Nzwisiso Panhau
Nhungamiro Dzengwavaira
“Mukati mamazuva apakuvamba eterevhizheni, masimba masimba airatidzirwa kazhinji zvishoma uye chaizvoizvo zvishoma kupfuura zvakwakaita nhasi,” anodaro Dr. Paul Wilson weAustralian Institute of Criminology. Zvisinei, mukurondedzera yaanorangarira kuva nhungamiro yengwavaira yenzanga nenyongano, Wilson akawedzera, kuti: “Zvino, ropa rinobuda kamwe kamwe mumaronda omuviri uye marwadzo orufu anobatwa muhasha dzawo dzinononoka kupera . . . Vechiduku vanotemwa nedemo kusvikira kurufu ndokukachidzwa zvishoma nezvishoma nemhaka yemitsipa yakatemwa uye mhere mhere dzadzo dzorufu dzinobatwa norudo nekamera.”
Muiyi nyaya yakaoneka muThe Sydney Morning Herald, Dr. Wilson akatsinhira pamsoro pechitambudzo icho vanyori venhau vakawana mukubata fariro yavose yeAustralia pamsoro pemukiro isina chishava yemisi ichangobva kupfuura iyi muFiji iri pedyopo. Chikonzero chacho? “Masimba masimba chiratidzo chevaraidzo yazvino uno,” anodaro Wilson. Kufukidzwa kwenhau kwakaitwa neTV namapepanhau kwakanga kwakarurama, kwakasanokamuraniswa, uye kwechokwadi, asi kwakanga kusina “mifananidzo yeterevhizheni inovhundutsa yamasimba masimba nendima dzamapepanhau dzinorondedzera zvimurega,” iye akatsanangura kudaro.
Ichi chishuvo chinowedzera chokuvaraidzwa namasimba masimba chinosanokodzera sei rondedzero yeBhaibheri yaavo vanorarama mu“mazuva okupedzisira” etsika yazvino yezvinhu. Muchizvarwa chino chokupedzisira chinotambudza, vanhu vanorondedzerwa sa“vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako.”—2 Timotio 3:1, 3, NW.
Mudzimai Mumwe Kana Kuti Barika Here?
Ko chechi inofanira kugamuchira mitezo ine vakwanyina veroorano vanopfuura mumwe here? Kupedza uyu mubvunzo, Church yeAnglican muUganda yakagadza boka rokufunda “barika nemhuri yechiKristu.” Ecumenical Press Service inoshuma kuti, mukuwirirana nomutezo mumwe weboka refundo, Bishop Christopher Senyonjo, kuva navakwanyina vakawanda hakusati kuchingogamuchirika bedzi asi kunobetserawo. Neiko iye achirangarira nenzira iyoyo? Barika, iye anodaro, rinogona kubetsera kudzivisa hosha yeAIDS. Pamusoro paikoko, iye anotaura kuti barika nderechisarudzo nokuda kwamaKristu, achitaura kuti Kristu acha“shandura roorano dzedu dzekare dzisina kunaka kuva waini inonaka, dzingava nomudzimai mumwe kana kuti dzebarika.”
Bva, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha Mwari, muvambi weroorano nomudzimai mumwe, haabvumirani. Iye akafuridzira muapostora Pauro kunyora, kuti: “Murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake amene uye mukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake amene.” (1 VaKorinte 7:2, NW) Nenzira inokosha, Pauro gare gare akanyora pamsoro pezvikwaniriso zvaavo vanofudza boka, achiti: “Bhishopi ipapo anofanira kuva asina mhaka, murume womudzimai mumwe.”—1 Timotio 3:2, King James Version.
Nokudaro maKristu echokwadi muAfrica, somuimwe nzvimbo ipi neipi, anorangarira barika nokuda kwezvariri—kuputswa kwomutemo waMwari.
Kuparidza Nokuda Kwomubairo
Vaprista veChurch yeLutheran yeSweden vave vasingafari nemibhadharo yavo nemhaka yokuti, sezvakashumwa, miripo yavo “yakaderera mukuenzaniswa neiyo inobhadharwa kumamwe mabasa ane fundo pfupi zvikuru kana kuti rovedzo shure kwawo.” Zvisinei, mukuwirirana namashoko eWorld Council of Churches, zvinhu zvino zviri kuvandudzika. Pashure pe“nhimbe refu neyakati kashararei,” vaprista misi ichangobva kupfuura iyi vakawana vhiki rokushanda ramaawa 40. Asi zvakadiniko kana vaSweden vachida betsero yavaprista pashure pamaawa okushanda? Chibvumirano chitsva chebasa chinosimbisawo kubhadharwa nokuda kwokushanda nguva yomuraudzo nokuda kweawa yomuraudzo imwe neimwe yetarisiro yokufudza. Miripo yakadaro yenguva yomuraudzo inokarirwa kuwedzera miripo yavo yegore negore ne 10 kusvikira ku 12 muzana.
Mukupesana neitiro hanya iri pakati pavaprista veSweden nokuda kwemibhadharo iri nani nokuda kwamabasa avo, apo Jesu akatuma vadzidzi vake kuzoparidzira akavaudza, kuti: “Makangopiwa henyu, chingopai henyu. Musatora ndarama kana sirvheri, kana ndarira muzvikwama zvenyu.” (Mateo 10:8, 9) Iye akarevei? Mashoko akanaka oUmambo aisafanira kutengeswa, uyewo aisafanira kushandiswa nokuda kwebetsero yomunhu oga youdyire. Vadzidzi vakanamatira kunhungamiro yaJesu, uye ushumiri hwavo hwakapedzwa. Neiko? Nemhaka yokuti Mwari akavatsigira muushumiri.