Numeri
23 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi,+ uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.” 2 Bharaki akabva angoita zvakanga zvataurwa naBharami. Uye Bharaki naBharami vakabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 3 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, ini ndiende. Zvimwe Jehovha achataura neni. Chero zvaanenge andiratidza, ndichakuudza.” Saka akaenda kuchikomo chakanga chisina chinhu.
4 Mwari akabva ataura naBharami,+ uyo akabva ati kwaari: “Ndagadzira atari nomwe mumitsara, ndikabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.” 5 Jehovha akaisa shoko iri mumuromo maBharami:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 6 Saka akadzokera uye akaona kuti Bharaki nemachinda ese eMoabhi vakanga vakamira pedyo nechibayiro chake chinopiswa. 7 Akabva ataura chirevo ichi achiti:+
“Bharaki mambo weMoabhi akanditora kubva kuAramu,+
Kubva kumakomo ekumabvazuva:
‘Uya unditukire Jakobho.
Chokwadi, uya utsoropodze Israeri.’+
8 Ndingatuka sei vaya vasina kutukwa naMwari?
Uye ndingatsoropodza sei vaya vasina kutsoropodzwa naJehovha?+
9 Ndinovaona ndiri pamusoro pematombo,
Uye ndinovaona ndiri pazvikomo.
10 Ndiani anogona kuverenga guruva raJakobho+
Kana kuverenga kunyange chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvaIsraeri?
Regai ndife zvangu* sekufa kunoita vakarurama,
Uye kuguma kwangu ngakufanane nekwavo.”
11 Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Chii ichi chawandiitira? Ndakakutora kuti utuke vavengi vangu, asi watovakomborera zvako.”+ 12 Akapindura kuti: “Ndorega here kutaura zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naJehovha?”+
13 Bharaki akati kwaari: “Uya tiende kune imwe nzvimbo paunogona kuvaona uri. Uchangoona vamwe vacho; hauzovaoni vese. Unditukire vanhu ivavo uri ipapo.”+ 14 Saka akaenda naye kusango reZofimu, pamusoro pePisga,+ akavaka atari nomwe uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 15 Saka Bharami akati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, pandiri kumbonotaura naye ndiri uko.” 16 Uye Jehovha akataura naBharami, akaisa shoko iri mumuromo make:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 17 Saka akasvika kwaaiva, akaona kuti akanga akamumirira ari pedyo nechibayiro chake chinopiswa, uye aiva nemachinda eMoabhi. Bharaki akamubvunza kuti: “Jehovha ati chii?” 18 Akabva ataura chirevo ichi achiti:+
“Simuka, Bharaki, uteerere.
Ndinzwe, haiwa iwe mwanakomana waZipori.
19 Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema,+
Uye haana kufanana nemwanakomana wemunhu anochinja pfungwa.*+
Kana akataura chimwe chinhu, angarega kuchiita here?
Kana akataura, anotadza kuzvizadzisa here?+
21 Haadi kuona Jakobho achiitirwa zveuroyi,
Uye haaregi Israeri achisangana nematambudziko.
Jehovha Mwari wake anavo,+
Uye anorumbidzwa chaizvo samambo pakati pavo.
22 Mwari ari kuvabudisa muIjipiti.+
Akaita senyanga dzenzombe yemusango kwavari.+
Panguva ino zvinogona kunzi nezvaJakobho naIsraeri:
‘Onai zvaitwa naMwari!’
Haisi kuzorara pasi kusvikira yadya mhuka yayabata
Uye yanwa ropa remhuka dzayauraya.”
25 Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Kana usingagoni kumutuka, saka chiregawo kumukomborera.” 26 Bharami akapindura Bharaki achiti: “Handina kukuudza here kuti, ‘Ndichaita zvese zvinenge zvataurwa naJehovha’?”+
27 Bharaki akati kuna Bharami: “Ndapota, uya ndikuendese kune imwezve nzvimbo. Zvimwe zvichange zvakarurama kuna Mwari wechokwadi kuti unditukire Israeri uri ipapo.”+ 28 Saka Bharaki akaenda naBharami pamusoro pePeori, pakatarisana neJeshimoni.*+ 29 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi, uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.”+ 30 Saka Bharaki akaita zvakanga zvataurwa naBharami, uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.