CHITSAUKO 9
Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
JESU aishingaira kuparidza mashoko akanaka uye zvakaitawo kuti vateveri vake vamutevedzere. Aienda mumisha nemunzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda kuti ataure navo achivadzidzisa. (Mat. 9:35; 13:36; Ruka 8:1) Dzimwe nguva aidzidzisa munhu mumwe chete uye dzimwe nguva mapoka evanhu vanosvika zviuru uyewo aimbodzidzisa vadzidzi vake vari pavo vega. (Mako 4:10-13; 6:35-44; Joh. 3:2-21) Aishandisa mukana wese unenge wamuka wekuti ataure mashoko anokurudzira uye anopa tariro. (Ruka 4:16-19) Kunyange paainge aneta uye achida kuzorora, haana kurega mikana yekuparidzira vamwe ichipfuura. (Mako 6:30-34; Joh. 4:4-34) Patinoverenga nezveushumiri hwaJesu, hatinzwi tichida kumutevedzera here? Chokwadi, tinonzwa tichida kumutevedzera sezvakaitwa nevaapostora.—Mat. 4:19, 20; Ruka 5:27, 28; Joh. 1:43-45.
2 Verenga nezvenzira dzekuparidza nadzo dzinogona kushandiswa nevaKristu nhasi pakuita basa rakatangwa naJesu Kristu makore anenge 2 000 apfuura.
KUPARIDZA PAIMBA NEIMBA
3 SeZvapupu zvaJehovha, tinoziva zvakakoshera kuparidza mashoko akanaka eUmambo paimba neimba. Tava nenguva yakareba tichishandisa nzira iyi zvekuti vazhinji vava kutiziva nebasa iri. Kukwanisa kubatsira mamiriyoni evanhu munguva pfupi kunoratidza kuti kuparidza paimba neimba kunoshanda. (Mat. 11:19; 24:14) Nzira iyi inoratidza kuti tinoda Jehovha uye muvakidzani wedu.—Mat. 22:34-40.
4 Kuparidza paimba neimba hakuna kutangwa iye zvino neZvapupu zvaJehovha. Muapostora Pauro paaitsanangurira vatariri vekuEfeso nezvekudzidzisa paimba neimba kwaakanga aita, akati: ‘Kubvira pazuva rekutanga randakapinda munharaunda yeEzhiya, Ndaisarega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai paimba neimba.’ Achishandisa nzira iyi nedzimwewo, Pauro akapa “uchapupu hwakasimba kuvaJudha nevaGiriki nezvekupfidza zvivi pamberi paMwari uye kutenda munaShe wedu Jesu.” (Mab. 20:18, 20, 21) Panguva yacho, vatongi veRoma vaikurudzira vanhu kunamata zvidhori uye izvi zvakaita kuti vakawanda vanamate vanamwari venhema. Saka vanhu vaifanira kukurumidza kutsvaga “Mwari akaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi,” uyo akanga achiudza “vanhu vese kwese kwese kuti vanofanira kupfidza zvivi zvavo.”—Mab. 17:22-31.
5 Mazuva ano, basa rekuudza vanhu mashoko akanaka rava kutonyanya kuda kuitwa nekukurumidza. Mugumo wenyika ino yakaipa wava kusvika. Izvi zvinoita kuti tinzwe tichida kuwedzera mashandiro atinoita. Hapana imwe nzira inodarika yekuparidza paimba neimba tichitsvaga vanoda kuziva chokwadi. Yakashanda pamazuva aJesu nevaapostora uye nanhasi ichiri kushanda.—Mako 13:10.
6 Uri kuita zvese zvaunogona kuti uparidze paimba neimba here? Kana uchidaro ziva kuti Jehovha anofadzwa nezvaunoita. (Ezek. 9:11; Mab. 20:35) Zvingasava nyore kuti uparidze paimba neimba. Pamwe utano hwako hunokutadzisa kuti unyatsoita basa iri kana kuti vakawanda vari mundima yako vanoisa zvimiti munzeve. Hurumende inogonawo kudzika mitemo inoita kuti zviome kuita basa iri. Zvimwe unonyara uye zvinokuomera kutanga kutaura nevanhu vausingazive. Izvi zvinobva zvaita kuti unzwe uchitya pese paunoenda paimba neimba. Usaora mwoyo. (Eks. 4:10-12) Hausi wega nekuti hama dzako dziri kwakasiyana-siyana dziri kusanganawo nezvauri kusangana nazvo.
7 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Vimbiso iyi inotisimbisa pakuita basa rekuita vadzidzi. Tinova nemanzwiro akafanana neaPauro uyo akati: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.” (VaF. 4:13) Nyatsotsigira urongwa hweungano hwekuparidza paimba neimba. Kana ukashanda nevamwe, vachakubatsira uye vachakukurudzira. Nyengetera kuti ubatsirwe kukunda chero zvipingamupinyi zvaungasangana nazvo, uye shanda nesimba pakuparidza mashoko akanaka.—1 Joh. 5:14.
8 Paunenge uchiudza vamwe mashoko akanaka, uchava nemikana yekuti vaone ‘tariro yamuinayo.’ (1 Pet. 3:15) Ucharamba uchiwedzerawo kuona musiyano wevane tariro muUmambo nevaya vasina tariro. (Isa. 65:13, 14) Uchagutsikana nekuziva kuti wakateerera murayiro waJesu wekuti ‘chiedza chako chivheneke,’ uye ungangokwanisawo kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha uye vazive chokwadi chichaita kuti vawane upenyu husingaperi.—Mat. 5:16; Joh. 17:3; 1 Tim. 4:16.
9 Pane urongwa hwekuparidza paimba neimba mukati mevhiki uye pakupera kwaro. Munzvimbo dzakaoma kuwana vanhu masikati, dzimwe ungano dzinoronga kuparidza manheru. Vamwe vangafarirawo kushanyirwa zuva rava kurereka panzvimbo pemangwanani.
KUTSVAGA VAKAKODZERA
10 Jesu akarayira vadzidzi vake kuti ‘vatsvage’ vanhu vakakodzera. (Mat. 10:11) Asi haana kungoparidza paimba neimba chete. Aiparidza pese paimuka mukana. (Ruka 8:1; Joh. 4:7-15) Vaapostora vakaparidzirawo vanhu vaiva munzvimbo dzakasiyana-siyana.—Mab. 17:17; 28:16, 23, 30, 31.
Chinangwa chedu ndechekuudza munhu wese shoko reUmambo
11 Chinangwa cheduwo nhasi ndechekuudza munhu wese shoko reUmambo. Kuti tiite izvi tinofanira kuva nemaonero akafanana neaJesu nevaapostora vake pakuita basa rekudzidzisa. Zvinodawo kuti tizive kuti nguva uye mamiriro ezvinhu evanhu vari mundima yedu ari kuchinja, tobva taitawo basa redu zvinoenderana naizvozvo. (1 VaK. 7:31) Semuenzaniso vaparidzi vari kubudirira kuparidzira vanhu vanenge vari kubasa. Munyika dzakawanda vari kuparidzawo mumigwagwa, mumapaki, munopakwa motokari, kana chero kupi zvako kunowanika vanhu. Dzimwe ungano dziri kushandisa matebhuru kana kuti zvingoro mundima yadzo. Hofisi yebazi inogonawo kuronga kuti vaparidzi vanobva muungano dzakasiyana-siyana vaparidze munzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda muguta. Saka vaya vanenge vasiri mudzimba vanoparidzirwa mashoko akanaka vari kwavari ikoko.
12 Kana tikasangana nevanhu vanofarira munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, tinogona kuvapa bhuku rakakodzera. Kuti munhu wacho arambe achifarira unogona kumupa kero yako kana kuti nhamba dzefoni uye woronga kuzomuonazve. Unogona kumuudzawo nezvejw.org kana kuti kumupa kero yenzvimbo iri pedyo naye inoitirwa misangano. Kuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda inzira inonakidza yekuwedzera nayo ushumiri hwako.
13 Zvisinei, basa rekuparidza rinoitwa nevaKristu harigumiri pakuzivisa vanhu mashoko akanaka chete. Kuti ubudirire pakubatsira vamwe kuwana chokwadi chinowanisa upenyu husingaperi, unofanira kuramba uchidzokera kunobatsira vanenge vakafarira kuti varambe vachifambira mberi kusvika vava vaKristu vakakura mune zvekunamata.
KUDZOKERERA
14 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Asi akavaudzawo kuti: “Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Kudzokera kunoona vanofarira ndechimwe chezvinhu zvinoita kuti tifare pakushumira Jehovha. Vamwe vanhu vanenge vakafarira mashoko akanaka pawakatanga kuvashanyira, vachafara pauchadzoka kuzovaona. Pauchawedzera kuvaudza zvimwe zviri muBhaibheri, ungangosimbisa kutenda kwavo muna Mwari wovabatsira kuziva kukosha kwekumunamata. (Mat. 5:3) Kana ukanyatsogadzirira uye wovashanyira panguva yakavanakira, unogona kutotanga chidzidzo cheBhaibheri. Ichi ndicho chinofanira kuva chinangwa chako pakushanya zvakare. Hatingodyari mbeu dzechokwadi chete asi tinodzidiridzirawo.—1 VaK. 3:6.
15 Vamwe vanoomerwa nekudzokera kunoona vanhu vanofarira. Zvimwe wava kunyatsokwanisa kupa mharidzo pfupi yemashoko akanaka uye unonakidzwa nekuita izvi. Paunofunga nezvekudzokera kunotaura nemunhu akaratidza kufarira, unotanga kunetseka. Asi kana ukanyatsogadzirira uchawedzera kuva nechivimbo. Shandisa mazano anotaurwa pamisangano yepakati pevhiki. Unogonawo kukumbira muparidzi agara nebasa kuti akuperekedze.
KUITISA ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI
16 Paaitaura nemurume aiverenga Shoko raMwari uye akanga atendeukira kuchiJudha, Firipi akamubvunza kuti: “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” Murume wacho akapindura kuti: “Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?” Nyaya iri muna Mabasa chitsauko 8 inotiudza kuti Firipi akatanga neRugwaro rwakanga ruchiverengwa nemurume wacho achibva ‘amuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.’ (Mab. 8:26-36) Hatizivi kuti Firipi nemurume uyu vakakurukura kwenguva yakareba sei, asi Firipi akanyatsotsanangura mashoko akanaka zvekuti murume wacho akava mutendi achibva akumbira kubhabhatidzwa. Akava mudzidzi waJesu Kristu.
17 Sezvo vakawanda vasinganyatsozivi zvakawanda nezveBhaibheri, zvingada kuti urambe uchinyatsodzidza navo kwemavhiki, mwedzi, kana gore chairo kuitira kuti vave nekutenda kwakasimba vozokwanisa kubhabhatidzwa. Mwoyo murefu wako uye chido chekubatsira vanhu vane mwoyo inoda zvekunamata kuti vave vadzidzi, zvichaita kuti ukomborerwe sezvakataurwa naJesu paakati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.
18 Ichokwadi kuti uchada kuitisa chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa rimwe remabhuku anoshandiswa pakudzidza nevanhu. Kana ukashandisa mazano anopiwa pamusangano wepakati pevhiki uye ukashanda nevaparidzi vagara nebasa, uchaitisa zvidzidzo zvinofambira mberi wobva wabatsira vamwe kuva vadzidzi vaJesu Kristu.
19 Kana uchida kubatsirwa kutanga uye kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, sununguka kutaura nemumwe wevatariri kana kuti Chapupu chine ruzivo rwekudzidzisa Bhaibheri. Mazano akabuda muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa achibva aenzanisirwa pamusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anogonawo kukubatsira. Vimba naJehovha womuudza chido chako. (1 Joh. 3:22) Saka kana zvichiita, vavarira kuitisa chimwe chidzidzo cheBhaibheri kuwedzera pane chawagara uchiita nemhuri yako. Mufaro wako muushumiri uchawedzera kana ukaitisa zvidzidzo zveBhaibheri.
KUBATSIRA VANOFARIRA KUTI VAUYE KUSANGANO RAJEHOVHA
20 Patinobatsira vanhu kuziva Jehovha Mwari vova vadzidzi vaJesu Kristu, vanobva vabatanawo neungano. Vadzidzi veBhaibheri vachafambira mberi pakunamata kana vakaziva nezvesangano raJehovha votevedzera zvarinodzidzisa. Zvakakosha kuti tivadzidzise maitirwe azvo. Mavhidhiyo uye bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? zvakagadzirirwa kuvabatsira panyaya iyi. Mamwe emashoko ari muChitsauko 4 chebhuku rino anogonawo kubatsira.
21 Uchangotanga kukurukura Bhaibheri nemudzidzi, mubatsire kuona kuti Jehovha ari kuita kuti basa rekuparidza riitwe achishandisa sangano rake. Muudze zvakanakira mabhuku edu anobatsira pakudzidza Bhaibheri, uye mutsanangurire kuti anobudiswa nekuparadzirwa sei pasi rese nevashandi vakazvipira kuna Mwari. Mukoke kuti aende newe kumisangano. Mutsanangurire maitirwe emisangano yedu uye mubatsirewo kuzivana nezvimwe Zvapupu zvinenge zviripo. Panguva idzi nedzimwewo, ita kuti azvionere kuti vanhu vaJehovha vanoratidza sei rudo, chiratidzo chevaKristu vechokwadi. (Joh. 13:35) Munhu anofarira uyu zvaanowedzera kukoshesa sangano raJehovha achaswedera pedyo naye.
KUSHANDISA MABHUKU ANOTSANANGURA BHAIBHERI
22 VaKristu vepakutanga-tanga vakashingaira kugadzira zvinyorwa zveShoko raMwari. Vaizvigadzira kuti vazvishandise pachavo uye pamisangano yeungano. Vaikurudzirawo vamwe kuti vaverenge Shoko raMwari. Zvinyorwa zvavo zvainge zvakaita zvekunyorwa nemaoko uye zviri zvishoma saka vaizvikoshesa chaizvo. (VaK. 4:16; 2 Tim. 2:15; 3:14-17; 4:13; 1 Pet. 1:1) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa michina yemhando yepamusoro kudhinda mamiriyoni emaBhaibheri uye mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri. Maturakiti, mabhurocha, mabhuku uye magazini zviri kubudiswa mumazana emitauro.
23 Paunenge uchiudza vamwe mashoko akanaka, shandisa mabhuku anobatsira kutsanangura Bhaibheri akabudiswa nesangano raJehovha. Kubatsirwa kwaunoitwa nekuverenga uye kudzidza mabhuku eZvapupu zvaJehovha kuchakukurudzira kuapawo vamwe.—VaH. 13:15, 16.
24 Vakawanda vava kunyanya kushandisa Indaneti kana vaine zvavari kuda. Saka kuwedzera kumabhuku anotsanangura Bhaibheri, nzvimbo yedu yepaIndaneti yejw.org inobatsira chaizvo pakuparadzira mashoko akanaka. Pasi rese, vanhu vanogona kushandisa kombiyuta pakuverenga kana kuteerera zvakarekodhwa zveBhaibheri kana mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumazana emitauro. Vaya vanozeza kutaura nesu kana kuti vanogara munzvimbo dzinowanzovatadzisa kutaura neZvapupu zvaJehovha vanogona kuongorora zvatinotenda vari mumba mavo vachishandisa jw.org.
25 Saka pese pazvinoita, tinoudza vanhu nezvejw.org. Kana munhu akatibvunza nezvezvatinotenda, tinogona kubva tangoshandisa foni kana kombiyuta kumuratidza mhinduro yacho. Kana tikasangana neanotaura mumwe mutauro kusanganisira wemasaini, tinogona kumuratidza paanogona kuwana Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura mumutauro wake. Vaparidzi vakawanda vanoshandisa mavhidhiyo ari pajw.org kuti vatange kutaura nevanhu nezveBhaibheri.
KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA
26 Jesu akaudza vanhu vakanga vakamuteerera kuti: “Muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vokudza Baba venyu vari kudenga.” (Mat. 5:14-16) Vadzidzi ivavo vakaratidza mafungiro aMwari nekutevedzera Jesu, uyo akati: “Ndini chiedza chenyika.” Jesu akasiyira vaKristu muenzaniso paakaita kuti “chiedza cheupenyu” chipenye kuti vese vanoteerera vabatsirwe.—Joh. 8:12.
27 Muapostora Pauro akatisiyirawo muenzaniso wekutevedzera. (1 VaK. 4:16; 11:1) Paaiva muAtene, aiparidzira mazuva ese vanhu vaaisangana navo mumusika. (Mab. 17:17) VaKristu vekuFiripi vakatevedzera muenzaniso wake. Ndokusaka Pauro akavanyorera kuti vairarama “pakati pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana,” uye kuti ‘vaipenya pakati pacho sezviedza munyika.’ (VaF. 2:15) Isu tinogona kuita kuti chokwadi cheUmambo chipenye nezvatinotaura uye zvatinoita pese panomuka mukana wekuti tiudze vamwe mashoko akanaka. Chokwadi, muenzaniso wedu wakanaka sevanhu vakatendeseka uye vakarurama unoita kuti zvioneke kuti takasiyana nenyika. Saka patinotaura nevanhu nezvemashoko akanaka, vanobva vaziva kuti nei takasiyana nayo.
28 Vanhu vaJehovha vakawanda vanoparidza mashoko akanaka kubasa, kuchikoro, muzvifambiso, uye chero kwese kwavanenge vari. Kana tiri parwendo, tinogona kuwana mukana wekutaura nevatinenge tiinavo. Pese patinenge tichitaura nevanhu, tinofanira kutsvaga mikana yekuti tigume tava kuvaparidzira. Ngatigarei takagadzirira kutaura nevamwe chero panomuka mukana.
29 Tichanzwa tichida kuita izvi kana tikayeuka kuti tinenge tichirumbidza Musiki wedu uye tichiita kuti zita rake rikudzwe. Tingangogumawo tabatsira vane mwoyo inoda zvekunamata kuti vazive Jehovha zvoita kuti naivowo vamushumire vova netariro yekurarama nekusingaperi pamusana pekutenda kwavo muna Jesu Kristu. Patinoita izvi Jehovha anofara uye anozviona sebasa dzvene.—VaH. 12:28; Zvak. 7:9, 10.
NDIMA
30 Jehovha anoda kuti mashoko eUmambo aparidzwe pasi rese, mumaguta uye mumaruwa. Saka hofisi yebazi inopa ndima ungano uye vaya vari kuparidza vari munzvimbo dziri kwadzo dzega. (1 VaK. 14:40) Izvi zvinoenderana neurongwa hwaMwari hwaivapo pakatanga ungano yechiKristu. (2 VaK. 10:13; VaG. 2:9) Sezvo mumazuva ano ekupedzisira basa rekuparidza Umambo riri kuramba richikura, tinogona kuparidzira vanhu vakawanda kana urongwa hwekushanda ndima yedu hwakanyatsorongeka.
31 Mutariri webasa ndiye anoronga mashandirwo achaitwa ndima yeungano. Asi mushumiri weungano anogona kupa vanhu ndima. Pane mhando mbiri dzendima, dzimwe dzinopiwa muparidzi mumwe nemumwe uye dzimwe dzinopiwa mapoka. Kana ndima yeungano iri diki, mutariri weboka mumwe nemumwe anopiwa ndima yekuti vaparidzi vari muboka rake vashande. Asiwo kana ndima yakakura, muparidzi mumwe nemumwe anogona kukumbira ndima yake ega.
32 Kana muparidzi aine ndima yake pachake, haashayi kwekuparidza kana pasina musangano webasa remumunda wakarongwa kana kuti zvisingaiti kuti abude neboka. Semuenzaniso, vamwe vaparidzi vanokumbira ndima iri pedyo nekubasa kwavo kuti vagoparidza ikoko panguva yekumbozorora kana kuti vapedza basa. Dzimwe mhuri dzinokumbira ndima iri pedyo nekwavanogara uye vanoiparidzira manheru. Kuva nendima iri pedyo kunobatsira muparidzi kuva nenguva yakawanda yekuparidza kwete kuti iperere pakufamba. Muparidzi anenge apiwa ndima anogona kushanda nevamwe vaparidzi mundima yake pavanenge vapedza musangano webasa remumunda. Kana uchida kuva nendima yako, kumbira anotarisira ndima.
33 Hazvinei kuti ndima yacho yapiwa munhu mumwe chete kana kuti boka, chinokosha ndechekuti ari kuishanda aonane nemumwe munhu paimba imwe neimwe. Mashandirwe achaitwa ndima anofanira kuenderana neMutemo Wekuchengetedza Mashoko Ane Chekuita Nemunhu. Mutariri weboka kana kuti muparidzi wese anenge akumbira ndima anofanira kuona kuti aedza kuipedza mukati memwedzi 4. Kana ndima yapera kushandwa, anotarisira ndima anofanira kuudzwa nezvazvo. Mutariri weboka kana kuti muparidzi wacho anogona kuchengeta ndima yacho kuti azoishanda zvakare kana kuidzorera kune anotarisira ndima.
34 Kana vese vari muungano vakanyatsoshanda ndima yavo zvichaita kuti pasave nepanosara. Uyewo zvichaita kuti vaparidzi vasadzokorora kushanda ndima yamboshandwa nevamwe nekuti zvinogona kugumbura vanasaimba. Saka tinoratidza kuva nehanya nehama dzedu uye nevanhu vatinoparidzira.
KUSHANDIRA PAMWE KUTI TIPARIDZIRE VANHU VEMITAURO YESE
35 Vanhu vese vanofanira kudzidza nezvaJehovha Mwari, Mwanakomana wake, uye Umambo. (Zvak. 14:6, 7) Tinoda kubatsira vanhu vemitauro yese kudana zita raJehovha kuti vaponeswe uye vapfeke unhu hwechiKristu. (VaR. 10:12, 13; VaK. 3:10, 11) Ndeapi mamwe matambudziko atinosangana nawo patinoparidza munzvimbo dzine vanhu vane mitauro yakasiyana-siyana? Tingaakurira sei kuti vakawanda vawane mukana wekunzwa shoko reUmambo mumutauro wavanonzwisisa?—VaR. 10:14.
36 Ungano dzinopiwa ndima zvichienderana nemutauro wadzo. Saka kana munharaunda imwe chete muine ungano dzemitauro yakasiyana-siyana, ungano dzacho dzinoparidza munharaunda iyoyo. Vaparidzi vanokurudzirwa kuparidzira vanhu vemutauro weungano yavo. Izvi zvinoshandawo pamishandirapamwe yatinoita gore negore. Pakuparidza pachena kana zvisina kurongwa, vaparidzi vanogona kutaura nevanhu vese uye kupa mabhuku emimwe mitauro.
37 Kana ungano yemumwe mutauro iine ndima yakakura zvekuti haikwanisi kuipedza mutariri webasa anofanira kutaurirana nevamwe vatariri vebasa vedzimwe ungano kuti vangaparidza sei zvakarongeka mundima yacho. Izvi zvichapa vese mukana wekunzwa shoko reUmambo uye vaparidzi havazoshandi ndima yamboparidzwa nevamwe.—Zvir. 15:22.
38 Tinofanira kuita sei kana tikasangana nemunhu ane mutauro wakasiyana newedu mubasa repaimba neimba? Hatifaniri kufunga kuti vaparidzi vemutauro wake vachazomuparidzira. Vamwe vaparidzi vakadzidzira mharidzo iri nyore kuitira vanhu vemumwe mutauro vavanowanzosangana navo mundima yavo. Tinogona kuvaratidza mabhuku emutauro wavo ari pajw.org kana kuvaratidza kuti vangaadhaunirodha sei, asi kana tisina tinogona kuronga kuzovaunzira.
39 Kana munhu akaratidza kuti anofarira zvechokwadi, tinofanira kuedza kutsvaga mumwe munhu anogona mutauro iwoyo kuitira kuti amubatsire. Tinogona kumuudzawo nzvimbo iri pedyo inopindirwa misangano yemutauro wake. Kana achida kuti mumwe munhu wemutauro wake auye kuzodzidza naye, tinogona kumuratidza kuti angazviita sei achishandisa jw.org. Hofisi yebazi inobva yatsvaga muparidzi ari pedyo, boka, kana ungano inogona kumubatsira.
40 Tinoramba tichidzokera kumunhu uyu kusvikira vanoshandisa mutauro wake vauya kuzomuona. Dzimwe nguva hofisi yebazi inogona kuudza vakuru kuti yashaya muparidzi wemutauro uyu. Panoitika izvi, tinofanira kuedza zvese kuti saimba arambe achifarira. Kana zvichiita tinogona kudzidza naye Bhaibheri tichishandisa bhuku riri mumutauro wake. Kana tikanyatsoshandisa mifananidzo uye tikaita kuti averenge magwaro, ane zvaachabatawo zvinodzidziswa neBhaibheri. Kana aine hama yake inogona kuturikira tinogona kuikumbira kuti itibatsire.
41 Kuti munhu anofarira auye kusangano raMwari, tinofanira kumukoka kumisangano kunyange asinganyatsonzwisisi zviri kutaurwa. Kana Bhaibheri rava kuverengwa, tingamubatsira kuwana rugwaro rwacho muBhaibheri remutauro wake. Kuwadzana nevamwe vari muungano kuchamusimbisa kwoita kuti afambire mberi mune zvekunamata.
42 Kapoka: Boka iri rinoumbwa nevaparidzi vanenge vachiparidza nemumwe mutauro wakasiyana neweungano inenge iripo, kunyange vasina mukuru kana mushumiri weungano anokwanisa kuitisa misangano yevhiki nevhiki mumutauro iwoyo. Hofisi yebazi inotarisa zvinhu zvinotevera kuti izobvumira ungano kutarisira kapoka aka:
(1) Kana munharaunda yacho muine vanhu vakati wandei vanotaura mutauro wakasiyana neunoshandiswa neungano iri mundima yacho.
(2) Kana paine vaparidzi vashoma vanogona mutauro wacho kana kuti vanoda kuudzidzira.
(3) Kana dare revakuru richikwanisa kutungamirira basa rekuparidza mumutauro wacho.
Kana dare revakuru richikwanisa kutarisira kapoka aka, vakuru vachataura nemutariri wedunhu. Anogona kunge achiziva dzimwe ungano dziri kuedza kuparidzira vanhu vemutauro iwoyo uye aine mamwe mashoko anobatsira pakusarudza ungano yakanyatsokodzera kuti itarisire boka racho. Kana zvaonekwa kuti iungano ipi inokodzera, vakuru vachanyora tsamba kuhofisi yebazi vachikumbira mvumo yekuritarisira.
43 Boka: Hofisi yebazi inotarisa zvinhu zvinotevera kuti izobvumira ungano kutarisira boka:
(1) Kana paine vanhu vakawanda vanofarira vemutauro wacho uye zvichiratidza kuti vanogona kuwedzera.
(2) Kana paine vaparidzi vakati kuti vanogona mutauro wacho kana kuti vari kuudzidzira.
(3) Kana paine mukuru kana mushumiri weungano anokwanisa kuitisa musangano mumwe chete pavhiki, kana kuti chikamu chimwe chete chemusangano wacho, chakadai sehurukuro yavose kana kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi mumutauro wacho.
Kana zvinodiwa izvi zviripo, dare revakuru richanyorera hofisi yebazi richiiudza mashoko akazara nezveboka iri uye vachikumbira kuti ungano yavo itarisire boka racho. Mukuru anenge achitungamirira boka iri anenge achinzi “mutariri weboka” asi kana ari mushumiri weungano anenge achinzi “mushumiri weboka.”
44 Kana boka racho rabvumirwa, dare revakuru reungano inenge ichitarisira boka racho ndiro richasarudza kuti zvikamu zvipi zvemusangano zvinokwanisa kuitwa neboka iri uye kuti richaita misangano kangani pamwedzi. Misangano yebasa remumunda inogonawo kurongwa. Vese vari muboka racho vanoshanda vachitungamirirwa nedare revakuru veungano iri kuvatarisira. Vakuru vacharatidza kunzwisisa pakutungamirira boka racho uye vacharipawo mazano. Mutariri wedunhu paanoshanyira ungano iri kutarisira boka iri achashandawo nevaparidzi vari muboka, onyorera hofisi yebazi mushumo mupfupi achitsanangura kufambira mberi kuri kuita boka racho nezvimwewo zvavangada. Nekufamba kwenguva boka racho rinogona kukura rova ungano. Kana vese vakashandisa zvinotaurwa nesangano, Jehovha achafara.—1 VaK. 1:10; 3:5, 6.
KUPARIDZA SEBOKA
45 MuKristu wese akazvitsaurira ane basa rekuudza vamwe mashoko akanaka. Pane nzira dzakawanda dzekuita izvi, uye vakawanda vakaona zvichibatsira kuparidza nevamwe. (Ruka 10:1) Saka ungano dzinoita musangano webasa remumunda mukati mevhiki uye pakupera kwaro. Mazororo anotipawo mikana yakanaka yekuparidza seboka sezvo hama dzakawanda dzinenge dzisingaendi kumabasa. Dare Rebasa Reungano rinoronga misangano yebasa panguva nenzvimbo zvakanakira vaparidzi.
46 Kuparidza seboka kunoita kuti vaparidzi vashande pamwe chete uye ‘vakurudzirane.’ (VaR. 1:12) Vaparidzi vatsva vanogona kushanda nevaparidzi vagara nebasa kuti vabatsirwe pamaitirwe ebasa. Dzimwe nzvimbo dzingasaita kuti muparidzi ashande ari ega. Kunyange uchironga kushanda wega mundima, kuenda kumusangano webasa remumunda kunokukurudzira uye kunokurudzirawo vamwe. Kungoziva kuti vamwe vari kushandawo munharaunda yauri kunoita kuti uve nechivimbo. Hausi mutemo kuti mapiyona nevamwewo vavepo pamisangano yese yebasa remumunda kunyanya kana ichiitwa mazuva ese.
47 Tese ngatitevedzerei muenzaniso watakasiyirwa naJesu nevaapostora vake. Tine chokwadi chekuti Jehovha achatikomborera kana tikaedza kuita zvese zvatinogona mubasa rinokosha rekuparidza mashoko akanaka eUmambo.—Ruka 9:57-62.