Akanga Asina Kunyanyokura Zvokusagona Kubatira Jehovha
VANHU vakawanda vakwegura vanonzwa kuti makore avo asara ane tariro shomanene yomufarwa. Mumwe mutambi wechikadzi ava kukwegura anosanozivikanwa akatoti: “Ndakashatisa upenyu hwangu, uye kwatova kunyanyononoka kuhuchinja . . . Apo ndinofamba ndoga, ndinofunga shure pamusoro poupenyu hwangu, uye handifari nenzira yandakahuita . . . Handina zororo munzvimbo iri yose uye handikwanisi kugadzikana.”
Mumwe mukadzi akwegura uyo akararama makore anodokusvika 2 000 apfuura akanga asina chinetso chorudzi irworwo. Akanga ari chirikadzi yamakore 84 okukura, asi akanga achishingaira, achifara, uye akadiwa zvinoshamisa naMwari. Zita rake rakanga riri Ana, uye akanga ane chikonzero chaicho chokufara. Chaiva chipi?
“Akanga Asingabvi Mutembere”
Munyori weEvhangeri Ruka anotirovedzanisa naAna. “Zvino,” anodaro, “kwakanga kuna Anawo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri,” muna Israeri. Somuprofitakadzi, akanga ane chipo chomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, mupfungwa chaiyo. Uye Ana akanga ane banza guru rokuporofita nhambo imwe inokosha.
Ruka anowedzera, kuti: “Iye wakanga achembera kwazvo, wakanga ano murume makore manomwe kubvira paumhandara hwake, wakanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana.” (Ruka 2:36, 37) Sezvingabvira, Ana akava chirikadzi apo akanga ari muduku zvikuru. Vakadzi vechiKristu vakafirwa navarume vezera ripi neripi vanoziva kuti kunorwadza sei kurasikirwa nomurume anodiwa murufu. Kufanana navakadzi voumwari vakawanda vomuzuva redu, zvisinei, Ana haana kurega ichi chinoitika chinosuruvarisa chichimisa basa rake kuna Mwari.
Ruka anotiudza kuti Ana “wakanga asingabvi mutembere” muJerusarema. (Ruka 2:37) Akaonga nokudisa kukomborerwa kunobva mubasa paimba yaMwari. Zviito zvake zvakazivisa kuti iye, kufanana nowezvamapisarema mambo Dhavhidhi waIsraeri, aiva nechinhu chimwe bedzi chokukumbira kuna Jehovha. Uye chakanga chiri chii? Dhavhidhi akaimba, kuti: “Chinhu chimwe chete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutembere yake.” (Pisarema 27:4) Muna ikokuwo Ana akafanana navakadzi vechiKristu nhasi vanowana mufaro mukuvapo nguva dzose panzvimbo yaJehovha yokunamatira.
Ana akaita basa rinoyera kuna Jehovha siku nesikati. Akaita ikoku “nokuzvinyima zvokudya nokukumbira,” zvichiratidzira kuchema nokushuva kwapachokwadi. (Ruka 2:37) Kuzviisa pasi kwechiJudha kwamazana amakore kumasimba eVamarudzi, pamwe chete nemigariro inoipa yorudzidziso izvo zvakasvika kunyange kutembere nohuprista hwayo, zvaisanogona kuva zvakaparira kuzvinyima zvokudya nemikumbiro zvaAna kuna Jehovha Mwari. Asi akanga anewo chikonzero chokuva anofara, zvikurukuru nemhaka yechimwe chinhu chechienzi chakaitika pazuva rinokosha zvirokwazvo mugore ra 2 P.N.V.
Chikomborero Chisingakarirwi
Pairi zuva rinokosha zvikuru, mucheche Jesu akaunzwa kutembere yeJerusarema namai vake, Maria, uye baba vake wokurera, Josefa. Mukweguru Simeoni akaona mucheche ndokutaura mashoko ouporofita panhambo iyoyo. (Ruka 2:25-35) Ana akanga ari patembere senguva dzose. “Munguva iyeyo imene,” anoshuma kudaro Ruka, “akasvika pedyo.” (Ruka 2:38, NW) Ana anofanira kuva akafadzwa sei sezvo meso ake oukweguru akaona Mesia womunguva yemberi!
Mazuva makumi mana pamberi pezvi, ngirozi yaMwari yakanga yakatyamadza vafudzi pedyo neBheterehema namashoko, anoti: “Nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi.” Boka rehondo yokudenga rakarumbidza Jehovha ndokuwedzera, kuti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” (Ruka 2:8-14) Nenzira yakafanana, Ana akasundwa zvino kupa uchapupu pamusoro poUyo aizova Mesia!
Pakuona mucheche Jesu, Ana “akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.” (Ruka 2:38) Kufanana nomukweguru Simeoni, akaropafadzwa kuona mucheche Jesu patembere, pasina panikiro akanga ave achishuva, achinyengetera, uye achimirira Musununguri akapikirwa. Mashoko akanaka okuti Jesu akanga ari Iyeyo akanga akanyanyomunakira zvokusarega kuudzawo vamwe.
Kunyange zvazvo Ana angave asina kukarira kuva mupenyu apo Jesu akanga akura, chii chaakaita? Akapupurira nomufaro kuna vamwe pamusoro pokusunungurwa kwakanga kwodokuitwa kupfurikidza nouyu Mesia anouya.
Muenzaniso Wakaisvonaka waAna
Vanhu vangani vorudzidziso venyika vaizopa uchapupu hwakadaro kana kuti vangave vachiri kunamata siku nesikati pazera ramakore 84? Sezvingabvira, vaizove vakumbira mudyandigere makore akati pamberi pezvi. Ana naSimeoni vakanga vakasiyana. Vakagadzira mienzaniso yakaisvonaka vabatiri vose vakwegura vaJehovha. Zvamazvirokwazvo, vakada imba yaJehovha yokunamatira ndokumurumbidza nomwoyo wavo wose.
Muna Ana tine muenzaniso wakaisvonaka wechirikadzi youmwari. Kutaura idi, rondedzero yaRuka youyu mukadzi akwegura anozvininipisa inosanoenzana nezvikwaniriso zvechirikadzi yakafanira zvakarongwa pana 1 Timotio 5:3-16. Ipapo muapostora Pauro anotaura kuti chirikadzi yakadaro “inogara ichikumbira nokunyengetera usiku namasikati,” iye “mukadzi womurume mumwe chete,” uye ‘anotevera nokushingaira basa rose rakanaka.’ Ana akanga ari rudzi irworwo rwomukadzi.
Nhasi, tinowana chirikadzi dzakwegura dzakatendeka dzichiita basa rinoyera kuna Mwari siku nesikati muzviuru zveungano dzeZvapupu zvaJehovha kupota pasi. Tinoonga zvikuru sei kuva naava “vanaAna” vomuzuva razvino uno pakati pedu!
Kunyange vakwegura, varume navakadzi vanogona kuita tsauriro kuna Mwari ndokuratidzira iyoyi norubhapatidzo rwomumvura. Vakwegura havana kunyanyokura zvokusagona kubatira Jehovha uye kupupura pamusoro poUmambo hwouMesia zvino hwakatogadzwa mumatenga uye huchakurumidza kuunza zvikomborero zvikuru kurudzi rwomunhu runoteerera. Vanhu vakwegura zvino vari kuita basa rinoyera kuna Mwari vanogona kupupurira chikomborero chaJehovha pavari, kunyange seizvo Ana akakomborerwa zvikuru mazana amakore apfuura. Akanga asina kunyanyokwegura zvokusagona kubatira Jehovha uye kurumbidza zita rake dzvene—uye ivowo havana.