RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 5/15 pp. 4-8
  • Unofanira Kudavira Kuberekwazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kudavira Kuberekwazve Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzivisa Manyuko Nehwaro
  • Mweya Haufi Here?
  • Nei Vanhu Vachitambura?
  • Nguva Yemberi Ine Rugare
  • Shoko raMwari Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?
    Mukai!—1994
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Kana Munhu Afa Anozoberekwazve Nemumwe Muviri Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Upenyu Pashure Porufu—Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Unodavira Kuti Wakamborarama Kare Usati Waberekwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 5/15 pp. 4-8

Unofanira Kudavira Kuberekwazve Here?

MUZIVI wechiGiriki Plato akabatanidza kudanana nepfungwa yekuberekwazve. Aidavira kuti pashure pokufa kwemuviri, mweya, uchiva usingafi, unotamira ku“nzvimbo yezvimiro zvakachena.” Usina muviri, unoramba uriko kwenguva yakati, uchirangarira zvimiro. Apo unopinzwazve gare gare mune mumwe muviri, mweya haunyatsoyeuki uye unoshuva nzvimbo yezvimiro. Maererano naPlato, vanhu vanodanana nemhaka yekuti vanoona muvadiwa vavo chimiro chakakwana cherunako rwavasinganyatsoyeuki uye rwavanotsvaka.

Kuzivisa Manyuko Nehwaro

Dzidziso yekuberekwazve inoda kuti mweya uve usingafi. Mavambo ekuberekwazve, ipapo, anofanira kurondwa kusvikira kuvanhu vaya kana kuti marudzi aidavira zvakadaro. Pahwaro ihwohwu, vamwe vanofunga kuti yakabva muEgipita yakare. Vamwe vanodavira kuti yakatangira kuBhabhironi rakare. Kuti vaite mukurumbira nokuda kwerudzidziso rwechiBhabhironi, vaprista varo vakakarakadza dzidziso yekutama kwemweya. Naizvozvo vaigona kutaura kuti magamba avo orudzidziso aive kuberekwazve kwemadzitateguru ane mukurumbira, kunyange zvazvo akafa kare.

Maive muIndia, zvisinei, umo chitendero chekuberekwazve chakakura zvikuru. Vachenjeri vechiHindu vakanga vachirwisana nezvinetso zvemuchisiko chose zveuipi nezvekutambura pakati pevanhu. ‘Izvozvi zvinogona sei kutsinhiraniswa nepfungwa yeMusiki akarurama?’ vakabvunza kudaro. Vakaedza kupedza gakava raiva pakati pekururama kwaMwari nengwavaira dzisingafanoonwi nekusaenzana kuri munyika. Mukufamba kwenguva, vakaita “mutemo wekarma,” mutemo wezvinokonzera newezvinoitika pakupedzisira—‘chipi kana chipi chinodyara munhu, achakohwa ichocho.’ Vaiita ‘chinyorwa chokuenzanisa zvakanaka nezvakashata zvakaitwa’ chine udzame apo zvakanaka nezvakaipa zvomuupenyu humwe zvinotuswa kana kuti kurangwa mune hunotevera.

“Karma” zvinongoreva chete kuti “mufambiro.” MuHindu anotaurwa kuva ane karma yakanaka kana achitsinhirana nemienzaniso yenzanga neyerudzidziso uye karma yakashata kana asingadaro. Mufambiro wake, kana kuti karma, unosarudza ramangwana rake mukuzvarwazve kumwe nokumwe kunotevedzana. “Vanhu vose vanoberekwa neunhu hwakafanorongwa, hunogadzirwa zvikurukuru nezviito zvavo zvemuupenyu hwakapfuura, kunyange zvazvo mavara avo omuviri achisarudzwa nekugara nhaka,” anodaro muzivi Nikhilananda. “Munhu [naizvozvo] ndiye anoronga mugumisiro wake, muvaki wenguva yemberi yake.” Vavariro inokosha, zvisinei, ndeyekusunungurwa pauku kutama ndokubatanidzwa neBrahman—nzvimbo huru chaiyoiyo iriko. Izvozvi, zvinofungidzirwa kudaro, zvinowanwa kupfurikidza nokuvavarira kuva nemufambiro unogamuchirika munzanga nezivo chaiyo yechiHindu.

Dzidziso yokuberekwazve naizvozvo inoshandisa sehwaro hwayo dzidziso yekusafa kwemweya ndokuvakira pairi ichishandisa mutemo wekarma. Ngationei izvo Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, rinotaura pamusoro pepfungwa idzodzi.

Mweya Haufi Here?

Kuti tipindure mubvunzo iwoyu, ngatitendeukirei kuchiremera chikurusa pamusoro penhau yacho—Shoko roMusiki rakafuridzirwa. Mubhuku rokutanga chairo reBhaibheri, Genesi, tinodzidza revo yakarurama ye“mweya.” Pamusoro pekusikwa kwemunhu wekutanga, Adhama, Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Nenzira yakajeka, munhu haana mweya asi kuti iye ndiye mweya. Shoko rechiHebheru rinoshandiswa pano nokuda kwemweya ndineʹphesh. Rinooneka ka700 muBhaibheri, uye haritombonongedzeri kurutivi rwakaparadzana uye rwusiri rwenyama rwemunhu asi nguva dzose kuchimwe chinhu chinobatika uye chinooneka.—Jobho 6:7; Pisarema 35:13; 107:9; 119:28.

Chii chinoitika kumweya parufu? Rangarira chakaitika kuna Adhama parufu rwake. Apo akatadza, Mwari akamuudza kuti: “Uch[a]dzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Funga kuti izvozvo zvinorevei. Mwari asati amusika neguruva, Adhama aisavako. Pashure porufu rwake, Adhama akadzokera kumugariro mumwe chetewo wokusavako.

Kuchitaurwa zvakapfava, Bhaibheri rinodzidzisa kuti rufu musiyano woupenyu. Pana Muparidzi 9:5, 10, tinorava kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”

Izvozvi zvinoreva kuti vakafa havakwanisi kuita kana kuti kunzwa chinhu chipi nechipi. Havachisina mifungo ipi neipi, uyewo havachayeuki chinhu. Wezvemapisarema anoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.”—Pisarema 146:3, 4.

Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti parufu mweya hautamire kune mumwe muviri, asi unofa. “Mweya unotadza, uchafa,” Bhaibheri rinodaro zvakananga. (Ezekieri 18:4, 20; Mabasa 3:23; Zvakazarurwa 16:3) Nokudaro, dzidziso yokusafa kwemweya—hwaro humene hwerondedzero yekuberekwazve—haiwani tsigiro ipi neipi muMagwaro. Isipo, fungidziro yacho inopera. Chii, ipapoka, chinotsanangura kutambura kwatinoona munyika?

Nei Vanhu Vachitambura?

Chikonzero chikuru chekutambura kwemunhu kusakwana uko tose tinogara nhaka kuna Adhama akatadza. “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 5:12) Sezvatakaberekwa kubva kuna Adhama, tose tinorwara, tinokwegura, uye tinofa.—Pisarema 41:1, 3; VaFiripi 2:25-27.

Uyezve, mutemo wetsika weMusiki usingachinji unoti: “Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama.” (VaGaratia 6:7, 8) Nokudaro, mararamire ounzenza angatungamirira kukurwadziwa mundangariro, nhumbu dzisingadikanwi, uye zvirwere zvinopfuudzwa nomuvatano. “Zvikamu 30 muzana zvekenza dzinouraya [muUnited States] zvinogona kunzi zvinokonzerwa zvikurukuru nekusvuta, uye nhamba yakaenzana nemararamire, zvikurukuru miitiro yokudya uye kushayikwa kwekurovedza muviri,” inodaro magazini inonzi Scientific American. Dzimwe ngwavaira dzinokonzera kutambura mugumisiro wekusashandisa zvakanaka kwemunhu zviwanikwa zvapasi.—Enzanisa naZvakazarurwa 11:18.

Hungu, munhu anofanira kupomerwa nokuda kwezhinji yenhamo yake. Sezvo mweya uchifa, zvisinei, mutemo woku‘kohwa zvaunodyara’ haugoni kushandiswa kuti ubatanidze kutambura kwemunhu nekarma—mabasa ehunonzi upenyu hwekare. “Wakafa, waruramiswa pazvivi zvake,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 6:7, 23) Nokudaro chibereko chechivi hachipfuuridzirwi kuupenyu pashure porufu.

Satani Dhiyabhorosi anoparirawo kutambura kukuru. Kutaura idi, nyika ino inodzorwa naSatani. (1 Johane 5:19) Uye seizvo Jesu Kristu akafanotaura, vadzidzi Vake vaizova ‘vanovengwa navanhu vose nokuda kwezita rake.’ (Mateo 10:22) Somugumisiro, vakarurama vanowanzotarisana nezvinetso zvakawanda kupfuura zvinoita vakaipa.

Munyika ino zvimwe zviitiko zvinoitika izvo zvine zvisakiso zvacho zvisingaoneki nokukurumidza. Mumhanyi anomhanyisa angagumburwa ndokukundwa munhangemutange. Hondo ine simba ingakurirwa nemauto maduku. Murume akachenjera angasakwanisa kuwana basa rakanaka uye naizvozvo angatambura nzara. Vanhu vanonzwisisa zvikuru kutarisirwa kwebhizimisi, nemhaka yemamiriro ezvinhu, vangasakwanisa kushandisa zivo yavo uye nokudaro vanozviwana vari muurombo. Vanhu vakachenjera vangatsamwirwa nevane chiremera uye ndokusvika pakusadiwa. Nei ikoku kwakadaro? “Vanowirwa vose nenguva nezvinoitika,” anopindura kudaro Mambo Soromoni akachenjera.—Muparidzi 9:11.

Rudzi rwemunhu rwaitambura kare zvikuru vachenjeri vechiHindu vasati vaedza kutsanangura chikonzero nei kuripo. Asi kune tariro yenguva yemberi iri nani here? Uye chipikirwai icho Bhaibheri rinacho nokuda kwavakafa?

Nguva Yemberi Ine Rugare

Musiki akapikira kuti nokukurumidza achagumisa nzanga iripo yenyika iyo iri kudzorwa naSatani. (Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44) Nzanga itsva yomunhu yakarurama—“pasi idzva”—panguva iyoyo ichava chinhu chaichoicho. (2 Petro 3:13) Panguva iyoyo “hakuna ugeremo, uchati: ndinorwara.” (Isaya 33:24) Kunyange kurwadza kwerufu kuchabviswa, nokuti Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Pamusoro pevagari vemunyika itsva yaMwari yakapikirwa, wezvemapisarema akafanotaura kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Uyezve, vanyoro “ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Mukundbhai, adudzwa munyaya yapfuura, akafa asina kuziva zvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari. Asi mamiriyoni akafa asina kuziva Mwari ane kariro yokumutsirwa munyika itsva yakadaro ine rugare, nokuti Bhaibheri rinopikira kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15; Ruka 23:43.

Shoko rokuti “kumuka” pano rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki a·naʹsta·sis, iro rinoreva chaizvoizvo kuti “kusimuka zvakare.” Rumuko naizvozvo runobatanidza kumutswazve kwemararamire emunhu.

Musiki wedenga napasi ane uchenjeri husingagumi. (Jobho 12:13) Kuyeuka mararamire evakafa hakusi chinetso kwaari. (Enzanisa naIsaya 40:26.) Jehovha Mwari anewo rudo. (1 Johane 4:8) Nokudaro, anogona kushandisa kuyeuka kwake kwakakwana, kwete kuranga vakafa nokuda kwezvakashata zvavakaita, asi kuvadzorera kuupenyu muparadhiso yapasi neunhu hwavaiva nahwo vasati vafa.

Nokuda kwamamiriyoni akafanana naMukundbhai, rumuko ruchareva kuva nevadiwa vavo zvakare. Asi fungidzira zvazvinogona kureva nokuda kwaavo vari kurarama zvino. Rangarira somuenzaniso, mwanakomana waMukundbhai, uyo akasvika pakuziva chokwadi chinoshamisa pamusoro paMwari nemadonzo ake. Kunonyaradza sei kwaari kuziva kuti baba vake havana kuiswa parumananzombe mukuzvarwazve kunoda kuva kusingagumi, kumwe nokumwe kwakapoteredzwa neuipi nekutambura! Vakangorara zvavo murufu, vachimirira rumuko. Kunofadza sei kwaari kurangarira bviro yokugoverana nababa vake rimwe zuva izvo iye pachake akadzidza muBhaibheri!

Kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:3, 4) Zvino inguva yokudzidza nzira iyo iwe, pamwe chete nemamiriyoni avamwe vari kutoita kuda kwaMwari, munogona nayo kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi.—Johane 17:3.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11

[Bhokisi riri papeji 6]

Unhu hwaMwari neMutemo weKarma

“Mutemo weKarma,” akatsanangura kudaro Mohandas K. Gandhi, “hauchinji uye haugoni kunzvengeka. Nokudaro hakuna kudikanwa kupi nokupi kwekuti Mwari apindire. Akagadza mutemo uye, sokunge zvakadaro, akazorora.” Gandhi akawana izvozvi zvichikangaidza.

Kune rumwe rutivi, chipikirwa cherumuko chinoratidzira kuti Mwari anofarira zvikuru chisiko chake. Kuti adzorere akafa kuupenyu muparadhiso yapasi, Mwari anofanira kuziva ndokuyeuka chinhu chiri chose pamusoro pemunhu iyeye. Mwari zvirokwazvo anoitira hanya mumwe nomumwe wedu.—1 Petro 5:6, 7.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kutenderera kwoupenyu kwechiHindu

[Mufananidzo uri papeji 8]

Shoko raMwari rinodzidzisa rumuko

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe