Upenyu hwaJesu Noushumiri
Chivimbo Mukati Mamazuva Okupedzisira
SEZVO Chipiri, Nisani 11, anoswedera kumugumo, Jesu ane vaapostora vake paGomo reMiorivhi. Ivo vachangobva kubva munharaunda yetembere, iyo vanogona kuona munyasi, uye Jesu ave achikurukura navo chiratidzo chokuvapo kwake musimba roUmambo nechomugumo wetsika yezvinhu.
Achipfuuridzira tsinhiro dzake, Jesu anovanyevera pamusoro pokutevera vanaKristu venhema. Kuedza kuchaitwa, iye anodaro, “kutsausa, kana kuchibvira, kunyange vakasarudzwa.” Asi, kufanana namagora anoona zviri kure, ava vakasarudzwa vachaungana apo zvokudya zvomudzimu zvezvokwadi zvinowanwa, ndiko kuti, naKristu wechokwadi pakuvapo kwake kusingaoneki. Ivo havasati vachizotsauswa ndokuunganidzirwa pamwe chete kuna Kristu wenhema.
VanaKristu venhema vanogona kungoita bedzi kuoneka kunooneka. Mukupesana, kuvapo kwaJesu kuchava kusingaoneki. Kuchaitika mukati menguva inotyisa munhau yavanhu, sezvo Jesu achiti: “Zuva richasvibiswa, uye mwedzi hausati uchizopa chiedza chawo.” Hungu, iyi ichava nhambo yakasviba zvikurusa yokuvapo kworudzi rwomunhu. Kuchava kwakaita sokunge zuva rakanga rasvibiswa mukati menguva yezuva, uye sokunge mwedzi hauna kupa chiedza chawo usiku.
“Masimba okudenga achazununguswa,” Jesu anopfuurira. Iye nokudaro anoratidzira kuti matenga anooneka achava nechitarisiko chinotyisa. Matenga haasati achizongova zvawo nzvimbo yeshiri, asi achazadzwa nendege dzehondo, zvitundu mutsere mutsere, uye kuongorora muchadenga. Rutyo namasimba masimba zvichapfuura chinhu chipi nechipi chakawanwa munhau yavanhu yekare.
Somuuyo, Jesu anoti, kuchava ne“nhamo yamarudzi, asingazivi nzira yokubuda nayo nemhaka yokutinhira kwegungwa namafungu aro, apo vanhu vanopera simba nokutya nokukarirwa kwezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” Zvamazvirokwazvo, iyi nhambo nhema zvikurusa yokuvapo kwavanhu ichatungamirira kunguva apo, sezvinotaura Jesu, “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka mudenga, uye ipapo marudzi ose apasi achazvirova amene mukuchema.”
Asi havasati vari vose vachava vachichema apo ‘Mwanakomana womunhu anouya nesimba’ kuzoparadza tsika ino yakaipa yezvinhu. “Vakasarudzwa,” vane 144 000 avo vachagoverana naKristu muUmambo hwake hwokudenga, havasati vachizochema, uyewo shamwari dzavo, avo Jesu pamberi pezvi akadana kuti “mamwe makwai” ake. Pasinei zvapo nokurarama mukati menhambo yakasviba zvikurusa munhau yavanhu, ivava vanogamuchira kurudziro yaJesu, inoti: “Sezvo izvi zvinhu zvinotanga kuitika, zvisimudzei mumene kuti tote uye simudzai misoro yenyu, nemhaka yokuti kusunungurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”
Kuitira kuti vadzidzi vake vaizova vachirarama mukati mamazuva okupedzisira vagogona kuziva kuva pedyo kwomugumo, Jesu anopa uyu muenzanisiro: “Tarirai muonde nemimwe miti yose; kana yotunga, mukazviona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedyo. Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedyo. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvi zvose zvaitika.”
Nokudaro, apo vadzidzi vake vanoona mativi akasiana-siana echiratidzo achizadzikwa, ivo vanofanira kuziva kuti mugumo wetsika yezvinhu wava pedyo uye kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuparadzanya uipi hwose. Kutaura idi, mugumo uchaitika mukati menduramo yavanhu vanoona zadziko yezvinhu zvose Jesu anodeya kutaura! Achipa zano vadzidzi ivavo vaizova vari vapenyu mukati mamazuva okupedzisira anokosha, Jesu anoti:
“Zvingwarirei mumene kuti mwoyo yenyu isatongova inoremedzwa nokunyanyodyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu, uye kuti zuva irero rirege kukuwirira kamwe kamwe seriva. Nokuti richawira pamusoro pavose vagere pamusoro papasi rose. Naizvozvo, rambai makamuka, nguva dzose muchiita mukumbiro kuti mugobudirira mukupukunyuka zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kuitika, napakumira pamberi poMwanakomana womunhu.” Mateo 24:23-51; Marko 13:21-37; Ruka 21:25-36, NW; Zvakazarurwa 14:1, 3; Johane 10:16.
◆ Migariroi yenyika inoratidzira kuvapo kwaKristu?
◆ ‘Marudzi ose apasi achazvirova amene mukuchema’ rini, asi chii chichava chichiita vateveri vaKristu?
◆ Muenzanisiroi unogovera Jesu kubetsera vateveri vake vomunguva yemberi kunzwisisa apo mugumo unenge wava pedyo?
◆ Izanoi rinogovera Jesu nokuda kwaavo vavadzidzi vake vaizova vachirarama mukati mamazuva okupedzisira?