Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
Munyori: Jeremia
Nzvimbo Dzakanyorerwa: Judha neEgipita
Kunyora Kwakapedzwa: 580 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: 647–580 B.C.E.
1. Jeremia akatumwa rini uye naani?
MUPOROFITA Jeremia akararama mukati menguva dzine ngozi nedzisina kuterama. Akatumwa naJehovha mugore ra647 B.C.E., gore rechi13 rokutonga kwaMambo anotya Mwari Josia waJudha. Mukati mokugadzira paimba yaJehovha, bhuku roMutemo waJehovha rakawanwa uye rakaravirwa mambo. Akashanda nesimba pakuita kuti irori riteererwe, asi akangogona zvake kudzosa kwechinguvana bedzi kuwira kukunamatwa kwezvidhori. Sekuru vaJosia Manase, avo vakanga vatonga kwamakore 55, uye baba vake Amoni, avo vakanga vapondwa pashure pokutonga kwamakore 2 chete, vose vari vaviri vakanga vaita nenzira yakaipa. Vakanga vakurudzira vanhu kupinda mumitambo yokufara isina kuchena uye miitiro inonyangadza, zvokuti vakanga vava vakajaira kupa zvinonhuwira kuna “mambokadzi wamatenga” nezvibayiro zvavanhu kuna vamwari vamadhemoni. Manase akanga azadza Jerusarema neropa risine mhaka.—Jer. 1:2; 44:19; 2 Madz. 21:6, 16, 19-23; 23:26, 27.
2. Nderipi rakanga riri basa raJeremia, uye makore api anokosha akafukidza kuporofita kwake?
2 Basa raJeremia rakanga risiri nyore. Aifanira kubatira somuporofita waJehovha mukufanotaura kuitwa dongo kwaJudha neJerusarema, kupiswa kwetembere yakaisvonaka yaJehovha, uye utapwa hwavanhu vake—ngwavaira dzinodokuva dzisingadaviriki! Kuporofita kwake ari muJerusarema kwaifanira kupfuurira kwamakore 40, mukutonga kwaMadzimambo akashata Jehoahazi, Jehoiakimi, Jehoiakini (Konia), uye Zedhekia. (Jer. 1:2, 3) Gare gare, muEgipita, aifanira kuporofita pamusoro pokunamata zvidhori kwavaJudha vakatapwa imomo. Bhuku rake rakapedzwa muna 580 B.C.E. Nguva yakafukidzwa naJeremia nokudaro inhambo inokosha yamakore 67.—52:31.
3. (a) Kuva mundaza yamanyoro matsvene nouchokwadi zvebhuku raJeremia zvakasimbiswa sei munguva dzechiHebheru? (b) Ndichimwei chipupuriro pamusoro paikoku chinofanira kuwanwa muMagwaro echiGiriki echiKristu?
3 MuchiHebheru zita romuporofita wacho nerebhuku rake ndiYir·meyahʹ kana kuti Yir·meyaʹhu, kureva, sezvinobvira kuti, “Jehovha Anosimudza; kana kuti, Jehovha Anosunungura [sezvinobvira mumimba].” Bhuku racho rinooneka mundaza dzose dzaMagwaro echiHebheru, uye kuva kwaro mundaza yamanyoro matsvene kunowanzogamuchirwa. Kuzadzika kunokatyamadza kwouporofita hwakati mukati menduramo yaJeremia amene kunopupurira zvizere uchokwadi hwaro. Uyezve, Jeremia anonongedzerwa kwaari kanoverengeka nezita muMagwaro echiGiriki echiKristu. (Mat. 2:17, 18; 16:14; 27:9) Kuti Jesu akanga afunda bhuku raJeremia kuri pachena mukubatanidza kwake mutauro waJeremia 7:11 nouyo waIsaya 56:7 apo iye akachenesa tembere. (Marko 11:17; Ruka 19:46) Nemhaka youtsungi hwaJesu noushingi, vamwe vanhu vakatomufunga kuva Jeremia. (Mat. 16:13, 14) Uporofita hwaJeremia hwesungano itsva (Jer. 31:31-34) hunonongedzerwa kwahuri naPauro pana VaHebheru 8:8-12 uye 10:16, 17. Pauro anonokora mashoko Jeremia 9:24 mukuti: “Iye unoganza, ngaaganze muna Jehovha.” (1 VaK. 1:31, NW) Pana Zvakazarurwa 18:21 panotova nokushandiswa kune simba zvikuru kwomuenzaniso waJeremia (Jer. 51:63, 64) wokuwa kweBhabhironi.
4. Ruzivo rwokuchera matongo runotsigira sei chinyorwa chacho?
4 Zviwanwa zvezvoruzivo rwokuchera matongo zvinotsigirawo chinyorwa chiri muna Jeremia. Somuenzaniso, nhoroondo yeBhabhironi inotaura nezvekutapa kwaNebhukadnezari (Nebhukadrezari) Jerusarema muna 617 B.C.E., apo akabata mambo (Jehoiakini) ndokugadza waaida iye amene (Zedhekia).—24:1; 29:1, 2; 37:1.a
5. (a) Chii chinozivikanwa pamusoro paJeremia amene? (b) Chii chingataurwa pamusoro pomunyorere wake?
5 Tine nhau youpenyu yakakwana zvikuru yaJeremia kupfuura youpi noupi wavamwe vaporofita vekare kunze kwaMosesi. Jeremia anozivisa zvizhinji pamusoro pake amene, kunzwa kwake, uye mirangariro yake, zvinoratidzira utsungi noushingi zvoumhare, zvakavhengana nokuzvininipisa nomwoyo munyoro. Akanga asati achingova bedzi muporofita asiwo muprista, muunganidzi woRugwaro, uye wezvenhau akarurama. Kupfurikidza nokuberekwa akanga ari mwanakomana womuprista Hirkia weAnatoti, guta romuprista riri munyika iri kuchamhembe kweJerusarema, “panyika yaBhenjamini.” (1:1) Manyorere aJeremia akajeka, akananga, uye anonzwisisika nyore nyore. Mienzaniso nemifananidzo zvakawanda, uye bhuku racho rakaumbwa nezvose zviri zviviri mutauro usiri nhetembwa nenhetembwa.
ZVIRI MUBHUKU RAJEREMIA
6. Nhau yezvinokurukurwa youporofita inorongwa sei?
6 Mashoko acho haana kurongwa munhevedzano yokuverengwa kwenguva asi maererano nenhau inokurukurwa. Nokudaro, nhoroondo yacho inoita chinjo dzakawanda pamusoro penguva nemamiriro ezvinhu akapoteredza. Pakupedzisira, kuitwa dongo kweJerusarema naJudha kunorondedzerwa muudzame hwakajeka muganhuro 52. Ikoku hakusati kuchingoratidza bedzi zadziko youporofita hwakawanda asi kunogoverawo mamiriro ezvinhu ebhuku raMariro, iro rinotevera.
7. Jeremia akava sei muporofita, uye Jehovha anomunyaradza sei?
7 Jehovha anotuma Jeremia (1:1-19). Jeremia anotumwa nemhaka yokuti iye aida kuva muporofita here kana kuti imhaka yokuti akabva mumhuri youprista? Jehovha amene anotsanangura, kuti: “Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai; ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.” Mugove unobva kuna Jehovha. Jeremia anodisa kuenda here? Mukuzvininipisa anopa pembedzo, “Ndiri mwanana hangu.” Jehovha anomuvimbisa, kuti: “Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi noushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokudyara.” Jeremia haafaniri kutya. “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—1:5, 6, 9, 10, 19.
8. (a) Jerusarema rave risina kutendeka muchii? (b) Jehovha achaunza sei ngwavaira?
8 Jerusarema, mudzimai asina kutendeka (2:1–6:30). Shoko raJehovha rinounza damai kuna Jeremia? Jerusarema rakanganwa rudo rwaro rwokutanga. Rakasiya Jehovha, Manyuko emvura mhenyu, uye rakahura navamwari vechienzi. Richibva pakuva muzambiringa mutsvuku wakaisvonaka, rakachinja kuva “nhungirwa dzakashata dzomuzambiringa wokumwe.” (2:21, NW) Nguo dzaro dzakatsvukiswa neropa remweya yavarombo vasine mhaka. Kunyange Israeri mhombwe akabvumikisa kuva akarurama zvikuru kupfuura Judha. Mwari anorayira ava vanakomana vakapanduka kuti vadzoke nemhaka yokuti iye ndiye mwene ari murume wavo. Asi vave vakaita somudzimai anonyengera. Vangadzoka kana vachizobvisa zvinhu zvavo zvinonyangadza ndokudzingisa mwoyo yavo. “Simudzirai chiratidzo kuZioni,” nokuti Jehovha achaunza ngwavaira inobva kuchamhembe. (4:6, NW) Kuparadza pashure pokuparadza! Seshumba inobuda mudenhere rayo, semhepo inopisa murenje, nengoro dzakafanana nedutu, ndozvichaita kuuya kwomupondi waJehovha.
9. (a) Jeremia ane shokoi nokuda kweJerusarema rine chisimbwa? (b) Kudanidzira kwavo kworugare ndokwebetseroi?
9 Famba-famba muJerusarema mose. Unoonei? Kudarika bedzi nokusatendeseka! Vanhu vakaramba Jehovha, uye shoko Rake riri mumuromo maJeremia rinofanira kuva mwoto kuti uvaparadze sehuni. Sezvo vakasiya Jehovha kuti vabatire mwari wokumwe, naizvozvo Iye achaita kuti vabatire vaenzi munyika yokumwe. Vane chisimbwa! Vane meso asi havagoni kuona, uye nzeve asi havagoni kunzwa. Kunotyisa sei! Vaporofita navaprista vanoporofita chaizvoizvo nhema, “asi vanhu vangu vanofarira izvozvo,” anodaro Jehovha. (5:31) Ngwavaira inosvika ichibva kuchamhembe, bva “kubva kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukurusa wavo, munhu ari wose ari kuzviitira amene mhindu isina kururama.” Vari kuti, “Rugare! Rugare, izvo hakuna rugare.” (6:13, 14) Asi kamwe kamwe mupambi achasvika. Jehovha akaita Jeremia muedzi wesimbi pakati pavo, asi hapana chinhu kunze kwesirivha isina kuchena uye yakarambwa. Vakaipa chose chose.
10. Neiko Jerusarema richifanira kusangana nomugumo mumwe chetewo seShiro naEfraimi?
10 Nyevero yokuti tembere haisiri dziviriro (7:1–10:25). Shoko raJehovha rinosvika kuna Jeremia, uye iye anofanira kuzivisa pasuo retembere. Munzwe sezvaanodanidzira kuna avo vanopinda: ‘Imi munoganza netembere yaJehovha, asi muri kuitei? Kudzvinyirira vasina baba nechirikadzi, kuteura ropa risine mhaka, kutevera vamwe vamwari, kuba, kuponda, kuita upombwe, kupika zvenhema nhema, uye kuita zvibayiro kuna Bhaari! Vanyengeri! Makaita imba yaJehovha “bakowo zvaro ramakororo.” Yeukai zvakaita Jehovha kuShiro. Achaita zvimwe chetezvo kuimba yenyu, haiwa Judha, uye achakudzinga, sezvaakadzingira Efraimi (Israeri) kuchamhembe.’—Jer. 7:4-11, NW; 1 Sam. 2:12-14; 3:11-14; 4:12-22.
11. Neiko kunyengeterera Judha kusati kuchabetsera?
11 Kunyengeterera Judha hakuchabetseri. Chokwadi, vanhu vari kutoita makeke okubayira kuna “mambokadzi wamatenga”! Zvirokwazvo, “urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera.” (Jer. 7:18, 28) Judha akaisa zvinhu zvinonyangadza muimba yaJehovha uye akapisira vanakomana vake navanasikana panzvimbo dzakakwirira dzeTofeti mumupata waHinomi. Tarira! Uchanzi “mupata wokuuraya,” uye zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri nezvikara. (7:32) Kufara nomufarwa zvinofanira kuguma muna Judha neJerusarema.
12. Panzvimbo porugare, chii chichasvikira Judha navamwari vake vakagamuchirwa?
12 Vakanga vachikarira rugare nokuporeswa, asi tarira, rutyo! Kuparadzira, kuparadza, uye mariro zvichabva muchisimbwa chavo. ‘Jehovha ndiMwari mupenyu naMambo kusvikira kunguva isingazivikanwi.’ Kana vari vamwari vasina kuita matenga nepasi, mavari hamuna mudzimu. Havana maturo uye ibasa rinonyengera, uye vachaparara. (10:10-15) Jehovha achadzinga vagari vapasi. Teerera! Muchiti mukuru unobva kunyika yokuchamhembe uchaita dongo maguta aJudha. Muporofita anobvuma, kuti: ‘Hakusati kuri mumunhu wapasi kuti adzore nzira yake,’ uye anonyengeterera ruramiso kuti agorega kuparadzanywa.—10:23.
13. Neiko Jeremia achirambidzwa kunyengeterera Judha, uye Jehovha anosimbisa sei Jeremia munguva yengozi?
13 Vaputsi vesungano vanotukwa (11:1–12:17). Judha haana kuteerera mashoko esungano yake naJehovha. Hakubetseri kuti vanhu vakumbire yamuro. Jeremia haafaniri kunyengeterera Judha, nokuti Jehovha “akavesa mwoto” pauyu waichimbova muorivhi wakasvibira. (11:16) Sezvo vagari vemo biyake vaJeremia veAnatoti vanorangana kumuparadza, muporofita anotendeukira kuna Jehovha nokuda kwesimba nebetsero. Jehovha anovimbisa matsive paAnatoti. Jeremia anobvunza kuti, ‘Neiko kuri kuti nzira yavakaipa yakabudirira?’ Jehovha anomuvimbisa, kuti: ‘Ndichadzura ndokuparadza rudzi rusingateereri.’—12:1, 17.
14. (a) Jehovha anozivisa kupfurikidza nemienzanisoi kuti Jerusarema haringachinjiki uye kuti rutongeso pariri haruchinjiki? (b) Chii chinova mugumisiro kuna Jeremia wokudya mashoko aJehovha?
14 Jerusarema harichachinjiki uye rakashurikidzwa (13:1–15:21). Jeremia anorondedzera kuti Jehovha akamurayira sei kuti asunge bhanhire muhudyu dzake dzokonokei oriviga mubako riri paYufratesi. Apo Jeremia akauya kuzorichera, rakanga raparadzwa. “Rakanga risina kukodzera chinhu chipi nechipi.” Nokudaro Jehovha akaenzanisira kutsunga kwake kuparadza “rudado rwaJudha norudado rukuru rweJerusarema.” (13:7, 9, NW) Achavaputsanya pamwe chete muudhakwa hwavo, kufanana nezvirongo zvikuru zvakazadzwa newaini. “MuEtiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here?” (13:23) Saizvozvo, Jerusarema harichachinjiki. Jeremia haafaniri kunyengeterera ava vanhu. Kunyange kana Mosesi naSamueri vakauya pamberi paJehovha kuzovareverera, iye haangateereri, nokuti akasarudza kuparadza Jerusarema. Jehovha anosimbisa Jeremia pamusoro pavazvidzi vake. Jeremia anowana ndokudya mashoko aJehovha, kuchiguma no‘mufaro nokufara kwomwoyo.’ (15:16) Inguva, kwete yokuita musere, asi yokuvimba naJehovha, uyo akapikira kuita Jeremia rusvingo rwendarira rwakasimbiswa mukurwisana navanhu.
15. (a) Nguva dzakakomba sei, uye Jehovha anosimbisa ikoku kupfurikidza nomurayiroi? (b) Vanhu vachaziva sei zita raJehovha, uye nei chivi chavo chisingamunyengeri?
15 Jehovha achatuma varedzi navavhimi (16:1–17:27). Nemhaka yokuitwa dongo kwoswedera pedyo, Jehovha anorayira Jeremia, kuti: “Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.” (16:2) Haisati iri nguva yokuchema kana kuti yokuva namadyo navanhu, nokuti Jehovha odokuvadzingira kunze kwenyika. Ipapo Jehovha anopikirawo kutuma ‘varedzi kuzovaredza uye vavhimi kuzovavhima,’ uye kupfurikidza nokuita kwake ikoku kwose, “vachaziva kuti zita [rake] ndiJehovha.” (16:16, 21) Chivi chaJudha chakanyorwa pamwoyo yavanhu nechinyoreso chesimbi, hungu, nomuromo wedhaimani. “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose,” asi Jehovha anogona kunzvera mwoyo. Hapana munhu anogona kumunyengera. Avo vanotsauka “vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.” (17:9, 13) Kana Judha asati achizotsvenesa zuva reSabata, Jehovha achaparadza masuo aro neshongwe nemwoto.
16. Jehovha anoenzanisirei kupfurikidza nomuumbi wehari nemidziyo yake yomunyakwe?
16 Muumbi wehari nomunyakwe (18:1–19:15). Jehovha anorayira Jeremia kuburukira kuimba yomuumbi wehari. Ikoko anocherekedza machinjire omuumbi wehari mudziyo washatiswa womunyakwe, achiuita mumwe mudziyo sezvaanoda. Jehovha ipapo anozvizivisa amene kuva Muumbi wehari kuimba yaIsraeri, ane simba rokuputsa kana kuti rokuvaka. Tevere, anoudza Jeremia kuti aendese chirongo chomuumbi wehari kuMupata waHinomi uye ikoko azivise ngwavaira inobva kuna Jehovha nemhaka yokuti vanhu vazadza nzvimbo neropa risine mhaka, vachipisira vanakomana vavo mumwoto sechipiriso chose chinopisirwa Bhaari. Jeremia ipapo anofanira kuputsa chirongo muratidzirwo yokuputsa kwaJehovha Jerusarema navanhu vaJudha.
17. Jeremia anova nechiitikoi chakaoma, asika ichochi chinomunyaradza here?
17 Haaregi mukutambudzwa (20:1-18). Atsamwiswa nokuparidza kwoushingi kwaJeremia, mutariri wetembere Pashuri anosunga Jeremia mumatanda kwousiku humwe. Pakusunungurwa kwake, Jeremia anofanotaura utapwa norufu zvaPashuri muBhabhironi. Atambudzwa nokusekwa nokuzvidzwa zvaakaitirwa, Jeremia anorangarira kurega. Zvisinei, haagoni kuramba akanyarara. Shoko raJehovha rinova ‘mumwoyo make somwoto unopfuta wakapfigirwa mumafupa ake,’ zvokuti anomanikidzirwa kutaura. Kunyange zvazvo achituka zuva rokuberekwa kwake, anodanidzira, kuti: “Imbirai Jehovha, imi vanhu! Rumbidzai Jehovha! Nokuti wakanunura mweya womurombo mumaoko avaiti vezvakashata.”—20:9, 13, NW.
18. Jeremia anozivisa Zedhekia nezvechii?
18 Hasha dzaJehovha pavatongi (21:1–22:30). Mukupindura mubvunzo unobva kuna Zedhekia, Jeremia anomuzivisa nezvehasha dzaJehovha paguta: Mambo weBhabhironi acharikomba, uye richaparadzwa nenhenda, munondo, nzara, uye mwoto. Sharumi (Jehoahazi) achafira muutapwa, Jehoiakimi achavigwa sembongoro, uye mwanakomana wake Konia (Jehoiakini) achakandirwa kunze kwaJudha kuti andofira muBhabhironi.
19. Jeremia anoporofitei pamusoro pe“bukira rakarurama,” uye chii chinoenzanisirwa netswanda mbiri dzamaonde?
19 Kariro mu“bukira rakarurama” (23:1–24:10). Jehovha anovimbisa vafudzi chaivoivo kuti vatsive vafudzi venhema uye “bukira rakarurama” rinobva padzinde raDhavhidhi, mambo “achatonga zvirokwazvo ndokuita nokuchenjera uye kuchaita ruramisiro nokururama munyika.” Zita rake? “Achatumidzwa kunzi, Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.” Achaunganidza vakasarira vakaparadzirwa. (23:5, 6, NW) Kudai vaporofita vakanga vamira muboka rinodiwa raJehovha, vangadai vakasakisa vanhu kunzwa ndokudzoka vachibva munzira yavo yakashata. Panzvimbo pezvo, anodaro Jehovha, ivo vano“rasisa vanhu vangu nenhema dzavo.” (23:22, 32) “Tarira! Tswanda mbiri dzamaonde.” Jeremia anoshandisa maonde akanaka naakashata kuenzanisira vakasarira vakatendeka vanodzokera kunyika yavo munyasha dzaMwari uye rimwe boka rinosvika kumugumo une ngwavaira.—24:1, 5, 8-10.
20. Jehovha anoshandisa sei Bhabhironi somubatiri wake, asi chiiwo chichava mugumo waro?
20 Gakava raJehovha namarudzi (25:1-38). Iyi ganhuro kupfupikiswa kworutongeso rwunooneka muudzame hukuru zvikuru mumaganhuro 45-49. Kupfurikidza nouporofita hutatu hunowirirana, Jehovha zvino anozivisa ngwavaira yamarudzi ose apasi. Kutanga, Nebhukadrezari anoziviswa somubatiri waJehovha kuti aparadze Judha namarudzi akapoteredza, “uye aya marudzi achafanira kubatira mambo weBhabhironi makore makumi manomwe.” Ipapo richava jana reBhabhironi, uye iro richava “matongo kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—25:1-14, NW.
21. Ndivanaani vanofanira kunwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha? Nomugumisiroi?
21 Uporofita hwechipiri chiono chomukombe wewaini yokutsamwa kwaJehovha. Jeremia anofanira kuendesa uyu mukombe kumarudzi, uye “ivo vanofanira kunwa ndokudzedzereka uye kuita savanhu vanopenga” nemhaka yokuparadza kwaJehovha kunowira pavari. Kutanga, kuJerusarema naJudha! Tevere, kupfuurira kuEgipita, kudzokera kuFiristia, kuyambukira kuEdhomi, kukwira kuTire, kunyika dziri pedyo nedziri kure, uye ku“humwe umambo hwose hwapasi huri pamusoro papasi; uye mambo weSheshaki amene achanwa pashure pahwo.” Ivo vacha‘nwa ndokurutsa ndokuwa.’ Hapana vachaponeswa.—25:15-29, NW.
22. Kutsamwa kukuru kwaJehovha kucharatidzirwa mungwavairai huru?
22 Muuporofita hwechitatu, bhuku raJeremia rinokwira pakaisvonaka penhetembwa. “Jehovha uchaomba ari kumusoro, . . . [pa]vose vagere panyika.” Mubvumo, ngwavaira, dutu guru! “Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.” Hapana kuchema, hapana mariro. Vachava somupfudze panyika. Vafudzi venhema vachaurawa, pamwe chete navakuru vamapoka avo. Havangapukunyuki. Teerera kuungudza kwavo! Jehovha amene “unoparadza mafuro avo . . . nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.”—25:30-38.
23. (a) Iranganoi inoitirwa Jeremia, chii chiri kuzvidzivirira kwake, uye mienzanisoi inonongedzerwa kwairi mukumusunungura? (b) Jeremia anoratidza sei usungwa hunouya hweBhabhironi, uye uporofitai pamusoro paHanania hunozadzika?
23 Jeremia anorevererwa (26:1–28:17). Vatongi navanhu vanorangana kuuraya Jeremia. Jeremia anozvidzivirira. Ishoko raJehovha raakataura. Kana vakamuuraya, vachauraya munhu asina mhaka. Chisarudzo: haana mhaka. Vakuru vanobudisa mienzaniso yavaporofita Mika naUria mukukurukura chiitiko chaJeremia. Jehovha anotevera kurayira Jeremia kuita zvisungo namajoko, kuzviisa pamutsipa wake, uye ipapo kuzvitumira kumarudzi akapoteredza sezviratidzo zvokuti anofanira kubatira mambo weBhabhironi kwezvizvarwa zvitatu zvavatongi. Hanania, mumwe wavaporofita venhema, anoshora Jeremia. Anozivisa kuti joko reBhabhironi richavhunwa mukati mamakore maviri uye anofananidzira ikoku kupfurikidza nokuvhuna joko redanda. Jehovha anosimbisa uporofita hwake kupfurikidza nokuita kuti Jeremia aite majoko esimbi ndokufanotaura kuti Hanania anofanira kufa gore irero. Hanania anofa.
24. (a) Jeremia anotumira shokoi kunhapwa dziri muBhabhironi? (b) Jehovha achaita sungano itsva naani, uye iyoyi ichabvumikisa sei kuva huru zvikuru kupfuura sungano yekare?
24 Nyaradzo nokuda kwenhapwa dziri muBhabhironi (29:1–31:40). Jeremia anonyorera nhapwa dzakaendeswa Bhabhironi naJekonia (Jehoiakini): Garai ikoko, nokuti Jehovha asati akudzorerai, kunouya nhambo yamakore 70 outapwa. Jehovha anorayira Jeremia kunyora nezvekudzoka kwavo mubhuku: Jehovha achavhuna joko ravo, uye “vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira [ini Jehovha].” (30:9) Rakeri anofanira kudzora inzwi rake pakuchema, nokuti vanakomana vake va“chadzoka vachibva kunyika yavavengi.” (31:16) Uye zvino, kune ziviso inonyaradza inoitwa naJehovha! Achaita sungano itsva neimba yaJudha naIsraeri. Iyi ihuru zvikuru kupfuura sungano yavakaputsa! Jehovha achanyora mutemo wake mukati-kati, pamwoyo yavo. “Ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.” Kubvira kumudukusa kusvikira kumukurusa, vose vachaziva Jehovha, uye iye achakanganwira kukanganisa kwavo. (31:31-34) Guta ravo richavakwazve sechimwe chinhu chitsvene kuna Jehovha.
25. Uchokwadi hwedzorerwo yaIsraeri hunosimbiswa sei, uye shoko raJehovha rinounza mashokoi?
25 Sungano yaJehovha naDhavhidhi inova yechokwadi (32:1–34:22). Mukati mokukomberedza Jerusarema kwokupedzisira kwaNebhukadrezari, Jeremia anodzivirirwa. Zvisinei, sechiratidzo chokuti Jehovha uchadzorera zvirokwazvo Israeri, Jeremia anotenga munda muAnatoti ndokuisa magwaro apamutemo okutenga mumudziyo wevhu. Shoko raJehovha zvino rinounza mashoko akanaka: Judha neJerusarema dzichafarazve, uye Jehovha achazadzika sungano yake naDhavhidhi. Asi iwe, haiwa Zedhekia, nyeverwa kuti mambo weBhabhironi uchapisa iri guta nomwoto uye iwe umene uchapinda muutapwa kuBhabhironi. Nhamo kuvaridzi vavaranda avo vakabvuma kusunungura varanda vavo asi avo vakaputsa sungano yavo!
26. Jehovha anoita chipikirwai kuvaRekabhi, uye nei?
26 Chipikirwa chaJehovha kuna Rekabhi (35:1-19). Mumazuva aMambo Jehoiakimi, Jehovha anotuma Jeremia kuvaRekabhi. Ivava vakapotera muJerusarema pakusvika kwokutanga kwavaBhabhironi. Jeremia anovapa waini yokunwa. Vanoiramba nemhaka yomurayiro wasekuru wavo Jonadhabhi, wakapiwa makore anopfuura 250 kare. Musiyano unokatyamadza, zvirokwazvo, kunzira yokusatendeka yaJudha! Jehovha anovapikira, kuti: “Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.”—35:19.
27. Chii chinoita kuti kunyorwazve kwouporofita hwaJeremia kuve kuri madikanwa?
27 Jeremia anonyorazve bhuku (36:1-32). Jehovha anorayira Jeremia kunyora mashoko ose ouporofita hwake kusvikira panguva ino. Jeremia anotaura iwaya kuna Bharuki, uyo ipapo anoarava zvinonzwika muimba yaJehovha pazuva rokutsanya. Mambo Jehoiakimi anorayira kuti mupumburu wamanyoro uunzwe uye, pakuunzwa rutivi, nenzira yokutsamwa anoubvarura ndokuukandira mumwoto. Anorayira kusungwa kwaJeremia naBharuki, asi Jehovha anovavanza ndokuudza Jeremia kunyora mupumburu wamanyoro wechipiri.
28. (a) Jeremia anoita uporofitai hunopfuurira? (b) Nzira yaEbhedhi-mereki inosiyana sei neiyo yamachinda?
28 Mazuva okupedzisira eJerusarema (37:1–39:18). Chinyorwa chinodzokera kukutonga kwaZedhekia. Mambo anokumbira Jeremia kuti anyengetere kuna Jehovha nokuda kwaJudha. Muporofita anoramba, achiti shurikidzwo yeJerusarema ndeyechokwadi. Jeremia anoedza kuenda Anatoti asi anobatwa somutizi, anorohwa, uye anopfigirwa mutorongo mazuva akawanda. Zedhekia ipapo anorayira kuti aunzwe. Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Zvechokwadi ririko! “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.” (37:17) Atsamwiswa nouporofita hunopfuurira hwaJeremia hweshurikidzo, machinda anomukandira mutsime rina matope. Ebhedhi-mereki muEtiopia, ngomwa yomumba mamambo, nenzira yomutsa anopindira nokuda kwake, zvokuti Jeremia anonunurwa murufu runononozeka, asi anoramba akapfigirwa muRuvazhe rwaVarindi. Zvakare Zedhekia anodana Jeremia pamberi pake, kuzongondoudzwa bedzi, kuti: ‘Terai kuna mambo weBhabhironi kana kuti kutarisana noutapwa noruparadziko rweJerusarema!’—38:17, 18.
29. Zvino ingwavairai inowira Jerusarema, asi Jeremia naEbhedhi-mereki vanoita sei?
29 Kukomberedzwa kweJerusarema kunogara mwedzi 18, uye ipapo guta rinopazwa mugore rechi11 raZedhekia. Mambo anotiza nehondo yake asi anobatwa. Vanakomana vake navakuru vanourayirwa pamberi pake, uye iye anopofumadzwa ndokuendeswa kuBhabhironi akasungwa namakechemu. Guta rinopiswa ndokuitwa matongo, uye vanhu vose kunze kwavarombo vashomanene vanoendeswa muutapwa kuBhabhironi. Kupfurikidza nomurayiro waNebhukadrezari, Jeremia anosunungurwa muruvazhe. Asati asunungurwa anoudza Ebhedhi-mereki nezvechipikirwa chaJehovha chokumununura, ‘nemhaka yokuti akavimba naJehovha.’—39:18.
30. Vanhu vasara vanokundikana sei kutetekera zano raJeremia, uye Jeremia anozivisa rutongesoi rweshurikidzo muEgipita?
30 Zviitiko zvokupedzisira paMizpa nomuEgipita (40:1–44:30). Jeremia anoramba ari paMizpa naGedharia, uyo vaBhabhironi vanoita gavhuna pavanhu vakasara. Pashure pemwedzi miviri Gedharia anopondwa. Vanhu vanotsvaka zano raJeremia, uye anoendesa shoko raMwari kwavari, achiti: ‘Jehovha haasati achizokudzurai panyika ino. Musatya nemhaka yamambo weBhabhironi. Kana, zvisinei, mukaburukira Egipita, muchafa!’ Vanoburukira Egipita, vachienda naJeremia naBharuki. PaTapanesi muEgipita, Jeremia anozivisa rutongeso rwaJehovha rweshurikidzo: Mambo weBhabhironi achaisa chigaro chake choumambo muEgipita. Hakubetseri kuti Israeri anamate vamwari veEgipita uye kutangazve chibayiro kuna “mambokadzi wamatenga.” Vakanganwa here kuti Jehovha akaita sei dongo Jerusarema nokuda kwokunamata kwaro zvidhori? Jehovha uchaunza ngwavaira pavari munyika yeEgipita, uye havazodzokeri kuna Judha. Sechiratidzo, Jehovha ari kupa Farao Hofra amene muruoko rwavavengi vake.
31. Ivimbisoi inopiwa Bharuki?
31 Mugariro waBharuki (45:1-5). Bharuki anotambudzika nokunzwa uporofita hunodzokororwa hwaJeremia hweshurikidzo. Anoudzwa kutanga kufunga nezvebasa raJehovha rokuvaka nokuputsa panzvimbo poku“zvitsvakira [amene] zvinhu zvikuru.” (45:5) Achaponeswa mungwavaira yose.
32. “Munondo waJehovha” uchawira pana vanaani?
32 Munondo waJehovha pamarudzi (46:1–49:39). Jeremia anotaura nezverukundo rweBhabhironi paEgipita paKakemishi nokune imwe nzvimbo. Kunyange zvazvo marudzi akaparadzwa, Jakobho uchasara asi haangakundikani kurangwa. “Munondo waJehovha” ucharwisana navaFiristia, naMoabhi anodada naAmoni anozvitutumadza, naEdhomi neDhamasko, Kedha neHazori. (47:6) Uta hwaErami huchavhunwa.
33. (a) Chii chichaitika kumukombe wendarama, Bhabhironi? (b) Naizvozvo, vanhu vaMwari vanofanira kuita sei?
33 Munondo waJehovha paBhabhironi (50:1–51:64). Jehovha anotaura pamusoro peBhabhironi: Rizivise pakati pamarudzi. Usavanza chinhu. Bhabhironi ratapwa uye vamwari varo vanyadziswa. Tizai mariri. Iyi nyundo yakaputsanya marudzi apasi rose iyo imene yakavhunwa. “Iwe wokuzvikudza,” mudzvinyiriri waIsraeri akatapwa naJudha, ziva kuti Jehovha wehondo ndiye Mudzikinuri wavo. Bhabhironi richava nzvimbo yemhuka dzinoungudza. “Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora . . . , hakuna munhu uchagaramo.” (50:31, 40) Bhabhironi rave riri mukombe wendarama uri muruoko rwaJehovha kuti marudzi adhakwe, asi rawa kamwe kamwe, zvokuti iro rimene raputsika. Ungudzai pamusoro paro, imi vanhu. Jehovha akamutsa mudzimu wamadzimambo avaMedhia kuti variparadze. Varume vane simba veBhabhironi varega kurwa. Vaita savakadzi. Mwanasikana weBhabhironi achatsikwa-tsikwa zvakasimba seburiro. “Vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve.” Gungwa rakakwira ndokufukidza Bhabhironi namafungu aro mazhinji. “Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha.” (51:39, 45) Teerera kuchema, kuputsika kukuru kunobva Bhabhironi! Zvombo zveBhabhironi zvehondo zvinofanira kuputsanywa, nokuti Jehovha ndiye Mwari wokuripidzira. Pasina kukundikana achatsiva.
34. Chiratidzoi chinoenzanisira kuwa kweBhabhironi?
34 Jeremia anorayira Seraia: ‘Enda Bhabhironi uye rava zvinonzwika aya mashoko ouporofita pamusoro peBhabhironi. Ipapo sungirira ibwe kubhuku ndokurikandira pakati paYufratesi. “Uchiti: Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro.”’—51:61-64.
35. Zvino chinyorwai chinotevera?
35 Chinyorwa chokuwa kweJerusarema (52:1-34). Iyi nhoroondo yakadokufanana neiya yakafukidzwa kare pana 2 Madzimambo 24:18-20; 25:1-21, 27-30.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
36. (a) Muenzanisoi weshingairo youshingi watinowana muna Jeremia? (b) Bharuki, vaRekabhi, uye Ebhedhi-mereki mienzaniso yakaisvonaka nokuda kwedu munzirai?
36 Uhu uporofita hwakafuridzirwa hunovaka chose chose uye hunobetsera. Tarira muenzaniso woushingi womuporofita amene. Akanga asingatyi mukuzivisa shoko risingadiwi kuvanhu vasina umwari. Akaramba ushamwaridzani navakaipa. Akanzwisisa ukoshi hweshoko raJehovha, achizvipa amene nomwoyo wose kubasa raJehovha uye asingatongoregi. Akawana shoko raMwari kuva semwoto mumafupa ake, uye rakanga riri mufaro nokufara kwomwoyo wake. (Jer. 15:16-20; 20:8-13) Ngativei vanoshingairira zvakafanana shoko raJehovha nguva dzose! Ngatitsigireiwo nokuvimbika vabatiri vaMwari, sezvakaita Bharuki kuna Jeremia. Kuteerera kwapachokwadi kwavaRekabhi muenzanisowo wakaisvonaka kwatiri, ndozvakaitawo kurangarira kwomutsa kwaEbhedhi-mereki muporofita anotambudzwa.—36:8-19, 32; 35:1-19; 38:7-13; 39:15-18.
37. Kurangarirwa kwaJeremia kunosimbisa sei kutenda musimba raJehovha rouporofita?
37 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia rakazadzikwa noururami hunoshamisa. Zvirokwazvo ikoku kunosimbisa kutenda musimba raJehovha rouporofita. Rangarira, somuenzaniso, kuzadzika kwouporofita uhwo Jeremia amene akararama kuti aone, zvakadai sokutapwa kwaZedhekia noruparadziko rweJerusarema (21:3-10; 39:6-9), kubviswa pachigaro choumambo norufu muutapwa kwaMambo Sharumi (Jehoahazi) (Jer. 22:11, 12; 2 Madz. 23:30-34; 2Mako. 36:1-4), kuendeswa muutapwa kwaMambo Konia (Jehoiakini) kuBhabhironi (Jer. 22:24-27; 2 Madz. 24:15, 16), uye rufu mukati megore rimwe rwomuporofita Hanania (Jer. 28:16, 17). Uporofita hwose uhu, uye humwe, hwakazadzikwa kungofanana nezvakanga zvafanotaurwa naJehovha. Gare gare vaporofita navabatiri vaJehovha vakawanawo uporofita hwaJeremia kuva hune chiremera uye hunobetsera. Somuenzaniso, Dhanieri akanzwisisa kubva mumanyoro aJeremia kuti kuitwa dongo kweJerusarema kunofanira kuva makore 70, uye Ezra akakwevera ngwariro kukuzadzikwa kwamashoko aJeremia pakupera kwamakore 70.—Dhan. 9:2; 2Mako. 36:20, 21; Ezra 1:1; Jer. 25:11, 12; 29:10.
38. (a) Isunganoi, inonongedzerwawo kwairi naJesu, inosimbiswa muuporofita hwaJeremia? (b) Itariroi yoUmambo inoziviswa?
38 Panhambo apo akatanga kuchengetwa kweChirariro Chamadekwana chaShe aina vadzidzi vake, Jesu akaratidzira kuzadzika kwouporofita hwaJeremia pamusoro pesungano itsva. Nokudaro, akanongedzera ku“sungano itsva kupfurikidza neropa rangu,” kupfurikidza nayo zvivi zvavo zvakakanganwirwa uye vakaunganidzwa sorudzi rwomudzimu rwaJehovha. (Ruka 22:20, NW; Jer. 31:31-34) Vanhu vakaberekwa nomudzimu vakapinzwa musungano itsva ndivo avo Kristu anopinza musungano yoUmambo, kuti vatonge naye mumatenga. (Ruka 22:29; Zvak. 5:9, 10; 20:6) Nongedzero inoitwa kakati kuuhu Umambo muuporofita hwaJeremia. Pakati peshurikidzwo dzose dzeJerusarema risina kutendeka, Jeremia akaonesa iyi tariro: “‘Tarirai! Kune mazuva anouya,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ndichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama. Uye mambo uchatonga zvirokwazvo uye uchaita nouchenjeri uye uchaita ruramisiro nokururama munyika.’” Hungu, mambo anoidzwa kunzi “Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.”—Jer. 23:5, 6, NW.
39. Kudzoka kwavakasarira vachibva Bhabhironi, sezvakafanotaurwa naJeremia, kunopa vimbiso yechii?
39 Zvakare Jeremia anotaura nezvedzorerwo, achiti: “Asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.” (30:9) Pakupedzisira, anotaura nezveshoko rakanaka iro Jehovha akataura pamusoro paIsraeri naJudha, rokuti “mumazuva iwayo uye panguva iyeyo [Jehovha acha]meresera Dhavhidhi bukira rokururama,” kuti awanziridze mbeu yake uye kuti pagova no“mwanakomana anotonga samambo pachigaro chake choumambo.” (33:15, 21, NW) Sezvo zvirokwazvo vakasarira vakadzoka vachibva Bhabhironi, naizvozvowo Umambo hweiri “bukira” rakarurama huchaita ruramisiro nokururama mupasi rose.—Ruka 1:32.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 2, mapeji 326, 480.