Tevedzera Kutenda Kwavo
“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
MARIYA akatarisa achishamisika sezvo muenzi aipinda mumba make. Haana kukumbira kuona baba vake kana amai vake. Akanga auya kuzomuona! Akanyatsoziva kuti akanga asiri womuNazareta. Muguta duku seraaigara zvaiva nyore kuziva muenzi. Kunyange zvakadaro uyu akanga akasiyana nevamwe vaenzi. Akakwazisa Mariya asingaiti sezvaiitwa nevamwe, akati: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.”—Ruka 1:28.
Aya ndiwo matangiro anoita Bhaibheri kutiudza nezvaMariya, mwanasikana waHeri, wokutaundi reNazareta raiva muGarireya. Bhaibheri rinotiudza nezvake panguva yaaiita zvisarudzo zvinokosha muupenyu hwake. Akanga avimbiswa kuroorwa nomuvezi ainzi Josefa murume akanga asiri mupfumi asi aiva akavimbika. Saka upenyu hwake hwaiita sokunge hwakanga hwatorongeka zvakanaka-naka, upenyu husiri hwokutsvaka pfuma asi hwokushanda somudzimai achitsigira Josefa, vachirera mhuri yavo pamwe chete. Zvisinei, akangoerekana asangana nomuenzi uyu akanga auya kuzomuudza nezvebasa raakanga apiwa naMwari, basa raizochinja upenyu hwake.
Zvingakushamisa kuziva kuti Bhaibheri haritiudzi zvakawanda nezvaMariya. Rinotiudza zvishoma nezvemarererwo aakaitwa, unhu hwake uye haritombotauri nezvechitarisiko chake. Asi, zvinotaurwa neShoko raMwari nezvake zvinodzidzisa zvikuru.
Kuti tinyatsoziva Mariya, hatifaniri kungotevedzera chete matsanangurirwo aanoitwa muzvitendero zvakawanda. Saka ngatimborega kukurukura nezvemifananidzo uye zvivezwa zvake zvakawanda. Uye ngatimbosiyanawo nedzimwe dzidziso dzakaoma dzevanhu dzakapa mukadzi uyu anozvininipisa mazita okuremekedza neokumukwidziridza akadai seokuti, “Mai vaMwari” uye “Mambokadzi Wokudenga.” Asi ngationei kuti Bhaibheri rinonyatsotaura chii nezvake. Rinoita kuti tinzwisise zvakawanda nezvokutenda kwake uye kuti tingamutevedzera sei.
Kushanyirwa Nengirozi
Sezvaungaziva, muenzi waMariya akanga asiri munhuwo zvake. Aiva ngirozi inonzi Gabrieri. Paakadana Mariya kuti “akanzwirwa nyasha kwazvo,” akabva “anetseka kwazvo” nemashoko ake uye akashamisika nokukwaziswa nenzira iyi. (Ruka 1:29) Akanga anzwirwa nyasha kwazvo naani? Mariya haana kutarisira kunzwirwa nyasha kwazvo nevanhu. Asi ngirozi yaitaura nezvokunzwirwa nyasha naJehovha Mwari. Izvi zvaikosha kwaari. Kunyange zvakadaro, haana kudada pamusana pokuti akanga anzwirwa nyasha naMwari. Kana tikavavarira kuti Mwari atinzwire nyasha, tisingambozvikudzi tichizviti takatonzwirwa nyasha kare, tichadzidza chidzidzo chinokosha chakanyatsonzwisiswa nemhandara Mariya. Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoda uye anotsigira munhu anozvirereka uye anozvininipisa.—Jakobho 4:6.
Mariya aifanira kuzvininipisa nokuti ngirozi yakanga yamupa ropafadzo yaakanga asingambofungidziri. Yakatsanangura kuti aizobereka mwana aizova munhu anokosha kwazvo pavanhu vose. Gabrieri akati: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Chokwadi Mariya aiziva kuti Mwari akanga ambovimbisa Dhavhidhi makore aipfuura chiuru akanga adarika, kuti mumwe wevazukuru vake aizotonga nokusingaperi. (2 Samueri 7:12, 13) Saka mwanakomana wake ndiye aizova Mesiya aitarisirwa kwemazana emakore nevanhu vaMwari!
Chinotonyanya kukosha ndechokuti ngirozi yacho yakamuudza kuti mwanakomana wake aizo“nzi Mwanakomana woWokumusorosoro.” Mukadzi akaberekwa nevanhu aizogona sei kubereka Mwanakomana waMwari? Kutaura zvazviri, Mariya aizombobereka sei mwanakomana wacho? Akanga avimbiswa kuroorwa naJosefa asi akanga asati aroorana naye. Mariya akabvunza mubvunzo uyu zvakajeka achiti: “Izvi zvingaitika sei, ini zvandisiri kurara nomurume?” (Ruka 1:34) Ona kuti Mariya haana kunyara kutaura kuti aiva mhandara. Pane kunyara, aitokoshesa tsika dzakanaka. Nhasi, mazuva ano vechiduku vakawanda vanoda chaizvo kurasa umhandara hwavo uye havatani kunyomba vaya vanenge vachiri mhandara. Chokwadi pasi parohwa nenyundo. Zvisinei, Jehovha haana kuchinja. (Maraki 3:6) Sezvaaingoita mumazuva aMariya, achiri kukoshesa vaya vanochengeta tsika dzake dzakanaka.—VaHebheru 13:4.
Kunyange zvazvo aiva mushumiri waMwari akatendeka, Mariya aiva munhu asina kukwana. Naizvozvo, aizobereka sei mwana akakwana, Mwanakomana waMwari? Gabrieri akatsanangura kuti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Utsvene hunoreva “kuchena,” “kuyera.” Kazhinji vanhu vanopfuudza kusachena kwavo, zvivi zvavo kuvana vavo. Zvisinei, mumamiriro ezvinhu aya, Jehovha aizoita chishamiso ichi chainge chakasiyana nezvimwe. Aizotamisa upenyu hweMwanakomana wake kubva kudenga achihuisa mudumbu raMariya obva ashandisa simba rake rinoita basa, kana kuti mudzimu mutsvene, “kufukidza” Mariya, uchichengetedza mwana wacho kuti asatombosvibiswa nechivi. Mariya akabvuma zvakanga zvavimbiswa nengirozi here? Akapindura sei?
Kupindura Kwakaita Mariya Kuna Gabrieri
Vasina chokwadi nechishamiso ichi, kusanganisira vamwe vafundisi vechiKristudhomu, zvakavaomera chaizvo kuti vadavire kuti mhandara ingabereka mwana. Pakudzidza kwose kwavakaita, vakatadza kunzwisisa chokwadi chisina kuoma. Sokutaura kwakaita Gabrieri, “kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.” (Ruka 1:37) Mariya akabvuma mashoko aGabrieri kuti aiva echokwadi, nokuti aiva mhandara yaiva nokutenda kwakakura. Zvisinei, kutenda kwake kwakanga kusiri kwokungobvuma zvose zvaakanga audzwa. Sezvinongoita munhu wose anofunga, Mariya aida uchapupu hwokuti ave nokutenda. Gabrieri akanga akagadzirira kuwedzera humwe uchapupu pane hwaaitova nahwo. Akamuudza nezvehama yake yakanga yakwegura Erizabheti, aizivikanwa kubvira kare kuti akanga asingabereki. Achishandisa chishamiso Mwari akaita kuti abate pamuviri!
Mariya aizoitei? Akanga ava nebasa rokumuitira uye aiva nouchapupu hwokuti Mwari aizoita zvose zvakanga zvataurwa naGabrieri. Hatifaniri kufunga kuti ropafadzo iyi yaiva isina zvinetso kana kuti isingatyisi. Nokutika aifanira kufunga nezvevimbiso yokuroorana naJosefa yaakanga aita. Vaizoroorana sei kana Josefa aizoziva kuti aiva nepamuviri? Chimwezve ndechokuti, basa racho pacharo ringave raiita seraityisa. Aifanira kutakura upenyu hwaikosha zvikuru kupfuura vose pazvisikwa zvaMwari, Mwanakomana wake waanoda! Aifanira kumutarisira paaiva kacheche kaisagona kuzvitarisira uye kumudzivirira munyika yakaipa. Chokwadi, raiva basa guru!
Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange varume vakanga vakasimba, vakatendeka dzimwe nguva vaizeza kubvuma mabasa akaoma avaipiwa naMwari. Mosesi akaramba kuva mutauriri waMwari achiti akanga asingagoni kutaura achitsetsenura. (Eksodho 4:10) Jeremiya akaramba achiti ‘aingovawo mukomana hake,’ munhu muduku zvikuru kuti aite basa raakanga apiwa naMwari. (Jeremiya 1:6) Uye Jona akatiza kwaakanga anzi ashandire! (Jona 1:3) Zvakadini naMariya?
Kunyange papera makore akawanda, mashoko ake achiri kuratidza kuzvininipisa uye kuteerera. Akati kuna Gabrieri: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.” (Ruka 1:38) Murandasikana aiva muranda akaderera zvikuru kupfuura vamwe varanda vose; upenyu hwake hwose hwaiva mumaoko atenzi vake. Ndiwo manzwiro aiita Mariya nezvaTenzi wake, Jehovha. Aiziva kuti akanga akachengetedzeka mumaoko aMwari, kuti akavimbika kuvanhu vakavimbika kwaari uye kuti aizomukomborera sezvo aizoedza kuita zvose zvaaigona pabasa raainge apiwa.—Pisarema 18:25.
Dzimwe nguva Mwari anotikumbira kuita zvinhu zvatingaona sokuti zvakaoma kana kuti zvisingaiti. Zvisinei, muShoko rake anotipa zvikonzero zvakakwana zvokuti tivimbe naye, tizviise mumaoko ake sezvakaitwa naMariya. (Zvirevo 3:5, 6) Tichadaro here? Kana tikadaro achatipa mubayiro, zvoita kuti tive nezvikonzero zvokuti tiwedzere kutenda maari.
Anoshanyira Erizabheti
Mashoko akataurwa naGabrieri nezvaErizabheti aireva zvakawanda kuna Mariya. Pavakadzi vose vaiva panyika, ndiyani aikwanisa kumunzwisisa kupfuura iye? Mariya akabva aenda kunzvimbo ine makomo yeJudha, rwendo rwaitora mazuva matatu kana mana. Paaipinda mumba maErizabheti nomupristi Zekariya, Jehovha akakomborera Mariya nohumwe uchapupu hwakasimba kuti asimbise kutenda kwake. Erizabheti akakwaziswa naMariya uye ipapo akanzwa mwana aiva mudumbu achikwakuka nomufaro. Akazadzwa nomudzimu mutsvene uye akati Mariya ndi“amai vaShe wangu.” Mwari akaudza Erizabheti kuti mwanakomana waMariya aizova Ishe wake, Mesiya. Uye akafuridzirwa kuti ataure zvakanaka nezvaMariya kuti aiteerera nokuvimbika, achiti: “Anofarawo iye akatenda.” (Ruka 1:39-45) Chokwadi, zvose zvakanga zvavimbiswa Mariya naJehovha zvaizoitika!
Mariya akabva ataurawo. Mashoko ake akanyatsochengetwa pana Ruka 1:46-55. Ndipo chete muBhaibheri paakataura zvakawanda uye zvizhinji pamusoro pake zvinobuda ipapo. Mashoko acho anoratidza mafungiro okuonga sezvaairumbidza Jehovha kuti akanga amukomborera kuti ave amai vaMesiya. Anoratidza kuti aiva nokutenda kwakasimba, sezvaakataura kuti Jehovha anoderedza vanozvikudza nevane simba uye obatsira vakaderera nevarombo vanoda kumushumira. Anoratidzawo kuti aiva noruzivo rwakadini. Vamwe vanofungidzira kuti akatora ndima dzeMagwaro echiHebheru kanopfuura ka20!
Zviri pachena kuti Mariya aifungisisa Shoko raMwari. Asi, akaramba achizvininipisa, achiita kuti Magwaro atsanangure mamiriro ake ezvinhu pane kuti ataure zvomumusoro make. Saka mwanakomana aikura mudumbu make rimwe zuva aizoratidza mafungiro akadaro, achiti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoremekedza Shoko raMwari saizvozvo here? Kana kuti ndinoda kusimudzira mafungiro angu uye dzidziso dzangu here?’ Mhinduro yaMariya yakajeka.
Mariya akagara naErizabheti kwemwedzi mitatu, uye hapana mubvunzo kuti vaikurudzirana zvikuru. (Ruka 1:56) Vakadzi vaviri ava vanotiyeuchidza kukosha kwoushamwari. Kana tikatsvaga shamwari dzinoda Mwari wedu Jehovha, tinova nechokwadi chokuti tichakura mune zvokunamata toswedera pedyo naye. (Zvirevo 13:20) Zvisinei, pakupedzisira nguva yakanga yasvika yokuti Mariya adzokere kumba. Josefa aizotii paaizoziva kuti aiva nepamuviri?
Mariya naJosefa
Chokwadi Mariya haana kumirira kuti Josefa azvionere kuti aiva nepamuviri. Hapana mubvunzo kuti aifanira kutaura naJosefa. Asati adaro, anofanira kunge akambozvibvunza kuti murume akavimbika uyu, aitya Mwari, aizoita sei kana amuudza. Kunyange zvakadaro, akaenda kwaari ndokumuudza zvakanga zvaitika. Sezvaungafungidzira, izvi zvakanetsa Josefa zvikuru. Aida kubvuma zvaitaurwa nomusikana waaida asi zvaaitaura zvacho zvakanga zvisati zvamboitika. Bhaibheri haritauri kuti aifungei kana kuti akati kudii. Asi rinoti akasarudza kumuramba, nokuti vanenge vavimbisana kuroorana vaitoonekwa sevakatoroorana. Zvisinei, akanga asingadi kumunyadzisa kana kuti arangwe, saka akasarudza kumuramba pachivande. (Mateu 1:18, 19) Zvinofanira kunge zvakarwadza Mariya kuona murume ane mutsa uyu achishupika nezvemamiriro ezvinhu akanga asati amboitika. Asi Mariya haana kunetseka kuti Josefa haana kuzvibvuma.
Jehovha haana kurega Josefa achipfuurira kuita zvaaiona sokuti ndizvo zvaive zvakanaka. Achirota, ngirozi yaMwari yakamuudza kuti chokwadi Mariya akanga abata pamuviri nenzira yechishamiso. Izvozvo zvinofanira kunge zvakamusunungura! Iye zvino Josefa akaita zvakanga zvamboitwa naMariya kubvira pakutanga, akaita maererano nokutungamirira kwaJehovha. Akatora Mariya ndokumuita mudzimai wake, uye akagadzirira kutora basa iri raikosha rokutarisira Mwanakomana waJehovha.—Mateu 1:20-24.
Vanhu vakaroorana nevaya vari kufunga zvokuroorana vanoita zvakanaka kudzidza kune mu- komana nomusikana ava vakararama makore 2 000 akapfuura. Josefa paakaona mudzimai wake wechiduku achiita mabasa ake okutarisira saamai, chokwadi akafara kuti ngirozi yaJehovha yakanga yamutungamirira. Josefa anofanira kunge akaona kukosha kwokuvimba naJehovha pakuita zvisarudzo zvikuru. (Pisarema 37:5; Zvirevo 18:13) Hapana mubvunzo kuti aive akangwarira uye airatidza mutsa pakuita zvisarudzo somusoro wemhuri.
Ukuwo, tingatii nezvokubvuma kwakaita Mariya kuroorwa naJosefa? Kunyange zvazvo pakutanga angave akaona zvakanga zvaitika kwaari zvakaoma kunzwisisa, akamumirira somurume kuti asarudze sezvo aizova iye baba vemba. Ichocho chaiva chidzidzo chinokosha kwaari, sezvazviri kuvakadzi vechiKristu nhasi. Pakupedzisira, zviitiko izvi zvingangove zvakadzidzisa Josefa naMariya zvakawanda panyaya inoratidza kukosha kwokuvimbika uye kukurukurirana musingavanzirani.
Chokwadi mukomana nomusikana uyu vakatanga imba yavo zvakanaka chaizvo. Vose vaida Jehovha Mwari zvikuru uye vaida chaizvo kumufadza sevabereki vanogona kuita basa uye vane hanya. Zvechokwadi, vakanga vakamirirwa nezvikomborero zvakawanda uyewo nezvinetso. Pamberi pavo vaitarisira kuzorera Jesu, uyo aizokura kuva munhu mukuru kupfuura vose vati vamborarama panyika.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kuda Mwari ndiko kunoita kuti imba itange zvakanaka