Upenyu hwaJesu Noushumiri
MuSamaria Ane Mutsa
JESU zvichida ari pedyo neBhetania, musha unenge makiromita 3 kubva Jerusarema. Mumwe murume uyo ari nyanzvi paMutemo waMosesi anomusvika nomubvunzo, achibvunza, kuti: “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
Jesu anoziva kuti murume wacho, gweta, haasi kungobvunza zvake nokuda kwamashoko asi nemhaka yokuti anoshuva kumuedza. Donzo regweta ringave rokuita kuti Jesu apindure nenzira ichagumbura pfungwa dzavaJudha. Naizvozvo Jesu anoita kuti gweta rizvibatanidze rimene, achibvunza, kuti: “Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?”
Mumhinduro, gweta, richishandisa nzwisiso yechienzi, rinonokora mashoko mumitemo yaMwari iri pana Dheuteronomio 6:5 uye Revhitiko 19:18, richiti: “‘Ida [Jehovha (NW)], Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.’”
“Wapindura zvakanaka,” Jesu anopindura kudaro. “Ita izvozvo ugorarama.”
Gweta, zvisinei, harigutswi. Mhinduro yaJesu haina kunanga zvakakwana nokuda kwake. Iye anoda simbiso inobva kuna Jesu yokuti mirangariro yake amene yakarurama uye nokudaro kuti iye akarurama mukubata kwake vamwe. Naizvozvo, iye anobvunza, kuti: “Wokwangu ndianiko?”
VaJudha vanodavira kuti shoko rokuti “wokwako” rinoshanda bedzi kuvaJudha biyavo, seizvo mashoko akapoteredza Revhitiko 19:18 anoratidzika kuva anoratidzira. Kutaura idi, gare gare kunyange muapostora Petro akati: “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi.” Naizvozvo gweta racho, uye zvichida vadzidzi vaJesuwo, vanodavira kuti vakarurama kana vakangobata vaJudha biyavo bedzi nomutsa, sezvo, mumurangariro mavo, vasiri vaJudha vasiri vokwavo chaizvoizvo.
Pasina kugumbura vateereri vake, Jesu anogona sei kururamisa murangariro wavo? Iye anotaura nhau, sezvinobvira yakavakirwa pachinoitika chaichoicho. “Mumwe [muJudha],” Jesu anotsanangura kudaro, “wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya wodokufa.”
“Zvino,” Jesu anopfuurira, “mumwe muprista akanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona akanyenyeredza. Nokudaro muRevhiwo wakasvikapo, akamuona, akanyenyeredza. Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; wakati achimuona, akamunzwira tsitsi.”
Vaprista vazhinji navabatsiri vavo vechiRevhi vapatembere vanogara muJeriko, daro ramakiromita 23 munzira ine ngozi inodzika mamita 900 kubva pavanobatira patembere muJerusarema. Muprista nomuRevhi vaizokarirwa kubetsera muJudha biyavo ari munhamo. Asi havasati. Panzvimbo pezvo, muSamaria anodaro. VaJudha vanovenga vaSamaria zvikuru kwazvo zvokuti misi ichangobva kupfuura iyi ivo vakanyomba Jesu namashoko akasimba zvikurusa kupfurikidza nokumudana kuti “muSamaria.”
Chii chinoita muSamaria kuti abetsere muJudha? “Akaenda kwaari,” Jesu anodaro, “ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta. Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri [inenge mibairo yamazuva maviri], akaapa mwene weimba, akati: ‘Muchengete; uye zvose zvaunomuripira kupfuura izvo, ndichakupazve kana ndichidzoka.’”
Pashure pokutaura nhau yacho, Jesu anobvunza gweta kuti: “Unofungei, ndoupiko kuna vatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?”
Achinzwa zvisina kunaka pamusoro pokupa runako rwupi norwupi kumuSamaria, gweta rinongopindura zvaro, kuti: “Ndiye wakamuitira ngoni.”
“Enda, undoita saizvozvo,” Jesu anogumisa.
Kudai Jesu akanga audza gweta zvakananga kuti vasiri vaJudhawo vaiva vokwake, murume wacho haasati bedzi aizova asina kugamuchira ikoko asi vazhinjisa vavateereri zvimwe vangadai vakatora rutivi rwake mukurukurirano naJesu. Iyi nhau yechokwadi, zvisinei, yakajekesa nenzira isingarambwi, kuti vokwedu vanobatanidza vanhu kunze kwaavo vedzinza redu timene kana kuti rudzi. Inzira inoshamisa zvakadini yaJesu yokudzidzisa! Ruka 10:25-37; Mabasa 10:28; Johane 4:9; 8:48.
◆ Mibvunzoi yakabvunza gweta Jesu, uye chii sezviri pachena chakanga chiri donzo rake mukubvunza?
◆ Ndivanaani avo vaJudha vaidavira kuti vaiva vokwavo, uye chikonzeroi chiripo chokudavira kuti kunyange vadzidzi vaigoverana uyu murangariro?
◆ Jesu akajekesa sei murangariro wakarurama zvokuti gweta raisagona kuuramba?