Zviono zvomuNyika Yakapikirwa
Nazareta—Musha Womuporofita
“VANHU vazhinji vakati: ‘NdiJesu muporofita weNazareta weGarirea!’” Hungu, kunyange mukati moushumiri hwaJesu, kungodudzwa kwake chete kwakayeuchidza guta rakanga rakakurumbira zvino reNazareta. Nokudaro, avo vaiuya kuzomusunga havana kutaura kuti vakanga vachitsvaka Jesu asi “Jesu weNazareta.”—Mateo 21:11; 26:71; Johane 18:3-5; Mabasa 26:9.
Mufananidzo uri pamusoro apa unoratidza chauchawana kana ukashanyira Nazareta nhasi. Ihuru zvikuru kupfuura apo ngirozi yakauya “kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta” kuzoudza Maria kuti aizobereka Mwanakomana waMwari. (Ruka 1:26-33) Shure panguva iyeyo, Nazareta yakanga yakafanana zvikuru nomusha unoratidzwa papeji inotevera, dzimba dzakaenzana kumativi mana dzakaunganidzwa parutivi pegomo. Josefa naMaria zvimwe vaigara mumusha wakafanana naiyeyi. Asi pamberi chaipo pokubereka kwaMaria, vaifanira kuenda kumaodzanyemba kuBhetrehema, uye ikoko Jesu akaberekwa. Ivo gare gare vakatizira kuEgipita kundodzivirira mwana parongedzero dzokuponda dzaHerodhe. Pashure paikoku, “vakadzokera Garirea, guta ravo Nazareta.”—Ruka 2:4, 39; Mateo 2:13-23.
Jesu nokudaro akakurira, kwete munzvimbo yomubato mukuru yakafanana neJerusarema kana kuti Tibheria, asi munzvimbo yakanyarara. Nazareta yakanga iri mumupata wakapoteredzwa namakomo eLower Galilee, umo mbesa, mazambiringa, maorivhi; uye maonde zvakanga zvakawanda. Iyo yaifarikanya mazhezha anotonhorera zvinofadza, bva nguva dzechando dzakanga dzisina kukomba somuUpper Galilee.
Josefa akatsigira mudzimai wake, vanakomana, uye vanasikana nokushanda somuvezi, zvichida achiva neshopo yakafanana neiyi muNazareta yazvino uno. Iye angava aigadzira mapango edenga namasuo amapuranga edzimba dzomutaundi, kana kuti matafura, zvituru, uye imwe vhanicha yemiti. Isu tinoziva kuti Jesu aitarira nokudzidza, nokuti iyewo akasvika pakunzi “muvezi.” (Marko 6:3; Mateo 13:55) Basa rokurima rakapoteredza Nazareta sezvingabvira rakatungamirira kumamwe mabasa. Zvimwe Jesu akagadzira joko rakafanana nerero rinoonwa paidzi mhuka. Munguvayo, Josefa angave aishandisa maturusi ake kugadzira mapadza kana zvipuriso zvokudhonzwa shure kwejoko.—2 Samueri 24:22; Isaya 44:13.
Somukomana, Jesu zvimwe aifamba-famba munharaunda yakapoteredza Nazareta, zvakadai soku“Kana yeGarirea,” makiromita gumi namatatu kuchamhembe, uko iye gare gare akaita nenji rake rokutanga. (Johane 2:1-12) Achifamba anenge makiromita gumi kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva nechokuMupata weJezreeri neGomo reMore, Jesu aisvika guta reNaini, rinoonwa papeji 17.a (Vatongi 6:33; 7:1) Yeuka kuti mukati mechikairo yake yokutanga yokuparidzira, Jesu akasvika pamariro aifamba pedyo neNaini. Asundwa netsitsi, akamutsa mwanakomana wechirikadzi.—Ruka 7:11-16.
Nazareta yakanga isiri panzira huru dzipi nedzipi dzinopfuura nomunyika yacho, bva yaisvika nyore nyore pamigwagwa yakadaro. Unogona kuona ikoku pamapu yebutiro ye 1990 Calendar of Jehovah’s Witnesses, iyo inewo mufananidzo mukuru weNazareta nhasi. Nzira yokumabvazuva ichienda kumadokero nomuMupata weJezreeri yakabatanidza chiteshi chengarava cheAcre, kana kuti Ptoremais, neGungwa reGarirea noMupata weJoridhani. Inogura iyoyo yakanga iri nzira inoenda kumaodzanyemba kubva Dhamasko uye ichidzika nomuSamaria kusvikira kuJerusarema.
Nazareta yaiva nesinagoge yayo imene, uye pakuvamba muushumiri hwake, Jesu akaendako “mukuwirirana nomuitiro wake.” Iye akarava Isaya 61:1, 2, achiishandisira kwaari amene. Vanhu vomutaundi vaizoita sei, vamwe vavo vakanga vamuona achikura uye vangave vakatombomubhadhara nokuda kwebasa rokuveza? Ivo vakashatiriswa uye vakaedza kumuwisira pamawere, asi Jesu akanzvenga. (Ruka 4:16-30) Sezviri pachena, shoko reizvo iye gare gare akaita muNaini nokune imwe nzvimbowo zvayo rakasvika kuNazareta, nokuti apo akadzokera ndokudzidzisa musinagoge yomunzvimbomo, hakuna munhu akataura nezvokumuuraya. Zvisinei, “haana kuita mabasa akawanda ane simba ikoko,” nokuti vazivikanwi muNazareta havana kuisa kutenda maari somuporofita.—Mateo 13:53-58.
Marko anonyora kuita kwaJesu: “Muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.” Kunosiririsa sei kuti ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvavazhinji muNazareta. Zvisinei, tinogona kufunga nezveguta iroro somusha woMuporofita uyo tinosarudza kuteerera.—Marko 6:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Nazareta i#2 pamapu yebutiro ye 1990 Calendar of Jehovah’s Witnesses. Gomo reMore rinooneka pasi chaipo #3.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.