Ganhuro 10
Umambo Hwamwari Hunotonga
ZVICHIDA wakava nechakaitika chokutenga mudziyo, ndokuzowana kuti wakanga usingashandi. Ngatitii wakadana mugadziri. Nokukurumidza pashure pokunge “agadzira” mudziyo wacho, zvisinei, wakafa. Ikoko kwakanga kuchiodza mwoyo sei!
2 Kwakafanana nehurumende dzavanhu. Rudzi rwomunhu nguva dzose rwakashuva hurumende yaizovimbisa rugare nomufarwa. Bva, nhamburiko dzakasimba dzokugadzira kupunzika munzanga hadzina kubudirira zvirokwazvo. Zvibvumirano zvakawanda zvikuru zvorugare zvakaitwa—ibvei zvopunzwa. Uyezve, ihurumendei yakakwanisa kuparadza urombo, rusaruro, utsotsi, hosha, uye kuparadzwa kwemhoteredzo? Kutonga kwomunhu hakugadziriki. Kunyange Mambo akachenjera waIsraeri Soromoni akabvunza, kuti: “Zvino munhu unganzwisisa seiko nzira yake?”—Zvirevo 20:24.
3 Usaora mwoyo! Hurumende yenyika yakatsiga haisati ichingova chiroto chete. Yakanga iri musoro wokuparidza kwaJesu. Akaidana kuti “umambo hwaMwari,” uye akadzidzisa vateveri vake kuhunyengeterera. (Ruka 11:2; 21:31, NW) Chokwadika, Umambo hwaMwari pane dzimwe nguva hunodudzwa mumasangano orudzidziso. Kutaura idi, mamiriyoni anohunyengeterera zuva nezuva apo anodzokorora Munyengetero waShe (unonziwo Baba Vedu kana kuti munyengetero womuenzaniso). Asi vanhu vanopindura munzira dzakasiyana-siyana pavanobvunzwa kuti, “Umambo hwaMwari chii?” Vamwe vanoti, “Huri mumwoyo mako.” Vamwe vanohudana kuti denga. Bhaibheri rinopa mhinduro yakajeka, sezvatichaona.
UMAMBO HUNE CHINANGWA
4 Jehovha Mwari ave ari Mambo nguva dzose, kana kuti Mutongi Mukuru, wechisiko chose. Idi rokuti iye akasika zvinhu zvose rinomusimudzira kunzvimbo iyoyo yakakwirira. (1 Makoronike 29:11; Pisarema 103:19; Mabasa 4:24) Asi Umambo uhwo Jesu akaparidza nezvahwo huduku, kana kuti ndohwechipiri, kuuchangamire hwapose pose hwaMwari. Umambo hwaMesiya ihwohwo hune chinangwa chaicho, asi chii?
5 Sezvakatsanangurwa Muganhuro 6, vanhu vaviri vokutanga vakapandukira chiremera chaMwari. Nemhaka yenhau dzakamutswa, Jehovha akasarudza kuparira kuratidzirwa kutsva kwouchangamire hwake. Mwari akazivisa chinangwa chake chokubereka “mbeu” iyo yaizopwanya Nyoka, Satani, uye kubvisa migumisiro yechivi chakagarwa nhaka chorudzi rwomunhu. “Mbeu” huru ndiJesu Kristu, uye “umambo hwaMwari” huchashandiswa kukurira chose chose Satani. Kupfurikidza nouhu Umambo, Jesu Kristu achadzorera kutonga pamusoro papasi muzita raJehovha uye huchareverera uchangamire hune maruramiro hwaMwari nokusingaperi.—Genesi 3:15, NW; Pisarema 2:2-9.
6 Maererano nokumwe kushandurwa kwamashoko aJesu kuvaFarise vakaipa, akati: “Umambo hwaMwari huri mukati menyu.” (Ruka 17:21, King James Version) Jesu akareva here kuti Umambo hwakanga huri mumwoyo yakaipa yavanhu ivavo vakashata? Aiwa. Kushandurwa kwakarurama zvikuru kwechiGiriki chapakuvamba kunorava, kuti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (New World Translation) Jesu, uyo akanga ari pakati pavo, nokudaro akanongedzera kwaari amene saMambo weramangwana. Panzvimbo pokuva chimwe chinhu icho mumwe munhu anacho mumwoyo make, Umambo hwaMwari ihurumende chaiyoiyo, inoshanda ine mutongi navatongwi. Ihurumende yokudenga, nokuti inonzi zvose zviri zviviri “umambo hwamatenga” uye “umambo hwaMwari.” (Mateo 13:11; Ruka 8:10, NW) Muchiono, muporofita Dhanieri akaona Mutongi wahwo so“mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achiunzwa pamberi paMwari Wamasimba ose ndokupiwa “simba [risingagumi], nokubwinya, no[umambo, NW], kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.” (Dhanieri 7:13, 14) Ndiani ari uyu Mambo? Eya, Bhaibheri rinodana Jesu Kristu kuti “Mwanakomana womunhu.” (Mateo 12:40; Ruka 17:26) Hungu, Jehovha akasarudza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuva Mambo.
7 Jesu haasati achitonga ari oga. Vanaye ndivane 144 000 vaka“dzikinurwa vachibva panyika” kuti vave madzimambo biyake navaprista. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3; Ruka 22:28-30) Vatongwi voUmambo hwaMwari vachava mhuri yapasi pose yavanhu vanozviisa pasi poutungamiriri hwaKristu. (Pisarema 72:7, 8) Kunyange zvazvo zvakadaro, tinogona sei kuva nechokwadi chokuti Umambo hwacho huchareverera chaizvoizvo uchangamire hwaMwari ndokudzorera mamiriro ezvinhu eparadhiso kupasi redu?
UCHOKWADI HWOUMAMBO HWAMWARI
8 Fungidzira kuti mwoto waparadza musha wako. Zvino shamwari ine mari yokuita saizvozvo inovimbisa kubetsera kuvakazve imba yako ndokugovera mhuri yako zvokudya. Kudai shamwari iyoyo nguva dzose yakakuudza zvokwadi, hawaizoidavira here? Ngatitii wakauya kumusha uchibva kubasa zuva rakatevera racho ndokuwana kuti vashandi vakanga vachitotanga kubvisa marara omwoto uye kuti zvokudya zvakanga zvaunzirwa mhuri yako. Pasina kupokana waizova nechivimbo chose chose chokuti pakupedzisira, zvinhu hazvisati bedzi zvaizodzorerwa asi zvaizotova zviri nani kupfuura kare.
9 Nenzira yakafanana, Jehovha anotipa vimbiso youchokwadi hwoUmambo. Sezvinoratidzwa mubhuku reBhaibheri ravaHebheru, mativi akawanda oMutemo akafanofananidzira gadziriro yoUmambo. (VaHebheru 10:1) Zviono zvouporofita zvezvaizova zvakaita Umambo hwaMwari zvaivawo pachena muumambo hwapasi hwaIsraeri. Iyoyo yakanga isati ichingova hurumendewo zvayo, nokuti vatongi vacho vaigara pa“chigaro choumambo chaJehovha.” (1 Makoronike 29:23, NW) Uyezve, kwakanga kwafanotaurwa, kuti: “Tsvimbo yo[umambo, NW) haingabvi kuna Judha, kana mudonzvo womubati pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera iye.” (Genesi 49:10)a Hungu, makanga muri muuyu mutsara waJudha wamadzimambo umo Jesu, Mambo wechigarire wehurumende yaMwari, aizoberekerwa.—Ruka 1:32, 33.
10 Nheyo yoUmambo hwaMesiya hwaMwari yakaiswa nokusarudzwa kwavaapostora vaJesu. (VaEfeso 2:19, 20; Zvakazarurwa 21:14) Ivava vakanga vari vokutanga vavane 144 000 avo vaizotonga mudenga samadzimambo biyake naJesu Kristu. Vari pasi pano, ava vatongi pamwe naye vanokarirwa vaizotungamirira nhimbe yokupupura, mutsinhirano nomurayiro waJesu, unoti: “Endai . . . muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.”—Mateo 28:19, NW.
11 Murayiro wokuita vadzidzi zvino uri kuteererwa pamwero usina muenzaniso. Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa mashoko akanaka oUmambo kupota pasi rose, mutsinhirano namashoko ouporofita aJesu, anoti: “Aya mashoko oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Sorutivi rumwe rwebasa rokuparidza Umambo, gadziriro huru yedzidzo iri kuitwa. Avo vanobvuma mitemo nenheyo zvoUmambo hwaMwari vava kutowana rugare nechinzwano izvo hurumende dzavanhu dzisingagoni kuwana. Kwose ikoku kunopa ufakazi hwakajeka hwokuti Umambo hwaMwari ndohwechokwadi!
12 Jehovha akaudza vaIsraeri, kuti: “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura.” (Isaya 43:10-12) Jesu, “chapupu chakatendeka,” akazivisa nokushingaira mashoko akanaka oUmambo. (Zvakazarurwa 1:5; Mateo 4:17) Naizvozvo kwakafanira kuti vazivisi voUmambo vomuzuva razvino vave nezita rakasarudzwa nenzira youmwari rokuti Zvapupu zvaJehovha. Asi nei Zvapupu zvichipedza nguva yakawanda kwazvo nenhamburiko zvichitaura kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari? Zvinoita ikoku nemhaka yokuti Umambo ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu. Hurumende dzavanhu dzinoparara pakupedzisira, asi Umambo hwaMwari hahusati huchizotongodaro. Isaya 9:6, 7 inodana Mutongi wayo, Jesu, kuti “Muchinda woRugare” uye inowedzera, kuti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.” Umambo hwaMwari hahuna kufanana nehurumende dzavanhu—dziripo nhasi ndokuparadzwa mangwana. Zvirokwazvo, Dhanieri 2:44 (NW), inoti: “Mwari wedenga achagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. Uye umambo humene hahusati huchizopfuudzwa kuna vamwe vanhu vapi navapi. . . . Ihwo humene huchamira nokusingaperi.”
13 Ndimambo upi wounhu angagona kuparira kubviswa kwehondo, utsotsi, chirwere, nzara, uye kusava nomusha? Kupfuurirazve, mutongi upi wapasi angagona kumutsa avo vakafa? Umambo hwaMwari naMambo wahwo vachaita izvi zvinhu. Umambo hwacho hahusati huchizobvumikisa kuva hwakaipa, kufanana nomudziyo unoshanda zvakaipa uyo nguva dzose unoda kugadzirwa. Panzvimbo pezvo, Umambo hwaMwari huchabudirira, nokuti Jehovha anopikira, kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11) Chinangwa chaMwari hachisati chichizokundikana, asi kutonga kwoUmambo hwacho kwaizovamba rini?
KUTONGA KWOUMAMBO—RINI?
14 “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Uyu mubvunzo wakabvunzwa navadzidzi vaJesu wakazivisa kuti panguva iyeyo vakanga vasingazivi chinangwa choUmambo hwaMwari nenguva yakagadzwa yokuti kutonga kwahwo kuvambe. Achivanyevera kusafungidzira pamusoro penhau yacho, Jesu akati: “Hakusati kuri kwenyu kuti muzive nguva kana kuti mwaka izvo Baba vakaisa musimba ravo vamene.” Jesu aiziva kuti kutonga kwake pamusoro papasi kwakanga kwakachengeterwa remangwana, nguva refu pashure porumuko rwake nokukwira kudenga. (Mabasa 1:6-11, NW; Ruka 19:11, 12, 15) Magwaro akanga afanotaura ikoku. Sei?
15 Achinongedzera nenzira youporofita kuna Jesu sa“She,” Mambo Dhavhidhi akati: “Jehovha wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” (Pisarema 110:1; enzanisa naMabasa 2:34-36.) Uporofita ihwohwu hunoratidzira kuti kutonga kwaJesu hakusati kwaizovamba nokukurumidza pashure pokukwira kwake kudenga. Panzvimbo pezvo, aizomirira ari parudyi rwaMwari. (VaHebheru 10:12, 13) Kumirira ikoku kwaizopfuurira kwenguva yakareba sei? Kutonga kwake kwaizovamba rini? Bhaibheri rinotibetsera kuwana mhinduro dzacho.
16 Guta bedzi mupasi rose apo Jehovha akaisa zita rake rakanga riri Jerusarema. (1 Madzimambo 11:36) Rakanga ririwo dzimbahwe roumambo hwapasi hwakatenderwa naMwari hwaifananidzira Umambo hwokudenga hwaMwari. Naizvozvo, kuparadzwa kweJerusarema kwakaitwa navaBhabhironi muna 607 B.C.E. kwakanga kune revo zvikuru. Ichi chiitiko chakaratidzira mavambo okudzongonyedzwa kwenguva refu kwokutonga kwakananga kwaMwari pavanhu vake pasi pano. Anenge mazana amakore matanhatu gare gare, Jesu akaratidzira kuti iyi nhambo yokutonga kwakadzongonyedzwa yakanga ichiri kushanda, nokuti akati: “Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.”—Ruka 21:24.
17 “Mukati menguva dzavahedheni,” hurumende dzenyika dzaizobvumirwa kudzongonyedza kutonga kwakatenderwa naMwari. Nhambo iyoyo yakavamba nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E., uye Dhanieri akaratidzira kuti yaizopfuurira kwe“nguva nomwe.” (Dhanieri 4:23-25) Iyoyo yakareba sei? Bhaibheri rinoratidza kuti “nguva” nhatu nehafu dzakaenzana namazuva 1 260. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Nhambo idzodzo dzikapetwa kaviri, kana kuti nguva nomwe, aizova mazuva 2 520. Asi hapana chinhu chinokosha chakaitika pamugumo wenhambo pfupi iyoyo yenguva. Kupfurikidza nokushandisa “zuva rimwe nokuda kwegore” kuuporofita hwaDhanieri nokuverenga makore 2 520 kuvambira muna 607 B.C.E., zvisinei, tinosvika pagore ra 1914 C.E.—Numeri 14:34; Ezekieri 4:6, NW.
18 Jesu akavamba here kutonga mudenga panguva iyoyo? Zvikonzero zvapaMagwaro zvokutaura kuti akadaro zvichakurukurwa muganhuro rinotevera. Chokwadika, mavambo okutonga kwaJesu haasati aizoratidzirwa norugare rwakamwe kamwe pasi pano. Zvakazarurwa 12:7-12 anoratidza kuti pashure chaipo pokugamuchira Umambo, Jesu aizodzinga Satani nengirozi madhemoni mudenga. Ikoku kwaizoreva nhamo nokuda kwapasi, asi kunofadza kurava kuti Dhiyabhorosi anongova bedzi ne“nguva pfupi” yasara. Nokukurumidza, tichakwanisa kufara kwete bedzi nemhaka yokuti Umambo hwaMwari hunotonga asiwo nemhaka yokuti huchaunza zvikomborero kupasi norudzi rwomunhu runoteerera. (Pisarema 72:7, 8) Tinoziva sei kuti ikoku kuchaitika nokukurumidza?
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokuti Shiro rinoreva “Hwake; Mwene Wahwo.” Pashure penguva yakati, kwakava pachena kuti “Shiro” akanga ari Jesu Kristu, “Shumba yorudzi rwaJudha.” (Zvakazarurwa 5:5) Dzimwe dzeshanduro dzechiJudha dzeAramaiki dzezvikamu zveTestamente Yekare dzakangotsiva zvadzo shoko rokuti “Shiro” na“Mesiya” kana kuti “mambo Mesiya.”
EDZA ZIVO YAKO
Umambo hwaMwari chii, uye hunotonga huri kupi?
Ndiani anotonga muUmambo hwacho, uye ndivanaani vari vatongwi vahwo?
Jehovha akativimbisa sei kuti Umambo hwake ndohwechokwadi?
“Nguva dzavahedheni” dzakavamba ndokuguma rini?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Hurumende dzavanhu dzakabvumikisa sei kuva dzisingakwanisi?
3. (a) Ndoupi wakanga uri musoro wokuparidza kwaJesu? (b) Vamwe vanhu vanorondedzera sei Umambo hwaMwari?
4, 5. Nei Jehovha akasarudza kuparira ratidzirwo itsva youchangamire hwake, uye ichaitei?
6, 7. (a) Umambo huri kupi, uye ndivanaani vari Mambo navatongi biyake? (b) Ndivanaani vari vatongwi voUmambo?
8, 9. (a) Tingaenzanisira sei kuvimbika kwezvipikirwa zvoUmambo hwaMwari? (b) Nei tichigona kuva nechokwadi nouchokwadi hwoUmambo?
10. (a) Nheyo yoUmambo hwaMesiya hwaMwari yakaiswa rini? (b) Ibasai rinokosha iro vatongi pamwe vanokarirwa vaJesu vaizotungamirira pasi pano?
11. Basa rokuparidza Umambo riri kuitwa sei nhasi, uye riri kuitei?
12. (a) Nei kwakafanira kudana vazivisi voUmambo kuti Zvapupu zvaJehovha? (b) Umambo hwaMwari hwakasiyana sei nehurumende dzavanhu?
13. (a) Ndezvipi zviri zvimwe zvinetso izvo Umambo hwaMwari huchabata nazvo nenzira inobudirira? (b) Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti zvipikirwa zvaMwari zvichazadzikwa?
14. Kusanzwisisai uko vadzidzi vaJesu vaiva nako pamusoro poUmambo, asi Jesu aizivei pamusoro pokutonga kwake?
15. Pisarema 110:1 rinojekesa sei nguva yokutonga kwaJesu?
16. Chii chakaitika muna 607 B.C.E., uye ichochi chaiva nechokuita sei noUmambo hwaMwari?
17. (a) Chii chiri “nguva dzavahedheni,” uye dzaizogara kwenguva yakareba sei? (b) “Nguva dzavahedheni” dzakavamba ndokuguma rini?
18. Jesu akaitei nokukurumidza pashure pokugamuchira simba roUmambo, uye ikoku kwakatapura sei pasi?
[Bhokisi riri papeji 94]
ZVIITIKO ZVINOKOSHA ZVINE CHOKUITA NOUMAMBO HWAMWARI
• Jehovha anozivisa chinangwa chake chokubereka “mbeu” yaizopwanya musoro weNyoka, Satani Dhiyabhorosi.—Genesi 3:15, NW.
• Muna 1943 B.C.E., Jehovha anoratidzira kuti iyi “mbeu” aizova muzukuru womunhu waAbrahama.—Genesi 12:1-3, 7; 22:18.
• Sungano yoMutemo yakapiwa kuna Israeri muna 1513 B.C.E. inogovera “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.”—Eksodho 24:6-8; VaHebheru 10:1.
• Umambo hwapasi hwaIsraeri hunovamba muna 1117 B.C.E., uye hunopfuurira gare gare mumutsara waDhavhidhi.—1 Samueri 11:15; 2 Samueri 7:8, 16.
• Jerusarema rinoparadzwa muna 607 B.C.E., uye “nguva dzavahedheni” dzinovamba.—2 Madzimambo 25:8-10, 25, 26; Ruka 21:24.
• Muna 29 C.E., Jesu anozodzwa saMambo Akasarudzwa uye anopfuurira noushumiri hwake hwapasi.—Mateo 3:16, 17; 4:17; 21:9-11.
• Muna 33 C.E., Jesu anokwira kudenga, ikoko kundomirira ari parudyi rwaMwari kutozosvikira kutonga kwake kwavamba.—Mabasa 5:30, 31; VaHebheru 10:12, 13.
• Jesu anogadzwa pachigaro choumambo muUmambo hwokudenga muna 1914 C.E. sezvo “nguva dzavahedheni” dzinoguma.—Zvakazarurwa 11:15.
• Satani namadhemoni ake vanokandirwa munharaunda yapasi uye vanounza nhamo yakawedzerwa kurudzi rwomunhu.—Zvakazarurwa 12:9-12.
• Jesu anotarisira kuparidzirwa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateo 24:14; 28:19, 20.