Ungadai Wakaziva Mesiya Here?
JESU KRISTU akapedza makore matatu nehafu achiparidza Shoko raMwari pakati pavaIsraeri. Asi panguva apo ushumiri hwake hwapasi hwakasvika kumugumo, vazhinjisa vevanhu venguva yake vakanga vamuramba saMesiya, kana kuti se“Akazodzwa” waMwari akapikirwa. Nei?
Bhaibheri rinotibetsera kuziva zvikonzero zvinoverengeka nei vaJudha vomuzana ramakore rekutanga vasina kubvuma Jesu saMesiya. Zvitatu zveizvi zvikonzero zvinodzivisa vakawanda kubvuma nzvimbo yomuzuva razvino yaJesu saMambo anotonga Mesiya.
“Tinoda Kuona Chiratidzo”
Chikonzero chimwe nei vaJudha vomuzana rokutanga ramakore vasina kuziva Mesiya chakanga chiri kuramba kwavo kubvuma zviratidzo zvapaMagwaro zvainongedzera kukuva Mesiya kwake. Panguva nenguva, vanhu vaiteerera Jesu vakarayira kuti aite chiratidzo chokubvumikisa kuti akanga abva kuna Mwari. Somuenzaniso, Mateo 12:38 inoshuma kuti vamwe vavanyori navaFarise vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” Jesu akanga asina kutovaratidza zviratidzo here? Chokwadika akanga adaro.
Panguva iyoyo Jesu akanga atoita zvishamiso zvakati. Akanga ashandura mvura kuva waini, aporesa mukomana akanga ofa, arapa ambuya vaPetro vairwara, achenesa murume aiva nemaperembudzi, agonesa murume akafa mitezo kufamba, adzorera utano hwomurume akanga ave achirwara kwamakore 38, adzosera kumugariro womuzvarirwo ruoko rwomurume rwakaunyana, asunungura vanhu vakawanda pahosha dzavo dzinorwadza, aporesa muranda wemukuru wehondo, adzosa kubva kuvakafa mwanakomana wechirikadzi, uye arapa murume bofu uye mbeveve. Izvi zvishamiso zvakanga zvaitikira muKana, Kapernaumi, Jerusarema, uye Naini. Uyezve, mashoko pamusoro pezvishamiso zvakadaro akapararira muJudhea mose uye nyika yakapoteredza.—Johane 2:1-12; 4:46-54; Mateo 8:14-17; 8:1-4; 9:1-8; Johane 5:1-9; Mateo 12:9-14; Marko 3:7-12; Ruka 7:1-10; 7:11-17; Mateo 12:22.
Nenzira yakajeka, pakanga pasina perevedzo yezviratidzo zvaibvumikisa kuti Jesu akanga ari Mesiya. Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvakawanda kwazvo pamberi pevanhu vacho, havana kumutenda. Avo vakaona chibvumikiso chokuti Jesu akanga atumwa naMwari asi vasina kumubvuma saMesiya vakanga vari mapofu mumudzimu. Mwoyo yavo yakanga yakaoma uye isingatapurwi nechokwadi.—Johane 12:37-41.
Zvakadini nezuva redu? Vamwe vanhu vanozivisa kuti, “Ndinodavira bedzi zvandinoona namaziso angu ndimene.” Asi iyoyo inzira yokuchenjera yokutora here? Uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti Jesu akatogadzwa pachigaro choumambo saMambo wokudenga muUmambo hwaMesiya. Sezvo asingaoneki, tinoda chiratidzo kutibetsera kuziva utongi hwake, hwakaratidzira kutanga kwamazuva okupedzisira etsika ino yakaipa yezvinhu. Unoziva chiratidzo chacho here?—Mateo 24:3.
Maererano neBhaibheri, kutanga kwoutongi hwaKristu saMambo Mesiya kwaizoratidzwa nehondo, kudengenyeka kwapasi, perevedzo dzezvokudya, uye nhenda pamwero usingaenzaniswi. Mu“mazuva okupedzisira,” ukama hwevanhu hwaizoratidzirwa neudyire, makaro, uye kushaikwa kwokuzvidzora. (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:6, 7; Ruka 21:10, 11) Kunze kwechibvumikiso chokuverengwa kwenguva, mativi anopfuura 20 akasiyana-siyana emazuva okupedzisira anonongedzera kuvamba kwokutonga kwaMesiya muna 1914.—Ona Nharireyomurindi yaMarch 1, 1993, peji 5.
“Vanoda Mari”
Kudisa zvenyika chakanga chiri chimwe chikonzero nei vaJudha vakaramba Jesu saMesiya. Kuisa ukoshi hwakanyanya kupfuma kwakadzivisa vakawanda kutevera Jesu. Somuenzaniso, vaFarise vaizivikanwa kuva “vakanga vachida mari.” (Ruka 16:14) Rangarira chakaitika chemutongi akapfuma uyo akasvika Jesu ndokubvunza mawanirwe oupenyu husingaperi. “Chengeta mirayiro,” ndiyo yakanga iri mhinduro yaJesu. “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ndichakashayiweiko?” rakabvunza kudaro jaya racho, sezviri pachena richifunga kuti zvakawanda zvakanga zvichidikanwa kupfuura kuchengeta mitemo yakati. “Enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere,” Jesu akariudza kudaro. Mukana wakadini—kuva mudzidzi waMesiya! Bva mutongi wacho akaenda, atambudzika. Nei? Nemhaka yokuti pfuma pasi pano yakanga ichikosha zvikuru kwariri kupfuura pfuma mudenga.—Mateo 19:16-22.
Mamiriro ezvinhu haana kuchinja. Kuva muteveri wapachokwadi waMambo Mesiya kunoreva kuisa fariro dzomudzimu pamberi pechimwe chinhu chiri chose, kubatanidza zvinhu zvapasi. Nokuda kwavapi navapi vane murangariro wekudisa zvenyika, iyoyi idenho. Somuenzaniso, vafundisi vakaroorana muimwe nyika yokuMabvazuva vakataura kumumwe mukadzi pamusoro peBhaibheri. Vachidavira kuti angada kudzidza zvakawanda pamusoro paJehovha Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu, varoorani vacho vakamugovera Nharireyomurindi neMukai! Akaita sei? “Aya magazini achandibetsera kuwana mari yakawanda here?” akabvunza kudaro. Mukadzi wacho akanga achifarira zvikuru zvinhu zvokunyama kupfuura zvinhu zvomudzimu.
Varoorani vamwe chetevo vakafunda Bhaibheri nerimwe jaya iro rakatanga kupinda misangano paHoro yoUmambo. “Uri kupambadza nguva yako,” vabereki varo vakariudza kudaro. “Unofanira kuwana basa rechipiri mumanheru ndokuwana mari yakawanda.” Kunosuruvarisa sei apo vabereki vanokurudzira vana vavo kuisa zvinhu zvokunyama pamberi pokudzidza pamusoro paMambo Mesiya! “Nokuda kwepfuma yake yose mutongi haagoni kutenga makore ane zviuru zvine gumi oupenyu,” chinodaro chirevo chechiChina.
Vakawanda vakasvika pakuziva kuti kudzidza pamusoro paMambo Mesiya nokumutevera hakubvumiri kuda mari. Chimwe Chapupu chaJehovha chaisiva nebhizimisi racho chimene rine mari yakawanda, chakati: “Kuva nemari yakawanda kunofadza zvikuru asi hakusi madikanwa. Mari haisi iyo inoita kuti munhu afare.” Zvino mutezo wemhuri yeBheteri pabazu rokuEurope reWatch Tower Society.
“Vaitya vaJudha”
Kutya munhu kwakanga chiri chimwezve chikonzero nei vaJudha vasina kugamuchira Jesu saMesiya. Kubvuma pachena kuva Mesiya kwake kwaireva kuisa mukurumbira wavo mungozi. Nokuda kwavamwe mutengo iwoyo wakanga wakanyanyokwirira. Rangarira Nikodhimo, mutezo wedare rapamusoro rechiJudha rainzi Sanihedrini. Aororwa nezviratidzo zvaJesu uye dzidziso, akabvuma, kuti: “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi anobva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asinaye.” Bva Nikodhimo akashanyira Jesu usiku, zvimwe kudzivisa kuzivikanwa navamwe vaJudha.—Johane 3:1, 2.
Nokuda kwavazhinji vakanzwa Jesu achitaura, tendero yavanhu yakanga ichikosha zvikuru kupfuura iyo yaMwari. (Johane 5:44) Apo Jesu akanga ari muJerusarema nokuda kwoMutambo waMatumba muna 32 C.E., “kun’un’una kukuru k[wa]kavapo pakati pavazhinji pamusoro pake.” Hapana akataura pamusoro paJesu pachena “nokuti vakatya vaJudha.” (Johane 7:10-13) Kunyange vabereki vomurume uyo Jesu akanga arapa upofu vakanga vasingadi kubvuma chishamiso chacho sechinobva kumumiriri waMwari. Ivowo “vaitya vaJudha.”—Johane 9:13-23.
Nhasi, vamwe vanoziva kuti Jesu zvino anotonga saMambo Mesiya mudenga, asi vanotya kubvuma ikoku pachena. Nokuda kwavo mutengo wokurasikirwa nechimiro chavo chakanaka navamwe wakanyanyokwirira. MuGermany, somuenzaniso, chimwe Chapupu chaJehovha chakava nekurukurirano yeBhaibheri nemurume uyo akabvuma, kuti: “Izvo imi Zvapupu munoparidza pamusoro peBhaibheri ichokwadi. Asi kana ndikava Chapupu nhasi, mangwana munhu ari wose angaziva pamusoro pako. Vangafungei pabasa, munharaunda, uye kukirabhu iyo mhuri yangu neni tiri rutivi? Handingagoni kutsungirira ikoko.”
Chii chinoparira kutya munhu? Rudado, kuda mukurumbira pakati pemhuri neshamwari, kutya kusekwa uye kuzvidzwa, funganyo pamusoro pokuva akasiyana navazhinjisa. Mirangariro yakadaro inobvumikisa kuva muedzo zvikurukuru nokuda kwaavo vanotanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, mumwe mukadzi akafadzwa kufunda pamusoro peParadhiso iyo Umambo hwaMesiya huchaunza pasi poutongi hwaJesu Kristu. Asi akanga ari mutsigiri anodisa wedisco, uye kutya munhu kwakamudzivisa kutaura kuvamwe pamusoro petariro iyoyi. Pakupedzisira, akawana ushingi hwokutaura norusununguko pamusoro peBhaibheri. Shamwari dzake dzedisco dzakamuramba, asi murume wake nevabereki vake vakaratidza fariro. Mukadzi wacho naamai vake pakupedzisira vakabhabhatidzwa, uye murume wake nababa vake vakavamba kufunda Bhaibheri. Ituso yakadini nokuda kwokukurira kutya munhu!
Unoziva Chaizvoizvo Mesiya Here?
Apo Jesu akanga achifa padanda rokutambudzira, vamwe vavadzidzi vake vakanga varipo. Vakanga vamuziva saMesiya akafanotaurwa. Vakanga varipowo vakanga vari vatongi vechiJudha, avo, sokunge zvakadaro, vakanga vachiri kuda chiratidzo. “Ngaazviponese, kana ari Kristu [kana kuti Mesiya] waMwari, Musanangurwa wake.” (Ruka 23:35) Vaitozongorega kukumbira chiratidzo here? Jesu akanga aita zvishamiso zvakawanda. Mukuwedzera, kuberekwa kwake, ushumiri, kutongwa, kuurawa, uye kumuka zvakazadzika uporofita hwakawanda hweMagwaro echiHebheru.—Ona “All Scripture Is Inspired of God and Beneficial,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 343-4.
Vaipfuura vakazvidza Jesu, zvavakanga varamba ufakazi hwokuva Mesiya kwake. (Mateo 27:39, 40) Varwi nenzira yokudisa zvenyika vakagovana zvipfeko zvaJesu pakati pavo vamene, vachikanda mijenya nokuda kwenguvo yake yomukati. (Johane 19:23, 24) Kutya munhu kwaiva rutivi muzvimwe zviitiko. Somuenzaniso, rangarira Josefa weArimatia, mutezo weSanihedhrini. “Waiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha.” Pashure porufu rwaMesiya, Josefa naNikodhimo vakatarisira muviri waJesu. Josefa nokudaro akakurira kutya kwake munhu.—Johane 19:38-40.
Kudai wakanga uchirarama muzana rokutanga ramakore, ungadai wakaziva Jesu saMesiya here? Kuita saizvozvo kungadai kwakada kuti ugamuchire ufakazi hwapaMagwaro, urambe kufunga kwokudisa zvenyika, uye kusatera kukutya munhu. Muaya mazuva okupedzisira, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza amene kuti, ‘Ndinoziva Jesu zvino saMambo Mesiya wokudenga here?’ Nokukurumidza achadzora zvinhu zvapasi. Apo ikoko kunoitika, uchava pakati paavo vanoziva chaizvoizvo Jesu Kristu saMesiya akapikirwa here?
[Mifananidzo iri papeji 28]
Usatongofuratira ufakazi hwokuti Jesu ndiye Mambo Mesiya
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kudzidza pamusoro paMesiya kazhinji kazhinji kunoreva kukurira kutya zvingataura vamwe