Upenyu hwaJesu Noushumiri
Ndiani Chaizvoizvo Ari Jesu?
APO igwa rakatakura Jesu navadzidzi vake rinosvika paBhetsaidha, vanhu vanounza bofu kwaari ndokukumbira kuti iye abate munhu wacho ndokumuporesa. Jesu anotungamirira munhu wacho akamubata ruoko achibuda kunze kwomusha uye, pashure pokupfira mate pameso ake, anobvunza kuti: “Unoona chinhu here?”
“Ndinoona vanhu,” munhu wacho anopindura kudaro, “ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” Achiisa maoko ake pameso omunhu wacho, Jesu anodzorera chiono chake zvokuti iye anoona zvakajeka. Jesu ipapo anoendesa munhu wacho kumusha nomuraidzo wokusapinda muguta.
Jesu zvino anobva navadzidzi vake vachienda kumusha weKesaria Firipi, kuchamhembe chaiko kweParestina. Mukwidza murefu unofukidza anenge mamaira 30 kunzvimbo yakaisvonaka yeKesaria Firipi, ine mafiti 1 150 pamsoro pegungwa. Rwendo rwacho zvimwe runotora mazuva anoverengeka.
Vachienda, Jesu anoenda ari oga kundonyengetera. Inenge mwedzi gumi kana kuti mipfumbamwe bedzi yasara pamberi porufu rwake, uye iye anoitira hanya vadzidzi vake. Vazhinji vakatorega kumutevera. Vamwe sezviri pachena vavhiringidzwa uye vaodzwa mwoyo nemhaka yokuti iye akaramba nhamburiko dzavanhu dzokumuita mambo uye nemhaka yokuti iye haana, apo akadenhwa navavengi vake, kugovera chiratidzo chakabva kudenga chokubvumikisa umambo hwake. Chii chinodavira vaapostora vake pamsoro pezivikanwo yake? Pavanouya kwaari kunyengeterera, Jesu anobvunza, kuti: “Vanhu vanoti ndini aniko?”
“Vamwe vanoti: Johane Mubhapatidzi,” vanopindura kudaro, “vamwe Eria, vamwe Jeremia, kana mumwe wavaporofita.” Hungu, ivo vanofunga kuti Jesu ndimumwe waava varume akamutswa muna vakafa!
“Ko imi munoti ndini ani?” Jesu anobvunza kudaro.
Petro anokurumidza kupindura, kuti: “Ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.”
Pashure pokutaura kubvuma mhinduro yaPetro, Jesu anoti: “Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo ehadhesi haangaikundi.” Pano Jesu anotanga kuzivisa kuti achavakira ungano yake uye kuti kunyange rufu harusati ruchizochengeta mitezo yayo iri nhapwa pashure penzira yavo yokutendeka pasi pano. Ipapo anoudza Petro, kuti: “Ndichakupa kiyi dzoushe hwokudenga.”
Jesu nokudaro anozivisa kuti Petro achagamuchira maropafadzo chaiwo. Aiwa, Petro haapiwi nzvimbo yokutanga pakati pavaapostora, uyewo haaitwi nheyo yeungano. Jesu amene ndiye Ruware apo ungano yake ichavakirwa. Asi Petro achapiwa kiyi nhatu dzokuzarura nadzo, sokunge zvakadaro, banza rokuti mapoka avanhu apinde muUmambo hwamatenga.
Petro akashandisa kiyi yokutanga paPentekosta 33 N.V. apo iye akaratidza vaJudha vanopfidza chavaifanira kuita kuti vaponeswe. Iye akashandisa yechipiri nokukurumidza pashure pezvo apo akazarurira vaSamaria vanotenda banza rokupinda muUmambo hwaMwari. Ipapo, muna 36 N.V. iye akashandisa kiyi yechitatu kupfurikidza nokuzarurira Vamarudzi vasina kudzingiswa, Kornerio neshamwari dzake, banza rimwe chetero.
Jesu anopfuuridzira kurukurirano yake navaapostora vake. Iye anovaodza mwoyo kupfurikidza nokutaura nezvokutambura kwake norufu izvo iye achakurumidza kutarisana nazvo muJerusarema. Achikundikana kunzwisisa kuti Jesu achamutsirwa kuupenyu hwokudenga, Petro anoenda naJesu parutivi. “Mwari ngaakunzwirei ngoni,” iye anodaro, “hamungaitirwi izvozvo.” Achitenderuka, Jesu anopindura, kuti: “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Sezviri pachena, vamwe kunze kwavaapostora vari kufamba naJesu, naizvozvo iye zvino anovadana kuti atsanangure kuti hakusati kuchizova kuri nyore kuva muteveri wake. “Kana munhu achida kuuya shure kwangu,” iye anodaro, “ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira (NW)] anditevere. Nokuti ani naani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharasikirwa nahwo; asi ani naani unorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, uchahuwana.”
Hungu, vateveri vaJesu vanofanira kuva vane ushingi navanozvibaira kana vaizobvumikisa kuva vakafanirwa nenyasha dzake, sezvo iye anorondedzera kuti: “Nokuti ani naani unonyara pamsoro pamashoko angu parudzi urwu rwoupombwe nokutadza, Mwanakomana womunhu uchanyarawo pamsoro pake, musi waanouya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.” Marko 8:22-38; Mateo 16:13-28; Ruka 9:18-27.
◆ Neiko Jesu achiitira hanya vadzidzi vake?
◆ Mirangariroi pamsoro pokuzivikanwa kwaJesu ine vanhu?
◆ Ikiyii dzakapiwa Petro, uye dzakashandiswa sei?
◆ Iruramisoi yakagamuchira Petro, uye nei?