Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Thailand
“NYIKA yavakasununguka.” Iyoyo ndiyo revo yezita rokuti Thailand. Pfungwa dzakasiyana-siyana dzorudzidziso dzinodavirwa navagari vemo vayo vanyoro, vanoshanda nesimba vanopfuura 57 000 000. Kunyange zvazvo chiBuddha chiri chikuru, marudzidziso echiKristudhomu anoshandiswawo muiyi nyika yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva yeAsia. Vanhu vose ivava vanofarira kunzwa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateo 24:14.a
Vapoteri Vanonzwa Mashoko Akanaka
Mumisasa yakapararira muzvikomo zvose zveThailand mumuganhu weMyanmar, zvokwadi yeBhaibheri iri kufambira mberi pakati pavapoteri vechiKaren vanopfuura 10 000. Mitezo yeimwe mhuri yechiKaren inogara munharaunda iyoyo Zvapupu zvaJehovha. Yave ichiparadzira mashoko akanaka pakati pavapoteri. Basa rayo rakatanga sei?
Makore anoverengeka apfuura rimwe jaya rakagura batano yaro neChechi yeAnglican ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Dzichikurudzirwa nomufundisi wadzo, hama dzokunyama dzaro dzakarishora. Zvisinei, rakatsungirira nenzira yokushivirira, uye chishoro chemhuri yaro chakaderera zvishoma nezvishoma. Vafundisi veChechi yeAnglican vakaramba vachiseka kusvikira anenge makore maviri apfuura apo vakadzingwa pabasa ravo nemhaka yomufambiro woutere. Sezvo chechi panguva iyeyo yakanga isina mufudzi, mhuri yapedyo nedzimwe hama dzokunyama dzeChapupu dzakakatyamadzwa uye dzakasiiwa. Gumi neimwe dzadzo dzakabuda muchechi ndokukumbira Zvapupu kufunda Bhaibheri nadzo.
Iyi fundo yakafambira mberi zvakaisvonaka, vamwe vapoteri vachitora rutivi. Zvokwadi yakapararira nokukurumidza, zvichiguma norubhapatidzo rweZvapupu zvitsva 17 murwizi runoyerera nomumusasa wavapoteri. Chaiva chiono chinofadza sei apo ambuya vamakore 88 okukura vakanyudzwa mumvura navo!
Vhidhiyo Inonyandura Fariro
Bviro yokukura ihuru pakati pavapoteri. Muna 1993 pakuchengetwa kweChirangaridzo, vanhu 57 vaivapo. Mukati meshanyo yemutariri wedunhu muna May wegore iroro, vane 67 vakaungana nokuda kweimwe yehurukuro dzake. Uye vanenge 250 vakaungana kuzoona vhidhiyo yeWatchtower Society yeJehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.
Mudzimai womufudzi weBaptist mumusasa wavapoteri akapinda hurukuro yavose yeBhaibheri yakatsigirwa neZvapupu ndokunyora magwaro eBhaibheri akakurukurwa. Akaudza murume wake kusagutsikana kwaaiita nemharidzo dzinodzokororwa dzainzwiwa kuchechi yavo. Akaramba, achitaura kuti kana aizoenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha, vamwe vose vomuruwa rwomurisi vaizotevera. Apo akapindazve misangano, murume wake akamutandanisa ane banga ndokupisa zvinonyorwa zvake zvomusangano namabhuku eBhaibheri. Pasinei hapo naikoko, apo vhidhiyo yakaratidzwa, akauyazve. Gare gare uyu mukadzi akaudza murume wake zvaakanga aona. Nechimiro chendangariro chakachinja, akada kuona vhidhiyo uye akanzwa urombo kuti akanga apisa zvinonyorwa zvake namabhuku eBhaibheri.
Naizvozvo kunodaro kuti vanhu vari kunzwa mashoko akanaka muThailand. Vari nokudaro kuwana rusununguko rwomudzimu mu“nyika yavakasununguka.”—Johane 8:32.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona Karenda reZvapupu zvaJehovha ra 1994.
[Bhokisi riri papeji 24]
KUKAMURANISWA KWENYIKA Gore Rebasa ra 1993
CHIVERE. CHAPA. CHINOPUPURIRA: 1 434
RESHIYO: Chapupu 1 ku 40 299
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 3 342
AVHAREJI YAVAPARIDZI MAPIONA: 232
AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 1 489
CHIVERE. CHAKABHAPATIDZWA: 92
CHIVERENGERO CHEUNGANO: 39
HOFISI YEBAZU: BANGKOK
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vazivisi voUmambo varikuparidzira nokushingaira mashoko akanaka
[Mufananidzo uri papeji 25]
Hofisi yebazu yokutanga, 1947
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mhuri yeBheteri pamberi pehofisi yebazu itsva muBangkok, yakatsaurirwa pana February 8, 1992