro pavanhuwo zvavo uye kazhinji kazhinji pamusoro pavatongi venyikawo.—2 VaTesaronika 2:4.
3. Ndoupi uchava mugumo womunhu wokusateerera mutemo?
3 Ndoupi waizova mugumo womunhu wokusateerera mutemo? Pauro akadeya kutaura, kuti: “Asingateereri mutemo achaziviswa, uyo Ishe Jesu achaparadza . . . uye kuuraya nokuratidzirwa kwokuvapo kwake.” (2 VaTesaronika 2:8, NW) Ikoku kunoreva kuti ruparadziko rwavakuru vorudzidziso rwuchaitika apo Mwari anosvitsa tsika yose yaSatani kumugumo wayo. Mwari anoshandisa Mambo wake wokudenga, Kristu Jesu, kutungamirira mauto anouraya engirozi. (2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 19:11-21) Uyu mugumo wakamirira vakuru vorudzidziso nemhaka yokuti ivo vakazvidza Mwari naKristu uye vakabvisa mamirioni avanhu pakunamata kwechokwadi.
4. Munhu wokusateerera mutemo achatongwa kupfurikidza nenheyoi?
4 Jesu akapa nheyo iyo munhu wokusateerera mutemo aizotongwa nayo, achiti: “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto. . . Havazi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”—Mateo 7:15-21; onawo Tito 1:16; 1 Johane 2:17.
Chibereko Chakaisvonaka chechiKristu
5. Chii chiri hwaro hwechibereko chakaisvonaka chechiKristu, uye chii chiri mutemo mukuru?
5 Hwaro hwechibereko chakaisvonaka chechiKristu hwakanyorwa pana 1 Johane 5:3, iyo inoti: “Nokuti rudo rwaMwari ndiro, kuti tichengete mirairo yake.” Uye murairo mukuru ndouyu: “Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.” (Mateo 22:39, NW) Nokudaro, vabatiri vechokwadi vaMwari vanofanira kuva norudo rwavavakidzani vavo pasinei zvapo nedzinza ravo kana kuti rudzi.—Mateo 5:43-48; VaRoma 12:17-21.
6. Rudo rwechiKristu runofanira kuratidzwa kuna vanaani zvikurukuru?
6 Zvikurukuru vabatiri vaMwari vanofanira kuva norudo nokuda kwaavo vari hama dzavo dzomudzimu. “Kana munhu achiti, ‘Ndinoda Mwari,’ achivenga hama yake murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakaona ungada seiko Mwari, waasina kumuona. Iwoyo murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari ngaadewo hama yake.” (1 Johane 4:20, 21) Rudo irworwo, Jesu akati, rwaizova chiratidzo chinozivisa chamaKristu echokwadi: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—Johane 13:35, NW; onawo VaRoma 14:19; VaGaratia 6:10; 1 Johane 3:10-12.
7. MaKristu echokwadi akasungirwa pamwe chete sei munyika yose?
7 Rudo rwouhama “iguruu” rinosunga vabatiri vaMwari muchinzwano: “Zvipfekedzei mumene rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chohumwe.” (VaKorose 3:14, NW) Uye maKristu echokwadi anofanira kuva nechinzwano nehama dzavo munyika yose, nokuti Shoko raMwari rinoraira, richiti: “Imi mose mutaure chinhu chimwe . . . kurege kuva nokupesana . . . musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” (1 VaKorinte 1:10) Kuti vachengete rudo urwu nechinzwano pamwero wenyika yose, vabatiri vaMwari vanofanira kuva vasingatori rutivi muzvinhu zvamatongerwe enyika zvenyika ino. Jesu akati: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kufanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.”—Johane 17:16, NW.
8. Jesu akaratidzira sei chinofanira kuita maKristu?
8 Jesu akaratidzira ukuru hweizvo airangarira apo Petro akashandisa munondo kucheka nzeve yomumwe wavanhu vakanga vauya kuzosunga Jesu. Ko Jesu akakurudzira kushandiswa kwakadaro kwesimba kunyange kudzivirira Mwanakomana waMwari pavashori here? Aiwa, asi iye akati kuna Petro: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo.” (Mateo 26:52) Nokudaro, maKristu echokwadi haapindi muhondo dzamarudzi kana kuti mukumwe kudeurwa kupi nokupi kweropa ravanhu kunyange kana kuramba kukaguma nokuurawa kwavo nokuda kwechimiro chavo chokusatora rutivi, sezvakaitwa vazhinji mumazana amakore apfuura uye kunyange munguva yedu. Ivo vanoziva kuti Umambo hwaMwari bedzi pasi paKristu huchabvisa hondo nokudeura ropa nokusingaperi.—Pisarema 46:9; Mateo 6:9, 10; 2 Petro 3:11-13.
9. (a) Chii chinotiudza nhau pamusoro pamaKristu okutanga? (b) Ichochi chinosiana sei namarudzidziso echiKristudhomu?
9 Nhau inosimbisa kuti maKristu omuzana rokutanga ramakore haasati aizodeura ropa ravanhu. Aichimbova purofesa worudzidziso wokuEngland, Peter De Rosa, anonyora, achiti: “Kudeura ropa kwakanga kuri chivi chakakomba. Ichi chakanga chiri chikonzero nei maKristu aishora kurwisana kwavanhu pachena nokuda kwevaraidzo. . . . Nepo hondo nokushandiswa kwesimba zvakanga zviri madikanwa kuchengeta Roma, maKristu akanga achinzwa asingakwanisi kukumbanira. . . . MaKristu aizvirangarira amene, kufanana naJesu, kuva nhume dzorugare; hakuna migariro maaigona kuva.” Pane rumwe rutivi, marudzidziso asina kubatana echiKristudhomu akapunza murairo worudo uye akadeura chitsama chikuru cheropa. Ivo vave vasiri nhume dzorugare asi vakava vavazve vaurayi.
Bhabhironi Guru Rine Mhaka Yeropa
10. Bhabhironi Guru chii, uye neiko chichinzarwo?
10 Satani ndiye “mutongi wenyika ino,” “mwari wetsika ino yezvinhu.” (Johane 12:31; 2 VaKorinte 4:4, NW) Rutivi rwenyika yaSatani isangano rapasi rose rorudzidziso rwenhema raakavaka kwamazana amakore, kubatanidza chiKristudhomu navakuru vacho. Bhaibheri rinodana iri sangano renyika yose rorudzidziso rwenhema kuti “Bhabhironi Guru, amai vemhombwe [dzomudzimu] navezvinhu zvinonyangadza zvapasi.” (Zvakazarurwa 17:5, NW) Mavambo amarudzidziso enhema anhasi anodzokera kuguta rakare reBhabhironi, iro rakanga rakanyura murudzidziso rwenhema nomudzidziso nemiitiro zvinozvidza Mwari. Ndokusaka mubiyake weBhabhironi rakare achinzi Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema.
11. Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro peBhabhironi Guru, uye nei?
11 Pamusoro peBhabhironi rorudzidziso, Shoko raMwari rinoti: “Mariri makawanwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:24, NW) Aya marudzidziso enyika ano mutoro sei weropa raavo vose vakaurawa? Mukuti marudzidziso iwaya ose— chechi dzechiKristudhomu namarudzidziso asiri echiKristu zvakafanana—akatsigira, kufuratira, kana kuti kunyange kutungamirira muhondo dzamarudzi; akatambudzawo ndokuuraya vanhu vanotya Mwari vasakabvumirana navo.
Chinyorwa Chinozvidza Mwari
12. Neiko vakuru vechiKristudhomu vane mhaka zvikuru kupfuura vamwe vatungamiriri vorudzidziso?
12 Vakuru vechiKristudhomu vane mutoro zvikuru mukudeura ropa kupfuura vamwe vatungamiriri vorudzidziso. Neiko? Nemhaka yokuti mukuwedzera kukuisa zita raMwari pavari vamene, ivo vakatorawo raKristu. Ivo nomutoo iwoyo vakazviisa vamene mumusengwa wokutevera dzidziso dzaJesu. (Johane 15:10-14) Asi ivo havana kutevera dzidziso idzodzo, nokudaro vachiunza ruzvidzo rukuru pana vose vari vaviri Mwari naKristu. Mutoro wokudeura ropa wakaitwa navakuru vorudzidziso wave uri zvose zviri zviviri wakananga, muHondo dzamaKristu, dzimwe hondo dzorudzidziso, bvunzurudzo, uye zvitambudzo, uye kusina kunanga, mukufuratira hondo umo mitezo yechechi yakauraya munhu biyayo ari mudzimwe nyika.
13. Vakuru vorudzidziso vaiva nomutoro wechii kuvambira muzana ramakore rechi 11 kusvikira kune rechi 13?
13 Somuenzaniso, kuvambira muzana ramakore rechi 11 kusvikira kune rechi 13, vakuru vechiKristudhomu vakatanga Hondo dzamaKristu. Idzodzi dzakaguma nokudeurwa kweropa kunotyisa nokupamba muzita raMwari neraKristu. Mazana ezviuru akaurawa. Hondo dzamaKristu dzakabatanidza kuurawa kusino mufungo kwezviuru zvavana avo vakanyengerwa kutora rutivi muHondo dzamaKristu dzaVana dzegore 1212.
14, 15. Munyori weKaturike anotsinhira sei pamusoro peicho Chechi yeKaturike yakatanga muzana ramakore rechi 13?
14 Muzana ramakore rechi 13, Chechi yeRoma Katurike yakabvumira pamutemo rumwe rutyo rwunozvidza Mwari—Bvunzurudzo. Iyo yakavamba muEurope ndokupararira ichienda kuAmericas, ichigara kwamazana amakore anopfuura matanhatu. Zvayakatangwa nokutsigirwa nesimba rapapa, kwakanga kuri kuedza kwakaipa kwokutambudza nokuparadzanya vose vaisabvumirana nechechi. Nepo chechi yakanga yatambudza kare vaisava vaKaturike, Bvunzurudzo yakanga iri huru zvikuru muukuru.
15 Peter De Rosa, uyo anotaura kuti iye “muKaturike akavimbika,” anoti mubhuku rake remisi ichangobva kupfuura iyi Vicars of Christ—The Dark Side of the Papacy: “Chechi yaiva nomutoro wokutambudza vaJudha, weBvunzurudzo, wokuuraya vasingabvumirani nedzidziso dzavose muzviuru, wokutangazve kutambudza muEurope sorutivi rwomuitiro wokutonga. . . . Vanapapa vakagadza uye vakadzinga kunyange madzimambo, vakaraira kuti ivo vaise chiKristu pavadzorwi vavo mutyisidziro yokutambudza rufu. . . . Ndyiko kushoko reEvhangeri yakanga ichityisa.” “Mhaka” bedzi yavamwe vakaurawa yakanga iri yokuti ivo vakanga vane Bhaibheri.
16, 17. Itsinhiroi dzinoitwa pamusoro peBvunzurudzo?
16 Pamusoro paPope Innocent III wapakuvamba kwezana ramakore rechi 13, De Rosa anoti: “Kwakarangarirwa kuti muchitambudzo chokupedzisira nechoupengo zvikurusa pasi paMambo we[Roma] Diocletian [zana ramakore rechitatu] anenge maKristu ane zviuru zviviri akaparara, munyika yose. Muchinoitika chinotyisa chokutanga cheHondo yamaKristu yaPope Innocent [mukurwisana na“vasingabvumirani nedzidziso dzavose” muFrance] vanopfuura nakagumi chiverengero ichocho chavanhu vakaurawa. . . . Kunokatyamadza kuwana kuti, kamwe kamwe, papa akauraya maKristu akawanda zvikuru kupfuura Diocletian. . . . [Innocent] akanga asina marwadzo ehana pamusoro pokushandisa zita raKristu kuita chinhu chiri chose Kristu akaramba.”
17 De Rosa anotaura kuti “muzita rapapa, [vabvunzurudzi] vaiva nomutoro wokudenha kunotyisa zvikurusa nokunopfuuridzirwa pafaniro yavanhu munhau yorudzi.” Nezvo mubvunzurudzi waDominic Torquemada muSpain, iye anoti: “Zvaakagadzwa muna 1483, iye akatonga nokudzvinyirira kwamakore gumi namashanu. Vanyajambwa vake vakapfuura 114 000 vane 10 220 vavo vakapiswa.”
18. Munyori anoratidzira sei Bvunzurudzo, uye chikonzeroi chaanopa chokupfuurira kwayo kwamazana amakore anopfuura matanhatu?
18 Uyu munyori anogumisa, achiti: “Chinyorwa cheBvunzurudzo chaizova chinokwenudza nokuda kwesangano ripi neripi; nokuda kwechechi yeKaturike, chinoparadzanya. . . . Chinoratidza nhau ndechokuti, kwaanopfuura mazana amakore matanhatu pasina kumira, simba rapapa rakanga riri muvengi akapikiswa weruramisiro yakapfava. Nezvavanapapa vane makumi masere mumutsara kuvambira muzana ramakore regumi nerechitatu zvichienda mberi, hakuna nomumwe wavo akaramba kutendera rudzidziso nechombo cheBvunzurudzo. Mukupesana, mumwe pashure pomumwe akawedzera utsinye hwake amene kukushanda kweiyi gadziriro inouraya. Chakavanzika ndeichi: vanapapa vaigona sei kupfuurira vari muiyi dzidziso isingabvumirani nedzidziso yavose inoshanda kwechizvarwa pashure pechizvarwa? Ivo vaigona sei kuramba papfundo riri rose Evhangeri yaJesu?” Iye anopindura: “Vaprista vaida zvavo kupokanidza Evhangeri kupfuura mutangiri ‘asingakanganisi,’ nokuti ikoko kwaizoderedza simba rapapa rimene.”
19. Ndimumwe mubatoi wokusateerera mutemo wakafuratirwa navazhinjisa vavakuru vorudzidziso?
19 Rwakanga rwurirwo rwusingateereri mutemo rwakanga rwuri rutivi urwo vakuru vorudzidziso vakaita mukutangwa kwamasimba masimba kwouranda. Marudzi echiKristudhomu akanyerudza zviuru zvakawanda zvavaAfrica, vakavaendesa kure nenyika dzavo vamene, uye kwamazana amakore vakavabata noutsinye mumuviri nomundangariro savaranda. Vashomanene zvikuru veboka ravakuru vorudzidziso vakashora nenzira yokushingaira. Vamwe vavo vakatotaura kuti kwakanga kuri kuda kwaMwari.—Ona Mateo 7:12.
Mhaka Yeropa Muzana Ramakore Rechi 20
20. Mhaka yeropa yomunhu wokusateerera mutemo yakasvika sei pakakwirira muzana rino ramakore?
20 Mhaka yeropa yomunhu wokusateerera mutemo yakasvika pakakwirira muzana redu ramakore. Vakuru vorudzidziso vakatsigira hondo idzo dzakatora makumi amamirioni oupenyu, hondo dzakaipisisa munhau yose. Ivo vakatsigira mativi ose ari maviri muhondo mbiri dzenyika, umo vanhu vorudzidziso rumwe cheterwo, “hama,” vakaurayana. Somuenzaniso, muHondo yeNyika II, vaKaturike veFrance neAmerica vakauraya vaKaturike veGermany neItaly; vaPurotestendi veBritain neAmerica vakauraya maPurotestendi eGermany. Padzimwe nguva, ivo vakauraya vamwe vakanga vasati vari bedzi vorudzidziso rumwe cheterwo asiwo vorudzi rumwe cheterwo. Hondo mbiri dzenyika dzakatangira pakati pechiKristudhomu uye dzingadai dzisina kuva dzinobvira kudai vakuru vorudzidziso vakanga vateerera murairo wokuda, uye kudzidzisa vateveri vavo kuita zvimwe chetezvo.
21. Chii chinotaura manyuko enyika pamusoro pokubatanidzwa kwavakuru vorudzidziso muhondo?
21 The New York Times yakasimbisa, ichiti: “Munguva yapfuura mapoka eKaturike omunzvimbomo inodokuva nguva yose akatsigira hondo dzamarudzi avo, achikomborera mauto nokupa minyengetero nokuda kworukundo, nepo rimwe boka ramabhishopi pane rumwe rutivi rakanyengetera pachena nokuda kwomuuyo wakapesana. . . . Kupokanidzana pakati pomudzimu wechiKristu nomufambiro wehondo . . . kunoratidzika kuva kwakajeka nenzira inowedzera kuvazhinji, sezvo zvombo zvinova zvine utsinye zvikuru.” Uye U.S.News & World Report yakati: “Mukurumbira wechiKristu munyika wakakuvadzwa zvakakomba nouzhinji hwakashandisa nahwo anonzi marudzi echiKristu masimba masimba.”
22. Vakuru vorudzidziso vane mutoro wechiizve munguva yedu?
22 Uyewo, nepo kusina Bvunzurudzo yapamutemo nhasi, vakuru vorudzidziso vakashandisa ruoko rweHurumende kutambudza “vaporofita” na“vatsvene” avo vanosiana navo. Ivo vakadzvinyirira vatungamiriri vezvamatongerwe enyika kuti ‘varonge kuvadziko yakavanzwa mumutemo.’ Neiyi nzira, ivo vakaparira kana kuti vakatendera kurambidzwa, kupinzwa mutorongo, kurohwa, kutambudzwa, uye kunyange rufu rwavanhu vanotya Mwari muzana redu ramakore.—Zvakazarurwa 17:6; Pisarema 94:20, The New English Bible.
Kudanwa Kuti Vazvidavirire
23. Neiko Mwari achadana munhu wokusateerera mutemo kuti azvidavirire?
23 Zvirokwazvo, murudzidziso rwenhema munowanwa ropa ravaporofita, uye ravatsvene, uye raavo vose vakaurawa pasi pano. (Zvakazarurwa 18:24) Sezvo kudeurwa kweropa kwakaipisisa kwakabva muchiKristudhomu, mhaka yavakuru vorudzidziso ihuru zvikurusa. Bhaibheri rinovaratidzira zvakakodzera sei so“munhu wokusateerera mutemo”! Asi Shoko raMwari rinotiwo: “Musatsauswa: Mwari haasati achifanira kusekwa. Nokuti chipi kana chipi chinodyara munhu, iye uchachekawo ichocho.” (VaGaratia 6:7, NW) Naizvozvo Mwari achadana vakuru vorudzidziso vasingateereri mutemo kuti vazvidavirire.
24. Ndizvinoitikai zvinokosha zvichakurumidza kuitika?
24 Jesu akati: “Ibvai kwandiri, imi vaiti vokusateerera mutemo.” (Mateo 7:23, NW) Uye iye akazivisa, kuti: “Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto.” (Mateo 7:19) Nguva iri kukurumidza kusvika yomugumo womwoto womunhu wokusateerera mutemo, pamwe chete norudzidziso rwose rwenhema, apo masangano ezvamatongerwe enyika ayo vakaita upombwe navo achavapandukira: “Ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” (Zvakazarurwa 17:16) Sezvo zvinoitika zvakadaro zvinokosha zvichakurumidza kuitika, vabatiri vaMwari vanofanira kuzvizivisa kuvamwe. Nyaya inotevera ichanzvera kuti vave vachiita sei ikoku.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Ndiani ari munhu wokusateerera mutemo, uye akavamba sei?
◻ Chiberekoi chakaisvonaka chinofanira kubereka maKristu echokwadi?
◻ Bhabhironi Guru chii, uye rine mhaka yeropa sei?
◻ Chinyorwai chinozvidza Mwari chakaita munhu wokusateerera mutemo?
◻ Mwari achadana sei munhu wokusateerera mutemo kuti azvidavirire?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Hondo dzamaKristu dzakaguma nokudeurwa kweropa kunotyisa muzita raMwari neraKristu
[Kwazvakatorwa]
By courtesy of The British Library
[Mufananidzo uri papeji 19]
“Mapoka avakuru vorudzidziso veKaturike inodokuva nguva yose akatsigira hondo dzamarudzi awo”
[Kwazvakatorwa]
U.S. Army