RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Fadzwa Nekushanda Nesimba
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
    • 6, 7. Jesu akabvira kare zvakadii achishanda nesimba?

      6 Jesu ane mukurumbira unobva kure wokushanda nesimba. Asati auya pasi pano somunhu, akashanda ari “mhizha” yaMwari pakusikwa kwezvinhu zvose “zviri kumatenga nezviri panyika.” (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:15-17) Ava pasi pano, Jesu akaramba achishanda nesimba. Achiri muduku, akadzidza basa rokuvaka, achizivikanwa ‘somuvezi.’a (Mako 6:3) Basa iri nderembabvu uye rinoda unyanzvi, zvikurukuru paraiitwa kusati kwava nemichina yokucheka mapuranga, zvitoro zvinotengesa zvokuvakisa uye midziyo yemagetsi. Ungafungidzira here Jesu achienda kunozvitsvagira matanda, pamwe achitotema miti okakaritsana nematanda acho achiaendesa chero kwaaishandira? Ungafungidzira here achivaka imba, achigadzira denga rayo nokuriturika, achiveza madhoo uye kunyange mimwe midziyo yokuisa mumba macho? Hapana mubvunzo kuti Jesu akanyatsozvionera kugutsikana kunobva pabasa rakaoma rinenge raitwa nounyanzvi.

  • Fadzwa Nekushanda Nesimba
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
    • a Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muvezi” rinonzi “ishoko rinoshandiswa pamunhu anoshanda nemapuranga pangava pakuvaka dzimba kana kuti pakuveza midziyo kana zvimwe zvinhu zvinogadzirwa nemapuranga.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe