Tevedzera Ngoni dzaJehovha
“Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vane ngoni.”—RUKA 6:36, NW.
1. VaFarise vakaratidza sei kuti vakanga vasina ngoni?
KUNYANGE zvazvo vakasikwa nomufananidzo waMwari, vanhu vanowanzokundikana kutevedzera ngoni dzake. (Genesi 1:27) Somuenzaniso, funga nezvavaFarise. Seboka, havana kufara Jesu paakaratidza ngoni nokurapa munhu ane ruoko rwakawunyana musi weSabata. Panzvimbo pokufara, vakarangana pamusoro paJesu “kuti vangamuuraya sei.” (Mateo 12:9-14) Pane imwe nguva, Jesu akaporesa munhu akanga aberekwa ari bofu. Zvakare, “vamwe vavaFarise” havana kufarira tsitsi dzaJesu. Panzvimbo pokufara, vakanyunyuta vachiti: “Munhu uyu haazi waMwari, nokuti haachengeti sabata.”—Johane 9:1-7, 16.
2, 3. Jesu airevei nokutaura kuti, “Muchenjere mbiriso yavaFarise”?
2 Kusanzwira tsitsi kwavaFarise kwakaita kuti vave nemhaka kuvanhu nechivi kuna Mwari. (Johane 9:39-41) Nechikonzero chakanaka, Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti, “Muchenjere mbiriso” yeboka iri duku nevamwe vezvitendero, vakadai savaSadhuse. (Mateo 16:6) MuBhaibheri mbiriso inoshandiswa kumirira chivi kana kuti uori. Saka Jesu akanga ari kutaura kuti dzidziso ya“vanyori navaFarise” yaigona kuodza kunamata kwakachena. Sei? Mukuti yaidzidzisa vanhu kuti vangoona Mutemo waMwari maererano nemitemo yavo netsika zvokuzvisarudzira, asi vachifuratira “zvinhu zvikuru,” kubatanidza ngoni. (Mateo 23:23) Urwu rudzi rwechitendero rwunonyanyisa patsika rwakaita kuti kunamata Mwari kuve mutoro wakaoma.
3 Murutivi rwechipiri rwenyaya yake yomupambadzi uya, Jesu akafumura kufunga kwakaora kwavatungamiriri vezvitendero vechiJudha. Munyaya yacho baba vacho, avo vanomirira Jehovha, vaida kukanganwira mwanakomana wavo anopfidza. Asi mukoma womukomana wacho, uyo aimirira “vaFarise navanyori,” aifunga zvakasiyana zvikuru nezvenhau yacho.—Ruka 15:2.
Kutsamwa Kwomukoma
4, 5. Mukoma womupambadzi akanga aka“rasika” mupfungwa ipi?
4 “Mwanakomana wake wedangwe wakanga ari kumunda; zvino wakati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti izvi zvinyiko. Akati kwaari: Munun’una wako wasvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwanazve ari mupenyu. Asi iye wakatsamwa, akaramba kupinda.”—Ruka 15:25-28.
5 Sezviri pachena, mupambadzi uya haasi iye oga aiva nechinetso munyaya yaJesu. “Vanakomana vacho vose vanorondedzerwa nezvavo pano sevakarasika,” rinodaro rimwe bhuku remashoko, “mumwe nemhaka yokusarurama kunomuzvidzisa, mumwe wacho nemhaka yokuzviona seakarurama izvo zvinomuita kuti asanzwisisa.” Cherekedza kuti mukoma womupambadzi uya haana kungoramba kufara chete asiwo “wakatsamwa.” Shoko rechiGiriki ra“kutsamwa” harikarakadzi kuputika nehasha chaikoiko, asi kuramba wakatsamwa. Sezviri pachena, mukoma womupambadzi uya akaramba ane pfundepfunde yakasimba, saka aifunga kuti zvakanga zvisina kufanira kuti vapemberere kudzoka kwomunhu aisambofanira kunge akabva pamba.
6. Mukoma womupambadzi anomirira ani, uye nei?
6 Mukoma womupambadzi anonyatsomirira avo vakagumbukira tsitsi uye kubatwa kwakaitwa vatadzi naJesu. Ava vaizviti vakarurama havana kumbosvikwa mwoyo nengoni dzaJesu; uyewo havana kuratidza mufaro unova kudenga panokanganwirwa mutadzi. Panzvimbo paizvozvo, ngoni dzaJesu dzakamutsa kutsamwa kwavo, uye vakatanga ku“fung[a] zvakaipa” mumwoyo yavo. (Mateo 9:2-4) Pane imwe nguva hasha dzavamwe vaFarise dzakanga dzakomba kwazvo zvokuti vakadana munhu akanga aporeswa naJesu uye ipapo “vakamudzingira kunze” kwesinagoge—sezviri pachena vachimudzinga! (Johane 9:22, 34, NW) Kufanana nomukoma womupambadzi uya, “akaramba kupinda,” vatungamiriri vezvitendero vechiJudha vakanyatsoramba pavakanga vane mukana woku‘fara navanofara.’ (VaRoma 12:15) Jesu akafumurazve mafungiro avo akaipa sezvaakapfuurira nenyaya yake.
Mafungiro Akaipa
7, 8. (a) Mukoma womupambadzi uya haana kunzwisisa sei zvinoreva ukama hwomwanakomana nababa? (b) Mwanakomana mukuru akanga akasiyana sei nababa vake?
7 “Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari. Asi iye wakapindura, akati kuna Baba vake: Tarirai, ndakakubatirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi mwanakomana wenyu uyu, wakaparadza pfuma yenyu nezvifeve, wakati achisvika, mamubayira mhuru yakakodzwa.”—Ruka 15:28-30.
8 Namashoko aya, mukoma womupambadzi uya akajekesa kuti akanga asina kunzwisisa zvaireva ukama hwomwanakomana nababa. Akashandira baba vake sezvinoita mushandi kumunhu waanoshandira. Sezvaakaudza baba vake kuti: “Ndakakubatirai.” Chokwadi, uyu mwanakomana mukuru akanga asina kumbobva pamba kana kuti kuputsa murayiro wababa vake. Asi kuteerera kwake kwaiparirwa norudo here? Ainyatsofara kushandira baba vake, kana kuti panzvimbo paizvozvo zvishoma nezvishoma akanga ava kuita zvachero, achifunga kuti aiva mwanakomana akanaka nemhaka yokungoti aiita mabasa ake “mumunda” here? Kana akanga ari mwanakomana akazvipira zvechokwadi, nei akakundikana kuratidza mafungiro ababa vake? Paakapiwa mukana wokunzwira ngoni munun’una wake, nei asina kuva netsitsi mumwoyo make?—Enzanisa naPisarema 50:20-22.
9. Tsanangura kuti vatungamiriri vezvitendero vechiJudha vaiva vakafanana sei nomwanakomana mukuru.
9 Vatungamiriri vezvitendero vechiJudha vakanga vakafanana nouyu mwanakomana mukuru. Vaifunga kuti vakanga vakavimbika kuna Mwari nemhaka yokuti vainyatsoomerera pabumbiro remitemo. Chokwadi, kuteerera kunokosha. (1 Samueri 15:22) Asi kunyanyosimbisa kwavo mabasa kwakaita kuti kunamata Mwari kuve muitiro unongoerekana waitika, kuratidzira kuzvipira kwokunze pasina umudzimu hwechokwadi. Ndangariro dzavo dzakanga dzakazadzwa nemagamuchidzanwa. Mwoyo yavo yakanga isina rudo. Chokwadi, vaiona vanhuwo zvavo sehuruva yaiva pasi petsoka dzavo, vachitovazvidza sa“vanhu . . . vakatukwa.” (Johane 7:49) Zvechokwadi, Mwari aigona sei kufadzwa namabasa avatungamiriri vezvitendero vakadaro kana mwoyo yavo yakanga iri kure naye?—Mateo 15:7, 8.
10. (a) Nei mashoko okuti, “ndinoda ngoni, handidi chibayiro” akanga ari zano rakafanira? (b) Kusava nengoni inhau huru zvakadini?
10 Jesu akaudza vaFarise kuti “endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti: Ndinoda ngoni, handidi chibayiro.” (Mateo 9:13; Hosea 6:6) Zvavaikoshesa zvakanga zvisingashandi, nokuti pasina ngoni zvibayiro zvavo zvose zvaizova zvisingakoshi. Zvechokwadi iyi inhau yakakomba, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti “vasina ngoni” vanoiswa pakati pevanoonekwa naMwari se“vakafanirwa norufu.” (VaRoma 1:31, 32) Nokudaro, hazvishamisi kuti Jesu akataura kuti vatungamiriri vezvitendero vakanga vakatemerwa kuparadzwa nokusingaperi seboka. Sezviri pachena, kusava kwavo nengoni kwakaita kuti vafanirwe zvikuru nokutongwa uku. (Mateo 23:33) Asi zvichida vanhu veboka iri vaigona kubetserwa. Mukupedzisa nyaya yake, Jesu akaedza kugadziridza kufunga kwavaJudha vakadaro namashoko ababa kumwanakomana wavo mukuru. Ngationei kuti sei.
Ngoni Dzababa
11, 12. Baba vomunyaya yaJesu vanoedza sei kutaura nomwanakomana wavo mukuru, uye chii chingava chichirehwa nokushandisa kwababa vacho mashoko okuti “munun’una wako”?
11 “Ivo vakati kwaari: Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun’una wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arashika, akawanika.”—Ruka 15:31, 32.
12 Cherekedza kuti baba vakashandisa kutaura kwokuti “munun’una wako.” Nei? Chimbofunga kuti kutanga, paaitaura nababa vake, mukomana mukuru akanga adana mupambadzi uya kuti “mwanakomana wenyu”—kwete “munun’una wangu.” Aiita seasiri kubvuma chisungo chemhuri pakati pake nomunun’una wake. Nokudaro zvino zviri kutaurwa nababa kumukomana wavo mukuru chaizvoizvo ndezvokuti: ‘Uyu haasi mwanakomana wangu chete. Munun’una wako, ropa rako chairo nenyama yako. Unofanira kufarira kudzoka kwake!’ Mashoko aJesu anofanira kuva akajekera vatungamiriri vechiJudha. Vatadzi vavaizvidza vakanga vari “hama” dzavo chaidzoidzo. Zvechokwadi, “hapana munhu wakarurama panyika, unoita zvakanaka, asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Ipapoka, vaJudha vakatanhamara vaifanira kufara zvikuru paipfidza vatadzi.
13. Kungoguma kwemufananidzo waJesu kunotisiya tine mubvunzo upi unoita kuti tifungisise?
13 Pashure pokuteterera kwababa, mufananidzo wacho unobva wangoguma. Zvinoita sokuti Jesu ari kukumbira vateereri vake kuti vazvipedzisire nhau yacho. Chero zvakazoitwa nomwanakomana mukuru, muteereri woga woga aiva nomubvunzo wokuti, ‘Iwe uchafara sezvinoitwa kudenga panopfidza mutadzi here?’ VaKristu nhasi vanewo mukana wokuratidza mhinduro dzavo kumubvunzo iwoyo. Sei?
Kutevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi
14. (a) Tinogona sei kushandisa zano raPauro rinowanwa pana VaEfeso 5:1 panhau yengoni? (b) Tinofanira kudzivisa kusanzwisisa chii nezvengoni dzaMwari?
14 Pauro akarayira vaEfeso kuti: “Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” (VaEfeso 5:1) Nokudaro, savaKristu tinofanira kuonga ngoni dzaMwari, kudzidyara zvakadzika mumwoyo yedu, uye ipapo kuratidza vara iri mukubata kwedu navamwe. Zvisinei, tinofanira kungwarira. Ngoni dzaMwari hadzifaniri kunzwisiswa zvisizvo sedzekurerutsisa chivi. Somuenzaniso, pane vamwe vangafunga nokusakendenga kuti, ‘Kana ndikaita chivi, ndinongogona kunyengetera kuna Mwari kuti andikanganwire, uye achava nengoni.’ Mafungiro akadaro angaenzana nezvakanzi nomunyori weBhaibheri Judha ku“shandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere.” (Judhasi 4) Kunyange zvazvo Jehovha ane ngoni, haambo“pembedzi munhu une mhosva” paanenge achibata navanoita zvakaipa vasingapfidzi.—Eksodho 34:7; enzanisa naJoshua 24:19; 1 Johane 5:16.
15. (a) Nei vakuru vari ivo vanonyanya kufanira kuva pakati nepakati nezvengoni? (b) Nepo vasingabvumiri kuita zvakaipa namaune, vakuru vanofanira kuvavarira kuitei, uye nei?
15 Ukuwo, tinofanira kungwarirawo kunyanyisa pane zvimwe zvacho—kuva vasingadi kuchinja uye vanopomera mhaka avo vanoratidza kupfidza zvechokwadi uye kusuruvara kwokuda Mwari pamusoro pezvivi zvavo. (2 VaKorinte 7:11) Sezvo vakuru vakaronzeswa kuti vatarisire makwai aJehovha, zvinokosha kuti varambe vari pakati napakati murutivi urwu, zvikurukuru mukubata nhau dzedare. Ungano yechiKristu inofanira kuramba yakachena, uye zvakafanira muMagwaro ku“bvisa . . . munhu uyo wakaipa” nokudzinga. (1 VaKorinte 5:11-13) Panguva imwe chete, zvakanaka kuratidza ngoni kana pane chikonzero chakajeka chokudaro. Naizvozvo nepo vakuru vasingabvumiri zvakaipa zvinoitwa namaune, vanoedza kutsvaka nzira yorudo nengoni, vachiganhurirwa nokururamisira. Vanogara vachiziva mutemo weBhaibheri wokuti: “Kutonga hakungavi nengoni kune usina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.”—Jakobho 2:13; Zvirevo 19:17; Mateo 5:7.
16. (a) Uchishandisa Bhaibheri, ratidza kuti Jehovha anoshuva zvechokwadi sei kuti vanokanganisa vadzoke kwaari. (b) Tinogona sei kuratidza kuti isuwo tinofarira kudzoka kwavatadzi vanopfidza?
16 Mufananidzo womupambadzi unojekesa kuti Jehovha anoshuva kuti vanokanganisa vadzoke kwaari. Zvechokwadi, anoramba achivakoka kusvikira vazviratidza kuti havatombodi kupfidza. (Ezekieri 33:11; Maraki 3:7; VaRoma 2:4, 5; 2 Petro 3:9) Kufanana nababa vomupambadzi uya, Jehovha anoremekedza avo vanodzoka, achivagamuchira semitezo yakakwana yemhuri yacho. Uri kutevedzera Jehovha pane izvi here? Waunotenda naye, uyo anga akadzingwa kwenguva yakati o-o paanodzorerwa, unoita sei? Tinotoziva kuti “mufaro uchava kudenga.” (Ruka 15:7) Asi pasi pano, muungano yako, kunyange mumwoyo mako mune mufaro here? Kana kuti, kufanana nomwanakomana mukuru womunyaya yacho, pane kusada kuregerera, kuita sokuti uyo aisambofanira kunge akasiya makwai aMwari haafaniri kugamuchirwa?
17. (a) Chii chakaitika muKorinte yomuzana rokutanga ramakore, uye Pauro akarayira vaiva muungano yacho kuti vabate nhau yacho sei? (b) Nei zano raPauro raishanda, uye tinogona sei kurishandisa nhasi? (Onawo bhokisi riri kurudyi.)
17 Kutibetsera kuti tizvinzvere pane izvi, chimbofunga zvakaitika munenge mugore ra55 C.E. muKorinte. Imomo, mumwe murume akanga ambodzingwa muungano akazogadzirisa upenyu hwake. Hama dzaifanira kuitei? Vaifanira kuona kupfidza kwake neziso risina kunaka ndokuramba vasingadi kumuona here? Mukupesana, Pauro akakurudzira vaKorinte kuti: “Mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.” (2 VaKorinte 2:7, 8) Kakawanda, vanoita zvakaipa vanopfidza vanonzwa vachinyara uye vanoodzwa mwoyo zvikuru. Nokudaro, ava vanofanira kuvimbiswa kuti vanodiwa navavanotenda navo uye naJehovha. (Jeremia 31:3; VaRoma 1:12) Izvi zvinokosha. Nemhaka yei?
18, 19. (a) VaKorinte vakanga vambozviratidza sei kuva vainyanyoregerera? (b) Kusava netsitsi kwaigona sei kuzoguma noku“nyengerwa naSatani” kwavaKorinte?
18 Paairayira vaKorinte kuti vakanganwirane, Pauro akataura zvinotevera sechimwe chezvikonzero, achiti “kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti mano ake tinoaziva.” (2 VaKorinte 2:11) Airevei? Pakuvamba Pauro aifanira kutsiura ungano yeKorinte nemhaka yokunyanyoregerera zvinhu. Vakanga vabvumira murume uyu kuti apfuurire kutadza asingarangwi. Mukuita kudaro, ungano—kunyanya vakuru vayo—vakafadza Satani, nokuti angadai akafara kuita kuti ungano ive nomukurumbira wakaipa.—1 VaKorinte 5:1-5.
19 Zvino kana vakanyanyisazve ndokuramba kukanganwira munhu apfidza, Satani ainge achivanyengera neimwe nzira. Sei? Mukuti aigona kushandisa kuva kwavo nehasha kana kuti kusava nengoni. Kudai mutadzi apfidza aka“odzwa mwoyo”—kana kuti sokushandura kunoita Today’s English Version, “kusuruvara zvokuzongoguma arega”—vakuru vaizova nomutoro unorema zvakadini kuna Jehovha! (Enzanisa naEzekieri 34:6; Jakobho 3:1.) Ndicho chikonzero nei pashure pokunge arayira vateveri vake kuti vasagumbura “mumwe wavaduku ava,” Jesu akati: “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire.”a—Ruka 17:1-4.
20. Panopfidza mutadzi mufaro unova kudenga napasi pano munzirai?
20 Zviuru zvinotangazve kunamata kwechokwadi gore negore zvinoonga ngoni dzazvakaratidzirwa naJehovha. Imwe hanzvadzi yechiKristu inoti nezvokudzorerwa kwayo, “Muupenyu hwangu handiyeuki nguva yandakambofara kudai nezvechimwe chinhu.” Chokwadika, ngirozi dzinofarawo sezvaanoita. Isuwo ngatikumbanirei ‘mufaro wokudenga’ unovapo panopfidza mutadzi. (Ruka 15:7) Tikadaro, tichava tichitevedzera ngoni dzaJehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo zvichiita sokuti munhu akaita zvakaipa muKorinte akadzorerwa munguva pfupi zvikuru, izvi hazvifaniri kushandiswa somutemo wokudzinga kwose. Nhau imwe neimwe yakasiyana. Vamwe vanoita zvakaipa vanotanga kuratidza kupfidza kwechokwadi vachangobva kudzingwa. Vamwe, mafungiro akadaro anozooneka kwapera nguva yakareba kwazvo. Zvisinei, muzviitiko zvose avo vanodzorerwa vanofanira kutanga varatidza kusuruvara kwokutya Mwari uye, kana zvichibvira, vanofanira kuratidza mabasa anoratidza kupfidza.—Mabasa 26:20; 2 VaKorinte 7:11.
Kuhwirudzura
◻ Mukoma womupambadzi uya akafanana sei nevatungamiri vezvitendero vechiJudha?
◻ Mukoma womupambadzi uya haana kunzwisisa zvinoreva ukama hwomwanakomana nababa chaizvoizvo munzira ipi?
◻ Tichifunga nezvengoni dzaMwari, zvinhu zvipi zviviri zvokunyanyisa zvatinofanira kudzivisa?
◻ Tinogona sei kutevedzera ngoni dzaMwari nhasi?
[Bhokisi riri papeji 17]
“MUSIMBISE RUDO RWENYU KWAARI”
Pamusoro pemuiti wezvakaipa akadzingwa uyo akanga aratidza kuti apfidza, Pauro akaudza ungano yeKorinte kuti: “Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.” (2 VaKorinte 2:8) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “simbisa” ishoko rinoshandiswa munhau dzomutemo kureva kuti “tsigira.” Hungu, vanopfidza vanodzorerwa vanofanira kunzwa kuti vanodiwa uye kuti vanogamuchirwazve semitezo yeungano.
Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti vakawanda muungano havanyatsozivi chaizvoizvo zvakadzingisa mumwe munhu kana kuti zvakaita kuti adzorerwe. Uyezve, pangava navamwe vakatapurwa kana kuti vakarwadziswa somunhu oga—zvichida kwenguva yakatoreba—nezvakaipa zvakaitwa nomunhu apfidza. Naizvozvo, kana tichitapurwa nenhau dzakadaro, panopiwa chiziviso chokudzorerwa, nenzira inonzwisisika tingarega kutaura mashoko okugamuchira kusvikira tava kukwanisa kutaura zvakadaro somunhu oga.
Zvinosimbisa kutenda sei kune avo vanenge vadzorerwa kuziva kuti vanogamuchirwazve semitezo yeungano yechiKristu! Tinogona kukurudzira vanopfidza vakadaro nokutaura navo uye nokusonganirana navo paHoro yoUmambo, muushumiri, uye pane dzimwe nguva dzakafanira. Nokusimbisa kudaro, kana kuti nokutsigira, kuda kwedu ava vadiwa, hatidukupisi kukomba kwezvivi zvavakaita munzira ipi neipi. Asi, isu pamwe chete nemauto okudenga, tinofara kuti vakaramba nzira yokutadza uye vakadzoka kuna Jehovha.—Ruka 15:7.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mwanakomana mukuru akaramba kufarira kudzoka kwomunun’una wake