Mufarwa Usingaperi Wakamirira Vapi Voumwari
“Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—JOHANE 3:16, “NW.”
1, 2. (a) Ndiani ari Mupi mukurusa, uye chii chiri chipo chake chikurusa kurudzi rwomunhu? (b) Mukupa chipo chake chikurusa, ivarai iro Mwari akaratidzira?
JEHOVHA MWARI Mupi mukurusa wavose. Pakanga pari pamusoro pake, Musiki wedenga napasi, kuti mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora, kuti: “Chipo chiri chose chakanaka nechipiwa chiri chose chakakwana chinobva kumusoro, nokuti chinoburuka kuna Baba vezviedza zvokudenga, uye kwavari hakuna musiano wokushanduka kwomumvuri.” (Jakobho 1:17, NW) Jehovha Mupiwo wechipo chikurusa chaisambogona kupiwa. Pamusoro pechipo chake chikurusa kurudzi rwomunhu uye nokuda kwarwo, kwakataurwa, kuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16, NW.
2 Mutauri wamashoko iwayo akanga asati ari mumwe munhuwo zvake kunze kwoMwanakomana iyeyo akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari amene. Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi wababa aizoonga nenzira yomuzvarirwo ndokuda baba vakadaro samanyuko ake oupenyu neezvinhu zvose zvakanaka zvinogoverwa nokuda kwokufarikanya kwake upenyu. Asi rudo rwaMwari rwakanga rusina kuganhurirwa kuMwanakomana mumwe iyeyu oga. Kupa chipo chakadaro kuzvimwe zvezvisikwa zvake kwaizoratidzira kushandisa kwaMwari rudo kusvikira kumwero wechienzi. (Enzanisa naVaRoma 5:8-10.) Ikoku kunooneka zvikuru patinonzvera izvo shoko rokuti “akapa” rinoreva chaizvoizvo muaya mashoko akapoteredza.
Chipo chaMwari cho“Mwanakomana Worudo Rwavo”
3. Kunze kwo“mwanakomana worudo rwavo,” ndivanaanizve vakafarikanya rudo rwaBaba vokudenga?
3 Kwenhambo isingataurwi yenguva, Mwari akanga afarikanya songaniro yomunhu oga noMwanakomana iyeyu akaberekwa ari mumwe bedzi—“Mwanakomana worudo rwavo”—munzvimbo yomudenga. (VaKorose 1:13) Mukati menguva yose iyoyo, Baba noMwanakomana vakanga vakura murudo nechidakadaka nokuda kwomumwe nomumwe zvikuru kwazvo zvokuti hakuna kuva nokumwe kudana kwakafanana nokwavo. Zvimwe zvisikwa izvo Mwari akaita kuti zvivepo kupfurikidza noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi zvaidiwawo semitezo yemhuri youmwari yaJehovha. Nokudaro, rudo rwakatekeshera pamhuri yose yaMwari. Kunotaurwa nenzira yakarurama muMagwaro anoyera kuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Naizvozvo mhuri youmwari yaizoumbwa naavo vanodiwa naBaba, Jehovha Mwari.
4. Kupa kwaMwari Mwanakomana wake kwakabatanidza sei zvinopfuura kurasikirwa nesonganiro yomunhu oga, uye nokuda kwavanaani?
4 Zvisungo pakati paJehovha noMwanakomana wake wedangwe zvakanga zviri pedyo kwazvo zvokuti kuzvinyima vamene songaniro yapedyo yakadaro kwaizova rasikirwo huru makuri kumene. (VaKorose 1:15) Asi ‘kupiwa’ kwoMwanakomana iyeyu akaberekwa ari mumwe bedzi kwakareva zvinopfuura kuzvinyima amene kwaMwari songaniro yomunhu oga no“Mwanakomana worudo rwavo.” Kwakasvika kunyange kutambanuko yokubvumidza kwaJehovha Mwanakomana wake kutambura rufu uye nokudaro ndokubviswa kwechinguvana mukuvapo somutezo wemhuri yaMwari yechisiko chapose pose. Urwu rwakanga ruri rufu nokuda kwaavo vakanga vasina kutongova mitezo yemhuri yaMwari. Jehovha aisagona kuita chipo chikuru zvikuru nokuda kworudzi rwomunhu runoshaiwa kupfuura Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, uyo Magwaro anozivisawo so“kutanga kwezvisikwa zvaMwari.”—Zvakazarurwa 3:14.
5. (a) Ndoupi wakanga uri mugariro wavana vaAdhama, uye ruramisiro yaMwari yakadei kumumwe wavanakomana Vake vakatendeka? (b) Chipo chikurusa chaMwari chaizodei kwaari amene?
5 Vaviri vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, vakakundikana kuchengeta nzvimbo yavo semitezo yemhuri yaMwari. Iwoyo ndiwo mugariro umo wakazviwana vamene vari pashure pokudzingwa mubindu reEdheni nemhaka yokutadzira Mwari. Vakanga vasati vachirizve mitezo yemhuri yaMwari bedzi asi vakanga variwo mutongerwo yorufu. Naizvozvo, chinetso chakanga chisati chiriwo zvacho icho chokudzorera vana vavo kunyasha dzaMwari semitezo yemhuri yake asi chakanga chiriwo icho chokubvisa pavari tongero youmwari yorufu. Mukuwirirana nokushanda kweruramisiro youmwari, ikoku kwaizoda kuti mumwe wavanakomana vakatendeka vaJehovha Mwari atambure rufu somutsivi, kana kuti rudzikinuro. Nokudaro, mubvunzo mukuru wakanga uri wokuti: Uyo anosarudzwa aizova anodisa kutambura rufu rwokutsiva rwakadaro nokuda kwavatadzi vohunhu here? Uyezve, kuparira ikoku kwaizoda nenji raMwari Wamasimba Ose. Kwaizodawo kuratidzirwa kworudo rwoumwari kusvikira kumwero usingaenzaniswi.—VaRoma 8:32.
6. Mwanakomana waMwari akakwanisa sei kusvitsa zvinodikanwa zvomugariro unobatanidza rudzi rwomunhu runotadza, uye chii chaakataura muna ikoku?
6 Mwanakomana wedangwe waJehovha bedzi aigona kusvitsa zvinodikanwa chaizvo zvomugariro unobatanidza rudzi rwomunhu runotadza. Iye mufananidzo wakadaro waBaba vake vokudenga mukuratidza chidakadaka nokuda kwemitezo yemhuri yakaitwa nenzira youmwari zvokuti haana muenzani pakati pavanakomana vaMwari. Sezvo zvimwe zvisikwa zvose zvakangwara zvakaitwa kuti zvivepo kupfurikidza naye, chidakadaka chake nokuda kwazvo chaizova chikuru zvamazvirokwazvo. Kupfuurirazve, rudo ivara guru roMwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, nemhaka yokuti “iye chadzera [chaMwari] chokubwinya, nomufananidzo wake chaiye.” (VaHebheru 1:3) Achiratidza kudisa kwake kuratidzira rudo irworwu kusvikira kumwero mukurusa kupfurikidza nokupa upenyu hwake nokuda kworudzi rwomunhu runotadza, Jesu akaudza vaapostora vake 12, kuti: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuti ashumire nokupa mweya wake rudzikinuro mutsinhano navazhinji.”—Marko 10:45, NW; onawo Johane 15:13.
7, 8. (a) Chii chakanga chiri vavariro yaJehovha mukutuma Jesu Kristu munyika yorudzi rwomunhu? (b) Parudzii rwebasa Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi?
7 Jehovha Mwari akanga ane chikonzero chaicho chokutuma Jesu munyika ino inotambura yorudzi rwomunhu. Rudo rwoumwari rwakanga rwuri sundo nokuda kwaikoku, nokuti Jesu amene akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, kwete kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kupfurikidza naye.”—Johane 3:16, 17, NW.
8 Pakanga pari pabasa roruponeso apo Jehovha nenzira yorudo akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi. Mwari haana kutuma Mwanakomana wake pano kuti atonge nyika. Kudai Mwanakomana waMwari akanga atumwa pabasa rokutonga rakadaro, nguva yemberi yorudzi rwose rwomunhu ingadai yakava isina tariro. Tongero yorutongeso rwakaipa ingadai yakataurwa naJesu Kristu pamhuri yavanhu ingadai yakava kushurikidzirwa kurufu. (VaRoma 5:12) Nokudaro, kupfurikidza neiyi ratidzirwo yechienzi yorudo rwoumwari, Mwari akadzikamisa tongero yorufu iyo ruramisirowo zvayo ingadai yakada.
9. Wezvamapisarema Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pokupa kwaJehovha?
9 Muzvinhu zvose, Jehovha Mwari anotaura uye anoratidzira rudo sorutivi rukuru rwohunhu hwake. Uye kungataurwa nenzira yakarurama kuti Mwari anopa norudo vanamati vake vakatendeka vari pasi pano zvinopfuura zvakakwana kana toreva nezvezvinhu zvakanaka. Wezvamapisarema Dhavhidhi akanzwa nenzira iyoyo pamusoro penhau yacho paakataura kuna Mwari, kuti: “Zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, zvamakaitira vanovimba nemi pamberi pavanakomana vavanhu.” (Pisarema 31:19) Mukati moumambo hwaDhavhidhi parudzi rwaIsraeri—hungu, muupenyu hwake hwose somutezo worudzi irworwo rwakasarudzwa chaizvo naMwari—aiwanzowana runako rwaJehovha. Uye Dhavhidhi akaruwana kuva rukuru.
Kurasikirwa kwaIsraeri Nechipo Chikuru Chakabva Kuna Mwari
10. Neiko Israeri wakare akanga asina kufanana norumwe rudzi rwupi norwupi pasi pano?
10 Mukuva naJehovha saMwari wake, Israeri wakare akanga asina kufanana norumwe rudzi rwupi norwupi pasi pano. Kupfurikidza nomuporofita Mosesi somurevereri, Jehovha akapinza vazukuru vaAbrahama, Isaka, uye Jakobho muukama hwesungano naye amene. Akanga asina kubata norumwe rudzi rwupi norwupi mukuwirirana nouyu mutoo. Naizvozvo, wezvamapisarema akafuridzirwa aigona kutaura, kuti: “Unozivisa Jakobho shoko rake, naIsraeri mitemo yake nezvaakatonga. Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!”—Pisarema 147:19, 20.
11. Israeri akafarikanya nzvimbo yake yokudiwa naMwari kusvikira rini, uye Jesu akaratidzira sei chinjo muukama hwavo?
11 Rudzi rwaIsraeri wokunyama rwakapfuurira muuhu ukama hunodiwa naMwari kusvikira rwaramba Jesu Kristu saMesia mugore ra 33 reNguva yedu yaVose. Zvamazvirokwazvo rakanga riri zuva rinosuruvarisa nokuda kwaIsraeri apo Jesu akazivisa uku kutaura kwokuchema, kuti: “Jerusarema! Jerusarema! iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.” (Mateo 23:37, 38) Mashoko aJesu akaratidzira kuti rudzi rwaIsraeri, kunyange rwaichimbodiwa naJehovha, rwakanga rwarasikirwa nechipo chaicho chakabva kuna Mwari. Seiko?
12. Ndivanaani vaiva ‘vana veJerusarema,’ uye kwaizodai kwakarevei kuti Jesu avaunganidze pamwe chete?
12 Kupfurikidza nokushandisa shoko rokuti “vana,” Jesu akanongedzera bedzi kuvaJudha vokunyama vakadzingiswa avo vaigara muJerusarema uye vaimirira rudzi rwose rwechiJudha. Kuti Jesu aunganidze pamwe chete ‘vana veJerusarema’ kungadai kwakareva kuti apinze “vana” ivava musungano itsva naMwari, naye amene achibatira soMurevereri pakati paJehovha naava vaJudha vokunyama. (Jeremia 31:31-34) Ikoku kungadai kwakaguma nekanganwirwo yezvivi, nokuti rwakadaro rwakanga rwuri rukuru rworudo rwaMwari. (Enzanisa naMaraki 1:2.) Zvirokwazvo ichochi chingadai chakava chipo chikuru.
13. Kuramba kwaIsraeri Mwanakomana waMwari kwakaguma nokurasikirwai, asi neiko mufaro waJehovha usina kuderedzwa?
13 Mutsinhirano neShoko rake rouporofita, Jehovha akamira kwenguva refu yaiva nomufungo asati atambanudzira kuvasiri vaJudha chipo chokuva vagoverani vesungano itsva. Asi kupfurikidza nokuramba Mwanakomana waMwari amene, Mesia, rudzi rwaIsraeri wokunyama rwakarasikirwa neichi chipo chikuru. Naizvozvo Jehovha akadzikamisa kurambwa kwoMwanakomana wake kupfurikidza nokutambanudzira chipo ichochi kuvanhu vasiri vorudzi rwechiJudha. Nenzira iyoyo, mufaro waJehovha soMupi Mukuru wakapfuurira usingadereri.
Mufarwa Wokupa
14. Neiko Jesu Kristu ari chisikwa chinofara zvikurusa muchisiko chose chapose pose?
14 Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) Kupa kuvamwe ndechimwe chinhu chinomuita kuti afare. Uye muzana rokutanga ramakore N.V., Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi akati: “Mune mufaro mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira.” (Mabasa 20:35, NW) Mutsinhirano neiyi nheyo, Jesu ava chisikwa chinofara zvikurusa choMusiki wechisiko chose chapose pose. Seiko? Eya, achitevera Jehovha Mwari amene, Jesu Kristu akapa chipo chikurusa chazvose kupfurikidza nokuvanzarika upenyu hwake nokuda kwokubetserwa kworudzi rwomunhu. Kutaura idi, iye ndiye ‘Mambo anofara.’ (1 Timotio 6:15) Nokudaro Jesu anoratidzira zvaakataura pamusoro pomufarwa mukuru zvikuru wokupa.
15. Jehovha haasati achizotongorega kuva muenzaniso wechii, uye zvisikwa zvake zvakangwara zvinogona sei kuwana mwero wakati womufarwa wake?
15 Kupfurikidza naJesu Kristu, Jehovha Mwari haasati achizotongokundikana kuva Mupi ane rupo kuzvose zvezvisikwa zvake zvakangwara uye nguva dzose achava muenzaniso wazvo wakanakisisa mukupa. Kunyange sezvo Mwari achiwana mufarwa mukupa zvipo zvakanaka kuvamwe, naizvozvo akaisa mudzimu worupo mumwoyo yezvisikwa zvake zvakangwara zviri pasi pano. Nenzira iyoyo zvinoratidzira ndokutevedzera hunhu hwake ndokuwana mwero wakati womufarwa wake. (Genesi 1:26; VaEfeso 5:1) Nenzira yakakodzera, Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Ipai nemi muchapiwa, vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mapfunga; nokuti chiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”—Ruka 6:38.
16. Jesu akanongedzera kukupa kupi pana Ruka 6:38?
16 Jesu akagadzira vadzidzi vake muenzaniso wakaisvonaka mukuita kupa muitiro. Iye akataura kuti kwaizova nokugamuchira kwakaisvonaka kukupa kwakadaro kuvanogamuchira. Pana Ruka 6:38, Jesu akanga asiri kunongedzera chose chose kukupiwa kwezvipo zvokunyama. Akanga asiri kuudza vadzidzi vake kuti varonde nzira yaizovaita kuti vave varombo mune zvokunyama. Panzvimbo pezvo, akanga ari kuvatungamirira kunzira yaizovapa pfungwa yegutsikano yomudzimu.
Mufarwa Usingaperi Unovimbiswa
17. Chipoi chinoshamisa icho Mwari akapa Zvapupu zvake muano mazuva okupedzisira?
17 Chipo chinoshamisa zvakadini icho Jehovha, Musoro wechisiko chose, akapa Zvapupu zvake muano mazuva okupedzisira! Iye akatipa mashoko akanaka oUmambo hwake. Tine ropafadzo huru yokuva vazivisi voUmambo hwakagadzwa hwaMwari mumaoko oMwanakomana wake anotonga, Jesu Kristu. (Mateo 24:14; Marko 13:10) Kuitwa Zvapupu zvinotaura zvaMwari Wokumusorosoro chipo chisingaenzaniswi, uye nzira yakanakisisa yatinogona kushandisa kupa nayo mukutevedzera Mwari ndeyokugoverana shoko roUmambo navamwe mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu usati wasvika.
18. SeZvapupu zvaJehovha, chii chatinofanira kupa kuvamwe?
18 Muapostora Pauro akanongedzera kunhamo dzaaifanira kutambura pakuzivisa shoko roUmambo kuvamwe. (2 VaKorinte 11:23-27) Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno zvinofanirawo kutambura nhamo ndokurega fariro dzomunhu oga munhamburiko yokupa vamwe tariro yoUmambo. Tingasava vanoda kuenda kumasuo avanhu, zvikurukuru kana tichinyara. Asi savateveri vaKristu, hatigoni kudzivisa, kana kuti kunzvenga, ropafadzo yokupa zvinhu zvomudzimu kuvamwe kupfurikidza nokuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW) Tinofanira kuva nechimiro chendangariro chimwe chetecho icho Jesu akanga anacho. Paakatarisana norufu, iye akanyengetera, kuti: “Baba vangu . . . kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” (Mateo 26:39) Munhau yokupa vamwe mashoko akanaka oUmambo, vabatiri vaJehovha vanofanira kuita kuda kwaMwari, kwete kwavo vamene—zvaanoda, kwete zvavangada.
19. Ndivanaani vari Varidzi ve“dzimba dzisingaperi,” uye tinogona sei kuita ushamwari navo?
19 Kupa kwakadaro kuchabatanidza nguva yedu nepfuma, asi kupfurikidza nokuva vapi voumwari, tinova nechokwadi chokuti mufarwa wedu uchava usingaperi. Neiko? Nemhaka yokuti Jesu akati: “Muzviitire shamwari nePfuma isakarurama [“pfuma yenyika,” New International Version], kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.” (Ruka 16:9) Rinofanira kuva donzo redu kushandisa “pfuma isakarurama” kuita shamwari naVaridzi ve“dzimba dzisingaperi.” SoMusiki, Jehovha muridzi wechinhu chiri chose, uye Mwanakomana wake dangwe anogoverana mukuva muridzi ikoko soMudyi wenhaka wezvinhu zvose. (Pisarema 50:10-12; VaHebheru 1:1, 2) Kuti tiite ushamwari navo, tinofanira kushandisa pfuma nenzira inounza tendero yavo. Ikoku kunobatanidza kuva nechimiro chendangariro chakarurama mukushandisa zvinhu zvokunyama nokuda kwokubetserwa kwavamwe. (Enzanisa naMateo 6:3, 4; 2 VaKorinte 9:7.) Tinogona kushandisa mari nenzira yakakodzera kusimbisa ushamwari hwedu naJehovha Mwari naJesu Kristu. Somuenzaniso, tinoita ikoku kupfurikidza nokushandisa nomufaro zvatinazvo kuyamura vanhu vari kushaiwa chaizvoizvo uye mukushandisa pfuma yedu kuti tifambisire mberi fariro dzoUmambo hwaMwari.—Zvirevo 19:17; Mateo 6:33.
20. (a) Neiko Jehovha naJesu vachigona kutipinza mu“dzimba dzisingaperi,” uye nzvimbo idzodzi dzingava kupi? (b) Iropafadzoi ichava yedu mukusingagumi mose?
20 Nemhaka yokusafa kwavo, Jehovha Mwari naJesu Kristu vanogona kuva Shamwari dzedu nokusingaperi uye vanogona kutipinza mu“nzvimbo dzokugara dzisingaperi.” Ikoku kwakadaro kana idzodzi dzingave mudenga nengirozi dzose tsvene kana kuti papasi rino muParadhiso ichadzorerwa. (Ruka 23:43) Chipo chaMwari chorudo chaJesu Kristu chakaita kuti kwose ikoku kubvire. (Johane 3:16) Uye Jehovha Mwari achashandisa Jesu kuti arambe achipa kuchisiko chose, kumufarwa Wake amene wechienzi. Kutaura idi, mukusingagumi mose isu timene tichava neropafadzo yokupa muuchangamire hwapose pose hwaJehovha Mwari noumambo hwoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Ishe wedu noMuponesi, Jesu Kristu. Ikoku kuchaguma nomufarwa usingaperi nokuda kwavapi vose voumwari.
Unoyeuka Here?
◻ Chipo chikurusa chaMwari chaizodei kwaari?
◻ Mwari akatuma Mwanakomana wake parudzii rwebasa?
◻ Ndiani ari chisikwa chinofara zvikurusa muchisiko chose chapose pose, uye nei?
◻ Vapi voumwari vachawana sei mufarwa usingaperi?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Unoonga chipo chaMwari choMwanakomana wake sechibairo chorudzikinuro here?
[Mifananidzo iri papeji 12]
Unotanga kutsvaka Umambo hwaMwari kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka uye kupfurikidza nokutsigira basa iroro nepfuma yako here?