Upenyu hwaJesu Noushumiri
Chirairo cheChirangaridzo
PASHURE pokunge Jesu ashambidza tsoka dzavaapostora vake, anonokora mashoko rugwaro rwuri paPisarema 41:9, achiti: “Unodya chingwa changu, wakandisimudzira chitsitsinho chake.” Ipapo, achitambudzika mumudzimu, iye anotsanangura, kuti: “Mumwe wenyu uchandipandukira.”
Vaapostora vanovamba kutambudzika uye vanoti kuna Jesu mumwe nomumwe: “Ishe, ndini here?” Kunyange Judhasi Iskarioti anokumbanira mukubvunza. Johane, uyo akarara pedyo naJesu patafura, anosendamira pachipfuva chaJesu uye anobvunza, kuti: “Ishe, ndianiko?”
“Ndimumwe wavane gumi navaviri, unoisa ruoko neni mundiro,” Jesu anopindura kudaro. “Nokuti Mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu anopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.” Pashure paikoko, Satani anopindazve muna Judhasi, achishandisa mwena uri mwoyo make, uyo wava wakaipa. Gare gare usiku ihwohwo, Jesu nenzira yakafanira anodana Judhasi kuti “mwanakomana woruparadziko.”—NW.
Jesu zvino anoudza Judhasi, kuti: “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” Hapana nomumwe wavamwe vaapostora vanonzwisisa izvo Jesu anoreva. Vamwe vanofungidzira kuti sezvo Judhasi akachengeta bhokisi remari, Jesu ari kumuudza, kuti: “Tenga zvatinoda pamutambo,” kana kuti anofanira kuenda ndokupa chimwe chinhu kuvarombo.
Pashure pokunge Judhasi aenda, Jesu anotanga kuchengeta kutsva chose chose, kana kuti kuchengeta, ane vaapostora vake vakatendeka. Iye anotora chingwa, anotaura munyengetero wokuonga, anochimedura, uye anochipa kwavari, achiti: “Torai, mudye.” Iye anotsanangura, achiti: “Ichochi chinoreva muviri wangu uyo unofanira kupiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita ikoku mukundiyeuka.”—NW.
Apo mumwe nomumwe anenge adya chingwa, Jesu anotora mukombe wewaini, sezviri pachena mukombe wechina wakashandiswa muPaseka. Iye anotaurawo munyengetero wokuonga pamusoro pawo, anoupfuudza kwavari, anovakumbira kunwa mauri, uye anoti: “Mukombe uyu isungano itsva neropa rangu, iro rinofanira kudururwa nokuda kwenyu.”—NW.
Naizvozvo ichochi, kutaura idi, chirangaridzo chorufu rwaJesu. Gore rimwe nerimwe pana Nisani 14 chinofanira kudzokororwa, sezvinotaura Jesu, mukuyeukwa kwake. Chichayeuchidza vachengeti icho Jesu naBaba vake vokudenga vakaita kugoverana kupukunyuka kworudzi rwomunhu mushurikidzo yorufu. Nokuda kwavaJudha vanova vateveri vaJesu, kuchengeta kuchatsiva Paseka.
Sungano itsva, iyo inoitwa kuti ishande neropa rakadeurwa raJesu, inotsiva sungano yekare yoMutemo. Iyo inorevererwa naJesu Kristu pakati pamativi maviri—parumwe rutivi rumwe, Jehovha Mwari, uye pane rumwe, maKristu akaberekwa nomudzimu ane 144 000. Kunze kwokugovera kanganirwo yezvivi, sungano inobvumira kuumbwa kworudzi rwokudenga rwamadzimambo navaprista. Mateo 26:21-29; Marko 14:18-25; Ruka 22:19-23; Johane 13:18-30; 17:12; 1 VaKorinte 5:7.
◆ Uporofitai hweBhaibheri uhwo Jesu anonokora mashoko pamusoro peshamwari, uye kushandai kwahwo kwaanoita?
◆ Neiko vaapostora vachitambudzika zvikuru, uye mumwe nomumwe wavo anobvunzei?
◆ Chii chinoudza Jesu Judhasi kuita, asi vamwe vaapostora vanodudzira sei iyi miraidzo?
◆ Ichengetoi iyo Jesu anotanga pashure pokunge Judhasi aenda, idonzoi rainobatira?
◆ Ndivanaani vari mativi kusungano itsva, uye chii icho sungano yacho inoita?