Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmambo
“Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.”—MATEO 16:28.
1, 2. Chii chakaitika nokukurumidza pashure pePentekosta ya32 C.E., uye chii chakanga chiri donzo rechiitiko chacho?
NOKUKURUMIDZA pashure pePentekosta ya32 C.E., vatatu vevaapostora vaJesu Kristu vakaona chiono chisingakanganwiki. Maererano nechinyorwa chakafuridzirwa, “Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munun’una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. Akashanduka pamberi pavo.”
2 Chiono chokushanduka chitarisiko chakauya panguva yakakomba. Jesu akanga atanga kuudza vateveri vake kuti akanga achizotambura ndokufa muJerusarema, asi vakawana mashoko ake akaoma kunzwisisa. (Mateo 16:21-23) Chiono chacho chakasimbisa kutenda kwavaapostora vatatu vaJesu mukugadzirira nokuda kworufu rwake rwaiuya uyewo nokuda kwamakore ebasa rakaoma uye kuedza kwaizotevera nokuda kweungano yeChikristu. Isu nhasi tinogona kudzidza chimwe chinhu muchiono chacho here? Hungu, nemhaka yokuti zvachakafanofananidzira zvirokwazvo zvinoitika munguva yedu.
3, 4. (a) Jesu akatii mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika? (b) Rondedzera zvakaitika mukati mokushanduka chitarisiko?
3 Mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Mwanakomana womunhu uchauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo ucharipira mumwe nomumwe paakabata napo.” Aya mashoko aizozadzika pa“kuguma kwenyika.” Jesu akatizve: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.” (Mateo 16:27, 28; 24:3; 25:31-34, 41; Dhanieri 12:4) Kushanduka chitarisiko kwakaitika mukuzadzika kwaaya mashoko apedzisira kududzwa.—Mateo 17:1, 2.
4 Vaapostora vakaonei chaizvoizvo? Inotevera irondedzero yaRuka yechiitiko chacho: “Zvino [Jesu] wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa paJerusarema.” Ipapo, “gore rikauya, rikavafukidza [vaapostora]; vakatya vachipinda mugore. Ipapo inzwi rakabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!”—Ruka 9:29-31, 34, 35.
Kutenda Kunosimbiswa
5. Kushanduka chitarisiko kwakava netapuroi pamuapostora Petro?
5 Muapostora Petro akanga atozivisa Jesu sa“Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16) Mashoko aJehovha akabva kudenga akabvumikisa kuziviswa ikoko, uye chiono chaJesu akashanduka chitarisiko chakanga chiri kufanoravidzwa kwokuuya kwaKristu musimba roUmambo nembiri, kuzotonga rudzi rwomunhu pakupedzisira. Anopfuura makore 30 pashure pokushanduka chitarisiko, Petro akanyora kuti: “Hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake. Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukurukuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.”—2 Petro 1:16-18; 1 Petro 4:17.
6. Zviitiko zvakawadzanyuka sei pashure pokushanduka?
6 Nhasi, kutenda kweduwo kunosimbiswa nezvakaonwa navaapostora vatatu. Chokwadika, zviitiko zvakapfuurira kuitika chibviro cha32 C.E. Gore rakatevera racho, Jesu akafa uye akamutswa, achikwira kuruoko rworudyi rwaBaba vake. (Mabasa 2:29-36) PaPentekosta yegore iroro, “vaIsraeri [vatsva] vaMwari” vakaberekwa, uye nhimbe yokuparidza yakavamba, ichitanga muJerusarema uye gare gare ichipararira kusvikira kumigumo yapasi. (VaGaratia 6:16; Mabasa 1:8) Pakarepo kutenda kwavateveri vaJesu kwakaedzwa. Vaapostora vakasungwa ndokurohwa zvakakomba nemhaka yokuti vakaramba kurega kuparidza. Nokukurumidza Stefano akapondwa. Ipapo Jakobho, chapupu chakaona kushanduka akaurawa. (Mabasa 5:17-40; 6:8–7:60; 12:1, 2) Petro naJohane, zvisinei, vakapukunyuka kuti vabatire Jehovha nenzira yokutendeka kwamamwe makore akawanda. Kutaura idi, nechokunopera kwezana ramakore rokutanga C.E., Johane akanyora zvimwe zviono zvaJesu ari mumbiri yokudenga.—Zvakazarurwa 1:12-20; 14:14; 19:11-16.
7. (a) Chiono chokushanduka chitarisiko chakavamba kuzadzikwa riini? (b) Jesu akaripira sei vamwe maererano nomufambiro wavo?
7 Chibviro chokuvamba kwe“zuva raShe” muna 1914, zvakawanda zvezviono zvakaonekwa naJohane zvakazadzikwa. (Zvakazarurwa 1:10) Zvakadiniko noku‘uya [kwaJesu] mumbiri yaBaba vake,’ sezvakafanofananidzirwa nokushanduka chitarisiko? Ichi chiono chakavamba kuzadzikwa pakuberekwa kwoUmambo hwaMwari hwokudenga muna 1914. Apo Jesu, kufanana nenyeredzi yemasikati, akasimuka panzvimbo yechisiko chose saMambo achangobva kugadzwa, kwakanga kuri, sokunge zvakadaro, mambakwedza ezuva idzva. (2 Petro 1:19; Zvakazarurwa 11:15; 22:16) Jesu panguva iyoyo akaripira vamwe maererano nomufambiro wavo here? Hungu. Pane ufakazi hwakasimba hwokuti nokukurumidza pashure pacho, rumuko rwokudenga rwaVakristu vakazodzwa rwakavamba.—2 Timotio 4:8; Zvakazarurwa 14:13.
8. Zviitikoi zvicharatidzira mugumo wokuzadzika kwechiono chokushanduka chitarisiko?
8 Nokukurumidza, kunyange zvakadaro, Jesu achasvika “nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye” kuti atonge rudzi rwose rwomunhu. (Mateo 25:31) Panguva iyoyo, achazvizivisa mumbiri yake yose yakaisvonaka ndokupa “mumwe nomumwe” zvakafanira chaizvo mufambiro wake. Vakafanana namakwai vachagara nhaka upenyu husingaperi muUmambo hwavakagadzirirwa, uye vakafanana nembudzi vachaenda ku“kurohwa kusingaperi.” Ichava mhedziso yakaisvonaka zvakadini yokuzadzika kwechiono chokushanduka chitarisiko!—Mateo 25:34, 41, 46; Marko 8:38; 2 VaTesaronika 1:6-10.
Shamwari Dzakapiwa Mbiri dzaJesu
9. Tinofanira kukarira Mosesi naEria kuva naJesu mukuzadzika kwechiono chokushanduka chitarisiko here? Tsanangura.
9 Jesu akanga asiri oga mukushanduka chitarisiko. Mosesi naEria vakaonekwa vanaye. (Mateo 17:2, 3) Vakanga varipo chaizvoizvo here? Aiwa, nokuti varume vose vari vaviri vakanga vafa kare kare uye vakanga vakarara muguruva vachimirira rumuko. (Muparidzi 9:5, 10; VaHebheru 11:35) Vachaonekwa vana Jesu apo anouya mumbiri yokudenga here? Aiwa, nokuti Mosesi naEria vakararama tariro yokudenga isati yazarukira vanhu. Vachava rutivi rwo“kumuka [kwapasi] . . . kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Naizvozvo kuoneka kwavo muchiono chokushanduka chitarisiko ndekwokufananidzira. Kufananidzira chii?
10, 11. Eria naMosesi vanofananidzira ani mumamiriro ezvinhu akasiyana?
10 Mune mamwe mamiriro ezvinhu, Mosesi naEria vanhu vouporofita. Somurevereri wesungano yoMutemo, Mosesi akafanofananidzira Jesu, Murevereri wesungano itsva. (Dheuteronomio 18:18; VaGaratia 3:19; VaHebheru 8:6) Eria akafanofananidzira Johane Mubhabhatidzi, akatangira Mesiya. (Mateo 17:11-13) Uyezve, mumashoko akapoteredza aZvakazarurwa ganhuro 11, Mosesi naEria vanofanofananidzira vakasarira vakazodzwa munguva yomugumo. Tinoziva sei izvozvo?
11 Eya, vhura pana Zvakazarurwa 11:1-6. Mundima 3 tinorava kuti: “Ndicharayira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga mazuva ane chiuru chine mazana maviri namakumi matanhatu.” Uhwu uporofita hwakazadzikwa pavakasarira vaVakristu vakazodzwa mukati meHondo Yenyika I.a Nei zvapupu zviviri? Nemhaka yokuti vakasarira vakazodzwa vanoita mabasa ayo, munzira yomudzimu, akafanana neayo aMosesi naEria. Ndima 5 ne6 dzinopfuurira kuti: “Kana kune munhu unoda kuvakuvadza [zvapupu zviviri], mwoto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kune munhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuurawa saizvozvo. Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuprofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.” Nokudaro, tinoyeuchidzwa nezvezvishamiso zvakaitwa naEria naMosesi.—Numeri 16:31-34; 1 Madzimambo 17:1; 2 Madzimambo 1:9-12.
12. Mumamiriro ezvinhu okushanduka chitarisiko, ndivanaani vanofananidzirwa naMosesi naEria?
12 Ndiani, ipapoka, uyo Mosesi naEria vanofananidzira mumamirire ezvinhu okushanduka chitarisiko? Ruka anotaura kuti vakaoneka pamwe chete naJesu “vachibwinya.” (Ruka 9:31) Nenzira yakajeka, vanofananidzira Vakristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene sa“vadyi venhaka pamwe chete” naJesu uye avo nokudaro vakagamuchira tariro yakaisvonaka yoku“kudzwawo pamwe chete” naye. (VaRoma 8:17) Vakazodzwa vanomutswa vachava naJesu apo anouya mumbiri yaBaba vake kuti a“ripir[e] mumwe nomumwe paakabata napo.”—Mateo 16:27.
Zvapupu Zvakafanana naMosesi naEria
13. Mativii anoratidzira Mosesi naEria semifananidzo yakakodzera youporofita yavadyi venhaka vakazodzwa pamwe chete naJesu vachipiwa mbiri pamwe naye?
13 Pane mativi anooneka anoratidzira Mosesi naEria semifananidzo yakakodzera youporofita yavadyi venhaka vaJesu vakazodzwa. Vose vari vaviri Mosesi naEria vakabatira savatauriri vaJehovha kwamakore akawanda. Vose vari vaviri vakatarisana nehasha dzomutongi. Munguva yokushayiwa, mumwe nomumwe akatsigirwa nemhuri yokumwe. Vose vari vaviri vakaporofita nenzira youshingi kumadzimambo uye vakamira vakasimba mukurwisana navaporofita venhema. Mosesi naEria vose vari vaviri vakaona kuratidzirwa kwesimba raJehovha paGomo reSinai (rainziwo Horebhi). Vose vari vaviri vakagadza vatsivi kurutivi rwokumabvazuva rweJoridhani. Uye munguva dzavose vari vaviri Mosesi (naJoshua) uye Eria (naErisha) kwakaitwa zvishamiso zvakawanda zvikurusa kunze kweizvo zvakaitika mukati moupenyu hwaJesu.b
14. Vakazodzwa vakabatira sei somutauriri waJehovha, kufanana naMosesi naEria?
14 Zvose izvozvo hazvitiyeuchidzi here nezvaIsraeri waMwari? Hungu, zvirokwazvo. Jesu akaudza vateveri vake vakatendeka kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:19, 20) Vachiteerera mashoko aya, Vakristu vakazodzwa vakabatira savatauriri vaJehovha kubva paPentekosta ya33 C.E. kusvikira zvino. Kufanana naMosesi naEria, vakatarisana nokutsamwa kwavatongi uye vakapupura kwavari. Jesu akaudza vaapostora vake 12 kuti: “Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.” (Mateo 10:18) Mashoko ake akazadzikwa azadzikwazve mukati menhau yeungano yeChikristu.—Mabasa 25:6, 11, 12, 24-27; 26:3.
15, 16. Kufananai kuri pakati pevakazodzwa pano rumwe rutivi naMosesi naEria pane rumwe munhau yokutsigira kwavo (a) chokwadi nenzira yokusatya? (b) kugamuchira betsero kuvasiri vaIsraeri?
15 Uyezve, Vakristu vakazodzwa vakava vasingatyi saMosesi naEria mukutsigira chokwadi mukurwisana nenhema dzorudzidziso. Yeuka nzira iyo Pauro akatuka nayo muporofita wenhema wechiJudha Bhari-Jesu uye nokungwarira asi akasimba akafumura nhema dzavamwari veAtene. (Mabasa 13:6-12; 17:16, 22-31) Yeukawo, kuti munguva dzazvino uno vakasarira vakazodzwa vakafumura zvakasimba Chikristudhomu uye kupupura kwakadaro kwakachitambudza.—Zvakazarurwa 8:7-12.c
16 Apo Mosesi akatiza hasha dzaFarao, akapotera mumusha weakanga asiri muIsraeri, Reueri, ainziwo Jetero. Gare gare, Mosesi akagamuchira zano rinokosha rokuronga kubva kuna Reueri, ane mwanakomana wake Hobhabhi akatungamirira Israeri kupfuura nomurenje.d (Eksodho 2:15-22; 18:5-27; Numeri 10:29) Mitezo yaIsraeri waMwari yakabetserwa nenzira yakafanana navanhu vasiri mitezo yakazodzwa yaIsraeri waMwari here? Hungu, yakatsigirwa ne“boka guru” ra“mamwe makwai,” ayo akaoneka mukati meano mazuva okupedzisira. (Zvakazarurwa 7:9, NW; Johane 10:16; Isaya 61:5) Achifanotaura tsigiro youshamwari, yorudo iyo aya “makwai” aizopa hama dzake dzakazodzwa, Jesu akati kwavari nenzira youporofita: “Ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mutorongo, mukauya kwandiri . . . Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.”—Mateo 25:35-40.
17. Vakazodzwa vakava sei nechakaitika chakafanana neicho chaEria paGomo reHorebhi?
17 Uyezve, Israeri waMwari akanga ane ruzivo rwokuzviwanira rwakaenzana nourwo rwaEria paGomo reHorebhi.e Kufanana naEria panguva yaakanga achitiza Mambokadzi Jezebheri, vakasarira vakazodzwa vaitya vakafunga kuti basa ravo rakanga rapera pakupera kweHondo Yenyika I. Ipapo, kufananawo naEria, vakasangana naJehovha, uyo akanga auya kuzotonga masangano aya aitaura kuti “imba yaMwari.” (1 Petro 4:17; Maraki 3:1-3) Nepo Chikristudhomu chakawanwa chisingasvitsi mipimo, vakasarira vakazodzwa vakazivikanwa se“muranda wakatendeka, wakangwara” uye vakagadzwa kuti vatarisire zvinhu zvose zvaJesu zvapasi. (Mateo 24:45-47) MuHorebhi, Eria akanzwa “inzwi rakadzikama, rakaderera” iro rakabvumikisa kuva raJehovha, richimupa rimwe basa rokuita. Munhambo yakanyarara yamakore apashure pehondo, vabatiri vakazodzwa vakatendeka vaJehovha vakanzwa inzwi rake kubva mumapeji eBhaibheri. Ivowo vakaona kuti vakanga vane basa rokuita.—1 Madzimambo 19:4, 9-18, NW; Zvakazarurwa 11:7-13.
18. Kuratidzirwa kwakatanhamara kwesimba raJehovha kwakaitwa sei kupfurikidza naIsraeri waMwari?
18 Pakupedzisira, kuratidzirwa kwakatanhamara kwesimba raJehovha kwakaitwa kupfurikidza naIsraeri waMwari here? Pashure porufu rwaJesu, vaapostora vakaita zvishamiso zvakawanda, asi izvozvi zvakapera zvishoma nezvishoma. (1 VaKorinte 13:8-13) Mazuva ano, hationi zvishamiso mupfungwa chaiyoiyo. Pane rumwe rutivi, Jesu akati kuvateveri vake: “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: “Unotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye uchaaitawo, uchaita makuru kunawawa.” (Johane 14:12) Ikoku kwakava nokuzadzika kwokutanga sezvo vadzidzi vaJesu vakaparidza mashoko akanaka muUmambo hwose hweRoma muzana rokutanga ramakore. (VaRoma 10:18) Mabasa akatokura zvikuru akaitwa nhasi sezvo vakasarira vakazodzwa vakatungamirira kuparidzwa kwamashoko akanaka “munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14) Mugumisiro wacho? Zana ramakore rechi20 rakapupurira kuunganidzwa kwenhamba hurusa yevabatiri vaJehovha vakazvitsaurira, vakatendeka munhau. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:9, 10) Ufakazi hwakakura zvakadini hwesimba raJehovha!—Isaya 60:22.
Hama dzaJesu Dzinouya Mumbiri
19. Hama dzaJesu dzakazodzwa dzinoonekwa dzinaye riini mumbiri?
19 Sezvo vakasarira vehama dzaJesu dzakazodzwa vanopedza upenyu hwavo hwapasi, vanopiwa mbiri pamwe chete naye. (VaRoma 2:6, 7; 1 VaKorinte 15:53; 1 VaTesaronika 4:14, 17) Nokudaro vanova madzimambo asingafi navaprista muUmambo hwokudenga. NaJesu, ipapo vacha“fudza [marudzi] netsvimbo yedare, sehari dzomuumbi dzinoputsanyiwa.” (Zvakazarurwa 2:27; 20:4-6; Pisarema 110:2, 5, 6) NaJesu, vachagara pazvigaro zvoumambo vachitonga “marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Mateo 19:28) Chisiko chiri kugomera chakamirira nokudisa izvi zviitiko, zviri rutivi rwo“kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.”—VaRoma 8:19-21; 2 VaTesaronika 1:6-8.
20. (a) Kushanduka chitarisiko kwakasimbisa kutenda kwaPetro pamusoro pekariroi? (b) Kushanduka chitarisiko kunosimbisa sei vaKristu nhasi?
20 Pauro akataura nezvokuratidzwa kwaJesu mukati mo“kutambudzika kukuru” apo akanyora kuti: “Kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero.” (Mateo 24:21; 2 VaTesaronika 1:10) Ikariro yakaisvonaka zvakadini nokuda kwaPetro, Jakobho, Johane, uye Vakristu vose vakazodzwa nomudzimu! Kushanduka chitarisiko kwakasimbisa kutenda kwaPetro. Zvirokwazvo, kurava pamusoro pako kunosimbisawo kutenda kwedu uye kunosimbisa chivimbo chedu chokuti Jesu nokukurumidza ucha“ripira” mumwe nomumwe paakabata napo.” Vakristu vakatendeka vakazodzwa avo vakapfuurira kurarama kusvikira kuzuva rino vanoona chivimbo chavo chichisimbiswa chokuti vachapiwa mbiri naJesu. Mamwe makwai anosimbiswa kutenda kwawo nokuziva kuti achaaponesa kusvika kumugumo wetsika ino yezvinhu yakaipa munyika itsva ine mbiri. (Zvakazarurwa 7:14) Ikurudziro yakadini yokumira takasimba kusvikira kumugumo! Uye ichi chiono chinogona kutidzidzisa zvakawanda zvikuru, sezvatichaona munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku ra“Let Your Name Be Sanctified,” mapeji 313-14, uye Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 164-5, akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Eksodho 2:15-22; 3:1-6; 5:2; 7:8-13; 8:18; 19:16-19; Dheuteronomio 31:23; 1 Madzimambo 17:8-16; 18:21-40; 19:1, 2, 8-18; 2 Madzimambo 2:1-14.
c Ona mapeji 133-41 mubhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
d Ona bhuku rinonzi You May Survive Armageddon Into God’s New World, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 281-3.
e Ona “Let Your Name Be Sanctified,” mapeji 317-20.
Unoyeuka Here?
◻ Ndivanaani vakaoneka vaina Jesu mukushanduka chitarisiko?
◻ Kutenda kwavaapostora kwakasimbiswa sei nokushanduka chitarisiko?
◻ Apo Mosesi naEria vakaoneka “nokubwinya” pamwe chete naJesu mukushanduka chitarisiko, vaimiririra vanaani?
◻ Kufananai kuri pakati paMosesi naEria pane rumwe rutivi uye Israeri waMwari pane rumwe?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Chiono chokushanduka chitarisiko chakasimbisa kutenda kwavaKristu vomunguva yakapfuura uye vazvino uno