Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
KO NGIROZI dziripo chaizvoizvo here? Kana kuti ko dzinongova hadzo chinhu chefungidziro here? Kana idzo dziripo, dzinogona kutapura upenyu hwako here?
Kunongova namanyuko mamwe bedzi anovimbika emhinduro kumibvunzo yakadaro. Iwayo Chinyorwa chakafuridzirwa icho Mwari akapa kurudzi rwomunhu—Shoko rake, Bhaibheri Dzvene. Nezvaro muapostora Pauro akanyora, achiti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera . . . nokuda kwokururamisa zvinhu.”—2 Timotio 3:16, NW.
Nokudaro, tinogona kuva nechivimbo chokuti Bhaibheri richatipa mhinduro dzakarurama pamsoro pokuvapo kwengirozi uye kana idzo dzichititapura. Zvirokwazvo Musiki wechisiko chapose pose anogona kutiudza kana ngirozi dzaiva pakati pezvisikwa zvake.
Ngirozi Chaidzoidzo Here?
Bhaibheri rinotaura zvakajeka, kuti: “Iye [Mwari] anoita ngirozi dzake midzimu.” (VaHebheru 1:7, NW) Naizvozvo Musiki ane zvisikwa zvomudzimu munzvimbo yokudenga. Izvozvi hazvioneki kwatiri, uye izvo zvine simba.—Mapisarema 104:4; 2 Petro 2:11.
Ko Mwari akaronga kuti ngirozi dzive zvinhuwo hazvo zvisina hunhu, zvisina kujeka here? Kudai ikoko kwakanga kwakadaro, neiko Bhaibheri richiratidzira ngirozi sedzine mirangariro? Somuenzaniso, rinotiudza kuti apo nheyo yapasi yakavanzarikwa, ngirozi “dzakaimba nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari [ngirozi] vakavamba kudanidzira nomufaro.”—Jobho 38:4-7, NW.
Kunoratidzika kuti, kufanana nezvisikwa zvapasi zvakangwara zvaMwari, zvisikwa zvomudzimu zvakangwara, ngirozi, dzine hunhu hwadzo dzimene. Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura mazita engirozi mbiri bedzi (Mikaeri naGabrieri), idi rokuti ngirozi dzina mazita rinowedzera hunhu hwadzo. (Ruka 1:11, 19, 26; Judhasi 9) Bhaibheri rinoshurikidza zvakasimba kunamatwa kwengirozi, uye ikoko kunobatanidza kunyengetera kwadziri. Panzvimbo pokunyengetera kwedu kungirozi, muapostora Pauro anotipangira, kuti: “Muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero netetero pamwe chete nokuonga zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe kuna Mwari.”—VaFiripi 4:6, NW; Zvakazarurwa 19:10; 22:8, 9.
Asi ko ngirozi dzakarongwa kuti dzive dzisina simba rechisarudzo chomunhu oga pakati pechakarurama nechisina kururama kufanana namarobhoti asina ndangariro here? Aiwa, ngirozi dzinokwanisa kutsauranisa pakati pechakarurama nechisina kururama, sezvakangoita vanhu. Somuenzaniso, apo ngirozi dzakati dzakapunza mitemo yaMwari mumazuva aNoa, Mwari akadziramba, uye idzo dzakadzingwa munzvimbo dzokudenga dzaMwari. Mufambiro wadzo wokusateerera wakanga uri kuratidzirwa kuri pachena kwohunhu hwengirozi.—Genesi 6:1, 2; 2 Petro 2:4; Mateo 25:41.
Nokudaro, Bhaibheri rinotigovera mashoko anobetsera pamsoro pemviromviro, kuvapo, uye rudzi rwengirozi. Kupfuura izvo Shoko raMwari rinotaura pamsoro padzo kungagona kuparira munhu kurangarira zvisiri madikanwa pamsoro pemibvunzo iyo Bhaibheri risingapinduri. Kungagona kunyange kutungamirira kukupa ngwariro isakafanira kana kuti namato kungirozi. (VaKorose 2:18) Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti “ivai nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru” ndizvo kwete ‘kupfuura zvakatoziviswa samashoko akanaka.’—VaFiripi 1:10, NW; VaGaratia 1:8.
Ngirozi Mudonzo raMwari
Kunyange zvazvo vazhinji vangabvuma pamsoro pemviromviro namavara zvengirozi, vashomanene vanoziva chaizvoizvo nezvechikonzero chokuvapo kwadzo uye kuti ngirozi dzinotapura sei upenyu hwedu nhasi.
MuBhaibheri, mashoko maviri anoshandiswa nokuda kwe“ngirozi” ndimal·’akhʹ (chiHebheru) uye agʹge·los (chiGiriki). Iwawa ose ari maviri anoreva “nhume.” Iwo anotiudza chimwe chinhu pamsoro perimwe ramabasa engirozi. Ngirozi dzinobatira senhume, kana kuti vatumwa, pakati paMwari nomunhu.
Somuenzaniso, ngirozi yakatumwa kundopa shoko kuna Abrahama pamsoro poMwanakomana wake Isaka nechikomborero icho chaizouya kupfurikidza naye, chikomborero chatinogona kugamuchira. (Genesi 22:11-17) Ngirozi yakatumwa kuzokurukura naMosesi. (Mabasa 7:37, 38) Mwari akatumirawo ngirozi ine miraidzo kumuporofita Eria. (2 Madzimambo 1:3) Uye ngirozi yakaoneka kuna Josefa, baba vokurera vaJesu, ine miraidzo chaiyo pamsoro pomucheche.—Mateo 2:13.
Ngirozi dzakatumirwawo kundodzivirira vanhu vaMwari: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya nokuvarwira.” (Pisarema 34:7) Somuenzaniso, ngirozi yakasunungura muapostora Petro mutorongo. (Mabasa 12:6-11) Ngirozi mbiri dzakabetsera Roti navanasikana vake kupukunyuka ruparadziko rweSodhoma neGomora kupfurikidza nokuvaperekedza vachibuda munharaunda imomo. Mudzimai waRoti, zvisinei, haana kuita muwirirano yakazara nengirozi, naizvozvo akaparara muruparadziko pamwe namaguta iwayo.—Genesi 19:1-26.
Bhaibheri rinodudza zvimwe zvinoitika zvakawanda zvebetsero yengirozi, kusimbisa izvo VaHebheru 1:7 uye 14, NW, inoti: “Nenongedzero kungirozi iye anoti: ‘Uye iye anoita ngirozi dzake midzimu, uye vabatiri vake vapachena rimi romwoto.’ Ko idzo dzose hadzisi midzimu yebasa rapachena here, inotumwa kundoshumira avo vachagara nhaka ruponeso?”
Ngirozi yakaunza nyaradzo huru kuna Jesu. Usiku hwapamberi porufu rwake, Jesu aiziva zvaiva mberi kwake—kuti aizoshambadzwa, kurohwa, uye kuurawa noutsinye. Iye aida simba rokutsungirira uyu muedzo weperero yake. Panguva iyoyo yakakomba, ngirozi yakaoneka kwaari ‘kuzomusimbisa.’ Nyaradzo iyoyo yengirozi inofanira kuva yaiva chikomborero chakadini nokuda kwaJesu! Somuuyo, kunyange zvazvo iye akatambura nhamo yakadaro zvokuti “ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi,” iye akakwanisa kutsungirira nokutendeka kusvikira parufu.—Ruka 22:43, 44.
Mwari akashandisawo ngirozi kuparadzanya vavengi vavanhu vake. Apo Simba reNyika reAsiria rakatyisidzira vanamati vakare vaMwari, zvinotevera zvakaitika: “Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.” (2 Madzimambo 19:35) Iwe unogona kuona simba rinotyisa rengirozi—kwakangotorera ngirozi imwe bedzi kuuraya vashori 185 000 vaMwari navanhu vake!
Herodhewo anotuka Mwari akasangana nesimba rengirozi. Apo Herodhe akavamba kufunga nezvake amene saakafanana naMwari, “pakarepo mutumwa wa[Jehovha (NW)] ukamurova, nokuti wakanga asina kukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.”—Mabasa 12:21-23.
Tinoziviswa kuti nokukurumidza, apo Mwari anosvitsa tsika ino yose yakaipa yezvinhu kumugumo wayo, ngirozi dzichashandiswa zvakare savaurayi. “Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romwoto.”—Mateo 13:41, 42.
Nokudaro, ngirozi dziri kure neizvo vanhu vazhinji vangafungidzira. Munyori worudzidziso weGermany Dr. Manfred Barthel akati: “Kana tichida kufungidzira ngirozi dzaShe seizvo vanyori veTestamende Yekare vakadziona, kutanga tichafanira kukanganwa makerubhi anoratidzirwa . . . ayo anoshongedza makadhi edu okukwazisa.”—What the Bible Really Says.
Ngirozi Dzinokutapura Sei?
Zvisinei, mubvunzo unosara, unoti: Ngirozi dziri kuiteiko nhasi? Ko idzo dziri kutitapura iko zvino here? Hungu, zvamazvirokwazvo dziri!
Yeuka kuti muuporofita hwake pamsoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu” Jesu akadeya kutaura, kuti: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake [kugamuchira simba roUmambo], uye ngirozi dzose dzinaye, ipapo iye achagara pachigaro chake choumambo chine mbiri. Uye marudzi ose achaunganidzirwa pamberi pake, uye iye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kuno mumwe.”—Mateo 24:3; 25:31, 32, NW.
Uku kuparadzaniswa kwavanhu kuchaitwa sei? Jesu akadeya kutaura, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Hungu, Mwari anoshandisa vanhu vake pasi pano kuita iri basa rokuparidzira repasi rose.
Umambo hwaMwari ihurumende ichaunza mushonga bedzi kuzvinetso zvorudzi rwomunhu. Nhasi, shoko pamsoro pahwo riri kuziviswa munyika yose navanopfuura mamirioni matatu veZvapupu zvaJehovha, avo vane ngirozi dzinovatsigira. “Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachibudisa vakaipa pakati pavakarurama.”—Mateo 13:49.
Iri basa rokuparidzira rinotungamirirwa nengirozi nhasi rinogamuchira kuita kwakavhengana kunobva kuvanhu. Vamwe vanotaura kuti vakanyanyobatikana zvokusagona kuteerera kana kuti kungoramba chete kuita saizvozvo. Vamwe vanozengurira kana kuti havagoni kusarudza. Bva, vazhinji vane mwoyo wakatendeseka, vanoitira hanya pamsoro penguva yavo yemberi, vakagamuchira nokudisa. Seiko?
Munyika 208, Zvapupu zvaJehovha zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha mamirioni avanhu “vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu” uye avo ‘vane nzara yokururama.’ (Mateo 5:3, 6, NW) Zvinoitika zvakawanda zvinoratidza kuti ngirozi kazhinji kazhinji dzinotungamirira vabatiri vaMwari kuti vaonane navanhu vakadaro vane mwoyo wakatendeseka vane shoko roruponeso. Zvakazarurwa 14:6, NW inorondedzera nenzira yokufananidzira “ngirozi ichibhururuka pakati pedenga” ine “mashoko akanaka asingaperi okuzivisa samashoko akanaka kuavo vanogara papasi.” Ikoko zvamazvirokwazvo kuri kuitika iko zvino! Uye ikoku kuchatapura sei nguva yako yemberi?
Ngirozi Munguva Yako Yemberi
Bhaibheri rinozivisa zvakajeka nguva dzedu sa“mazuva okupedzisira” etsika ino yazvino. (2 Timotio 3:1-5) Bhaibheri rinotizivisawo kuti ngirozi zvino “dzakamira pamakona mana apasi, dzakabatisisa mhepo ina.” (Zvakazarurwa 7:1, NW) Ko uku kufananidzira kunorevei?
Zvadziri pa“makona” apasi, ngirozi dzinokwanisa kurega “mhepo” dzinoparadza dzinobva kumativi ose. Hapana nharaunda yapasi ichaponeswa, uko kuchareva “kuvadziko,” kana kuti ruparadziko, nokuda kwetsika ino yakaipa navatsigiri vayo vose. Ngirozi dzaMwari nokudaro dzinorondedzerwa sedzakagadzirira kupinda muchiito apo chiratidzo chinopiwa!—Zvakazarurwa 7:3; 19:11-21.
“Kuvadziko” inoparadza, kunyanguvezvo, ichangofanira bedzi kuva paavo vasingagamuchiri shoko rinotsigirwa nengirozi zvino riri kuparidzirwa mupasi rose. Hadzisati dzichizokuvadza avo vari kutsvaka Mwari uye vanoteerera shoko roUmambo. Ivo vachaponeswa, sezvo Shoko raMwari richiti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:3.
Ndoupi ipapoka uchava mugariro wa“vanyoro” vakadaro? Pisarema 37:11 rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Kwenguva yakareba sei? “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Ikoko kunoreva kuti upenyu husingaperi huchabvira pasi pano iro richashandurwa kuva Paradhiso, seizvo Jesu akaratidzira.—Ruka 23:43.
Naizvozvo, ipapoka, mubvunzo waunofanira kubvunza ndouyu: ‘Ndeipi ichava nguva yangu yemberi?’ Mhinduro inotsamira pakuti unoita sei kunhungamiro yengirozi. Ko uchateerera ndokuita chimwe chinhu apo unopiwa shoko radziri kutsigira here? Kana ukadaro, uchava pakati paavo vanogona kutarira mberi nechivimbo kunguva yemberi, vane chipikirwa chaMwari chechokwadi, chinoti: “Nyika inopfuura uye saizvozvo ruchiva rwayo, asi iye anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17, NW.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ngirozi zvino ‘dzakabata mhepo ina.’ Neiko?