RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 33 pp. 713-717
  • Kupfuurira Kuramba Vakarinda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupfuurira Kuramba Vakarinda
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Zvine Chokwadi Zvizere’ Nenzwisiso Yazvo
  • Kuramba Takarinda—Seiko?
  • “Rambai Muchirikarira”
  • Ramba Wakamirira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 33 pp. 713-717

Ganhuro 33

Kupfuurira Kuramba Vakarinda

“SEZVO Jesu akataura nenzira yakajeka kuti hakuna munhu aigona kuziva ‘zuva iroro’ kana kuti ‘nguva’ apo Baba vacharayira mwanakomana wavo ku‘rwisa’ tsika yakaipa yaSatani yezvinhu, vamwe vangabvunza, kuti: ‘Neiko kuchikosha kwazvo kurarama tichikarira mugumo?’ Kunokosha nemhaka yokuti panodokuva panguva imwe cheteyo, Jesu akawedzera, kuti: ‘Chenjerai, murinde, . . . rindai.’ (Marko 13:32-35)”—Nharireyomurindi, June 15, 1985.

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichirinda kwamakumi amakore zvino. Kurindirei? Kuuya kwaJesu musimba roUmambo kuti aite rutongeso patsika yakaipa yaSatani yezvinhu nokupa betsero dzakazara dzokutonga kwoUmambo hwake mupasi rose! (Mat. 6:9, 10; 24:30; Ruka 21:28; 2 VaT. 1:7-10) Ava vanorinda vanoziva kuti “chiratidzo” chokuvapo kwaJesu chave chichioneka kubvira muna 1914 uye kuti tsika iripo yezvinhu yakapinda mumazuva ayo okupedzisira mugore iroro.—Mat. 24:3–25:46.

Asi, kusvikira panguva ino, Jesu achigere kuuya soMuurayi noMununuri. Naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei mamirire ezvinhu azvo azvino?

‘Zvine Chokwadi Zvizere’ Nenzwisiso Yazvo

Seungano yomunyika yose, izvo zvine “chokwadi zvizere chenzwisiso yazvo.” (VaK. 2:2, NW) Hakusati kuri kuti zvinorangarira kuti zvinonzwisisa udzame huri hwose hwezvinangwa zvaJehovha. Zvinoramba zvichinzvera Magwaro nendangariro yakazaruka, uye zvinoramba zvichidzidza. Asi zvazvinodzidza hazvisati zvichichinja murangariro wazvo mukuru pamusoro pezvokwadi huru dzeShoko raMwari. Izvo zvine ‘chokwadi zvizere’ cheidzi zvokwadi dzehwaro; zvakadziziva ndokudzigamuchira kwamakumi amakore akawanda zvino. Chazvinodzidza, zvisinei, chinonatsa nguva dzose kunzwisisa kwazvo kuti Magwaro akati anokodzera sei mugadziriro yose yezvokwadi yeBhaibheri uye kuti zvinogona sei kushandisa zvizere zvikuru zano reShoko raMwari muupenyu hwazvo zvimene.

Zvapupu zvaJehovha zvinewo “chokwadi zvizere” pamusoro pezvipikirwa zvaMwari. Zvine chivimbo chakakwana chokuti hapana nechimwe chezvipikirwa zvake chichakundikana kunyange muudzame hudukusa uye kuti zvose hazvo zvichazadzikwa munguva yake yakagadzwa. Zadziko youporofita hweBhaibheri iyo zvakaona nokuwana nokudaro inozvisiya zvine chokwadi zvizere chokuti nyika iripo iri “munguva [yayo] yomugumo” uye kuti chipikirwa chaMwari chenyika itsva yakarurama chichakurumidza kuzadzikwa.—Dhan. 12:4, 9, NW; Zvak. 21:1-5.

Chii, ipapoka, chavanofanira kuve vachiita? “Chenjerai, murinde,” Jesu akarayira kudaro, “nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Naizvozvo rindai . . . kuti [Tenzi] arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai muvete. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai.” (Marko 13:33, 35-37) Zvapupu zvaJehovha zvinoziva zvikuru kudikanwa kwokuramba zvakarinda.

Kunyanyodisa kwazvakaratidzira padzimwe nguva pamusoro pezadziko youporofita hwakati hakusati kuchichinja ufakazi huri kuungana kubvira paHondo Yenyika I hwokuti tiri mumhedziso yetsika yezvinhu. Zvirokwazvo, kuri nani zvikuru kwazvo kushingaira—kunyange kunyanyoshingaira—kuti tione kuda kwaMwari kuchiitwa kupfuura kuva vakarara mumudzimu kukuzadzikwa kwezvinangwa zvake!—Enzanisa naRuka 19:11; Mabasa 1:6; 1 VaT. 5:1, 2, 6.

Kuramba takarinda kunobatanidzei?

Kuramba Takarinda—Seiko?

VaKristu vanorinda havasati vachingopeta zvavo maoko avo ndokumira. Nyangwe! Vanofanira kuramba vari muchimiro chakakodzera mumudzimu kuti apo Jesu anouya soMuurayi, achabvumikisawo kuva Mununuri wavo. (Ruka 21:28) “Zvingwarirei imi mumene,” Jesu akanyevera kudaro, “kuti mwoyo yenyu isatongoremedzwa nokudyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro richakuwirai seriva. . . . Rambai makamuka.” (Ruka 21:34-36, NW) Nokudaro, vaKristu vanorinda vanofanira kutanga ku‘zvingwarira vamene,’ vachiva vakangwarira kurarama zuva rimwe nerimwe sezvinofanira kuita muKristu. Vanofanira kugara vachingwarira zvikuru mabasa echiKristu ndokudzivisa mufambiro usati uri wechiKristu unoratidzira nyika “iri musimba rowakaipa.” (1 Joh. 5:19; VaR. 13:11-14) Apo Kristu anouya, vanofanira kuva vakagadzirira.

Ndivanaani vakaramba vakamuka zvikuru zvirokwazvo, vari muchimiro chakakodzera mumudzimu? Chinyorwa chenhau chapiwa mumaganhuro apakuvamba echinyorwa chino chinonongedzera kuZvapupu zvaJehovha. Nenzira yakajeka, zvinorangarira zvakakomba mabasa anobatanidzwa mukuva vaKristu. Munguva yehondo, somuenzaniso, zvave zvichidisa kupinda mungozi yokuiswa mutorongo norufu nemhaka yokuva zvinongwarira zvikuru musengwa wokusava rutivi rwenyika uye kuratidzirana rudo rwokurega zvimwe zvinhu. (Joh. 13:34, 35; 17:14, 16) Vanhu vanozvicherekedza paHoro dzazvo dzoUmambo, pakokorodzano dzazvo huru, kana kuti kunyange pamabasa azvo okunyika vanoororwa no‘mufambiro [wazvo] wakaisvonaka.’ (1 Pet. 2:12) Munyika ino iyo isi“sina tsika dzose dzakanaka,” zvine mukurumbira wokurarama upenyu hwokutendeseka, hwakachena mutsika.—VaEf. 4:19-24, NW; 5:3-5.

Kuramba takarinda, kunyange zvakadaro, kunobatanidza zvinopfuura ‘kuzvingwarira umene.’ Murindiri anofanira kuzivisa kune vamwe zvaanoona. Munguva ino yomugumo, vaKristu vakarinda avo vanoona nenzira yakajeka chiratidzo chokuvapo kwaKristu vanofanira kuzivisa kune vamwe “mashoko akanaka oumambo” uye vanofanira kuvanyevera kuti nokukurumidza Kristu achauya ndokuita rutongeso patsika ino yakaipa yezvinhu. (Mat. 24:14, 30, 44, NW) Nenzira iyoyi vanobetsera vamwe kuzviwanira vamene “kusunungurwa.”—Ruka 21:28.

Ndivanaani vakabvumikisa kuva vakarinda kupfurikidza nokuzivisa nyevero yacho? Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuda kweshingairo yazvo mukuzivisa zita raMwari noUmambo. Hazvisati zvichichengetera kuparidza boka rakasarudzwa ravafundisi. Zvinoziva kuti ibasa ravatendi vose. Zvinorirangarira sorutivi rwunokosha rwokunamata kwazvo. (VaR. 10:9, 10; 1 VaK. 9:16) Ndeipi yave iri migumisiro?

Zvino zvinoumba ungano inokura yamamiriyoni emitezo inoshingaira munyika dzinopfuura 220 mupasi rose. (Isa. 60:22; enzanisa naMabasa 2:47; 6:7; 16:5.) Dzimwe dzehurumende dzine simba zvikurusa munhau yorudzi rwomunhu dzakarambidza basa razvo, kunyange kuzviunganidza nokuzviisa mutorongo. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira kuzivisa Umambo hwaMwari! Kutsunga kwazvo kwakafanana nouko kwavaapostora avo, apo vakarayirwa kurega kuparidza, vakazivisa, kuti: “Kana tirisu, hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nokunzwa.” “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 4:18-20; 5:27-29, NW.

“Rambai Muchirikarira”

Mamirire eZvapupu zvaJehovha nhasi akafanana neayo avaKristu veJudhea vomuzana rokutanga ramakore. Jesu akanga avapa chiratidzo icho vaizoziva nacho apo yakanga yava nguva yokutiza vachibva muJerusarema kuti vapukunyuke ruparadziko rwaro. “Apo munoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, . . . vambai kutiza,” Jesu akadaro. (Ruka 21:20-23, NW) Anoti pfuurei makore 30 gare gare, muna 66 C.E., Jerusarema rakakombwa nehondo dzeRoma. Apo mauto eRoma akabva kamwe kamwe pasina chikonzero chaiva pachena, vaKristu veJudhea vakatevera mirayiridzo yaJesu ndokutiza—kwete vachibva muJerusarema chete asi munyika yose yeJudhea—vachienda kuguta raiva muPerea rainzi Pera.

Imomo, vakakotsekana, vakamirira. Gore ra67 C.E. rakasvika ndokupera. Ipapo 68 akateverwa na69. Bva, Jerusarema rakaramba rakasununguka. Vanofanira kudzoka here? Pashure pokurangarira zvose, Jesu akanga asina kutaura kuti vaifanira kumirira nguva yakareba sei. Asi kana vapi navapi vakadzoka, kwakanga kwakaipa zvikuru, nokuti muna 70 C.E. mauto eRoma akadzokera akawanda uko kwakaparira simba rawo kuva rakafanana namafashamo aisagona kumiswa, uye nguva ino haana kubva. Panzvimbo pezvo, akaparadza guta racho ndokuuraya vanhu vanopfuura miriyoni imwe. VaKristu veJudhea ivavo vaiva muPera vanofanira kuva vakafara sei kuti vakanga varamba vakamirira nguva yakagadzwa yaJehovha yokuita rutongeso!

Kwakafanana naavo vanoramba vakarinda nhasi. Vanoziva zvizere kuti kana tikapinda zvikuru munguva ino yomugumo, kuramba tichikarira kuuya kwaJesu kuchava kunodenha zvikuru. Asi havana kurasikirwa nokutenda mumashoko aJesu, anoti: “Zvirokwazvo ndinotaura kwamuri kuti ichi chizvarwa hachisati chichizotongopfuura kutozosvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” (Mat. 24:34, NW) Kutaura kwokuti “zvinhu izvozvi” kunonongedzera kumativi akasiyana-siyana e“chiratidzo” chakaumbwa nezvakawanda. Ichi chiratidzo chave chichioneka kubvira muna 1914 uye chichaguma pa“dambudziko guru.” (Mat. 24:21, NW) Mugumo haugoni kuva uri kure zvikuru.

Munguva ino, Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga chose chose kuramba zvakarinda, zvichitenda zvakazara kuti Mwari achaita zvipikirwa zvake zvose panguva yake yakafanira! Zvinofungisisa mashoko aJehovha kumuporofita Habhakuki. Nezvekwairatidzika kuva kushivirira kwaJehovha uipi muumambo hwaJudha mukati morutivi rwokupedzisira rwezana ramakore rechinomwe B.C.E., Jehovha akaudza muporofita, kuti: “Nyora zvawaratidzwa [pamusoro pomugumo wemamirire ezvinhu anodzvinyirira], uye zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa nounomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema, kunyange [kana zvikaratidzika kuva zvi]nononoka, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Hab. 1:2, 3; 2:2, 3) Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo mukururama kwaJehovha neruramisiro, uye ikoku kunozvibetsera kuchengeta dzikamo yazvo nokumirira “nguva yakatarwa” yaJehovha.

F. W. Franz, uyo akabhapatidzwa muna 1913, akasanotaura mirangariro yeZvapupu zvaJehovha. Muna 1991, sapurezidhendi weWatch Tower Society, akati:

“Tariro yedu chinhu chechokwadi, uye ichazadzikwa zvizere kune wokupedzisira ari wose wemitezo 144 000 yeboka duku kusvikira kumwero unopfuura watakambofungidzira. Isu vevakasarira vaivapo mugore ra1914, apo taikarira tose zvedu kuenda kudenga, hatina kurasikirwa nepfungwa yedu youkoshi hwetariro iyoyo. Asi takasimba nokuda kwayo sezvatave takaita nguva dzose, uye tiri kuinzwisisa zvikuru kwazvo kana tikafanira kuimirira kwenguva refu zvikuru. Iyo chimwe chinhu chakafanirwa nokumirira, kunyange kana kwaida mamiriyoni amakore. Ndinokoshesa tariro yedu zvikuru kwazvo kupfuura nakare kose, uye handitongodi kurasikirwa nokuinzwisisa kwangu. Tariro yeboka duku inopawo vimbiso yokuti kariro yeboka guru ramamwe makwai, pasina bviro ipi neipi yokukundikana, ichazadzikwa kupfuura kufungidzira kwedu kukurusa. Ndicho chikonzero nei tiri kubatisisa kusvikira kuawa ino imene, uye tichabatisisa kutozosvikira Mwari abvumikisa chaizvoizvo kuti iye ndowechokwadi ku‘zvipikirwa [zvake] zvinokosha nezvakaisvonaka zvikuru.’”—2 Pet. 1:4; Num. 23:19; VaR. 5:5.

Nguva iri kusvika nokukurumidza apo kuvapo kwaKristu musimba roUmambo kucharatidzirwa nenzira yakajeka kurudzi rwose rwomunhu. Panguva iyoyo, vakarinda vacha“gamuchira kuzadzikwa kwechipikirwa.” (VaH. 10:36, NW) Zvirokwazvo, kariro dzavo dzichazadzikwa kupfuura ‘zvavati vambofungidzira.’ Vachava vanofara navanoonga sei kuti mumazuva okupedzisira etsika ino yakaipa yezvinhu, ndivo vakapfuurira kuramba vakarinda, vakazivisa Umambo hwaMwari nenzira yokushingaira!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 713]

Vane chokwadi zvizere chokuti nyika iripo iri mu“nguva [yayo] yomugumo”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 714]

Kungwarira kurarama zuva rimwe nerimwe sezvinofanira kuita muKristu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 715]

Ndivanaani vakabvumikisa kuva vakarinda kupfurikidza nokuzivisa nyevero yacho?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 716]

“Ndinokoshesa tariro yedu zvikuru kwazvo kupfuura nakare kose, uye handitongodi kurasikirwa nokuinzwisisa kwangu”—F. W. Franz

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 717]

Mishumo Yokupupura Kwemunyika Yose Nyika Dzose Gore Nyika

Gore Nyika

1920 ....... 46

1925 ....... 83

1930 ....... 87

1935 ...... 115

1940 ...... 112

1945 ...... 107

1950 ...... 147

1955 ...... 164

1960 ...... 187

1965 ...... 201

1970 ...... 208

1975 ...... 212

1980 ...... 217

1985 ...... 222

1992 ...... 229

Nyika Dzose

Nhamba dzenyika dzinoverengwa maererano nenzira iyo pasi rakakamurwa nayo mukuvamba kwema1990, kwete maererano nokukamurwa kwezvamatongerwe enyika uko kwakanga kwakapararira, somuenzaniso, apo aichimbova madzimambo makuru aitonga nzvimbo iyo zvino yakakamuriranwa nenyika dzakati dzakazvimirira.

Gore Ungano

1940 ...... 5 130

1945 ...... 7 218

1950 ..... 13 238

1955 ..... 16 044

1960 ..... 21 008

1965 ..... 24 158

1970 ..... 26 524

1975 ..... 38 256

1980 ..... 43 181

1985 ..... 49 716

1992 ..... 69 558

Ungano Dzose

Gore ra1938 risati rasvika hakuna chinyorwa chinotsinhirana chenyika dzakawanda cheungano dzose chakachengetwa.

Gore Vap.

1935 ...... 56 153

1940 ...... 96 418

1945 ..... 156 299

1950 ..... 373 430

1955 ..... 642 929

1960 ..... 916 332

1965 ... 1 109 806

1970 ... 1 483 430

1975 ... 2 179 256

1980 ... 2 272 278

1985 ... 3 024 131

1992 ... 4 472 787

Vaparidzi voUmambo Vose

Mutoo wokuverenga nawo vaparidzi wakava nechinjo dzakati mukati mema1920 uye pakuvamba kwema1930. Mishumo yeungano yaitumirwa kuSosaiti vhiki nevhiki, panzvimbo pekamwe pamwedzi. (Mishumo yomwedzi nomwedzi haina kushanda kusvikira October 1932.) Kuti arangarirwe somushandi weboka (muparidzi weungano), munhu aifanira kupa anenge maawa 3 pavhiki (kana kuti 12 pamwedzi) kubasa romumunda, maererano ne“Bulletin” yaJanuary 1, 1929. Ma“sharpshooter” (vaparidzi vari voga) aifanira kupa anenge maawa maviri pavhiki kukupupura.

Gore Mapiyona

1920 ......... 480

1925 ....... 1 435

1930 ....... 2 897

1935 ....... 4 655

1940 ....... 5 251

1945 ....... 6 721

1950 ...... 14 093

1955 ...... 17 011

1960 ...... 30 584

1965 ...... 47 853

1970 ...... 88 871

1975 ..... 130 225

1980 ..... 137 861

1985 ..... 322 821

1992 ..... 605 610

Mapiyona

Nhamba dzakarongwa pano dzinobatanidza mapiyona enguva dzose, mapiyona ebetsero, mapiyona chaiwo, vafundisi, vatariri vedunhu, uye vatariri veruwa. Mapiyona aimbozivikanwa sama“colporteur”, uye mapiyona ebetsero sama“colporteur” ebetsero. Kwamakore akawanda zvikurusa nhamba dzinomirira maavhareji omwedzi nomwedzi.

Gore Fun. dzeBh

1945 ....... 104 814

1950 ....... 234 952

1955 ....... 337 456

1960 ....... 646 108

1965 ....... 770 595

1970 ..... 1 146 378

1975 ..... 1 411 256

1980 ..... 1 371 584

1985 ..... 2 379 146

1992 ..... 4 278 127

Fundo dzeBhaibheri Dzapamusha

Mukati mema1930, dzimwe fundo dzakaitiswa vanhu vamwe navamwe, asi simbiso yaiva pakudzidzisa vanhu kuti vaigona sei kuzviitira vamene, uyewo pakuronga fundo idzo dzaigona kupindwa navamwe vanhu vanofarira munharaunda yacho. Gare gare, apo vanhu vamwe navamwe vakaratidza fariro yapachokwadi, vaiitiswa fundo kusvikira vabhapatidzwa. Gare gare zvakare, kurudziro yakapiwa yokupfuudzira fundo kusvikira munhu wacho apiwa betsero yakati yakasimba nokuda kwokuva muKristu akakura mumudzimu.

Gore Maawa

1930-35 ....... 42 205 307

1936-40 ....... 63 026 188

1941-45 ...... 149 043 097

1946-50 ...... 240 385 017

1951-55 ...... 370 550 156

1956-60 ...... 555 859 540

1961-65 ...... 760 049 417

1966-70 .... 1 070 677 035

1971-75 .... 1 637 744 774

1976-80 .... 1 646 356 541

1981-85 .... 2 276 287 442

1986-92 .... 5 912 814 412

Maawa Ose

Pakanga pasina kuwanzoshumwa hako kwenguva kusvikira mukupera kwema1920. Mutoo wokuverenga nawo maawa wakava nechinjo dzakati: Mukuvamba kwema1930, nguva yaipiwa kukupupura kwapaimba neimba bedzi yaiverengwa—kwete yaipedzerwa pashanyo dzedzokerero. Nepo mushumo unoratidzwa pano uchiorora zvirokwazvo, chaizvoizvo ifungidziro bedzi yechitsama chikuru chenguva yakapiwa neZvapupu zvaJehovha kubasa rokuzivisa Umambo hwaMwari.

Gore Mabh. Akag.

1920-25 ....... 38 757 639

1926-30 ....... 64 878 399

1931-35 ...... 144 073 004

1936-40 ...... 164 788 909

1941-45 ...... 178 265 670

1946-50 ...... 160 027 404

1951-55 ...... 237 151 701

1956-60 ...... 493 202 895

1961-65 ...... 681 903 850

1966-70 ...... 935 106 627

1971-75 .... 1 407 578 681

1976-80 .... 1 380 850 717

1981-85 .... 1 504 980 839

1986-92 .... 2 715 998 934

Mabhuku Akagoverwa

Nedzisingabatanidzwi shomanene, nhamba dzemakore akatangira 1940 hadzibatanidzi kugoverwa kwemagazini, kunyange zvazvo mamiriyoni amakopi akagoverwa. Nhamba kubvira muna 1940 dzinobatanidza mabhuku, mabhukwana, mabhurocha, uye magazini, asi kwete mazana amamiriyoni amaturakiti ayo akashandiswawo kunyandura kufarira shoko roUmambo. Hwerengedzo yamabhuku 10 107 565 269 akagoverwa kubvira muna 1920 kusvikira kuna 1992 mumitauro inopfuura 290 inopa ufakazi hwouchapupu hwechienzi hwemunyika yose.

Gore Vapindi Vadyi

1935 ...... 63 146 ... 52 465

1940 ...... 96 989 ... 27 711

1945 ..... 186 247 ... 22 328

1950 ..... 511 203 ... 22 723

1955 ..... 878 303 ... 16 815

1960 ... 1 519 821 ... 13 911

1965 ... 1 933 089 ... 11 550

1970 ... 3 226 168 ... 10 526

1975 ... 4 925 643 ... 10 550

1980 ... 5 726 656 .... 9 564

1985 ... 7 792 109 .... 9 051

1992 .. 11 431 171 .... 8 683

Vapindi veChirangaridzo Nevadyi

Gore ra1932 risati rasvika, nhamba dzaivapo dzavapindi veChirangaridzo kazhinji kazhinji hadzina kuzara. Padzimwe nguva, mapoka e15, 20, 30 bedzi, kana kuti kupfuura akanga achibatanidzwa muhwerengedzo dzakabudiswa. Nenzira inofadza, makore akawanda zvikurusa ayo nhamba dzose dzaivapo anoratidza kuti vanenge vamwe vevapindi vacho vakanga vasiri vadyi. Pakasvika 1933 musiyano wacho wakanga uri vanenge 3 000.

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe