Tevedzera Kutenda Kwavo
Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
PETRO aisazombofa akakanganwa nguva iyoyo yavakati dhuma dhuma maziso. Akaona here kutarisa kwaJesu kuri kuya kwokuti haana kufara nezvakanga zvaitika kana kuti akanga agumbuka? Hatingadaro hedu; nokuti nyaya yacho yakafuridzirwa inongoti “Ishe akatendeuka, akatarira Petro.” (Ruka 22:61) Asi Petro akaona kutadza zvikuru kwaakanga aita, nokungotariswa kamwe chete kwaakaitwa. Akaona kuti akanga aita chaizvo zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti aizoramba Tenzi wake waaida, chinhu chaakanga atsidza kuti aisazombofa akaita. Zvimwe muupenyu hwose hwaPetro pano ndipo paakaora mwoyo chaizvo.
Asi hazvirevi kuti akanga asisina tariro. Petro zvaaiva nokutenda kwakasimba chaizvo, akanga achine mukana wokugadzirisa kukanganisa kwake uye wokudzidza chimwe chezvidzidzo zvikuru kubva kuna Jesu. Chidzidzo chacho chaiva chokukanganwira. Tose zvedu tinofanira kudzidza chidzidzo ichocho, saka ngationgororei kuti Petro akadzidzei panyaya iyi yakaoma.
Aiva Nezvakawanda Zvokudzidza
Mwedzi inenge mitanhatu izvi zvisati zvaitika, Petro ari mutaundi rokumusha kwake kuKapenaume, akaenda kuna Jesu akati: “Ishe, hama yangu inganditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kusvikira kukanomwe here?” Vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vaidzidzisa kuti munhu aifanira kukanganwira katatu chete! Saka Petro angangove akafunga kuti kukanganwira kanomwe kwaiva kukanganwira zvakanyanya. Jesu akapindura kuti: “Kwete, Kusvikira kukanomwe, asi, Kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe.”—Mateu 18:21, 22.
Jesu aipa Petro pfungwa yokuti apote achiverenga kutadzirwa kwaanenge aitwa here? Kwete; asi nokuwedzera kwaakaita nhamba yaPetro kubva pa7 kusvika ku77, aiti munhu anofanira kuramba achingokanganwira. Jesu akaratidza Petro kuti akanga akanganiswa mafungiro nevanhu vakawanda vepanguva iyoyo vaiva nemwoyo yakaoma vaisakanganwira, vaiita sokuti vainyora kukanganisa kwevamwe mubhuku sokunge zvikwereti. Asi kukanganwira kunoenderana nezvinodiwa naMwari hakuna pakunogumira.
Petro haana kupikisana naJesu. Asi chidzidzo chaJesu chakamubaya mwoyo here? Dzimwe nguva tinozoona kukosha kwokukanganwira vamwe patinenge tiri isu tiri kuda kukanganwirwa. Saka iye zvino ngatikurukurei zvakaitika Jesu ava kuda kunofa. Panguva iyoyo yakanga yakaoma, Petro akatadzira Tenzi wake uye zvakawanda zvaaifanira kukanganwirwa.
Kuda Kuramba Achikanganwirwa
Manheru eusiku hwokupedzisira muupenyu hwaJesu pasi pano, aiva manheru aikosha. Jesu akanga achine zvakawanda zvokudzidzisa vaapostora vake, chimwe chacho chaiva chokuzvininipisa. Jesu akavaratidza muenzaniso nokugeza tsoka dzavo, basa raiwanzoitwa nemushandi wepasi pasi pane vamwe. Pakutanga, Petro haana kunzwisisa zvaiitwa naJesu. Zvadaro akaramba kugezwa tsoka. Pakupedzisira akaomesa musoro achiti Jesu asangogeza tsoka dzake chete asiwo maoko nemusoro! Jesu haana kugumbuka asi akamutsanangurira zvakanaka-naka zvairehwa nezvaaiita uye kukosha kwazvo.—Johani 13:1-17.
Kunyange zvakadaro, pasina nguva vadzidzi vakatanga kuitisana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Zviri pachena kuti Petro aivapowo pavaiitisana nharo dzairatidza kudada kunonyadzisa. Asi Jesu akavaruramisa nomutsa uye akatovarumbidza pamusana pezvakanaka zvavakanga vaita zvokuramba vakatendeka kuna Tenzi wavo. Kunyange zvakadaro, akabva ataura kuti vose vaizomutiza. Petro akapindura kuti aizoramba aina Jesu kunyange zvaireva kufa. Jesu akaprofita kuti handizvo zvaizoitika, Petro aizoramba Tenzi wake katatu usiku ihwohwo jongwe risati rarira kaviri. Petro haana kungopikisa Jesu chete, asi akatozvirova dundundu achiti aizoramba akatendeka kupfuura vamwe vaapostora vose!—Mateu 26:31-35; Mako 14:27-31; Ruka 22:24-28.
Jesu akapotsa agumbukira Petro here? Kutaura zvazviri, panguva yose iyi yakanga yakaoma, Jesu akaramba achitsvaka zvakanaka zvaiitwa nevaapostora vake vaitadza. Aiziva kuti Petro aizomuodza mwoyo, asi akati: “Ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32) Saka Jesu akaratidza kuti aiva nechivimbo chokuti Petro aizogadzirisa zvinhu pakunamata odzoka kuti arambe achishumira akatendeka. Chokwadi, uku ndiko kunonzi kuitirwa mutsa uye kukanganwirwa!
Pava paya mumunda weGetsemane, Petro aida kutsiurwa kanopfuura kamwe chete. Jesu akavaudza kuti iye naJakobho naJohani varambe vakarinda paainyengetera. Jesu akanga ari kushushikana mupfungwa chaizvo uye aida kubatsirwa, asi Petro nevamwe vake vairamba vachirara. Kuratidza kuti aivanzwisisa uye aikanganwira Jesu akati: “Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mako 14:32-38.
Pasati papera nguva yakareba, pakasvika mhomho yevanhu iine mazhenje emoto, mapakatwa netsvimbo. Iyi yakanga yava nguva yokuti vadzidzi vangwarire uye varatidze kuchenjera pane zvavaiita. Asi Petro akabva angoti vhomo bakatwa rake ndokurivheyesera mumusoro waMakosi, muranda wemupristi mukuru, achibva agura nzeve yake. Jesu akaruramisa Petro asingaiti zvehasha, akabva arapa ronda racho, akatsanangura kukosha kwokusashandisa chisimba uko nanhasi kuchiri kubatsira vadzidzi vake. (Mateu 26:47-55; Ruka 22:47-51; Johani 18:10, 11) Petro akanga akanganisira Tenzi wake kakawanda achingokanganwirwa. Zvaakaita zvinogona kutiyeuchidza kuti “tose tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Ndiani asingadi kukanganwirwa naMwari zuva rega rega? Kana ari Petro, pane zvimwezve zvaizoitika usiku ihwohwo. Aitozokanganisa zvakanyanya.
Kukanganisa Kukuru Kwakaitwa naPetro
Jesu akataura nemhomho iya kuti kana vaida iye, vaifanira kurega vaapostora vachienda. Petro akangotarisa asina zvaaigona kuita Jesu achisungwa nemhomho yacho. Petro akabva ati rutsoka ndibereke, sezvakangoita vamwe vaapostora.
Petro naJohani vakazomira, zvimwe pedyo neimba yeaimbova Mupristi Mukuru Anasi, uko kwakatanga kuendeswa Jesu kuti abvunzurudzwe. Jesu paaibva ikoko, Petro naJohani vakatevera asi ‘vari kure zvishoma.’ (Mateu 26:58; Johani 18:12, 13) Petro akanga asiri gwara. Kuti vatevere zvechokwadi zvaitoda ushingi. Mhomho iyi yakanga ine zvombo, uye Petro akanga atombokuvadza mumwe wavo. Kunyange zvakadaro, zvakaitwa naPetro hazviratidzi rudo rwokuvimbika rwaakanga ataura achiti angasva hake afa pamwe naTenzi wake.—Mako 14:31.
Vakawanda nhasi vanotevedzera zvakaitwa naPetro zvokutevera Kristu ‘vari kure zvishoma’ kuitira kuti vasaonekwe nevamwe. Asi sezvakazonyorwa naPetro pachake, nzira yakarurama chete yokutevera nayo Kristu ndeyokuita zvose zvatinogona kuti tirambe tiri pedyo naye, tichitevedzera zvaaiita zvose, pasinei nokuti zvichaguma sei.—1 Petro 2:21.
Petro akatevera achingwarira akazosvika pagedhi rerimwe zimba romuJerusarema raikanga mate mukanwa. Zimba iroro raiva raKayafasi, mupristi mukuru akanga akapfuma uye aine simba. Dzimba dzakadaro dzaiwanzovakwa dzakapoteredza chivanze, chaiva negedhi nechokumberi. Petro akasvika pagedhi asi akarambidzwa kupinda. Johani uyo akanga atopinda, akauya akataura nomuchengeti wegedhi kuti abvumire Petro kupinda. Zvinoratidza sokuti Petro haana kuramba ari pedyo naJohani, uyewo haana kuedza kupinda mumba kuti atsigire Tenzi wake. Akagara muchivanze, maivawo nevamwe varanda nevashandi vakanga vachidziya moto panguva yousiku iyoyo yaitonhora. Vaiona zvapupu zvenhema zvichipinda uye zvichibuda maitongerwa Jesu.—Mako 14:54-57; Joh. 18:15, 16, 18.
Musikana akabvumira Petro kupinda pagedhi akanga ava kukwanisa kunyatsomuona pamusana pechiedza chomoto. Akabva amuziva. Akati: “Newewo wakanga uina Jesu wokuGarireya!” Izvi zvazvakataurwa akarivara, Petro akati aisaziva Jesu, uye akati akanga asinganzwisisi zvaitaurwa nemusikana wacho kuti zviri kubva nekupi. Akaenda kunomira pedyo nekamba kepagedhi, achiedza kuita kuti asazivikanwa, asi mumwe musikana akamuziva akataurazve kuti: “Murume uyu akanga aina Jesu wokuNazareta.” Petro akapika, achiti: “Munhu wacho handimuzivi!” (Mateu 26:69-72) Zvimwe paiva panguva iyi pashure pokunge Petro aramba kechipiri paakanzwa jongwe richikukuridza, asi pamusana pezvakaitika haana kumboyeuka nezvouprofita hwakanga hwataurwa naJesu maawa mashomanana akanga apfuura.
Papfuura kanguva Petro akanga achiri kungoedza kuti asazivikanwa. Asi boka revanhu rakanga rakamira muchivanze rakasvika pedyo naye. Mumwe wavo akanga ari hama yaMakosi, muranda akanga akuvadzwa naPetro. Akati kuna Petro: “Handina kukuona mumunda uinaye here?” Petro akaona kuti aifanira kutotsika madziro kuti avaratidze kuti aisava iye. Akatopika achiti haasi iye, achitoti kana vaifunga kuti aireva nhema aifanira kutukwa. Achingopedza kutaura izvozvo akabva anzwa jongwe richirira kechipiri usiku ihwohwo.—Johani 18:26, 27; Mako 14:71, 72.
Jesu akanga achangobuda achienda pavharanda rakanga rakatarisana nechivanze. Panguva iyoyo ndipo pavakasanganidzana maziso naPetro sezvarondedzerwa patangira nyaya ino. Panguva iyoyo Petro akaona kuti akanga atadzira Tenzi wake. Petro akabva muchivanze, achirwadziwa chaizvo nokukanganisa kwaakanga aita. Akabva apinda mumigwagwa yeguta, uye aifamba achiona nomwedzi wejena guru wakanga wava kunyura. Akanga ava kuona zvinhu nemaziso azere nemisodzi, akatanga kuchema zvikuru.—Mako 14:72; Ruka 22:61, 62.
Munhu paanenge aona kukura kwakaita kutadza kwake, zviri nyore kuti afunge kuti chivi chake chakanyanya kukura zvokuti hazviiti kuti akanganwirwe. Zvimwe pfungwa idzi dzinogona kunge dzakapindawo mumusoro maPetro. Petro aigona kukanganwirwa here?
Zvakanga Zvisingaiti Here Kuti Petro Akanganwirwe?
Zvakaoma kufungidzira kurwadziwa kwaPetro pakwakaedza uye zuva racho zvarakaenderera mberi. Anofanira kunge akazvipa mhosva pakafa Jesu masikati iwayo pashure pokutambura kwemaawa. Petro anofanira kunge airwadziwa pose paaingofunga nezvokurwadzisa kwaakanga aita Tenzi wake pazuva rokupedzisira muupenyu hwake ari pasi pano. Kunyange hazvo akanga akaora mwoyo zvikuru, Petro haana kukanda mapfumo pasi. Tinoziva kuti ndizvo zvakaitika nokuti nyaya yacho inoti izvi zvichangopera akabva anowadzana nehama dzake zvekare. (Ruka 24:33) Zviri pachena kuti vaapostora vose vakazvidemba nezvavakanga vaita usiku hwakanga hwapfuura, uye vakanyaradzana.
Zvakaitwa naPetro izvi zvinotiratidza kuti akaita chisarudzo chokuchenjera. Kana mushumiri waMwari akawa, nyaya haisi pakuti chivi chake chakakura sei asi kutsunga kwaanoita kuti asimukezve ogadzirisa zvinhu. (Zvirevo 24:16) Petro akaratidza kutenda kwechokwadi nokuwadzana nehama dzake pasinei nokuti akanga akaora mwoyo. Kana munhu achitambura nokusurukirwa kana kuzvidemba, angatanga kufunga kuti zviri nani kugara ari oga, asi kuita izvozvo kune ngozi. (Zvirevo 18:1) Kugara pedyo nevaunonamata navo kuti ubatsirwe kusimbazve pakunamata ndiko kungwara.—VaHebheru 10:24, 25.
Kudai Petro akanga asiri pamwe nehama dzake dzaainamata nadzo, angadai asina kunzwa nezvemashoko aishamisa chaizvo okuti mutumbi waJesu wakanga usisimo muguva. Petro naJohani vakabva vamhanyira kuguva rakanga ravigwa Jesu, musuo waro ukaiswa chisimbiso. Johani zvimwe nokuti akanga achiri muduku ndiye akatanga kusvika. Akazeza kupinda paakawana guva rakavhurika. Asi Petro akangosvika achipinda pasinei nokufemeruka kwaakanga achiita. Akaona musina munhu.—Johani 20:3-9.
Petro akatenda here kuti Jesu akanga amutswa? Akambotanga aramba, kunyange zvazvo vakadzi vakatendeka vakavaudza kuti vakanga vaona ngirozi dzikavaudza kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa. (Ruka 23:55–24:11) Asi pakazopera zuva iroro, zvose zvaiita kuti Petro asuruvare uye asatenda zvakanga zvapera. Jesu akanga ava mupenyu, ava chisikwa chomudzimu chine simba. Vaapostora vake vose vakamuona. Asi pane chimwe chinhu chaakatanga aita pasiri paruzhinji. Zuva iroro vaapostora vakati: “Chokwadi Ishe amutswa uye azviratidza kuna Simoni!” (Ruka 24:34) Muapostora Pauro akazonyorawo nezvezuva iroro raikosha iro Jesu “akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.” (1 VaKorinde 15:5) Kefasi naSimoni ndemamwe mazita aPetro. Zviri pachena kuti Jesu akazviratidza kuna Petro ari oga musi iwoyo.
MuBhaibheri, zvakaitika pakuonana kwaJesu naPetro zvinongozivikanwa navo vari vaviri. Chatinogona kungofungidzira chete kuti Petro akafara zvikuru kuona Ishe wake waaida amutswa uye kuwana mukana wokukumbira ruregerero uye wokuratidza kuti akanga apfidza. Hapana chimwe chaaida kunze kwokukanganwirwa. Ndiani angaramba kuti Jesu akamukanganwira nemwoyo wose? Mazuva ano vaKristu vanoita chivi vanofanira kuyeuka nyaya yaPetro. Ngatisambofa takafunga kuti hazviiti kuti Mwari atikanganwire. Jesu akanyatsoratidza zvakaita Baba vake avo ‘vachakanganwira zvikuru.’—Isaya 55:7.
Zvimwe Zvinoratidza Kuti Akakanganwirwa
Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaende kuGarireya kwavaizonoonana zvekare. Pavakasvika, Petro akafunga zvokuenda kunoredza hove muGungwa reGarireya. Vamwe vevadzidzi vakaendawo naye. Iye zvino Petro akanga avazve kugungwa kwaakanga ambopedzera upenyu hwake ari. Ruzha rwaiitwa nechikepe, kuti kapa kapa kwemafungu egungwa, uye kumbobata mambure pashure penguva yakareba zvakamuyeuchidza zvaimunakidza zvaaimboita. Kuti angave akafunga kuti sezvo ushumiri hwaJesu pasi pano hwakanga hwapera iye aifanira kuona kuti odini noupenyu hwake here? Akatorwa mwoyo noupenyu hwomuredzi husina twakawandawanda here? Chero zvazvingava, usiku ihwohwo havana kubata kana hove imwe chete.—Mateu 26:32; Johani 21:1-3.
Asi kwava kunoedza, mumwe munhu akashevedzera ari kumhenderekedzo, achiti vakande mambure avo kune rimwe divi rechikepe. Vakaita zvavakanga vaudzwa uye vakabata hove dzakawanda chaizvo dzaisvika 153. Petro akabva aziva kuti munhu wacho akanga ari ani. Akabva angosvetuka kubva muchikepe akatanga kushambira mumvura akananga kumhenderekedzo yegungwa. Vava pamhenderekedzo, Jesu akavapa hove dzakagochwa pamazimbe. Akabva atanga kutaura naPetro.
Jesu akabvunza Petro kana aida Ishe wake “kupfuura idzi,” achinongedzera hove dzakawanda dzavakanga vabata. Kuda kwaaiita bhizimisi rokubata hove kwaizokunda kuda kwaaiita Jesu here? Sezvo Petro akanga amboramba Tenzi wake katatu, iye zvino Jesu akamupa mukana wokuti ataure katatu kumuda kwaaiita pamberi peshamwari dzake. Petro paakaita izvozvo, Jesu akamuudza zvaaifanira kuita kuti aratidze rudo irworwo: aifanira koshesa zvinhu zvokunamata kupfuura zvimwe zvinhu zvose, kudyisa uye kufudza boka raKristu, vateveri vake vakatendeka.—Johani 21:4-17.
Saka pano Jesu akaratidza kuti Petro akanga achiri kukosha kwaari uye kuna Baba vake. Petro aizoita basa raikosha zvikuru muungano achitungamirirwa naKristu. Chii chimwe chatingada chinoratidza kuti Jesu akakanganwira Petro chinopfuura zvataona? Zvechokwadi mutsa wakaratidzwa Petro wakamubaya mwoyo uye wakamubatsira.
Petro akanyatsoita nomwoyo wose kwemakore akawanda basa raakapiwa. Akasimbisa hama dzake, sezvakanga zvarayirwa naJesu usiku hwokupedzisira asati afa. Petro akashanda zvakanaka uye akanga ane mwoyo murefu pakufudza uye kudyisa vateveri vaKristu. Murume anonzi Simoni akazoita zvairehwa nezita rake raakapiwa naJesu rokuti Petro kana kuti Dombo, nokuramba akatsiga, akasimba, achibatsira ungano. Zvimwe zvinoratidza kuti izvi ndezvechokwadi zvinowanikwa mutsamba mbiri dzaPetro dzaakanyora, dzinoratidza kuva kwake nerudo dzakazova mabhuku anokosha ari muBhaibheri. Tsamba idzodzo dzinoratidzawo kuti Petro haana kumbobvira akanganwa chidzidzo chaakawana kuna Jesu chokukanganwira.—1 Petro 3:8, 9; 4:8.
Dai isu tikadzidzawo chidzidzo ichocho. Zuva nezuva tinokumbira Mwari kuti atikanganwire kukanganisa kwatinoita here? Tinobvuma kuti takanganwirwa here uye kuti kukanganwirwa kwacho kunoita kuti tive vakachena pamberi paMwari? Uye tinokanganwirawo vamwe here? Kana tikadaro, tichatevedzera kutenda kwaPetro uye mutsa waiva naTenzi wake.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Petro akakanganisira Tenzi wake kakawanda achingokanganwirwa, asi ndiani asingadi kukanganwirwa zuva rega rega?
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Ishe akatendeuka, akatarira Petro”
[Mufananidzo uri papeji 24]
‘Ishe akazviratidza kuna Simoni!’