‘Ita Shamwari Nefuma Isakarurama’
“Muzviitire shamwari nefuma isakarurama, . . . Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendekawo pazvikuru.”—RUKA 16:9, 10.
1. Mosesi navanakomana vaIsraeri vakarumbidza sei Jehovha pakupukunyuka kwavo muEgipita?
VANUNURWA zvinoshamisa—ndichakaitika chinosimbisa kutenda chakadini! Kubuda kwaIsraeri muEgipita kwaisagona kuparirwa nomumwe munhu kunze kwaJehovha, waMasimba-ose. Hakushamisi kuti Mosesi navaIsraeri vakaimba, kuti: “Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye wakava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu ndichamukudza.”—Eksodho 15:1, 2; Dheuteronomio 29:2.
2. Vanhu vaJehovha vakaenda nei sezvavakabva Egipita?
2 Rusununguko rwaIsraeri rwakanga ruchangobva kuwanwa rwaipesana sei nomugariro wavo muEgipita! Zvino vaigona kunamata Jehovha pasina mhinganidzo. Uye havana kubuda muEgipita vasina chinhu. Mosesi anorondedzera, kuti: “Vana vaIsraeri . . . vakakumbira kuna vaEgipita zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguo. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaEgipita, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaEgipita.” (Eksodho 12:35, 36) Asi vakashandisa sei uhwu ufumi hweEgipita? Hwakaguma no‘kusimudzira Jehovha pakakwirira here’? Chii chatinodzidza mumuenzaniso wavo?—Enzanisa na 1 VaKorinte 10:11.
“Chipo chaJehovha”
3. Kushandisa kwaIsraeri ndarama mukunamata kwenhema kwakaparira chiitoi chakabva kuna Jehovha?
3 Mukati mokugara mazuva 40 kwaMosesi paGomo reSinai kuti agamuchire mirayiridzo yaMwari nokuda kwaIsraeri, vanhu vakanga vakamirira pasi vakava vasina kudzikama. Vachikwachura mhete dzavo dzendarama, vakarayira Aroni kuti aite chifananidzo kuti ivo vanamate. Aroni akavavakirawo atari, uye mangwanani-ngwanani zuva rakatevera, vakapa zvibayiro ipapo. Uku kushandiswa kwendarama yavo kwakavaita vanodiwa noMununuri wavo here? Nyangwe! “Zvino ndirege hako,” Jehovha akazivisa kudaro kuna Mosesi, “kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze.” Jehovha akaponesa rudzi rwacho bedzi pakuteterera kwaMosesi, kunyange zvazvo vatungamiriri vanopandukira vakaurawa nedambudziko rakabva kuna Mwari.—Eksodho 32:1-6, 10-14, 30-35.
4. Chii chaiva “chipo chaJehovha,” uye ndiani akachipa?
4 Gare gare, Israeri akava nomukana wokushandisa fuma yaaiva nayo munzira yakafadza Jehovha. Vaka“ripira Jehovha chipo.”a Ndarama, sirivha, ndarira, shinda yebhuruu, micheka yakasiyana-siyana yakadhaiwa, matehwe amakondohwe, matehwe amatenhe, uye matanda omuakasiya zvakanga zviri pakati pemipiro yokuvakwa nokushongedzwa kwetabhernakeri. Nhoroondo yacho inonangidzira ngwariro yedu pachimiro chendangariro chavapi. “Ani nani une mwoyo unoda, ngauye nacho, chive chipo chaJehovha.” (Eksodho 35:5-9) Israeri akapindura zvinoorora. Nokudaro, tabhernakeri yakanga iri chivako cho“runako nembiri huru,” kunokora mashoko eimwe nyanzvi.
Mipiro yeTembere
5, 6. Pamusoro petembere, Dhavhidhi akashandisa sei ufumi hwake, uye vamwe vakaita sei?
5 Kunyange zvazvo Mambo Soromoni waIsraeri akatungamirira kuvakwa kweimba yechigarire nokuda kwokunamatwa kwaJehovha, Dhavhidhi, baba vake, vakanga vaita gadziriro huru nokuda kwayo. Dhavhidhi akaunganidza zvakawanda zvikuru zvinoti ndarama, sirivha, ndarira, dare, matanda, uye matombo anokosha. “Zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu,” Dhavhidhi akaudza vanhu vake kudaro, “zvandine fuma yangu pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene; zvinoti, matarenda endarama ane zvuru zvitatu, . . . namatarenda akanatswa esirivha ane zvuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo.” Dhavhidhi akakurudzira vamwe kuva norupowo. Kupindura kwacho kwakanga kuri kukuru: ndarama yakawanda, sirivha, ndarira, dare, uye matombo anokosha. “Nomwoyo wavo wose,” vanhu vaka“pa Jehovha nomwoyo wose.”—1 Makoronike 22:5; 29:1-9.
6 Neiyi mipiro yokuzvidira, vaIsraeri vakaratidzira kuonga kukuru kunamatwa kwaJehovha. Dhavhidhi nokuzvininipisa akanyengetera, kuti: “Ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai?” Nemhaka yeiko? “Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu. . . . Kana ndiri ini, ndakapa izvi zvose nomwoyo wakarurama nomwoyo wose.”—1 Makoronike 29:14, 17.
7. Chidzidzoi chinonyevera chatinodzidza muzuva raAmosi?
7 Bva, marudzi aIsraeri akakundikana kuchengeta kunamatwa kwaJehovha kuri pakutanga mundangariro nomwoyo zvavo. Pakasvika zana ramakore rechipfumbamwe P.N.V., Israeri akakamukana akanga ava nemhaka yokuregeredza kwomudzimu. Nezvoumambo hwendudzi dzine gumi dzokuchamhembe dzaIsraeri, Jehovha akazivisa kupfurikidza naAmosi, kuti: “Vane nhamo vagere zvakanaka paZioni, navagere pakasimba mugomo reSamaria.” Akavarondedzera savarume va“novata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu; . . . munonwa waini nemidziyo.” Asi ufumi hwavo hwakanga husiri dziviriro. Mwari akanyevera, kuti: “Vachatapwa novokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.” Muna 740 P.N.V., Israeri akatambura pasimba reAsiria. (Amosi 6:1, 4, 6, 7) Uye mukufambira mberi kwenguva umambo hwokumaodzanyemba hwaJudha hwakavawo nyajambwa kukudisa zvokunyama.—Jeremia 5:26-29.
Kushandiswa Kwakafanira Kwefuma Munguva dzechiKristu
8. Muenzanisoi wakanaka Josefa naMaria vanogovera nezvokushandiswa kwefuma?
8 Mukupesana, mumiriro wezvinhu wourombo wakati wavabatiri vaMwari munguva dzapashure hauna kuvadzivisa kuratidzira shingairo yokunamata kwechokwadi. Rangarira Maria naJosefa. Mukuteerera murayiro waKesari Augusto, vakaenda kutaundi rokumusha kwemhuri yavo, Bhetrehema. (Ruka 2:4, 5) Ikoko Jesu akazvarwa. Mazuva makumi mana gare gare, Josefa naMaria vakashanyira tembere muJerusarema raiva pedyo kuti vape chibayiro chokuchenesa chakarayirwa. Chairatidza mumiriro wavo wezvinhu zvokunyama wakaderera, Maria akapa shiri mbiri duku. Iye kana kuti zvimwe Josefa havana kutaura kuva varombo. Panzvimbo pezvo, nenzira yokuteerera vakashandisa fuma yavo yakaganhurirwa.—Revhitiko 12:8; Ruka 2:22-24.
9-11. (a) Mashoko aJesu ari pana Mateo 22:21 anogovera nhungamiroi pakuti tinoshandisa sei mari yedu? (b) Neiko mupiro muduku wechirikadzi usina kupiwa pasina maturo?
9 Gare gare, vaFarise navateveri vebato raHerodhi vakaedza kunyengera Jesu, vachiti: “Zvino tiudzei, munofungeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?” Mhinduro yaJesu yakazivisa kunzwisisa kwake. Achinongedzera kumari yavakamupa, Jesu akabvunza, kuti: “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakapindura, kuti: “ZvaKesari.” Nenzira yokuchenjera iye akagumisa, kuti: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” (Mateo 22:17-21) Jesu aiziva kuti chiremera chaipa mari chaikarira mitero kubhadharwa. Asi ipapo akabetsera vateveri vake navavengi nenzira yakafanana kuziva kuti muKristu wechokwadi anotsvakawo kubhadhara “Mwari zvaMwari.” Ikoku kunobatanidza kushandiswa kwakafanira kwefuma yokunyama yomunhu.
10 Chiitiko icho Jesu akapupurira mutembere chinoenzanisira ikoku. Akanga achangobva kushurikidza vanyori vane udyire avo ‘vaiparadza dzimba dzechirikadzi.’ “Zvino wakati achitarira, akaona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari,” Ruka anoshuma kudaro. Jesu “akaona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisa imomo tumari tuviri tuduku. Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.” (Ruka 20:46, 47; 21:1-4) Vamwe vanhu vakadudza kuti tembere yakanga yakashongedzwa namabwe anokosha. Jesu akapindura, kuti: “Kana zviri izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” (Ruka 21:5, 6) Mupiro muduku wechirikadzi iyoyo wakanga usiri usina maturo here? Zvirokwazvo kwete. Iyo yakatsigira gadziriro Jehovha akanga akatanga panguva iyeyo.
11 Jesu akaudza vateveri vake vechokwadi, kuti: “Hakuna muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari nefuma.” (Ruka 16:13) Nokudaro, tinogona sei kuratidzira dzikamo yakarurama mukushandisa fuma yedu yemari?
Vatariri Vakatendeka
12-14. (a) VaKristu vatariri vefumai? (b) Vanhu vaJehovha nhasi vanoita basa ravo routariri nokutendeka munzirai dzakatanhamara? (c) Mari yokutsigira basa raMwari nhasi inobva kupi?
12 Apo tinotsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, chaizvoizvo tinoti chinhu chiri chose chatinacho, fuma yedu yose, ndezvake. Ipapo, tinofanira kushandisa sei zvatinazvo? Mukukurukura basa rechiKristu muungano, Hama C. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, vakanyora, kuti: “Mumwe nomumwe unofanira kuzvirangarira amene seakagadzwa naIshe kuva mutariri wenguva yake amene, pesvedzero, mari, zvichingodaro, uye mumwe nomumwe unofanira kutsvaka kushandisa aya matarenda kusvikira kuakanakisisa amano ake, kumbiri yaTenzi.”—The New Creation, peji 345.
13 “Pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka,” inodaro 1 VaKorinte 4:2. Somutumbi wamarudzi ose, Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kurarama mukuwirirana nerondedzero iyoyo, zvichishandisa yakawanda yenguva yazvo sezvazvinogona muushumiri hwechiKristu, zvichisanosakurira mano azvo okudzidzisa. Uyezve, mapoka avazvipiri munhungamiro yeMatare Okuvaka eNharaunda nenzira yokudisa anopa nguva yawo, simba, uye ruzivo rwokuita horo dzakaisvonaka dzokusonganira nokuda kwokunamata. Naizvozvi zvose, Jehovha anosanofadzwa.
14 Mari yokutsigira iyi nhimbe huru yokuparidza nokuvaka inobva kupi? Kuna vanhu vane mwoyo inoda, kunyange sezvakwakaita mumazuva okuvakwa kwetabhernakeri. Somunhu mumwe nomumwe, tiri kuva negoverano here? Nzira yatinoshandisa nayo fuma yedu yemari inoratidzira kuti basa raJehovha ndereukoshi hukuru kwatiri here? Muzvinhu zvemari, ngativei vatariri vakatendeka.
Mutoo Worupo
15, 16. (a) VaKristu vomuzuva raPauro vakaratidzira sei rupo? (b) Tinofanira kurangarira sei kurukurirano yedu iripoyi?
15 Muapostora Pauro akanyora pamusoro pomudzimu worupo wavaKristu vaiva muMakedhonia neAkaya. (VaRoma 15:26) Kunyange zvazvo vaitambudzika ivo vamene, vakapa mupiro nokudisa kuti vabetsere hama dzavo. Pauro akakurudzira vaKristu vomuKorinte nenzira yakafanana kuti vape norupo, kupa zvomuraudzo zvavo kuti vatsive kuperevedza kwavamwe. Hapana aigona kupomera Pauro ugororo nenzira yakarurama. Iye akanyora, kuti: “Unodzvara zvishoma, uchachekawo zvishoma; unodzvara zvizhinji, uchachekawo zvizhinji. Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.”—2 VaKorinte 8:1-3, 14; 9:5-7, 13.
16 Mipiro yorupo iyo hama dzedu navanhu vanofarira vanoita nokuda kwebasa roUmambo romunyika yose nhasi inopa ufakazi hwokuti vanokoshesa zvikuru sei iyi ropafadzo. Asi, sezvakayeuchidza Pauro vaKorinte, tinoita zvakanaka kurangarira iyi kurukurirano sechiyeuchidzo.
17. Mutooi wokupa wakakurudzira Pauro, uye iwoyu unogona kushandiswa nhasi here?
17 Pauro akakurudzira hama kutevera mutoo wakarongwa mukupa kwadzo. “Nomusi wokutanga wevhiki,” akadaro, “mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo.” (1 VaKorinte 16:1, 2) Ikoko kunogona kubatira somuenzaniso wedu uye wavana vedu mukupa mupiro kwedu, kungave kuri kuti tinokuita kupfurikidza neungano kana kuti zvakananga kubazu rehofisi riri pedyosa reWatch Tower Society. Vachati vari vafundisi vakagoverwa kuparidza mutaundi romuEast Africa vakakoka vanhu vanofarira kuvakumbanira fundo yeBhaibheri. Pamugumo wouyu musangano wokutanga, vafundisi nokuchenjera vakaisa mari mubhokisi rakanyorwa, kuti “Mipiro yebasa roUmambo.” Vamwe vapindi vakaita zvakafanana. Gare gare, pashure pokunge ava vatsva varongwa kuva ungano yechiKristu, mutariri wedunhu akashanya ndokududza mipiro yavo kuva yenguva dzose.—Pisarema 50:10, 14, 23.
18. Tinogona sei kubetsera hama dzedu dziri munhamo?
18 Tinewo ropafadzo yokushandisa fuma yedu kubetsera vanyajambwa vengwavaira dzomusikirwo naavo vanogara munzvimbo dzasakadzwa nehondo. Takafara sei kurava nezvemigove yeyamuro yakatumirwa kuEastern Europe sezvo kusagadzikana kwezvemari namatongerwe enyika zvakapararira murutivi irworwo rwenyika! Mipiro yezvose zviri zviviri zvinhu nemari yakaratidzira rupo rwehama dzedu uye kubatana navaKristu varombo.b—2 VaKorinte 8:13, 14.
19. Zvinhui zvinoshanda zvatinogona kuita kuyamura avo vari mubasa renguva yakazara?
19 Tinokoshesa zvikuru basa rehama dzedu dzinopinda mubasa renguva yakazara samapiyona, vatariri vanofambira, vafundisi, uye vazvipiri vapaBheteri, hatidaro here? Sezvo mamiriro edu ezvinhu anobvumira, tingakwanisa kuvapa betsero yokunyama zvakananga. Somuenzaniso, apo mutariri wedunhu anoshanyira ungano yenyu, mungakwanisa kumugovera pokugara, zvokudya, kana kuti betsero kundyiko dzokufamba kwake. Rupo rwakadaro harupfuuri rusina kucherekedzwa naBaba vedu vokudenga, avo vanoda kuti vabatiri vavo vatarisirwe. (Pisarema 37:25) Makore akati apfuura imwe hama iyo yakanga ichikwanisa kupa bedzi zvokudya zvakapfava yakakoka mutariri anofambira nomudzimai wake kumusha wayo. Apo vachati vakaenda kubasa romumunda ramanheru, hama yacho yakatambidza vashanyi vayo emvuropu. Mukati makanga mune mari yepepa (yakaenzana namadhora masere eZimbabwe) pamwe chete neiyi tsamba yakanyorwa noruoko, inoti: “Yekapu yetii kana kuti garoni repeturu.” Kuonga kwakadini kwakaratidzirwa nouyu mutoo wokuzvininipisa!
20. Iropafadzoi nomutoro zvatisingadi kuregeredza?
20 Mumudzimu, vanhu vaJehovha vakakomborerwa! Tinofarikanya madyo omudzimu pamagungano edu nekokorodzano, apo tinogamuchira zvinyorwa zvitsva, kudzidzisa kwakaisvonaka, uye zano rinoshanda. Nomwoyo yakazadzwa nokuonga zvikomborero zvedu zvomudzimu, hatikanganwi ropafadzo yedu nomutoro wokupa mari kuti ishandiswe kufambisira mberi fariro dzoUmambo hwaMwari munyika yose.
‘Ita Shamwari Nefuma Isakarururama’
21, 22. Chii chichakurumidza kuitika ku“fuma isakarurama,” kuchida kuti isu tiitei iye zvino?
21 Zvirokwazvo, pane nzira dzakawanda kupfurikidza nadzo tinogona kuratidza kuti kunamatwa kwaJehovha kunouya pakutanga muupenyu hwedu, isati iri duku yadzo inobatanidza kuteerera kwedu zano raJesu, rokuti: “Muzviitire shamwari nefuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.”—Ruka 16:9.
22 Cherekedza kuti Jesu akataura nezvekukundikana kwefuma isakarurama. Hungu, zuva richasvika apo mari yetsika ino yezvinhu ichava isina ukoshi. “Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka,” akaporofita kudaro Ezekieri. “Sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Ezekieri 7:19) Kusvikira ikoku kwaitika, tinofanira kushandisa uchenjeri nenzwisiso munzira iyo tinoshandisa nayo fuma yedu yokunyama. Nokudaro hatisati tichizotarira shure nokudemba kukundikana kwedu kuteerera nyevero yaJesu, yokuti: “Kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi? . . . Hamungabatiri Mwari nefuma.”—Ruka 16:11-13.
23. Chii chatinofanira kushandisa nokuchenjera, uye chii chichava tuso yedu?
23 Tose zvedu, ipapo, ngatiteererei nenzira yokutendeka izvi zviyeuchidzo zvokuisa kunamatwa kwaJehovha pakutanga muupenyu hwedu nokushandisa nokuchenjera fuma yedu yose. Nokudaro tingachengeta ushamwari hwedu naJehovha naJesu, avo vanopikira kuti apo mari inokundikana vachatigamuchira “mudzimba dzisingaperi,” nekariro youpenyu husingagumi zvimwe muUmambo hwokudenga kana kuti muparadhiso yapasi.—Ruka 16:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mupiro” rinobva muchiito chinoreva chaizvoizvo “kuva pakakwirira; kwidziridzwa; simudza.”
b Ona Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom, mapeji 307-15, rakaburitswa muna 1993 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Israeri akapindura sei kukoka kwaJehovha kuti ape mupiro wokuvakwa kwetabhernakeri?
◻ Neiko mupiro wechirikadzi wakanga usiri usina maturo?
◻ VaKristu vane mutoroi nokuda kwenzira iyo vanoshandisa nayo fuma yavo?
◻ Tinogona sei kudzivisa kuzvidemba nokuda kwokushandisa kwedu mari?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mupiro wechirikadzi, kunyange zvazvo waiva muduku, wakanga usiri usina maturo
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Mipiro yedu inotsigira basa roUmambo romunyika yose