Zvirevo
8 Uchenjeri hahusi kushevedzera here?
Ungwaru hahusi kusimudza inzwi rahwo here?+
3 Pedyo nemagedhi anopinda muguta,
Pamasuo anopindwa nawo,
Hunoramba huchishevedzera zvine simba huchiti:+
6 Teererai, nekuti zvandinotaura zvinokosha,
Muromo wangu unotaura zvakarurama;
7 Nekuti muromo wangu unotaura chokwadi zvinyoronyoro,
Uye miromo yangu inosema zvakaipa.
8 Zvese zvinotaurwa nemuromo wangu zvakarurama.
Hapana chakamonyana kana kuti chisina kururama.
9 Zvese zvakati twasu kumunhu ane ungwaru
Uye zvakarurama kune vaya vakawana ruzivo.
10 Gamuchirai kurayira kwangu panzvimbo pesirivha,
Uye ruzivo panzvimbo pegoridhe rakanakisisa,+
11 Nekuti uchenjeri huri nani kupfuura matombo ekorari;*
Zvimwe zvinhu zvese zvinofadza hazvingaenzaniswi nahwo.
12 Ini uchenjeri, ndinogara pamwe chete neungwaru;
Ndakawana ruzivo uye simba rekukwanisa kunyatsofunga.+
13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+
Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+
16 Achishandisa ini, machinda anoramba achitonga,
Uye vakuru vakuru vanotonga zvakarurama.
18 Ndine pfuma nekubwinya,
Upfumi hunogara kwenguva refu uye kururama.
19 Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura goridhe, kunyange kutopfuura goridhe rakanatswa,
Uye zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura sirivha yakanakisisa.+
20 Ndinofamba mugwara rekururama,
Pakati penzira dzekutonga zvakarurama;
21 Ndinopa vaya vanondida nhaka yakakura,
Uye ndinozadza matura avo.
25 Ini ndakaberekwa makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,
Zvikomo zvisati zvavapo,
26 Asati agadzira nyika nemasango ayo
Kana mavhinga ekutanga evhu renyika.
27 Paakagadzira denga,+ ndaivapo;
Paakaisa denderedzwa pamusoro pemvura,+
28 Paakasimbisa makore ekudenga,
Paakaita kuti pave nezvitubu zvemvura yakadzika,
29 Paakaisa murau pagungwa
Kuti mvura yaro irege kudarika murayiro wake,+
Paakamisa nheyo* dzenyika,
Ndini waaida kwazvo+ zuva rega rega;
Ndaigara ndichifara pamberi pake;+
31 Ndaifarira nyika yake yaakasika kuti igarwe,
Uye ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.*
32 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;
Chokwadi vanofara vaya vanochengeta nzira dzangu.