Vimba naJehovha
“Vimba naJehovha uye chengeta nzira yake, ipapo iye achakukudza kuti uve muridzi wapasi. Apo vakaipa vanogurwa, uchazviona.”—PISAREMA 37:34, NW.
1, 2. Rudzi rwomunhu runoratidzika kuva rwakamira papi, uye Chibatanwa chaMarudzi chinobatanidzwa sei?
MUNE ZVOUNGWARU, mhuri yomunhu yasvika pamwero wayo mukurusa wokufambira mberi. Nemhaka yenhamburiko yayo, iyo pakupedzisira yazosvika pazera renyukireya. Simba reatomiki rinoratidzika kuva rinokwanisa kugovera simba rakawanda uye nokudaro kuzarura zvinhu zvakaisvonaka munyika yose. Nenzira inofadza, iyo yakagadzirirawo nzira yekuvadziko hurusa kudzinza romunhu.
2 Chii chinodzivisa kuzviparadza imene kwemhuri yomunhu mukuuraya kukuru kwenyukireya? Chingagona kuratidzika kuva Chibatanwa chaMarudzi, icho chinodada namarudzi ari mitezo 159 ane zvimiro zvakawanda zvehurumende. Mune zvamatongerwe enyika, idzi hurumende hadzibvumirani, imwe neimwe ichidavira kuti chimiro chayo chimene chokutonga chikuru, hungu, chakanakisisa. Mukati mayo imene, naizvozvo, CM iboka risingabvumirani. Rudado rworudzi nechishuvo chokuzvitonga zvakatekeshera. Uyezve, chiverengero chakati chamarudzi chakaramba rudaviro muna Mwari, chichiva chisingatendi kuvapo kwaMwari.
3. Murangariro wechiKristudhomu waMwari wakasiana sei nouyo Mwari amene anawo?
3 Zita rokuti chiKristudhomu richiri rinoshanda kumarudzi asingadi kurongwa saasingatendi Mwari asi anotaura kutenda muna Jesu Kristu pamwe chete na“Mwari Baba” mumubatanidzwa woutatu naJesu uye no“mweya musande,” kana kuti mudzimu mutsvene unotaurwa somunhu. Mitezo yoUtatu inotaurwa kuva yakaenzana. Asi Baba vaJesu vakaita kuti muporofita Isaya anyore awa mashoko okuzivikanwa: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.” (Isaya 42:8) Uyu Jehovha, kana kuti Yahwe (The Jerusalem Bible), akaita chinyorwa chenhau chisingaenzaniswi chake amene.
4. Chibatanwa chaMarudzi chiri kubvisa rudzi rwomunhu pachii?
4 Kusitongori kukukudzwa kwacho, Chibatanwa chaMarudzi chakaramba kupa kuzita raMwari rukudzo rwakafanira nokuzivikanwa. Icho hachikurudziri rudzi rwomunhu, zvino rwakatarisana nomugariro warwo wokupererwa nezano zvikurusa, kuvimba nomutakuri wezita iroro. Bva, Iyeyo anonzi nenzira yakarurama “Mwari wetariro,” nemhaka yokuti iye akavanzarika hwaro hwetariro bedzi yakasimba iyo rudzi rwomunhu zvino rungava nayo. (VaRoma 15:13, King James Version) Tariro iyo iye anopa yakasimbisa ndokutsigira varume navakadzi vazhinji.
Pakuvamba—Tariro!
5. Hwaro hwetariro hwakavanzarikwa rini?
5 Hwaro hwokuva netariro iyoyo hwakavanzarikwa pakuvamba munhau yemhuri yomunhu. Hungu, yakavanzarikwa nokukurumidza pamberi pokudzingwa kwavabereki vedu vokutanga vachibva mumusha wavo webindu reEdheni muMiddle East. Chinyorwa chakanyorwa mumutauro wechiHebheru pamsoro pebindu iroro, kana kuti Paradhiso, hachisi rungano, haisi ngano yavanhu vakabva mukunamata Musiki wavo.—Genesi 2:7–3:24.
6. Rudzi rwomunhu rwakasvika sei pakuda tariro?
6 Anopfuura makore 4 000 gare gare, muapostora wechiKristu Pauro akafuridzirwa kunyora, kuti: “Chivi chakapinda munyika kupfurikidza nomunhu mumwe uye rufu kupfurikidza nechivi, uyewo nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti ivo vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Mumamwe amanyoro ake, iye akazivisa munhu mumwe ane mhaka, achiti: “Nokuti vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.” (1 VaKorinte 15:22) Chiremba anonzi Ruka, muganhuro yechi 3 yeEvhangeri yake, akaronda mutsara wedzinza waJesu kudzokera shure kuna Adhama, uyo, asati adzingwa muEdheni, akanzwa shoko raJehovha retariro.—Ruka 3:23-38.
7. Ndichinhui chinokurudzira icho Mwari akaita apo Adhama akanga achiri mupenyu?
7 Nenzira yomuzvarirwo, iwe unofanira kuda kuziva zvomukati meshoko iroro. Asi usati wazvirava, cherechedza idi rokuti kwenguva refu Jehovha ave ari mupi wetariro. Pakuvamba Adhama akanga ari mwanakomana wapasi waMwari, uye Mwari akamubvumidza kubereka vana. Kana iwe ukadeya kuona mugariro unotyisa, ungada kukurudzira kana kuti kupa tariro kuvana vako. Mwari akaita chimwe chinhu chakafanana. Pashure pokunge Adhama anzwa mashoko aJehovha eshurikidzo akaziviswa paari somunhu oga, iye akanzwa mashoko etariro nokuda kwavazukuru vake.
8. Genesi 3:15 yakagovera sei hwaro hwetariro?
8 Chii chaiva mashoko iwayo akabva kuuyu Mwari anopa tariro? Ku“Nyoka” yakabatanidzwa muchivi chaAdhama, Mwari akati: “Ini ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yomukadzi [vana]. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:14, 15, NW) Iwe ungashamisika kuti mashoko iwayo aigona sei kutaurwa kuti amutse tariro. Kutanga, tinodzidza kuti “nyoka” yaifanira kupwanywa musoro wayo.
9. Ndiani akanga ari “nyoka” inonongedzerwa kwairi pana Genesi 3:14, 15?
9 Muna Zvakazarurwa 12:9, NW makanyorwa, kuti: “Naizvozvo dragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yapakuvamba, iya inonzi Dhiabhorosi naSatani, unotsausa pasi rose rinogarwa, iye akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe chete naye.” Hungu, “nyoka” yakabatanidzwa muEdheni yakanga isiri imwe kunze kwechisikwa chomudzimu chinozivikanwa saSatani Dhiabhorosi. Nyoka yokufananidzira iyoyo haina kungova bedzi nengirozi mudenga asi yakava ne“mbeu” pano pasi pano, “mbeu” iyo munguva yakafanira ichapwanywa ndokusavapo pamwe nayo.
10. Jesu akasimbisa sei kuzivikanwa kwe“nyoka”?
10 Achisimbisa uku kuzivikanwa kwaDhiabhorosi saari “nyoka” yakatsigira kuwa kwavabereki vedu vapakuvamba, Jesu Kristu akati kuvatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vomuzana rokutanga ramakore: “Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi . . . Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.” (Johane 8:44) Jesu akadanawo vashori ivavo vorudzidziso kuti “Imi, zvibereko zvenyoka.”—Mateo 12:34; 23:33.
Tariro Yakachengetwa Iri Mhenyu
11. Chikonzeroi chokuwedzera chetariro chakagovera Genesi 3:15?
11 Chipikirwa choumwari chokupwanywa kwomusoro wenyoka yokufananidzira chakaisa zvomenemene tariro inofadza pamberi pemhuri yose yomunhu iyo yaizovapo. Isu tinogona kuona chikonzero nei kupfurikidza nokunzvera mamwe mativi aGenesi 3:15, NW. “Mbeu” yomukadzi inodudzwa. Kuzivikanwa kwe“mbeu” iyoyo kwakasiiwa kwenguva refu kuri chakavanzika. Asi kwakajeka kuti Jehovha Mwari aizoisa “mbeu” iyoyo yakanga ichigere kuziviswa paruvengo nenyoka yokufananidzira ne“mbeu” yayo inovenga Mwari. Rukundo rwakapikirwa, hungu, rwakavimbiswa, nokuda kwe“mbeu” yo“mukadzi”! Rukundo rwayo rwakagadzwa setariro pamberi porudzi rwomunhu. Naizvozvo mitezo yemhuri yomunhu yaigona kukarira kuuya kwe“mbeu” iyoyo yo“mukadzi.”
12. Pashure penguva yakati, chiizve chakaziviswa pamsoro pe“mbeu” yo“mukadzi”?
12 Mumazana ose amakore apfuura, Mwari akazivisa kuti iyi “mbeu” yakanga iri Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, uyo akatumwa kupasi kuzova Mesia uye kuzopa upenyu hwake sechibairo chorudzikinuro. (Genesi 22:17, 18; VaGaratia 3:16; 1 Johane 2:2; Zvakazarurwa 5:9, 10) Nokuda kweichi chikonzero tariro yeZvapupu zvaJehovha haisati iri paChibatanwa chaMarudzi. Iyo iri pana Jesu Kristu mupenyu, Mutauriri Mukuru waJehovha Mwari. Isu tinogona kuva nechivimbo chokuti Kristu mupenyu, sezvo iye akamuka achibva muna vakafa kuti agadzikwe parudyi rwaJehovha mudenga. Pauro anoti: “Kana tine tariro kuna Kristu paupenyu uhwu bedzi [huri upenyu hunobatanidza zana redu ramakore rechi 20], tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose. Asi zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.” (1 VaKorinte 15:19, 20) Sezvave zvichiwanzosimbiswa muBhaibheri mumapeji emagazini ino, Jesu Kristu nhasi akagadzwa saMambo wokudenga.—Zvakazarurwa 11:15.
13, 14. Ndokupi kunoisa Zvapupu zvaJehovha tariro yazvo, uye chii chazvinoita pamsoro payo?
13 Chokwadika, Jesu haana kutsiva Jehovha setariro yorudzi rwomunhu. Pisarema 37:34, NW rinoramba richiri rinoshanda: “Vimba naJehovha uye chengeta nzira yake, ipapo iye achakukudza kuti uve muridzi wapasi. Apo vakaipa vanogurwa iwe uchazviona.” Kuchiri madikanwa kuramba tichivimba naJehovha nokukurudzira vanhu vose kurega kuvimba namasangano akaitwa nomunhu.
14 Mutsinhirano neiri idi, Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira munyika 208, zvichiparidzira mashoko akanaka oUmambo. Izvo hazvigoni kuregedzeswa kuita saizvozvo. Masangano ezvamatongerwe enyika, achiyamurwa uye achibetserwa namasangano orudzidziso, haana maruramiro oumwari mukuedza kuzvimisa. Tinogona kupfuurira kuva zvapupu zvaJehovha nokuvimba naye, sezvakaita Dhavhidhi weBhetrehema, uyo akanyora, kuti:
15. Rudzii rwetariro rwaiva naMambo Dhavhidhi muna Jehovha?
15 “Jehovha ndiye mufudzi wangu; hapana chandichashaiwa. Unondivatisa pasi pamafuro manyoro; unonditungamirira murutivi memvura yakanyarara. Unodzorera mweya wangu: Iye anonditungamirira munzira dzokururama nokuda kwezita rake. Hungu, kunyange zvazvo ndichifamba mumupata womumvuri worufu, handisati ndichizotya zvakaipa; nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Munogadzirira tafura pamberi pangu pamberi pavavengi vangu: Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka. Zvirokwazvo runako nomutsa worudo zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; uye ndichagara muimba yaJehovha nokusingaperi.”—Pisarema 23, American Standard Version.
16. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jesu aiva nomurangariro mumwe chetewo nowaiva naDhavhidhi?
16 Mambo Dhavhidhi akanga ari mufudzi womudzimu waJehovha wamarudzi aIsraeri wakare, uye iye akagadzirira nzira yokuti Jerusarema rive dzimbahwe rorudzi, umo mwanakomana wake Soromoni akatonga kwamakore 40. Nechikonzero chakanaka, Jesu Kristu akataurwa nezvake so“mwanakomana waDhavhidhi.” (Ruka 1:31; 18:39; 20:41) Kana Dhavhidhi aivimba naJehovha Mwari, muzukuru wake wapasi Jesu Kristu aizoita zvakafanana. Uye iye akadaro.
17. Ufakazii huripo hwokuti Jesu aivimba naJehovha?
17 Sohufakazi hwokuti muzukuru wapasi akakurumbira zvikurusa waDhavhidhi, Jesu Kristu, akatevera zano rePisarema 37:34 pakufira padanda rokutambudzira, Jesu akati: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46, NW) Iye akanga achinokora mashoko nokuzadzika mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 31:5, NW akataurwa kuna Mwari, anoti: “Ndinoisa mudzimu wangu muruoko rwenyu.” Tariro yaJesu haina kukundikana, sezvakangoita iyo yaMambo Dhavhidhi. Kristu akamutswa muna vakafa pazuva rechitatu. Mazuva ane makumi mana gare gare iye akadzokera kuna Baba vake vokudenga. Pamugumo weNguva dzaVamarudzi muna 1914, Jehovha akasimudza Mwanakomana wake kuti ave Mutongi wapasi.
Nguva Yetariro Zvino
18. Neiko nhasi iri nguva yakafanira yetariro?
18 Nhasi, sezvo gore idzva 6 014 A.M. (muGore reNyika) rinopinza mhuri yomunhu munguva yemberi, itariroi inogona kuviwa nayo nokuda kwemhuri yomunhu? Mubvunzo iwoyo zvino wakakodzera zvikurusa nemhaka yokuti tadokuva namakore 1 900 munhambo yapashure peBhaibheri. Yave iri nguva refu chibviro chaapo Dhavhidhi akanyora Pisarema 37:34.
19. Jehovha akaitirei Jesu, kuchitipa tariro?
19 Jehovha Mwari, Mwari Wamasimba ose uyo akamutsa Jesu muna vakafa, ane basa guru zvikuru rake kupfuura iro rakafungidzirwa navanhu vasingaoni zviri kure. Kupfurikidza nokumutsa nokukwidza Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kurudyi rwake mumatenga, Jehovha Mwari akawedzera chikonzero chokuti titarire Kwaari netariro isingakundikani, tariro yedu yokugumisira. Inogona kureva upenyu hwedu husingaperi mumufarwa, seizvo chaizvo munyori akafuridzirwa Pauro anoti: “Isu tinoponeswa muiyi tariro.”—VaRoma 8:24, NW.
20. Neiko tichigona kutaura kuti Jehovha achiri “Mwari wetariro”?
20 Muapostora wacho anopfuurira kuti: “Tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani unotarira chaanoona? Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira.” (VaRoma 8:24, 25) Naizvozvo tariro yapakuvamba iyoyo ichiri kupfuurira, hungu, yava pedyo nezadziko ine mbiri parudzi rwomunhu. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:4, 5) Nokuda kwechikonzero chimene chokuti itariro yorudzi rwose rwomunhu, inofanirwa nokuziviswa kuvose. Iyi ndiyo pfungwa ya“Mwari [wedu] wetariro.”
21, 22. Chii chatinogona kukarira marudzi kuita munguva yemberi iri pedyo?
21 Zvino kupfuura nguva dzose yava nguva yake yokuti iyi pfungwa iitwe. Kunyange munhambo yedu apo marudzi eCM akaita kudzorwa nesayenzi kwomusimboti umene wezvinhu zvose, vatungamiriri veidzi hurumende havanzwe kudikanwa kwokusiira kupedzwa kwezvinetso kuungwaru hwakakwirira.—Enzanisa naGenesi 11:6.
22 Sezvisakamboitika nakare kwose, rudzidziso rwakakurumbira rwuri kuzvidzivirira, gotsi rarwo riri parusvingo. Pesvedzero yarwo inokamuranisa inofanira kuparadzwa. Bhaibheri rinoratidza kuti masangano anotonga achataura ukuru hwawo ndokuzvibvisa amene kumarudzidziso anotsamira pamamwe ayo ave achiedza kwenguva refu kwazvo kutorera sangano renyika zvinhu nokuda kwezvose zvaanogona kuwana. Hakushamisi, ipapoka, kuti sangano rezvamatongerwe enyika richatora iyi nzira. Kupukunyuka kwawo paiyi denho parudzidziso kucharatidzira, mumurangariro wawo, kuti hakuna Mwari anofanirwa nokunamatwa nokubatirwa. Chiratidzo chouporofita ndechokuti iwo panguva iyeyo achapandukira zvapupu zvaMwari, izvo zvinosara. Iwo achatsvaka nyoresa yorukundo paZvapupu zvaJehovha somugumo wenhimbe yawo yokurwisana naMwari.—Zvakazarurwa 17:12-17; Ezekieri 38:10-23.
23, 24. Jehovha achaita sei kudenho yamarudzi pavanhu vake?
23 Zvisinei, iwo pakupedzisira achasvika pakuziva rukundo runonyadzisa urwo runofanira kuuya kumunhu anotsunga kupinda murwisano naJehovha wehondo, uyo asati atongorasikirwa nehondo. Ikoko kuchakuita kuti kuve pachena zvikuru kuti ave achibatira madonzo omushori mukuru waMwari mumwe wechokwadi, ndiko kuti, “nyoka,” Satani, “mwari wetsika ino yezvinhu.”—2 VaKorinte 4:4, NW.
24 Ikoku kuchareva kunyadziswa kwakadini nokuda kwawo! Izvo akanga akarira kuratidzira zvichabvumikisa kuva kuganhira kukurusa, kuchinyandurira Mwari amene wedenga napasi kukutsamwa kwakarurama. Kurudzi rwomunhu rudukusa iye aigona kuti: “‘Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi dzangu,’—ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingadzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.’”—Isaya 55:8-11.
25. Neiko, ipapoka, zvino tine chikonzero chakanaka chokutarira kuna Jehovha sa“Mwari [wedu] wetariro”?
25 Uyu Musiki womunhu akaisa mumwoyo womunhu kuziva kukuru, souko iye amene anako. “Nokuti zvanzi naJehovha wehondo: ‘Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rangu.’” (Zekaria 2:8) Naizvozvo, ipapoka, Zvapupu zvaJehovha zvichafanira kuvimba naJehovha. Iye achawirirana netariro iyoyo kusvikira kukunatswa zvikurusa kwouchangamire hwake hwapose pose. Iye achabvumikisa pasina nedzimwe nharo dzose dzipi nedzipi kuti iye ndiye Mwari wokumusorosoro, wamasimba ose, asingagumi, uyo akararama mukuwirirana netariro dzakakwirira zvikurusa dzezvisikwa zvake mudenga rose napasi. Hareruya!—Pisarema 150:6.
Ungapindura Sei?
◻ Neiko tariro yamarudzi ichinyengera?
◻ Mwari akagovera sei hwaro hwetariro muna Genesi 3:15?
◻ Ndeipi yaiva nzvimbo yaJesu pamsoro pePisarema 37:34?
◻ Neiko zvino tine chikonzero chetariro?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Sezvo makwai achitevera mufudzi wawo, naizvozvo Dhavhidhi akatarira kuna Jehovha ndokuvimba naye
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.