Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Ane Makore Mashanu Okukura Anonyandura Fariro
PAKATI pavanopfuura Zvapupu zvaJehovha 40 000 muVenezuela pane mukomana ane makore mashanu okukura uyo akava nechinoitika chakanaka. Iye akanga asanoteerera hurukuro dzavose dzakavakirwa pachinyorwa chinonzi Life—How Did It Get Here?—By Evolution or by Creation? uye kurukurirano dzapashure dzemhuri dzeiri bhuku. Ane makore mashanu okukura, uyo akanga achibva mumhuri youbati ushe hwaMwari, nokudaro akanzwisisa kuti mhindumupindu inotaura kuti munhu akavapo achibva mu“muto.” Chimwe chezvikamu zvomubhuku racho chinokurukura dzidziso yemhindumupindu yokuti upenyu hwakashanduka-shanduka huchibva mumuto wezvinhu zvipenyu.
Kwamakore 14, imwe mhuri yapedyo (murume, mudzimai, vanakomana vechiduku vaviri, uye mwanasikana ane makore gumi namanomwe okukura) yakanga yave isingakendengi kuzvikumbiro zvemhuri yeZvapupu zvokuongorora Bhaibheri nokukokero dzavo dzokuenda kuHoro yoUmambo.
Rimwe zuva apo mudzimai Chapupu akanga achigeza ndiro, akanzwa kurukurirano inofadza pakati pomwanakomana wake nomusikana muduku muvakidzani, pedyo nefenzi inokamuranisa. Mukomana muduku akati: “Unoziva! Vanhu venyika vanotaura kuti munhu akabva mumuto!” Musikana muduku akapindura, sezvaaiwanzoita: “Unopenga here?” Mukomana muduku akapindura: “Aiwa, handipengi. Vanhu venyika vanotaura kuti munhu akabva mumuto; asi Jehovha akaita munhu.” Mukomana akanyomba pfungwa yacho, achifunga kuti ungava mutowo zvawo wokudya, uyo akanga asingadi. Ipapo iye akapfuurira kuudza musikana muduku: “Baba vangu vanofanira kupa bhuku raCreation kuna baba vako kuitira kuti agoona kuti Mwari akasika munhu.” Musikana muduku, zvisinei, akataura kuti vakanga vari vaKaturike, uye ikoko kwakagumisa kurukurirano.
Apo murume wehanzvadzi, uyo ari mukuru, akauya kumba achibva kubasa, akarondedzera kurukurirano iyo akanga angonzwawo. Kunyange zvazvo chinoitika chapakati pavana chakavasetsa, hama yakafunga kuti zvichida Jehovha aida kuti apupurire zvakare kuuyu murume muvakidzani. Naizvozvo mazuva mashomanene gare gare, iye akasvika muvakidzani wake ndokurondedzera kurukurirano yavana. Iye akataura kuti nokuda kwomwanakomana wake, aida kumupa kopi yebhuku raCreation. Chapupu chakarumbidza kuti muvakidzani arirave pasina kufungira mano akaipa, sezvo raizoratidza mavambo oupenyu.
Kukushamiswa kwehama yacho, mazuva akati gare gare ava varoorani, avo kwenguva refu kwazvo vakanga vave vasingakendengi kuzvokwadi, vakazvipa vamene pamusha pehama vachitaura kuzvidemba nokuda kwechimiro chavakanga vava nacho kwamakore akawanda kwazvo. Ivo vakati vakashamiswa nokunaka kunoshamisa kwebhuku raCreation.
Muuyo wakanga uri wokuti fundo yeBhaibheri yakatangwa nemhuri iyi. Ivo vakavamba kupinda misangano nguva dzose uye nokukurumidza vakava vaparidzi vamashoko akanaka. Murume, mudzimai wake, uye vanakomana vechiduku vaviri vakabhapatidzwa pakokorodzano yoruwa, uye musikana muparidziwo woUmambo. Mudzimai akatanga basa roupiona hwebetsero renguva dzose nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwake.
Jesu Kristu anoziva avo vane mwoyo yakanaka, uye iye anogona uye anoshandisa kunyange vaduku kusvika mwoyo yakanaka yakadaro.—Johane 10:14.