Vazivisi Voumambo Vanoshuma
◻ “CHITAMBUDZO chikuru” mukurwisana neungano yechiKristu yapakuvamba chakabatira kuparadzira vadzidzi vazhinji vaKristu. (Mabasa 8:1) Zvisinei, ichi chitambudzo chakaparira miuyo isingadikanwi nemhaka yokuti avo vakaparadzirwa “vakapfuura nenyika vachizivisa mashoko akanaka eshoko.” (Mabasa 8:4, NW) Firipo akapfuurira kuparidzira, uye “nomwoyo mumwe mapoka akanga achipa ngwariro.” (Mabasa 8:6, NW) Sezvo chitambudzo chakaparira miuyo isingadikanwi muzana rokutanga ramakore, ndizvo zvachakaitawo mumumwe musha kuchamhembe kweThailand.
Piona chaiye weZvapupu zvaJehovha akavamba kuparidzira muuyu musha, asi pakutanga vagari vomusha havasati vakateerera. Apo iye akataura kumuparidzi womunzvimbomo, zvisinei, vanhu vakakomba kuti vateerere. Vamwe vakasvika pakuziva kuti Zvapupu zvaiziva Bhaibheri zviri nani kupfuura mufundisi wavo, naizvozvo vakavamba kufunda Bhaibheri napiona kunyange zvazvo vamwe vakavanetsa. Mamwe amadhadha avo akaurawa, upenyu hwapiona hwakatyisidzirwa, uye imba yomumwe munhu anofarira yakapiswa. Murume wacho akati: “Ivo vanogona kupisa imba yangu, asi havagoni kupisa mwoyo wangu.” Avo vanofunda neChapupu vakatasva bhasikoro daro refu kuzopinda misangano paHoro yoUmambo. Vana vavo vakabhapatidzwa, uye vamwe vatanhatu vachiri kupinda misangano pamwe chete navo.
Tuso Yokutendeseka
◻ Hama dzomuZambia dzakavaka mukurumbira wakanaka wokutendeseka, uye ikoku kwakaguma nezvikomborero kwadziri, pamwe chete nokubetsera vamwe kuziva zvokwadi. Mumwe mukuru, uyo ari piona wenguva dzose, akanga achifamba mubhazi uye akanzwawo zvake Chapupu chaiva mubhazi chichitaura kuvamwe pamusoro porumuko. Mumwe mukwiri akamubvunza, kuti: “Neiko imi Zvapupu muchitaura kuti rudzidziso rwenyu ndirwo bedzi rwechokwadi?” Hama yakakumbanira kurukurirano yacho uye yakataura kumukwiri wacho kuti Jehovha achatusa Zvapupu zvake nemhaka yokuti zvinodzidza zvokwadi inobva muBhaibheri.
Pashure pepakati pousiku parwendo urwu rwurefu, bhazi rakasvika parodhibhuroko. Kwakanga kuchinaya zvikuru. Mumwe murwi akapinda mubhazi ndokubvunza kana makanga mune vapi navapi veZvapupu zvaJehovha mubhazi. Makanga mune zvitatu. Ipapo iye akati: “Zvakanaka, Zvapupu rambai makagara, vamwe vasara budai namabhegi enyu.” Vamwe vose vakabuda mumvura, uye pashure penzvero, ivo vakadzokera nomukwende wavo uye zvipfeko zvavo zvatota.
Adzoka mubhazi, murwi akati: “Chikonzero chandarega Zvapupu zvichisara ndechokuti izvo vanhu vakatendeseka. Tava neruzivo rwokuzviwanira rwakawanda uye takawana kuti ivo ndivo bedzi vakatendeseka; apo tinobvunza chiri mumabhegi avo, vanotiudza zvokwadi.” Sezvo bhazi rakapfuurira kufamba, hama yakabvunza, kuti: “Ndorwupi rwuri rudzidziso rwechokwadi?” Mumwe munhu akapindura, kuti: “Rwuya rwusina kutoteswa nemvura.”
Hungu, kutendeseka kunobetsera kuziva rudzidziso rwechokwadi, uye irwo zvamazvirokwazvo rwune tuso dzarwo!