Kukudza Mwari Wetariro
“Naizvozvo zvanzi naJehovha: . . . ‘Vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.’”—1 SAMUERI 2:30.
1. Chikonzeroi chatinacho chokuda kukudza Jehovha? (1 Timotio 1:17; Zvakazarurwa 4:11)
NEMHAKA yekariro dzatinogona kuva nadzo, dzakavakirwa paBhaibheri, kwakakodzera chose chose uye kune mufungo kuti tikudze “Mwari wetariro,” “Mwari anopa tariro.” (VaRoma 15:13, King James Version; New World Translation) Neiko kwakadaro? Tinogona sei, isu tiri vanhu vadukusa, vasina kukwana, kukudza Musiki Mukuru wechisiko chapose pose? Uye iye achatikudzawo here?
2. Jesu akanzwa sei pamsoro porukudzo runopiwa kuna Mwari?
2 Tinogona kudzidza muzvakaitika kuna Jesu. Hapana nomumwe wedu angaramba kuti Jesu nguva dzose aida kuti Baba vake vakudzwe, vapiwe mbiri. (Johane 5:23; 12:28; 15:8) Kutaura idi, Jesu akatsoropodza vaFarise navanyori avo ‘vakakudza Mwari nemiromo yavo, asi vane mwoyo yaiva kure naye.’ Tapota cherechedza, kusakudza kwavo Mwari kwakabatanidza vavariro nezviito zvisakafanira. (Mateo 15:7-9) Isu tinogona here, kunyanguvezvo, kutaura kuti mukukudza kwaKristu Mwari, tariro yake yaibatanidzwa? Uye Jehovha akaita sei kukukudzwa kwakadaro?
3. Tinoziva sei kuti Jesu aivimba naJehovha?
3 Jesu akarangarira zvakakomba mashoko aDhavhidhi ari paPisarema 16:10, anoti: “Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.” Nemhaka yokuti aiva neiyi tariro yokumutswa, Jesu Kristu aigona kutaura mashoko anofadza kumuiti wezvakaipa akarovererwa parutivi pake: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:39-43, NW) Muiti wezvakaipa iyeyo akakurumidza kufa, naizvozvo haana kukwanisa mazuva matatu gare gare kupupurira kusimbiswa kwetariro yaJesu yokumutswa. Asi chapupu chakaona chakashuma, kuti: “Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.” (Mabasa 2:31, 32) Rakanga riri idi.
4. Rukudzoi urwo Jesu aifanirwa narwo ndokugamuchira? (Zvakazarurwa 5:12)
4 Vazhinji vavanhu venhando avo Jesu akashumira vaiziva kuti akanga akafanirwa nembiri, kana kuti rukudzo. (Ruka 4:15; 19:36-38; 2 Petro 1:17, 18) Ipapo iye akafa setsotsi. Ikoko kwakachinja zvinhu here? Aiwa, nokuti Jesu aiva netendero yaMwari waaivimba naye. Nokudaro, Jehovha akamudzorera kuupenyu. Idi rokuti “Mwari wetariro” akamutsira Mwanakomana wake kuupenyu ndokumupa kusafa munzvimbo yemidzimu rinobvumikisa kuti Baba vakanga vachipfuurira kukudza Mwanakomana wavo. Pauro anoti: “Tinomuona, iye Jesu, . . . akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.”—VaHebheru 2:7, 9; VaFiripi 2:9-11.
5. Jesu akakudzwa munzirai chaiyo, kuchiguma norukudzoi rwakawedzerwa kuna Mwari?
5 Jesu, uyo akanga akudza Jehovha, akadudza nzira imwe chaiyo mairi Baba vakamukudza. Mukuoneka kuvaapostora vake vakatendeka, iye akati: “Chiremera chose chakandipiwa mudenga napasi pano. Naizvozvo endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene . . . Tarirai! Ndinemi mazuva ose kusvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:18-20, NW) Naizvozvo Baba vakakudza Mwanakomana zvakawedzerwa kupfurikidza nokumupa chiremera chechienzi. Ichochi chaifanira kushandiswa nokuda kwavanhu vaizoita basa iro rinounza rukudzo kuno Uyo Jesu anovavarira kukudza. Ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti isu vanhu vasina kukwana tinogona nenzira yakati kukudza Baba ndokukudzwawo navo?
Vanhu Vanokudza Mwari
6. Kwakafanira here kushuva kukudzwa, asi ingozii iripo muna ikoku? (Ruka 14:10)
6 Vanhu vazhinjisa havambofunga nezvokukudza Mwari pakutanga, nokuti ivo vanofarira zvikuru kuzviwanira vamene rukudzo. Vamwe vangatotaura kuti ndokwomuzvarirwo kuti tide kukudzwa. Pane mwero wakadini wezvokwadi muna ikoku, sezvo kuri kwomuzvarirwo kushuva mukurumbira wakanaka, nomwero wakati worukudzo runobva muna ikoku. (1 Timotio 3:2, 13; 5:17; Mabasa 28:10) Bva, chishuvo chorukudzo runobva kuvanhu chinogona kusatana kukatutsirwa. Ikoku kuri pachena kupfurikidza navazhinji vanotsvaka mbiri pandyiko ipi neipi kana kuti avo vachaita chinhu chipi nechipi kuti vadzivise nyadzi.
7. Neiko kukudzwa navanhu kuri kwoukoshi hwakaganhurirwa hwakadaro?
7 Paunofunga nezvako, kunyange rukudzo rukurusa runobva kuvanhu harugari, nokuti vose vanokurumidza kufa. Haiwa, kuyeukwa kwemhare shomanene kungakudzwa kwenguva yakati, asi vazhinjisa vavakafa vanokanganwiwa. Ndivanhu vangani vanoziva mazita amadzitateguru avo kana kuti kuziva vakanga vari vatungamiriri vorudzi rwavo makore ane zana apfuura? Zvomenemene, kana mumwe munhu akararama kana kuti asina kurarama hakuchinji zvinhu. Iye anongova zvake guruva duku pazviyero zvenguva, donhwe duku mukufamba kwoupenyu. Uye kunyange kana iye achikudzwa kwechinguva pashure porufu, iye haazivi nezvako. (Jobho 14:21; 2 Makoronike 32:33; Muparidzi 9:5; Pisarema 49:12, 20) Chinhu bedzi chinogona kuita musiano kuva netariro iyo Mwari anogovera, kumukudza, uye kukudzwawo naye. Tinogona kuona ikoku muupenyu hwavararami panguva imwe cheteyo vaviri muna Israeri wekare.
8. Eri akawira mumusungoi unobatanidza kupiwa kworukudzo?
8 Eri akanga ari mumwe wavo. Iye akabatira Mwari munzvimbo yechienzi yomuprista mukuru kwamakore 40 uye akaropafadzwa kutonga Israeri. (1 Samueri 1:3, 9; 4:18) Kunyanguvezvo, pashure penguva yakati iye akaratidza utera pamsoro pavanakomana vake Hofni naPinehasi. Kunyange zvazvo vaiva vaprista, ivo vakashatisa nzvimbo yavo kupfurikidza nokuba mativi ezvibairo uye kupfurikidza nokupinda muutere hwevatano. Apo baba wavo akaita zvinotipfuurei kuvatsoropodza zvinyoro, Mwari akazivisa kuti Eri ‘akaramba achikudza vanakomana vake kupfuura ini.’ Jehovha akanga apikira kupfuuridzira uprista hwaAroni, asi aizogura imba yaEri munzvimbo youprista hukuru. Neiko? Mwari akatsanangura, kuti: “Vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.”—1 Samueri 2:12-17, 29-36; 3:12-14.
9. Samueri akapiwa sei banza rokukudza Jehovha?
9 Mukupesana kwaiva naSamueri. Iwe sezvingabvira unoziva kuti vabereki vake vakamuunza ari muduku kundobatira patabernakeri muShiro. Humwe usiku Jehovha akataura kumukomana. Iwe ungafarikanya kurava iyi nhauro pana 1 Samueri 3:1-14, uchifungidzira kumutswa kwouyu mukomana, kwete nokutinhira kukuru, asi nenzwi rakaderera iro raakakanganisa achiti nderaEri akwegura. Ipapo funga kuti kunofanira kuva kwaityisidzira sei nokuda kwaSamueri muduku kufanira kuudza muprista mukuru akwegura nezvechisarudzo chaMwari chokuranga imba yaEri. Bva Samueri akakuita; iye akakudza Mwari neteerero.—1 Samueri 3:18, 19.
10. Mukupindura kukukudzwa, Mwari akakudza sei Samueri?
10 Samueri akakudza Jehovha kwamakore somuporofita, uye Mwari akamukudza. Cherechedza izvi pana 1 Samueri 7:7-13. Jehovha akakurumidza kupindura munyengetero waSamueri nokuda kwebetsero yokukurira vaFiristia. Iwe haunganzwi uchikudzwa here nokuva nokuzivikanwa kwakadaro kwoumwari? Apo vanakomana vaSamueri vasina kutevera nhungamiro yake, Mwari haana kumuramba sezvaakanga aramba Eri. Ikoku sezviri pachena kwakanga kuri nemhaka yokuti Samueri akaita zvose zvaaigona kukudza Mwari. Kunoratidzirazve ikoku, Samueri haana kubvumira chikumbiro chavanhu chaMambo wohunhu. (1 Samueri 8:6, 7) Mwari akashandisa Samueri kuzodza vose vari vaviri Sauro naDhavhidhi. Parufu rwaSamueri, Israeri akamukudza kupfurikidza nokuchema. Zvinokosha zvikuru, zvisinei, Mwari akamukudza kupfurikidza nokumududza muBhaibheri pakati pavanhu vokutenda avo vachakomborerwa norumuko nezvinhu zvakanaka izvo Mwari akavachengetera. (Pisarema 99:6; Jeremia 15:1; VaHebheru 11:6, 16, 32, 39, 40) Ikoku hakuratidzi here kuti kukudza “Mwari wetariro” ndokwoukoshi hukuru?
Iwe Uchakudza “Mwari Wetariro” Here?
11, 12. Chii chatinofanira kurangarira pamsoro pokukudza Jehovha, uye ndeipi iri nzira imwe yokuti tiite ikoko?
11 Zvinoitika zvaJesu naSamueri, kupa muenzaniso miviri bedzi yeBhaibheri, zvinosimbisa kuti vanhu vanogona kuisa kukudza “Mwari [wavo] wetariro” sechinhu chikurusa muupenyu. Uye zvinoitika zviviri izvozvo zvinoratidza kuti kupfurikidza nokuita kwedu saizvozvo tinogona nenzira yakafanira kutsvaka ndokugamuchira rukudzo runobva kuna Mwari. Asi iwe unogona sei kuita ikoku nechipikirwa chino mufungo chokuti uchafadza Mwari, uchakudzwa naye, uye uchawana tariro yako yakavakirwa paBhaibheri?
12 Kuva norutyo rwechokwadi, rwokuremekedza rwokutsamwisa Mwari inzira imwe. (Maraki 1:6) Sezvingabvira tinobvumirana nyore nyore nokutaura ikoko. Bva, yeuka vanakomana vaEri. Kudai iwe wakanga wavabvunza kana vakanga vachida kukudza Mwari kupfurikidza nokumutya nenzira yokuremekedza, sezvingabvira zvikurusa vangadai vakati hungu. Chinetso chinouya mukushandisa muupenyu hwezuva riri rose chishuvo chedu chokukudza Mwari kupfurikidza nokumutya.
13. Enzanisira kuti chishuvo chokukudza Mwari kupfurikidza nokumutya chinogona sei kutibetsera.
13 Kana tikatarisana nomugariro unoedza umo tingagona kuba kana kuti kupinda muvatano isakafanira pasina kuva kwawo unozivikanwa navose, ko chishuvo chedu chokukudza Mwari chingatapura mabasa edu here? Tinofanira kusakurira kunzwa kwokuti, ‘Kunyange kana chakaipa chingagona kuramba chakavanzwa, kutera kwangu ndimene kuchivi chakadaro ruzvidzo kuna “Mwari wetariro” ane zita randinaro.’ Uye idi nderokuti chakaipa chacho hachisati chichizoramba chakavanzwa zvechigarire, sezvakangoita zvinhu izvo vanakomana vaEri vakaita. Ikoku kunotsigirwa namashoko aPauro pamsoro po“rutongeso rwakarurama rwaMwari”, anoti: “Iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo: vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa upenyu husingaperi. Asi kuna vane nharo, vasingateereri zvokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.”—VaRoma 2:5-8.
14. Ndeipi iri imwe nzira matinogona kukudza namo Mwari, uye chii chatingazvibvunza timene?
14 Pane rumwe rutivi, Pauro anodudza kutora rutivi “mubasa rakanaka,” iro rinokudza Mwari uye rinoguma ne“mbiri norukudzo” nokuda kwake. Basa guru rorudzi urwu nhasi ndiiro Jesu akadudza pana Mateo 28:19, 20: ‘Itai vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza nokuvadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.’ Mupasi rose, mamirioni eZvapupu zvaJehovha anoshingaira muiri basa rinokudza Mwari rokuparidzira nokudzidzisa. Vazhinji vari kutozvishandisa vamene kuti vave vashumiri venguva yakazara samapiona, pahwaro hwechigarire kana kuti zvimwe mukati mezororo pabasa rokunyika kana kuti chikoro. Tichirangarira ikoku, mumwe nomumwe wedu anogona kurangarira zvinobetsera kuti akamira sei pamsoro peiri basa. Iwe ungabvunza, somuenzaniso, kuti, ‘Ko ini ndiri kukudza “Mwari wetariro” kupfurikidza nokuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira here?’
15. Chii chakaitika kumamwe maKristu pamsoro pokukudza Jehovha kupfurikidza noushumiri hwapachena?
15 Mamwe maKristu ayo kwamakore aiva vaparidzi vanoshingaira akaderera pashoma napashoma. Iwo akagadzikana mumutoo wakati wokungova bedzi negoverano duku kana kuti isiri yenguva dzose mubasa rinokosha rokuita vadzidzi. Hatirevi vanhu vamwe navamwe vane ganhuriro dzomuviri ndokuderera nemhaka yemiuyo youkweguru. Kunze kwavakadaro, kuderera kuri kuonwa pakati peZvapupu zvakati zvamazera akasiana-siana. Nenzira inofadza, Pauro akanga asiri kunongedzera kuboka rakati rezera apo akanyevera maKristu pamsoro po‘kuneta.’ Panzvimbo pezvo, pasinei zvapo neriri zera romunhu, nhau chaiyoiyo ndeyokuti kutora rutivi kwenguva dzose muushumiri kunoda nhamburiko. Sezviri pachena sezvakaitika muzuva raPauro, vamwe nhasi vari kurangarira kuti, ‘Ini ndakaita mugove wangu mumakore apfuura, naizvozvo zvino maKristu matsva anogona kuzvishandisa amene.’—VaGaratia 6:9; VaHebheru 12:3.
16. Neiko tingabetsereka mukuzvinzvera muna ikoku?
16 Avo vakatapurwa neiyi nzira zvamazvirokwazvo vashoma, asi ungabvunza kuti, ‘Ko ini nenzira yokutendeseka ndinoziva kombamiro ipi neipi yakadaro mandiri here? Goverano yangu muushumiri inoenzana sei neiyo yomunguva yakapfuura?’ Kana kuderera kupi nokupi kwakaitika kana kuti kwete, tose tinofanira kurangarira kuti “Mwari [wedu] wetariro” anopikira kugovera “mbiri norukudzo norugare nokuda kwomunhu ari wose anoita chiri chakanaka.” (VaRoma 2:10, NW) Pauro akashandisa shoko rechiGiriki iro rinoreva “kushanda chimwe chinhu, kuparira, kuita.” Kunokosha sei kuti tidzivise chakawira vaFarise navanyori, avo vaingokudza zvavo Mwari nechimiro chebasa rachero! (Marko 7:6; Zvakazarurwa 2:10) Nenzira yakapesana, apo kubva mumwoyo tinogoverana nokushingaira muushumiri hwapachena, tinosimbisa kwatiri timene nokuvamwe kuti tine tariro chaiyoiyo. Tinokudza Musiki wedu noMupi woupenyu. Uye tinopinda mumutsara wokukudzwa naye, zvino uye nokusingagumi.—Ruka 10:1, 2, 17-20.
Nezvinhu Zvedu Zvinokosha
17, 18. Ndeipi iri imwe nzira matinogona kukudza namo Mwari, uye neiko kuzengurira kuita saizvozvo kusina kunaka?
17 Pamsoro peimwe nzira matinogona kukudza namo “Mwari [wedu] wetariro,” Zvirevo 3:9 inoti: “Kudza Jehovha [nezvinhu zvako zvinokosha (NW)], uye nezvitsva zvazvose zvawakawana.” Spurrell anoshandura iyi ndima, achiti: “Rumbidza Jehovha nepfuma yako, uye nezvakanakisisa zvewedzero yako yose.”—A Translation of the Old Testament Scriptures from the Original Hebrew.
18 Sezvo vafundisi vakasiana-siana vakava vane mukurumbira wakaipa nokuda kwamakaro avo makuru nomutoo woupenyu woumbozha, vanhu vazhinji vanozengurira kupa kumachechi namasangano orudzidziso zvine donzo nenzira yakajeka rinoratidzika kuva kungowanwa chete kwepfuma. (Zvakazarurwa 18:4-8) Shatiso dzakadaro, zvisinei, hadzichinji kunaka kwaZvirevo 3:9. Mutsinhirano nezano iroro rakafuridzirwa, tinogona sei kushandisa “zvinhu [zvedu] zvinokosha” ku“kudza Jehovha,” “Mwari [wedu] wetariro”?
19. Enzanisira kuti vamwe vakashandisa sei Zvirevo 3:9.
19 Zvapupu zvaJehovha zvinowana kuti chiverengero chinokura chavanhu chinogamuchira shoko roUmambo chinoda kukura kweHoro dzoUmambo kana kuti kuvakwa kwetsva. Pano, ipapo, pane imwe nzira yoku“kudza Jehovha [nayo] nepfuma yako.” Vaduku navakuru vakagoverana mukuita ikoku, zvakadai sokusarudza somunhu oga kupa kumari yokuvakisa. Kubatirira kuzvisarudzo zvakadaro zvakavandika kungada kuzviranga kwomunhu oga kana kuti kunyange kuzvibaira, zvikurukuru kana kurongwa nokupedzwa kwegadziriro yokuvaka kukatambanukira panhambo refu yenguva. (2 VaKorinte 9:6, 7) Zvisinei, kushandisa mari neiyi nzira zvirokwazvo kunokudza Jehovha, nokuti Horo dzoUmambo inzvimbo apo maKristu anomunamatira uye apo iwo navasonganiri vawo anowana zivo yaMwari. Mashoko aJesu ari pana Mateo 6:3, 4 anotipa chikonzero chakanaka chokuvimba kuti Mwari achakudza avo vakadarozvo kumukudza.
20. (a) Neiko kuzvinzvera kwakafanira mukushandisa Zvirevo 3:9? (b) Mibvunzoi yatingazvibvunza timene?
20 Shoko renyevero, kunyanguvezvo: VaFarise navanyori, avo Jesu akati vakanga vasiri kuisa pakutanga kukudzwa kwaMwari, vakava nechokwadi chokuti vaiva vokutanga kubetserwa nepfuma yavo. Naizvozvo zano riri pana Mateo 15:4-8 rinorumbidza kuti tizvinzvere timene pamsoro po‘kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha.’ (Jeremia 17:9, 10) Somuenzaniso, mumwe muKristu akava akati pfumei kupfurikidza nebhizimisi rake angaruramisa kupfuurira kwake kushanda nguva yakazara kuti agowana yakawandazve. Iye angarangarira kuti, ‘Vamwe vanopinda muushumiri hwoupiona kana kuti vanotamira kundobatira uko vaparidziri vanodikanwa zvikuru, asi nzira yangu chaiyo yokubatira nayo Mwari iri kupfurikidza nokuwana zvakawanda uye ipapo kuva nezvakawanda zvokupa.’ Mipiro yake ingaita zvakanaka zvakawanda. Asi angagona kusanobvunza kuti, ‘Ko mutoo wangu woupenyu hwomunhu oga unoratidzira kuti kushandisa mari mukukudza Mwari ndiko donzo rangu guru rokuwana zvakawanda here?’ (Ruka 12:16-19; enzanisa naMarko 12:41-44.) Uye, ‘Ndingagona here kuronga zvinhu zvangu kuti ndive negoverano huru yomunhu oga mubasa rinokosha zvikurusa nokuda kwezuva redu—kuzivisa mashoko akanaka here?’ Kutaura idi, pasinei zvapo nokuti migariro yedu muupenyu yakadini, tinogona kunzvera vavariro dzedu namabasa ndokubvunza kuti, ‘Ndinogona sei kukudza zvizere zvikuru Mupi woupenyu wangu na“Mwari wetariro”?’
21. Ikariroi yatinayo kana tikakudza Jehovha zvino?
21 Jehovha haasati achizotiodza mwoyo. Ikariro inofadza zvakadini yokuti iye, zvino uye kupfuurira kupinda munguva yemberi, angataura pamsoro pedu zvaakataura nezvaIsraeri akatendeka: “Wakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni”! (Isaya 43:4) Mumwe chete iyeyo anopikira “upenyu husingaperi kuavo vanotsvaka mbiri norukudzo.” Ichi chipikirwa anochinangidzira kuavo vanotsungirira “mubasa riri rakanaka.” Ndi“Mwari wetariro” akadini!
Ungapindura Sei?
◻ Pamsoro pokukudza Jehovha kwavanhu, chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso waJesu?
◻ Eri naSamueri vakasiana sei pamsoro pokukudza Mwari?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira maunogona kuwedzera namo rukudzo rwaunounza kuna Mwari, uye imhinduroi yaungagamuchira?
◻ Inguvai yemberi yakamirira avo vanoisa pakutanga kukudzwa kwa“Mwari [wedu] wetariro”?
[Bhokisi riri papeji 20]
TSAMBA PAMSORO PEMIPIRO
Hezvino zvikamu zvakabva mutsamba dzakagamuchirwa nehofisi yeWatch Tower Society yeBrooklyn, New York:
“Zita rangu ndiAbijah. Ndine makore mapfumbamwe okukura. Ndinoda kukupai $4 yehama dziri kushanda paHoro dzoUmambo. Idzo dzinogona kuishandisa nokuda kwamapuranga kana kuti nokuda kwesiwiti, handina basa nazvo.”—Oregon.
‘Muchawana cheki yangu yomunhu oga yakapfigirwa. Ndapfuura makore 96 okukura uye handinzwi zvikuru, asi ndinofarikanya zvikuru kuchengetedza mari yangu nokuda kwaikoku. Hungu, ndinoziva, ndine motokari yakare, uye handipedzeri nguva dzangu dzechando muFlorida kana kuti California. Ndinogona kuita zvishomanana kukuita kuti mashoko akanaka oUmambo aparidzirwe kupfurikidza nokugogodza pamasuo. Asi kupfurikidza nokuchengetedza mari yangu nokuitumira kwamuri, ndinorangarira kuti ndichiri kuva norutivi makuri.’—Ohio.
‘Ndinokuongai nokuda kwechinhu chiri chose chamakaita nokuda kweHoro yoUmambo. Iyi mari [$5] ndeyokukubetserai namabhuku neNharireyomurindi zvokuti tirave. Mari yacho ndeyomugaba rangu. Ndinokuongai nokuda kwebhurocha raSchool rokutiudza pamsoro pemirimo.’
“Ndapota wanai cheki yakapfigirwa. Madhora ane mazana maviri ayo ndeeMari Yokuvaka Horo dzoUmambo. Yasara inofanira kushandiswa nenzira ipi neipi yamunoona kwakakodzera kusimudzira basa rokuparidzira.”—Missouri.