Nei Tichifanira Kuzvipira?
Bill murume ane mhuri ane makore ari kuma50 anodzidzisa unyanzvi hwokuvaka. Mugore, anopedza vhiki dzakawanda achibatsira kuvaka nokugadzira mapurani eHoro dzoUmambo dzeungano dzeZvapupu zvaJehovha achishandisa zvinhu zvake. Emma musikana asina kuroorwa ane makore 22 akadzidza chaizvo uye inyanzvi. Pane kuti atsvake zvaanoda nezvinomufadza chete, anopedzera maawa anopfuura 70 mwedzi woga woga muushumiri, achibatsira vanhu kunzwisisa Bhaibheri. Maurice naBetty vakarega basa. Pane kuti vazorore zvino, vakatamira kune imwe nyika kunobatsira vanhu ikoko kuti vadzidze nezvechinangwa chaMwari nokuda kwapasi.
VANHU ava havazvioni sevanokosha kana sevakasiyana navamwe. Vangori vanhuwo savamwe vari kuita zvavanofunga kuti ndizvo zvakarurama. Nei vachishandisa nguva yavo, simba, mano, uye zvinhu zvavo kuti vamwe vabatsirike? Chinovaita kuti vadaro kuda Mwari nomuvakidzani wavo zvakadzama. Rudo urwu rwakakonzera kuzvipira kwechokwadi mune mumwe nomumwe wavo.
Tiri kurevei nokuti anoda kuzvipira? Hungu, kuzvipira hakurevi kurarama upenyu hwakaoma kana hwokuzvinyima. Hakufaniri hako kubatanidza kuzvinyima kwakanyanyisa kunoita kuti tirege kufara kana kugutsikana. Sezvinorondedzerwa neThe Shorter Oxford English Dictionary, kuzvipira kunongoreva “kurega zvaunoda, mafaro, uye zvishuvo, nemhaka yebasa kana kuti vamwe vabatsirike.”
Jesu Kristu—Muenzaniso Mukuru
Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu, ndiye muenzaniso mukuru womumwe munhu anozvipira. Pakuvapo kwake asati ava munhu, upenyu hwake hunofanira kuva hwaifadza uye hwaigutsa kwazvo. Akanga ane songaniro yepedyo zvikuru naBaba vake nezvisikwa zvomudzimu. Uyezve, Mwanakomana waMwari akashandisa mano ake mumabasa akaoma neanofadza se“mhizha.” (Zvirevo 8:30, 31) Zvechokwadi aigara mumamiriro ezvinhu akaisvonaka asingaenzaniswi neapi kana api ayo munhu akapfuma zvikuru pasi pano angava akararama. Ari wechipiri kuna Jehovha Mwari, akanga ane nzvimbo inokudzwa neyakaropafadzwa mudenga.
Asi, Mwanakomana waMwari “akazvidurura akava somuranda ndokuva akafanana nevanhu.” (VaFiripi 2:7) Achida akasiya zvinhu zvose zvakanga zvakamunakira akava munhu ndokupa upenyu hwake sorudzikinuro kuitira kuti abvise dambudziko rakakonzerwa naSatani. (Genesi 3:1-7; Mako 10:45) Izvozvo zvaireva kugara navanhu vane chivi munyika iri musimba raSatani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Zvairevawo kutsungirira kuodzwa mwoyo uye zvinetso. Zvisinei nokuti zvaimuitirei, Jesu Kristu akanga akatsunga kuita kuda kwaBaba vake. (Mateu 26:39; Johani 5:30; 6:38) Izvi zvakaedza rudo rwaJesu nokuvimbika kusvika pamwero wakati. Akanga achida kuzvipira kusvikira papi? “Akazvininipisa,” akadaro muapostora Pauro, “akava anoteerera kusvikira parufu, hungu, rufu padanda rokutambudzikira.”—VaFiripi 2:8.
“Ivai Nemafungire Aya”
Tinokurudzirwa kutevedzera muenzaniso waJesu. “Ivai nemafungire aya aivawo muna Kristu Jesu,” akakurudzira kudaro Pauro. (VaFiripi 2:5) Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyo‘kuramba tisingavi nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ (VaFiripi 2:4) Rudo rwechokwadi “haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 13:5.
Vanhu vane hanya vakawanzoratidza kuzvipira kusina udyire mukushandira vamwe. Zvisinei, nhasi vanhu vakawanda vanoita sevane udyire. Nyika ine mafungire okuti ini pakutanga. Tinoda kudzivisa kuda zvenyika nokuti zvikagona kuchinja zvatiri namafungire edu, zvingangoita kuti tione zvishuvo zvedu sezvinokosha pane zvavamwe. Zvadaro, zvose zvatinoita—kushandisa kwatinoita nguva yedu, simba, zvinhu zvedu—kuchadzorwa nepfungwa dzoudyire. Saka tinofanira kurwisa zvakasimba pesvedzero iyi.
Kunyange zano rakaisvonaka pane dzimwe nguva ringaderedza kuzvipira kwedu. Achiziva mugumisiro wokuzvipira kwaJesu, muapostora Petro akati: “Zviitirei mutsa, Ishe.” (Mateu 16:22) Sezviri pachena akaona zvakaoma kubvuma chido chaJesu chokutofa achiitira uchangamire hwaBaba vake uye kuponeswa kwavanhu. Saka akaedza kunyengetedza Jesu kuti asaite izvozvo.
‘Zvirambe’
Jesu akaita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Akatendeuka, akatarira vadzidzi vake akatsiura Petro, akati: ‘Enda shure kwangu, Satani, nokuti unofunga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.’” Zvino Jesu akadana boka ravanhu navadzidzi vake akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.”—Mako 8:33, 34.
Anenge makore 30 apa zano iri kuna Jesu, Petro akaratidza kuti panguva iyi akanga ava kuziva zvinoreva kuzvipira. Haana kukurudzira vaaitenda navo kuti vashingaire zvishoma pane zvavaiita uye kuzvinzwira tsitsi. Asi, Petro akavakurudzira kusunga pfungwa dzavo nokuda kwebasa uye kuti varege kuzvienzanisa nokuchiva kwenyika kwavaimbova nakwo kare. Pasinei nemiedzo, vaifanira kuisa pakutanga kuita kuda kwaMwari muupenyu hwavo.—1 Petro 1:6, 13, 14; 4:1, 2.
Nzira ine mubayiro iyo upi noupi wedu anogona kutora ndeyokuzvipa kuna Jehovha totevera Jesu Kristu nokutendeka uye tichibvumira Mwari kutungamirira mabasa edu. Mukuita izvi, Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka. Pfungwa yake yokukurumidzira nokuonga kwake Jehovha zvakaita kuti asiye zvinhu zvokunyika zvaaishuva uye zvaaitarisira zvingadai zvakamutadzisa kuita kuda kwaMwari. “Kana ndiri ini,” akadaro, “ndichashandisa uye ndichanyatsoshandiswa” mukushumira mune izvo vamwe vanoda. (2 VaKorinde 12:15) Pauro akashandisa mano ake kufambisira zvinodiwa naMwari, kwete zvake pachake.—Mabasa 20:24; VaFiripi 3:8.
Tingazviongorora sei pachedu kuti tione kana tine mafungire akafanana neaya omuapostora Pauro? Tingazvibvunza mibvunzo yakafanana neiyi: Ndinoshandisa sei nguva yangu, simba, mano, uye zvinhu zvangu? Ndinoshandisa izvozvi nezvimwe zvipo zvinokosha kufambisira mberi zvandinoda, kana kuti ndinozvishandisa kubatsira vamwe here? Ndakafunga zvokugoverana zvakazara mubasa rinoponesa upenyu rokuzivisa mashoko akanaka, zvichida somuzivisi woUmambo wenguva yakazara here? Ndingabatanidzwawo here zvakazara mumabasa akadai sokuvaka kana kuvandudza Horo dzoUmambo? Ndinoshandisa mimwe mikana kubatsira vaya vanoshayiwa here? Ndinopa Jehovha zvakanakisisa zvangu here?—Zvirevo 3:9.
“Mufaro Mukuru Pakupa”
Asi, chaizvoizvo kuchenjera here kuzvipira? Hungu zvechokwadi! Pauro aiziva kubva mune zvakaitika kwaari pachake kuti kuita kwakadaro kunounza mibayiro yakapfuma. Zvakamuita kuti afare kwazvo uye agutsikane zvikuru somunhu. Izvi akazvitsanangurira varume vakuru vokuEfeso paakasangana navo paMireto. Pauro akati: “Ndakakuratidzai muzvinhu zvose kuti nokushanda nesimba zvakadaro [mukuzvipira] munofanira kubatsira vasina simba, uye munofanira kurangarira mashoko aShe Jesu, iye paakati, ‘Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.’” (Mabasa 20:35) Mamiriyoni avanhu nhasi akawana kuti kuratidzira pfungwa yakadai kunounza mufaro mukuru iye zvino. Kuchaunzawo mufaro munguva yemberi Jehovha paachapa mubayiro vaya vanoisa pakutanga zvaanoda nezviya zvavamwe.—1 Timoti 4:8-10.
Paakabvunzwa nei aizvishandisa mukubatsira vamwe kuvaka Horo dzoUmambo, Bill akati: “Kubatsira munzira yakadai ungano dzinowanzoonekwa seduku kunoita kuti ndigutsikane. Ndinoda kushandisa unyanzvi hwandiinahwo uye ruzivo kuti vamwe vabatsirike.” Nei Emma akasarudza kupa simba rake namano ake kubatsira vamwe kudzidza chokwadi chaMagwaro? “Handina kugona kufungidzira ndichiita chimwe chinhuwo zvacho. Sezvo ndichiri muduku uye ndichigona kuita kudaro, ndinongoda kuita zvakawanda sezvandinogona kuti ndifadze Jehovha uye kubatsira vamwe. Kupa zvimwe zvinhu zvokunyama zvinogona kundibatsira ndinozviona sechinhu chiduku. Ndiri kungoita zvandinofanira kuita maererano neizvo Jehovha anoda kuti ndiite.”
Maurice naBetty havasi kuzvidemba nemhaka yokurega upenyu hwokugara zvavo vakazorora, zvichitevera makore aiva nebasa rakaoma rokurera nokuriritira mhuri yavo. Zvino nemhaka yokuti vakarega basa, vanoda kupfuurira kuita chimwe chinhu chinokosha uye chine zvachinoreva muupenyu hwavo. “Hatidi kungogara ndokuzorora zvino,” vanodaro. “Kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha kune imwe nyika kunotipa mukana wokuramba tichiita chimwe chinhu chine chinangwa.”
Wasarudza kuzvipira here? Izvi hazvingavi nyore. Pane hondo inopfuurira pakati pezvishuvo zvedu isu vanhu vasina kukwana uye chido chedu chapachokwadi chokufadza Mwari. (VaRoma 7:21-23) Asi ihondo yatinogona kukunda kana tikabvumira Jehovha kuti atungamirire upenyu hwedu. (VaGaratiya 5:16, 17) Zvechokwadi achayeuka kushanda kwedu kwokuzvipira mubasa rake uye achatikomborera kwazvo. Zvechokwadi, Jehovha Mwari ‘achazarura mahwindo okudenga, ndokutidururira chikomborero chatichashayiwa pokuisa.’—Maraki 3:10; VaHebheru 6:10.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jesu aizvipira. Unodaro here?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Pauro akazvishandisa mubasa rokuparidza Umambo