Upenyu hwaJesu Noushumiri
Marwadzo Mubindu
APO Jesu anopedza kunyengetera, iye navaapostora vake vakatendeka 11 vanoimba nziyo dzerumbidzo kuna Jehovha. Ipapo vanoburuka mukamuri rapamusoro, vanopinda murima rinotonhorera rousiku, uye vanodzokera vachigura Mupata waKidhroni vakananga Bhetania. Asi vari munzira, vanomira panzvimbo inodikanwa, bindu reGetsemani. Irori riri kana kuti munzvimbo yeGomo reMiorivhi. Jesu aiwanzosangana navaapostora vake pano pakati pemiorivhi.
Achisiya vasere vavaapostora—zvichida pedyo nenzira inopinda mubindu—iye anovaraidza, kuti: “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.” Iye ipapo anotora vamwe vatatu—Petro, Jakobho, uye Johane—uye anopfuurira kuenda ndokupinda mubindu. Jesu anova neshungu uye anotambudzika zvikuru kwazvo. “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa,” iye anovaudza kudaro. “Garai pano, murinde neni.”
Vachiti pfuurirei, Jesu anowira pasi uye chiso chake chakatarira pasi anovamba kunyengetera nokutendeseka: “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Anoreveiko? Neiko ane “shungu kwazvo, kusvikira pakufa”? Ko iye ari kuramba chisarudzo chake chokufa ndokugovera rudzikinuro here?
Nyangwe! Jesu haasi kukumbira kuti asafe. Kunyange mufungo wokudzivisa rufu rwechibairo, wakambokarakadzwa naPetro, unonyangadza kwaari. Panzvimbo pezvo, iye ari mumarwadzo nemhaka yokuti anotya kuti nzira yaachakurumidza kufa nayo—setsotsi rinozvidzwa—ichaunza ruzvidzo pazita raBaba vake. Iye zvino anoziva kuti mumaawa mashomanene acharovererwa padanda sorudzi rwakaipisisa rwomunhu—mutuki waMwari! Ikoku ndiko kunomutambudza zvikuru kwazvo.
Pashure pokunyengetera kwenguva refu, Jesu anodzokera uye anowana vaapostora vatatu vakavata. Achitaura kuna Petro, iye anoti: “Makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa.” Achibvuma, zvisinei, nhamo yavave vari pasi payo nokupera kwenguva, iye anoti: “Mudzimu, chokwadika, unoda, asi nyama yakaneta.”—NW.
Jesu ipapo anoenda kechipiri uye anokumbira kuti Mwari abvise kwaari “mukombe uyu,” ndiko kuti, chikamu chakagoverwa chaJehovha, kana kuti kuda, nokuda kwake. Apo anodzokera, anowanazve vatatu vakavata apo ivo vaifanira kuva vainyengetera kuti vasapinde mumuedzo. Apo Jesu anotaura kwavari, ivo havazivi chokutaura mumhinduro.
Pakupedzisira, kechitatu, Jesu anoenda panenge panosvika ibwe rikakandwa, uye akapfugama uye nedanidziro dzakasimba nemisodzi, iye anonyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri.” (NW) Jesu anonzwa zvikuru marwadzo akakomba nemhaka yoruzvidzo urwo rufu rwake segandanga ruchaunza pazita raBaba vake. Chokwadi, kupomerwa mhosva somutuki waMwari—munhu anotuka Mwari—kunodokuva kwakanyanyisa kutsungirira!
Kunyanguvezvo, Jesu anopfuurira kunyengetera, kuti: “Kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Jesu anoisa nokuteerera kuda kwake pasi pokwaMwari. Pana ikoku, ngirozi yakabva kudenga inooneka uye inomusimbisa namashoko anokurudzira. Sezvingabvira, ngirozi inoudza Jesu kuti iye ane nyemwerero yaBaba vake yetendero.
Bva, mutoro wakadini uri pamapfudzi aJesu! Upenyu hwake amene husingagumi nouhwo hwedzinza rose ravanhu huri mungozi. Nhamo yendangariro ihuru. Naizvozvo Jesu anopfuurira kunyengetera zvapachokwadi zvikuru, uye ziya rake rinova samadonhwe eropa sezvarinodonhera pasi. “Kunyange zvazvo ichi chiri chinhu chechienzi zvikuru,” inodaro The Journal of the American Medical Association, “ziya reropa . . . ringaitika mumigariro yendangariro yakakwira zvikuru.”
Pashure pezvo, Jesu anodzokera kechitatu kuvaapostora vake, uye zvakare anovawana vakavata. Ivo vaneta nenhamo. “Panguva yakadai seiyi makavata uye muri kuzorora!” iye anodaro. “Zvaringana! Nguva yasvika! Tarirai! Mwanakomana womunhu anoshambadzwa mumaoko avatadzi. Simukai, ngatiendei. Tarirai! Mushambadzi wangu aswedera pedyo.”—NW.
Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti anosvika, achiperekedzwa neboka guru rakatakura mwenje namarambi nezvombo. Mateo 26:30, 36-47; 16:21-23; Marko 14:26, 32-43; Ruka 22:39-47; Johane 18:1-3; VaHebheru 5:7.
◆ Pashure pokubva mukamuri rapamusoro, Jesu anotungamirira kupi vaapostora, uye chii chaanoita ikoko?
◆ Jesu achinyengetera, vaapostora vari kuitei?
◆ Neiko Jesu ari mumarwadzo, uye chikumbiroi chaanoita kuna Mwari?
◆ Chii chinoratidzirwa neziya raJesu rinobuda samadonhwe eropa?