-
“Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”Nharireyomurindi—1994 | February 15
-
-
16. Ruka 21:24 inowedzera rutivii kuuporofita hwaJesu, uye ikoku kune revoi?
16 Kana tikaenzanisa Mateo 24:15-28 uye Marko 13:14-23 naRuka 21:20-24, tinowana chiratidzo chechipiri chokuti kudeya kutaura kwaJesu kwakatambanuka kupfuura kuparadzwa kweJerusarema. Yeuka kuti Ruka oga akanga adudza nhenda. Nomutoo wakafanana, iye oga akapfiga ichi chikamu namashoko aJesu, okuti: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa namarudzi, kusvikira nguva dzakagadzwa dzamarudzi [“nguva dzaVamarudzi,” King James Version] dzazadzikwa.”e (Ruka 21:24, NW) VaBhabhironi vakabvisa mambo wavaJudha wokupedzisira muna 607 P.N.V., uye pashure paikoko, Jerusarema, raimirira umambo hwaMwari, rakatsikwa-tsikwa. (2 Madzimambo 25:1-26; 1 Makoronike 29:23; Ezekieri 21:25-27) Pana Ruka 21:24, Jesu akaratidzira kuti mugariro wacho waizopfuurira ndokupinda munguva yemberi kusvikira nguva yasvika yokuti Mwari agadzezve Umambo.
-
-
“Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”Nharireyomurindi—1994 | February 15
-
-
e Vazhinji vanoona munhauro yaRuka kuchinja pashure paRuka 21:24. Dr. Leon Morris anoti: “Jesu anopfuurira kutaura nezvenguva dzaVamarudzi. . . . Mumufungo wenyanzvi zhinjisa ngwariro zvino inoenda kukuuya kwoMwanakomana womunhu.” Purofesa R. Ginns anonyora, kuti: “Kuuya kwoMwanakomana woMunhu—(Mt 24:29-31; Mk 13:24-27). Kududzwa kwe‘nguva dzaVamarudzi’ kunogovera sumo kuno uyu musoro; Murangariro [waRuka] zvino unoendeswa mberi kwokuparadzwa kweJerusarema ndokupinda munguva yemberi.”
f Purofesa Walter L. Liefeld anonyora, kuti: “Zvamazvirokwazvo kunobvira kutaura kuti kudeya kurangarira kwaJesu kwakabatanidza mativi maviri: (1) zvinoitika zva A.D. 70 zvinobatanidza tembere uye (2) izvo zvomunguva yemberi iri kure, zvakarondedzerwa mumashoko ouporofita zvikuru.” Tsinhiro dzakapepetwa naJ. R. Dummelow dzinoti: “Zvakawanda zvezvitambudzo zvakakomba zvikurusa zveiyi hurukuro huru zvinonyangarika apo kunozivikanwa kuti Ishe wedu akanongedzera mairi kwete kuchinoitika chimwe asi kuzviviri, uye kuti chokutanga chakanga chichifananidzira chechipiri. . . . [Ruka] 21:24 zvikurukuru, iyo inotaura nezve‘nguva dzaVamarudzi,’ . . . inoisa nhambo isingazivikanwi pakati pokuwa kweJerusarema nomugumo wenyika.”
-