Upenyu hwaJesu Noushumiri
Rimwe Zano Rokuonekana
JESU navaapostora vagadzirira kubva mukamuri rapamusoro. “Ndakataura zvinhu izvi kwamuri kuti mugorega kugumburwa,” iye anopfuurira kudaro. Ipapo anopa nyevero yakakomba: “Vanhu vachakudzingai musinagoge. Kutaura idi, nguva iri kuuya apo munhu ari wose anokuurayai achafungidzira kuti aitira Mwari basa rinoyera.”—NW.
Vaapostora sezviri pachena vakangaidzwa zvikuru neiyi nyevero. Kunyange zvazvo Jesu pamberi pezvi akanga ataura kuti nyika yaizovavenga, iye akanga asina kutaura kuti vaizourawa. “Handina kukuudzai [izvozvi] pakutanga,” Jesu anotsanangura kudaro, “nemhaka yokuti ndakanga ndinemi.” (NW) Bva, kwakaisvonaka sei kufanovanyevera naaya mashoko asati aenda!
“Asi zvino,” Jesu anopfuurira kudaro, “ndinoenda kunowakandituma; hakuno mumwe wenyu unondibvunza, achiti: ‘Munoendepiko?’” Pamberi pezvi mumadekwana, ivo vakanga vabvunza pamusoro pouko akanga achienda, asi zvino vanoshamiswa kwazvo neizvo avaudza kuti vanokundikana kubvunzazve pamusoro paikoku. Jesu anoti: “Zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi.” Vaapostora vanotambudzika kwete nemhaka bedzi yokuti vanoziva kuti vachatambura chitambudzo chinotyisa ndokuurawa asi nemhaka yokuti Tenzi wavo ari kuvasiya.
Naizvozvo Jesu anotsanangura, kuti: “Kuri nokuda kwokubetserwa kwenyu kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndisingaendi, mubetseri haasati achizotongouya kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.” (NW) Jesu anongogona bedzi kuva munzvimbo imwe panguva, asi apo iye anenge ari mudenga, anogona kutumira mubetseri, mudzimu mutsvene waMwari, kuvateveri vake kupi kana kupi kwavangava pasi pano. Naizvozvo kuenda kwaJesu kuchava kunobetsera.
Mudzimu mutsvene, Jesu anodaro, “uchapa nyika ufakazi hunopwisa pamusoro pechivi uye pamusoro pokururama uye pamusoro porutongeso.” (NW) Chivi chenyika, kundikano yayo kushandisa kutenda muMwanakomana waMwari, zvicharatidzirwa. Mukuwedzera, ufakazi hunopwisa hwokururama kwaJesu hucharatidzirwa nokukwira kwake kuna Baba. Uye kundikano yaSatani nenyika yake yakaipa yokupunza perero yaJesu ufakazi hunopwisa hwokuti mutongi wenyika atongwa zvakaipa.
“Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai,” Jesu anopfuurira, “asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.” Naizvozvo Jesu anopikira kuti apo anodurura mudzimu mutsvene, uyo uri simba rinobata basa raMwari, uchavatungamirira mukunzwisiswa kwezvinhu izvozvi mukuwirirana namano avo okuzvinzwisisa.
Vaapostora vanokundikana zvikurukuru kunzwisisa kuti Jesu achafa uye ipapo kuoneka kwavari pashure pokunge amutswa. Naizvozvo vanobvunzana, vachiti: “Ikoku kunorevei kuti iye anoti kwatiri, ‘Munguva duku hamusati muchizondiona, uye, zvakare, munguva duku muchandiona,’ uye, ‘nemhaka yokuti ndinoenda kuna Baba’?”—NW.
Jesu anoziva kuti ivo vanoda kumubvunza, naizvozvo anotsanangura, kuti: “Zvamazvirokwazvo ndinoti kwamuri, Muchachema nokurira, asi nyika ichafara; muchatambudzika, asi nhamo yenyu ichava mufaro.” (NW) Masikati akatevera acho, apo Jesu anourawa, vatungamiriri vorudzidziso venyika vanofara, asi vadzidzi vanotambudzika. Nhambo yavo inochinjirwa kumufaro, zvisinei, apo Jesu anomutswa! Uye mufaro wavo unopfuurira apo iye anovapa simba paPentekosta kuti vave zvapupu zvake kupfurikidza nokudururira pavari mudzimu mutsvene waMwari!
Achienzanisa mugariro wavaapostora nouyo womukadzi mukati mamarwadzo ake okubereka, Jesu anoti: “Mukadzi, apo anenge achisununguka, ane nhamo, nemhaka yokuti nguva yake yasvika.” Asi sezvo asati achayeuka dambudziko rake apo bedzi mwana wake anoberekwa, Jesu anoti: “Imiwo, naizvozvo, zvino, zvamazvirokwazvo, muri kutambudzika; asi ndichakuonai zvakare [apo ndinomutswa] uye mwoyo yenyu ichafara, uye hakuna munhu achatora mufaro wenyu kwamuri.”—NW.
Kusvikira panguva ino, vaapostora havasati vatongoita zvikumbiro muzita raJesu. Asi iye zvino anoti: “Kana mukakumbira Baba chinhu chipi nechipi achachipa kwamuri muzita rangu. . . . Nokuti Baba vamene vanokudai, nemhaka yokuti makandida uye makadavira kuti ndakauya somumiriri waBaba. Ndakabva kuna Baba uye ndakapinda munyika. Uyezve, ndinosiya nyika uye ndinoenda kuna Baba.”—NW.
Mashoko aJesu ikurudziro huru kuvaapostora. “Kupfurikidza naikoku tinodavira kuti makabva kuna Mwari,” ivo vanodaro.—NW.
“Munotenda panguva ino here?” Jesu anobvunza kudaro. “Tarirai! Nguva iri kuuya, zvamazvirokwazvo, yauya, apo muchaparadzirwa mumwe nomumwe kuimba yake amene uye muchandisiya ndiri ndoga.” (NW) Kunyange zvazvo kwakaratidzika kuva kusingadaviriki, ikoku kunoitika usiku husati hwapera!
“Ndakataura zvinhu izvozvi kwamuri kuti kupfurikidza neni mugova norugare,” Jesu anogumisa kudaro. “Munyika muri kuva nedambudziko, asi shingai! Ini ndakakunda nyika.” (NW) Jesu akakunda nyika kupfurikidza nokuita kuda kwaMwari nenzira yokutendeka pasinei zvapo nechinhu chiri chose icho Satani nenyika yake vakaedza kuita kupunza perero yaJesu. Johane 16:1-33; 13:36.
▪ Inyeveroi yaJesu inokangaidza vaapostora vake?
▪ Neiko vaapostora vakundikana kubvunza Jesu pamusoro pouko kwaakanga achienda?
▪ Chii icho vaapostora vanokundikana kunzwisisa zvikurukuru?
▪ Jesu anoenzanisira sei kuti mugariro wavaapostora uchachinja kubva panhamo kuenda kumufaro?
▪ Chii chinotaura Jesu kuti vaapostora vachakurumidza kuita?
▪ Jesu anokunda sei nyika?