Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kushanyira Tembere Zvakare
JESU navadzidzi vake vachangobva kupedzera usiku hwavo hwechitatu muBhetania chibviro chokusvika vachibva Jeriko. Zvino chiedza chamangwanani-mangwani oMuvhuro, Nisani 10, chinovawana vava panzira kuenda Jerusarema. Jesu ava nenzara. Naizvozvo apo iye anoona muonde une mashizha, anoenda kwauri kuzoona kana iwo ungava namaonde.
Mashizha omuti wacho anyanyokurumidzira mwaka, sezvo mwaka wamaonde usingasviki kutozosvikira muna June, uye zvino kunongova bedzi kupera kwaMarch. Zvisinei, Jesu sezviri pachena anorangarira kuti sezvo mashizha akurumidza, maonde angakurumidzawo. Asi iye anoodzwa mwoyo. Mashizha akapa muti wacho chitarisiko chinonyengera. Jesu ipapo anotuka muonde, achiti: “Kusava nomunhu, unozodya zvibereko kwauri nokusingaperi.” Muchimwe chinyorwa chinotevera chamagazini ino, tichafarira kuziva miuyo yokutuka kwaJesu muonde uye yakanga iri revo yokufananidzira yaikoku.
Achipfuurira, Jesu navadzidzi vake vanokurumidza kusvika Jerusarema. Iye anoenda kutembere, iyo iye akanga aongorora masikati akapfuura acho. Nhasi, zvisinei, iye anoita chiito, sezvo akaita makore matatu pamberi pezvi apo akauya kuPaseka muna 30 N.V. Jesu anokandira panze avo vari kutengesa nokutenga mutembere uye anopidigura tafura dzavatsinhanisi vemari namabheji aavo vari kutengesa njiva. Iye haasati achimbobvumira munhu upi noupi kutakura mudziyo mutembere.
Achishurikidza avo vari kuchinja mari nokutengesa mhuka mutembere, iye anoti: “Hakuna kunyorwa here kuchinzi: ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.” Ivo makororo nemhaka yokuti vanoda mitengo mikuru zvikuru kuavo vane chisarudzo chiduku kunze kwokutenga kwavari mhuka dzinodikanwa nokuda kwechibairo. Naizvozvo Jesu anorangarira uku kubata kwebhizimisi sechimiro chakati chougororo kana kuti umbavha.
Apo vaprista vakuru, vanyori, uye vakuru vavanhu vanonzwa izvo Jesu aita, vanotsvaka zvakare kuti vangaita sei kuti aurawe. Ivo nomutoo iwoyo vanobvumikisa kuti havachinjiki. Bva, havazivi nzira yokuparadza nayo Jesu, sezvo vanhu vose vachiramba vachibatirira kwaari kuti vamunzwe.
Kunze kwavaJudha vokunyama, Vamarudzi vauyawo kuPaseka. Ivava vaproserite, kureva kuti ivo vakatendeukira kurudzidziso rwavaJudha. VaGiriki vakati, sezviri pachena vaproserite, zvino vanosvika Firipo ndokukumbira kuona Jesu. Firipo anoenda kuna Andreasi, zvichida kuzobvunza kana musangano wakadaro waizova wakafanira. Jesu sezviri pachena achiri kutembere, uko vaGiriki vanokwanisa kumuona.
Jesu anoziva kuti anongova bedzi namazuva mashomanene oupenyu asara, naizvozvo iye anoenzanisira zvakaisvonaka mugariro wake, achiti: “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zhinji.”
Tsanga imwe yezviyo ine ukoshi huduku. Bva, zvakadiniko kana iyo ikaiswa muvhu uye “ikafa,” ichigumisa upenyu hwayo sembeu? Iyo ipapo inomera uye pashure penguva yakati inogona kuva dzinde iro rinobereka tsanga dzakawanda zvikuru dzezviyo. Nenzira yakafanana, Jesu anongova zvake munhu mumwe akakwana. Asi kana iye akafa akatendeka kuna Mwari, iye anova mutoo wokupa nawo upenyu husingaperi kuvakatendeka avo vane mudzimu mumwe chetewo wokuzvibaira uyo anawo. Nokudaro, Jesu anoti: “Unoda upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; nounovenga upenyu hwake panyika ino, uchahuchengeta kwoupenyu husingaperi.”
Jesu sezviri pachena haasiri kufunga bedzi nezvake amene, nokuti iye anotevera kutsanangura, kuti: “Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu uchavapowo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.” Ituso inoshamisa zvakadini yokutevera Jesu nokumushumira! Ituso yokukudzwa naBaba kusonganirana naKristu muUmambo.
Achifunga pamusoro pokutambura kukuru norufu runorwadza urwo rwakamumirira, Jesu anopfuurira, kuti: “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba, ndiponesei panguva ino.” Kudai chakamumirira chingagona bedzi kudziviswa! Asi, aiwa, sezvo iye anoti: “Asi ndizvo zvandakauyira panguva ino.” Jesu anobvumirana negadziriro yose yaMwari, kubatanidza rufu rwake amene rwechibairo. Mateo 21:12, 13, 18, 19; Marko 11:12-18; Ruka 19:45-48; Johane 12:20-27.
◆ Neiko Jesu achikarira kuwana maonde kunyange zvazvo usiri mwaka wawo?
◆ Neiko Jesu achidana avo vari kutengesa mutembere kuti “makororo”?
◆ Jesu akafanana netsanga yezviyo inofa munzirai?
◆ Jesu anonzwa sei pamusoro pokutambura norufu zvakamumirira?