Upenyu hwaJesu Noushumiri
Garai Makagadzirira!
PASHURE pokunyevera mapoka pamusoro pokuchiva, uye kunyevera vadzidzi vake pamusoro pokupa ngwariro isakafanira kuzvinhu zvokunyama, Jesu anokurudzira, kuti: “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai ushe.” Iye nokudaro anozivisa kuti chiverengero chiduku zvikuru bedzi (gare gare chakaziviswa se 144 000) chichava muUmambo hwokudenga. Voruzhinji vavanogamuchira upenyu husingagumi vachava vadzorwi vapasi voUmambo.
Chipo chinoshamisa zvakadini, “umambo”! Achirondedzera mhinduro yakafanira inofanira kuva navadzidzi pakuhugamuchira, Jesu anovakurudzira, kuti: “Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo.” Hungu, ivo vanofanira kushandisa pfuma yavo kubetsera vamwe mumudzimu uye nokudaro kuunganidza “fuma isingaperi kudenga.”
Jesu anotevera kupa zano vadzidzi vake kuti vagare vakagadzirira kudzoka kwake. Iye anoti: “Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo. Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira.”
Muuyu muenzanisiro, kugadzirira kwavabatiri pakudzoka kwatenzi wavo kunoratidzwa nokukwinya kwavo nguvo dzavo nokusunga idzodzi namabhandi avo; uye ivo ipapo vanopfuurira kutarisira mabasa avo kusvikira muusiku muchiedza chemwenje ina mafuta. Jesu anotsanangura, kuti: ‘Kana tenzi akasvika munguva yechipiri yokurindira [kuvambira panenge panguva yepfumbamwe mumadekwana kusvikira pakati pousiku], kunyange kana mune yechitatu [kuvambira pakati pousiku kusvikira kuinenge nguva yetatu mumangwanani], uye achivawana vakagadzirira, vanofara!’
Tenzi anotusa vabatiri vake nenzira yechienzi. Iye anovaita kuti vagare patafura uye anovamba kuvabatira. Iye anovabata, kwete savaranda, asi seshamwari dzakavimbika. Ituso yakaisvonaka zvakadini yokupfuurira kwavo kushanda nokuda kwatenzi wavo usiku hwose vakamirira kudzoka kwake! Jesu anogumisa, achiti: “Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingafungi.”
Petro zvino anobvunza: “Mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?”
Panzvimbo pokupindura zvakananga, Jesu anopa mumwe muenzanisiro. “Ndianiko mutariri wakatendeka wakachenjera,” iye anobvunza, “uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.”
“Ishe” sezviri pachena ndiJesu Kristu. “Mutariri” anofananidzira “kapoka kaduku” kavadzidzi seboka ravazhinji, uye “varanda” vanonongedzera kuboka rimwe cheteri ravane 144 000 vanogamuchira umambo hwokudenga, asi vanosimbisa basa ravo savanhu vamwe navamwe. “Zvose zvaanazvo” izvo mutariri akatendeka anogadzwa kutarisira ifariro dzoUmambo dzashe pasi pano, idzo dzinobatanidza vadzorwi vapasi voUmambo.
Achipfuuridzira muenzanisiro wacho, Jesu anonongedzera kukubvira kwokuti haisi mitezo yose yomutariri iyeyo, kana kuti boka romuranda, ichava yakatendeka, achitsanangura, kuti: “Asi kana muranda uyu akareva mumwoyo make, achiti: ‘Ishe wangu wanonoka kuuya,’ akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akabatwa, ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingakariri . . . , akamurovesa zvikuru.”
Jesu anopfuurira kutaura kuti kuuya kwake kwakaunza nguva inotyisa nokuda kwavaJudha, sezvo vamwe vachigamuchira uye vamwe vachiramba dzidziso dzake. Anopfuura makore matatu pamberi pezvi, iye akabhapatidzwa mumvura, asi zvino rubhapatidzo rwake murufu rwava kuswedera pedyo zvikuru nguva dzose nomugumo, uye sezvaanoti: “Ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika!”
Pashure pokunangidzira aya mashoko kuvadzidzi vake, Jesu zvakare anotaura kumapoka. Iye anochema pamusoro pokuramba kwavo kwechisimbwa kugamuchira ufakazi hwakajeka hwokuzivikanwa kwake noukoshi hwako. “Kana muchiona gore richikwira kumavirira,” iye anodaro, “pakarepo munoti, ‘Mvura ichanaya;’ zvoitika saizvozvo. Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva zasi, munoti: ‘Kuchapisa kwazvo;’ zvoitika. Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino?” Ruka 12:32-59.
◆ Vangani vanoumba “kapoka kaduku,” uye chii chavanogamuchira?
◆ Jesu anosimbisa sei kudikanwa kwokuti vabatiri vake vave vakagadzirira?
◆ Mumuenzaniso waJesu, ndiani ari “tenzi,” “mutariri,” “varanda” uye “zvose zvaanazvo”?