Tevedzera Kutenda Kwavo
Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
JOSEFA anokandazve mumwe mutoro pambongoro. Ita souri kumuona achitarisa kuno nekoko murima raiva muBhetrehema uye achitinha mbongoro iyoyo yakanga yakasimba. Anofanira kunge aifunga nezverwendo rurefu rwokuenda kuIjipiti. Ko mhuri yake yaizokwanisa here kujairana nevanhu vokune imwe nyika, mutauro mutsva uye tsika dzavasingazivi?
Zvaisava nyore kuti audze mudzimai wake Mariya mashoko asina kunaka aakanga audzwa. Asi akazvishingisa achibva amuudza. Akamuudza nezvengirozi yakanga yazviratidza kwaari achiita zvokurota iyo yakauya nemashoko aMwari okuti Mambo Herodhi akanga achida kuuraya mwanakomana wavo. Saka vaitofanira kubva vangotiza ipapo. (Mateu 2:13, 14) Mariya akanetseka chaizvo. Ko vaida kuurayirei mwana wake mucheche asina kana chaaigona kuvaita? Josefa naMariya havana kuzvinzwisisa. Zvisinei vakavimba naJehovha vachibva vagadzirira kutiza.
Vanhu vaiva muBhetrehema vakanga vakarara zvavo vasingazivi kuti Josefa, Mariya naJesu vakanga vachiverereka vachitiza nomurima. Sezvaaitungamirira mhuri yake akananga kumaodzanyemba utonga hwava kutsvuka, Josefa anofanira kunge ainetseka nezveramangwana rake. Semunhuwo zvake aiva muvezi, aizokwanisa sei kudzivirira mhuri yake pavanhu vaiva nesimba zvakadaro? Aizokwanisa here kuriritira mhuri yake? Aizokwanisa here kushingirira kutakura mutoro unorema waakanga apiwa naJehovha Mwari wokurera mwana uyu aiva akasiyana nevamwe? Josefa aiva nematambudziko akaoma chaizvo. Patinenge tichikurukura kuti akakwanisa sei kukurira rimwe nerimwe, tichaona kuti nei vanababa vemazuva ano nesu tose zvedu tichifanira kutevedzera kutenda kwaJosefa.
Josefa Akadzivirira Mhuri Yake
Mwedzi yakanga yapfuura, Josefa paakanga ari mutaundi rokumusha kwake reNazareta, upenyu hwake hwakachinja zvachose mushure mokunge vavimbisana kuroorana nemwanasikana waHeri. Aiziva kuti Mariya aiva mhandara yakanga isina misikanzwa. Zvisinei akaziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri. Akafunga zvokumuramba vanhu vasingazive kuitira kuti asamunyadzisa.a Zvisinei, ngirozi yakataura naye achiita zvokurota kuti mudzimu mutsvene waJehovha ndiwo wakanga waita kuti Mariya ave nepamuviri. Ngirozi yakamuudzawo kuti mwanakomana waaizobereka ‘aizoponesa vanhu pazvivi zvavo.’ Ngirozi yacho yakaudzawo Josefa kuti: “Usatya kuenda nomudzimai wako Mariya kumba.”—Mateu 1:18-21.
Josefa semunhu aiva akarurama uye aiteerera, akaita izvozvo chaizvo. Akabvuma kutakura mutoro wairema chaizvo wokurera nokuriritira mwana akanga asiri wake asi aikosha chaizvo kuna Mwari. Pava paya, Josefa akateerera murayiro wamambo paakaenda nomudzimai wake akanga ava nepamuviri kuBhetrehema kunonyoresa. Ndiko kwakaberekerwa mwana wacho.b
Josefa haana kuzodzokera nemhuri yake kuNazareta. Vakagara muBhetrehema iro raiva makiromita mashoma kubva kuJerusarema. Vaiva varombo zvavo asi Josefa akaita zvose zvaaigona kuti Mariya naJesu vasatambura. Pasina nguva vakatanga kugara mumusha wakanga usingashamisiri. Zvinoita sokuti Jesu akanga ava kakomana kane gore, zvinhu pazvakangoerekana zvavachinjira zvekare.
Vakashanyirwa neboka revazivi venyeredzi vokuMabvazuva, vangangodaro vaibva kunyika yaiva kure yeBhabhironi. Varume ava vakanga vatungamirirwa nenyeredzi kuti vasvike pamba paJosefa naMariya uye vaida kuona mwana akanga achizova mambo wevaJudha. Varume ava vaiva noruremekedzo chaizvo.
Vazivi venyeredzi ava vakanga vaisa upenyu hwaJesu pamutanhiko. Nyeredzi yaivatungamirira yakatanga yavaendesa kuJerusarema kwete kuBhetrehema. Vari ikoko vakanga vaudza mambo akaipa Herodhi kuti vaitsvaka mwana aizova mambo wevaJudha. Izvi zvakaita kuti Herodhi anzwe godo.—Ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti . . . Ndiani Akatuma ‘Nyeredzi’ Yacho?” iri papeji 29.
Sezvatichaona, zvinofadza kuti paiva nesimba raipfuura raHerodhi. Vaenzi vaya vakabudisa zvipo zvavo uye vakanga vasingatarisiri kubhadharwa. Josefa naMariya vanofanira kunge vakashamisika chaizvo pavakangoerekana vava nezvinhu zvinokosha zvaiti “ndarama nezvinonhuhwirira zvichena nemura.” Vazivi venyeredzi vaida kuudza Mambo Herodhi kwavakanga vaona mwana wavaitsvaka. Zvisinei, Jehovha akapindira munyaya yacho. Akarotesa vazivi venyeredzi hope achivaudza kuti pakudzokera kumba vasashandisa nzira yavakanga vabva nayo.—Mateu 2:1-12.
Vazivi venyeredzi ivavo vachangoenda, Josefa akanyeverwa naJehovha kuti: “Simuka, tora mwana muduku naamai vake utizire kuIjipiti, ugare ikoko kusvikira ndakuudza kuti udzoke; nokuti Herodhi ava kuda kutsvaka mwana muduku kuti amuparadze.” (Mateu 2:13) Sezvataurwa pakutanga, Josefa akabva angoita zvaakanga audzwa. Akakoshesa upenyu hwemwana wake kupfuura chero chinhu chipi zvacho achibva atizira kuIjipiti nemhuri yake. Sezvo mhuri iyi yakanga yapiwa zvipo zvinodhura nevazivi venyeredzi, yaizowana mari yokushandisa kwayaizoenda.
Ngano dzeapokirifa dzinoti, parwendo urwu rwokuenda kuIjipiti Jesu akaita chishamiso chokuita kuti rwendo rwacho rwuite rupfupi, akaita kuti makororo ashaye simba uye akaita kuti miti yemichindwe ibereke zvakanyanya zvokuti yakanga yava kutorembuka nemichero kuti amai vake vadye.c Chokwadi ndechokuti rwendo rwacho rwakanga rwakareba, rwuchinetesa uye vaisanyatsokuziva.
Vabereki vane zvakawanda zvavanodzidza kuna Josefa. Kuti adzivirire mhuri yake pangozi, akabva angosiya basa raaiita nezvinhu zvaiva zvakamunakira. Zviri pachena kuti aiona mhuri yake sechinhu chitsvene chaakachengeteswa naJehovha. Mazuva ano vabereki vanorera vana vavo munyika izere nematambudziko uye zvinhu zvingaisa vechiduku pangozi, zvingavakanganisa kana kutovaurayisa. Tinoyemura chaizvo vanaamai nanababa vanoita sezvakaitwa naJosefa, vachishanda nesimba kuti vadzivirire vana vavo kuti vasakanganiswa nezvinhu izvozvo!
Josefa Akariritira Mhuri Yake
Zvinoita sokuti mhuri iyi haina kugara kuIjipiti kwenguva yakareba nokuti pasina nguva ngirozi yakaudza Josefa kuti Herodhi akanga afa. Josefa akatora mhuri yake ndokudzokera kumusha kwake. Humwe uprofita hwekare hwakanga hwafanotaura kuti Jehovha aizoshevedza mwanakomana wake kuti “abude muIjipiti.” (Mateu 2:15) Josefa akaita kuti uprofita ihwohwo huzadzike asi aizoenda kupi nemhuri yake?
Josefa aingwarira pane zvaaiita. Zvaiva nemusoro kuti atye Akerausi uyo akatsiva Herodhi pachigaro nokuti aingovawo noutsinye uye aida zvoumhondi. Anyeverwa naMwari, Josefa akatora mhuri yake achibva adzokera kumusha kwake kuNazareta munharaunda yeGarireya. Nzvimbo iyi yaiva kuchamhembe kure neJerusarema. Josefa naMariya ndiko kwavakazorerera mhuri yavo.—Mateu 2:19-23.
Vairarama upenyu hwakaderera uye hwakaoma. Bhaibheri rinoti Josefa aiva muvezi. Shoko iri rinoratidza kuti aiita zvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai sokutema matanda, kuakweva uye kuaomesa kuti azoshandiswa pakuvaka dzimba nemabhiriji maduku uye pakugadzira zvikepe, ngoro, mavhiri, majoko nezvimwewo zvokushandisa pakurima. (Mateu 13:55) Iri raiva basa rakaoma. Muvezi anotaurwa muBhaibheri aiwanzoshandira pedyo nemusuo weimba yake kana kuti mukaimba kokuvezera kaiva pedyo neimba yake.
Josefa aishandisa maturusi akasiyana-siyana, mamwe aangadaro akapiwa nababa vake. Anofanira kunge aishandisa sikweya, tambo yokuyeresa, choko, bheura, saha, mbezo, sando yesimbi neyedanda, chokubooresa matanda, chizera, guruu rakasiyana-siyana uye zvichidawo zvipikiri, kunyange zvazvo zvaidhura chaizvo.
Ita souri kuona Jesu ari kakomana achiona baba vake vachiita basa ravo. Paairamba akati ndee achiona kanhu kese kaiitwa naJosefa, anofanira kunge aiyemura mazioko acho aiva nesimba, uye unyanzvi nouchenjeri hwaaiva nahwo. Pamwe Josefa akatanga kudzidzisa mwanakomana wake achiri mudiki kuita mabasa akadai sokukwesha mapuranga kuti atsvedzerere achishandisa ganda rehove rakaomeswa. Anofanira kunge akadzidzisa Jesu kuti miti yaaishandisa yakadai semitsamvi, miorivhi nemioak yaiva yakasiyana zvakadini.
Jesu anofanirawo kunge akaona kuti maoko iwayo akasimba aJosefa aisangotema miti, kuveza matanda mahombe uye kurovera majoini chete, asiwo aiva maoko akapfava aimbundira nokunyaradza iye naamai vake nevanin’ina nehanzvadzi dzake. Mhuri yaJosefa naMariya yakaramba ichikura zvokuti vakaguma vava nevamwe vana vanenge vatanhatu. (Mateu 13:55, 56) Josefa aitofanira kushanda nesimba kuti avariritire.
Zvisinei, Josefa aiziva kuti kutarisira mhuri yake pane zvokunamata ndiko kwainyanya kukosha. Saka aitora nguva yakawanda achidzidzisa vana vake nezvaJehovha Mwari nemitemo yake. Josefa naMariya vaigara vachienda nevana vavo kusinagogi kwavainonzwa Mutemo uchiverengwa uye uchidudzirwa. Zvichida Jesu aizobvunza mibvunzo uye Josefa aiedza nepose paaigona kupindura mibvunzo yemwana wake aida kuziva zvakawanda. Josefa aiendawo nemhuri yake kumitambo yokunamata kuJerusarema. Kuti mhuri yaJosefa iende nokudzoka kumutambo wegore negore wePaseka zvaitoda mavhiki maviri kuti vafambe rwendo rwemakiromita 112,65.
Mazuva ano misoro yemhuri yechiKristu inoitawo zvakafanana. Vanonyanya kukoshesa kudzidzisa vana vavo zvinhu zvokunamata kupfuura kungova neupenyu hwomutambarakede. Vanoita zvose zvavanogona kuti vaende nevana vavo kumisangano yechiKristu nemagungano. SaJosefa, vanoziva kuti hapana chimwe chinhu chinokosha chavangaitira vana vavo chinopfuura izvi.
‘Pakutambudzika Mupfungwa’
Jesu paakanga ava nemakore 12, Josefa akaenda nemhuri yake kuJerusarema sezvaaigara achiita. Yaiva nguva yePaseka saka mhuri dzakawanda dzaifamba pamwe chete dziri mapoka akakura dzichipfuura nemumasango akasvibira. Pavaisvika panzvimbo isina miti neuswa pedyo neJerusarema iro raiva panzvimbo yakakwirira, vakawanda vaitanga kuimba nziyo dzakakurumbira dzainzi nziyo dzokukwira. (Pisarema 120-134) Guta reJerusarema rinofanira kunge raiva rakazara nemazana ezviuru zvevanhu. Paseka yapera, mhuri dzakawanda dzakatanga kudzokera kumba. Pamwe nemhaka yokuti Josefa naMariya vaiva nezvakawanda zvokuita, vangadaro vakafunga kuti Jesu aifamba nedzimwe hama dzavo. Vapedza zuva rose vachifamba vakatozoshamisika pavakaona kuti Jesu akanga asipo.—Ruka 2:41-44.
Vakatanga kufamba vachidzokera kuJerusarema vachimutsvaka pose pose vakabatira ura mumaoko. Ita souri kuvaona vachikwidza nokudzika nemigwagwa yeguta racho vachishevedza Jesu asi vasingamuwani. Pamwe vainetseka kuti, Ko angava ari kupi? Rava zuva rechitatu, kuti Josefa angadaro akatanga kunetseka here kuti akanga atadza kutarisira nhaka iyi yaakachengeteswa naJehovha? Vakabva vazoenda kutemberi. Vakatanga kumutsvaka ikoko kusvikira vazomuwana ari mune imwe imba akagara pakati pevanhu vakadzidza vainyatsoziva Mutemo. Chimbofungidzira mafariro akaita Josefa naMariya.—Ruka 2:45, 46.
Jesu akanga achiteerera vanhu vakadzidza nokuvabvunza mibvunzo. Vanhu ava vakashamiswa nemhinduro dzekakomana aka nokunzwisisa kwako. Josefa naMariya vakakangwa mate mukanwa. Nyaya yacho hairatidzi kuti Josefa pane zvaakataura. Asi Mariya akataura manzwiro avaiita vose achiti: “Mwana, watiitirei zvakadai? Tarira ini nababa vako tanga tichikutsvaka tichitambudzika mupfungwa.”—Ruka 2:47, 48.
Saka nemashoko mashoma Shoko raMwari rinobudisa pachena zvakaita basa revabereki. Kunyange mwana wacho ari munhu asina chivi, ibasa rinogona kutemesa musoro. Kurera vana munyika ino ine ngozi kunogona kukonzera ‘kutambudzika mupfungwa.’ Asi vabereki vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti Bhaibheri rinobvuma kuti iri ibasa rakaoma.
Zvinofadza kuti Jesu akanga ari munzvimbo yaiita kuti anzwe ari pedyo chaizvo nababa vake vokudenga Jehovha achidzidza zvinhu zvakawanda. Saka akapindura vabereki vake nemwoyo wose achiti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”—Ruka 2:49.
Josefa anofanira kunge akazogara achifunga mashoko iwayo. Zvinofanira kunge zvaimuita kuti anzwe manyukunyuku nokuti akanga ashanda nesimba kuti adzidzise mwana wake kuti aone Jehovha Mwari saizvozvo. Saka panguva iyoyo, Jesu achiri kakomana akanga ava kunyatsoziva zvinorehwa neshoko rokuti “baba” nokuti akanga agara achidana Josefa kuti baba.
Kana uri baba, unoziva here ropafadzo yaunayo yokubatsira vana vako kuti vanzwisise kuti baba vane rudo uye vanodzivirira vakaita sei? Saizvozvowo, kana uine vana vokurera, yeuka muenzaniso waJosefa wovabata sevanokosha uye usatarisira kuti vaite zvakafanana. Vabatsire kuti vaswedere pedyo naBaba vavo vokudenga Jehovha Mwari.
Josefa Akaramba Achiita Basa Rake Akatendeka
Pachinewo zvimwe zvishoma zvinokosha zvinotaurwa muBhaibheri zvatinofanira kunyatsoongorora nezveupenyu hwaJosefa. Bhaibheri rinoti Jesu “akaramba achizviisa pasi” pevabereki vake. Rinotiwo “Jesu akaramba achifambira mberi pakuchenjera nokukura mumuviri uye achidiwa naMwari nevanhu.” (Ruka 2:51, 52) Mashoko iwayo anoratidzei nezvaJosefa? Anotiratidza kuti Josefa aitungamirira mhuri yake nguva dzose nokuti kunyange mwana wake akanga asina chivi Jesu aimuteerera uye akaramba achizviisa pasi pake.
Tinodzidzawo kuti Jesu akaramba achiwedzera uchenjeri. Zviri pachena kuti Josefa ndiye akabatsira Jesu kuti awedzere uchenjeri. Mumazuva iwayo, paiva nechirevo chakanga chava nenguva chichiremekedzwa nevaJudha. Chirevo ichi chaiti vanhu vaiita zvemafaro ndivo chete vaizova vakachenjera, asi vanhu vakaita sevavezi, varimi uye mhizha “havakwanisi kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye havagoni kupa mutongo, uyewo havawaniki panotaurwa zvirahwe.” Jesu akazoratidza kuti chirevo ichocho ndechenhema. Achiri mukomana, zviri pachena kuti aigara achinzwa baba vake avo vaiva muvezi vachimudzidzisa zvinobudirira ‘matongero aJehovha akarurama.’
Tinoonawo uchapupu hunoratidza kuti Josefa ane zvaakaita pakukura kwaJesu. Sezvo ainyatsoriritirwa, Jesu akakura kuva munhu akasimba uye ane utano. Josefa akadzidzisawo mwanakomana wake kuti ave nyanzvi yokuveza. Jesu aisangozivikanwa semwana wemuvezi chete asiwo se“muvezi.” (Mako 6:3) Saka Josefa akabudirira pakudzidzisa mwana wake. Misoro yemhuri inotevedzera Josefa ichiriritira vana vayo uye kuvadzidzisa kuti vagone kuzozviriritirawo.
Bhaibheri harina zvarinozotaura nezvaJosefa parinenge rava kutaura nezvekubhabhatidzwa kwaJesu ava nemakore 30. Izvi zvinoratidza kuti Jesu akazotanga ushumiri hwake Mariya atova chirikadzi. (Ona bhokisi rinoti “Josefa Akafa Riini?” riri papeji 27.) Asi Josefa sababa akasiya muenzaniso wakanaka wokudzivirira mhuri yake nokuiriritira uye wokuramba akatendeka kusvikira afa. Zvakanaka chaizvo kuti munhu wose, angava baba, musoro wemhuri kana kuti chero muKristu upi zvake atevedzere kutenda kwaJosefa.
[Mashoko Omuzasi]
a Panguva iyoyo, vanhu vainge vavimbisana kuroorana vaionekwa sevatochata.
b Ona nyaya inoti “Tevedzera Kutenda Kwavo—‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2008.
c Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jesu akaita chishamiso chake chokutanga abhabhatidzwa. (Johani 2:1-11) Kuti uzive zvakawanda nezvenhoroondo dzeevhangeri dzeapokirifa, ona nyaya inoti “Evhangeri dzeApokirifa—Ichokwadi Chakavanzika NezvaJesu Here?” iri papeji 18.
[Bhokisi riri papeji 27]
Josefa Akafa Riini?
Tinoziva kuti Jesu paakanga ava nemakore 12, Josefa akanga achiri mupenyu. VaJudha vechiduku vaitanga kudzidza mabasa avanababa vavo vari pazera iri uye vaigona kunoshandira vamwe vanhu vava nemakore 15, kuti vakwenenzvere unyanzvi hwavo. Zvinoita sokuti Josefa asati afa, akakwanisa kudzidzisa Jesu kuti ave muvezi. Asi Josefa akanga achiri mupenyu here panguva yakatanga Jesu ushumiri hwake ava nemakore anenge 30? Zvinoita sokuti akanga afa. Panguva iyi panongotaurwa nezvaamai vaJesu uye vanin’ina vake nehanzvadzi dzake, asi hapataurwi nezvaJosefa. Jesu akatombonzi “mwanakomana waMariya,” kwete waJosefa. (Mako 6:3) Mariya anonziwo aisarudza zvokuita asina waaibvunza. (Johani 2:1-5) Panguva iyoyo zvakanga zvisingawanzoitiki kuti mukadzi asarudze zvokuita asina kubvunza murume wake kunze kwokunge ari chirikadzi. Uyewo, Jesu ava kuda kufa akati muapostora Johani ariritire amai vake. (Johani 19:26, 27) Paisazova nechikonzero chokuti Jesu ataure izvozvo kudai Josefa aiva mupenyu. Zvose izvi zvinotiratidza kuti Josefa anofanira kunge akafa Jesu ava pazera rokuyaruka. Jesu zvaaiva dangwe, hapana mubvunzo kuti ndiye akazosara achiita bhizimisi rokuveza uye kuriritira mhuri yavo kusvikira abhabhatidzwa.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Josefa akamira-mira somurume uye akarega zvinhu zvaaifarira kuti adzivirire mhuri yake
[Mufananidzo uri papeji 25]
Josefa aishanda nesimba kuti ariritire mhuri yake
[Mufananidzo uri papeji 26]
Josefa aigara achienda nemhuri yake kunonamata kutemberi yaiva kuJerusarema
[Mufananidzo uri papeji 28]
Josefa akadzidzisa mwana wake basa rokuveza