Kuramba Uchiwana Zivo Pamusoro paMwari—Sei?
Vamwe vangasava nechokwadi kuti Mwari anonyatsoda kuti vanhu vamuzive. Kana achida, anozviita sei?
MUMWE wevanhu vaikurudzira kuchinja muchiPurotesitendi muzana remakore rechi16 ainzi John Calvin akagumisa zvakarurama kuti vanhu pachavo havagoni kuziva Mwari kutoti iye aita kuti vamuzive. Zvisinei, vamwe vangashamisika kana Mwari achinyatsoda kuti vanhu vamuzive. Kana achida, anozviita sei?
Jehovha ndiye ‘Musiki Mukuru,’ zvose zvaanoita, ane zvaanozviitira. Uyewo, “saMwari Wemasimbaose,” anonyatsokwanisa kuita zvinangwa zvake. (Muparidzi 12:1; Eksodho 6:3) Tinogona kuva nechokwadi chokuti ave achida kuita kuti vanhu vazive zvinangwa zvake, nokuti muprofita wake Amosi akafuridzirwa kunyora kuti: “Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.” Zvisinei, ona kuti Mwari anonzi akazivisa zvinangwa zvake kuvashumiri vake bedzi, kune vaya vaimuda nomwoyo wose. Izvi hazvina musoro here? Ndiani waunoudza nyaya dzako dzakavanzika? Unoudza munhu wose wose here kana kuti shamwari dzako dzepedyo?—Amosi 3:7; Isaya 40:13, 25, 26.
Uchenjeri hwaMwari nezivo zvinoita kuti vanozvininipisa vashamisike, uye izvi zvakakodzera. Kunyange zvakadaro kungoshamisika kwoga hakuna kukwana kana tichida kubatsirwa nouchenjeri hwaMwari nezivo yake. Bhaibheri rinoti kuti tidzidze pfungwa dzaMwari, tinofanira kuva nemwoyo inozvininipisa: ‘Chengeta mirayiro yangu. Nyatsoteerera uchenjeri nenzeve dzako. Mwoyo wako ngaude ungwaru. Chemera kunzwisisa uye shevedzera kuti uwane ungwaru. Ramba uchizvitsvaka sesirivha.’—Zvirevo 2:1-4.
Munhu anozvininipisa anoedza kuita izvi chokwadi achakwanisa kusvika pakunyatsoziva Mwari. Ndima iyi iri mubhuku raZvirevo inoenderera mberi ichiti: “Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru.” Kutaura zvazviri, vari kutsvaka chokwadi nomwoyo wose vanogona ku“nzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.”—Zvirevo 2:6-9.
Kutsvaka Chokwadi
The Encyclopedia of Religion inoti: “Upenyu hwevanhu hunooneka nechido chokusiyanisa zvinhu chaizvo nezvisiri chaizvo, kuva nesimba uye kusava nesimba, chokwadi nokunyengera, zvakachena nezvisina kuchena, zvakajeka nezvisina kujeka, uyewo kupfuura mwero mutsika kana kwete.” Kuti vagutse chido ichi, kubvira kare vanhu vave vachitsvaka chokwadi. Vaya vakatsvaka chokwadi ichi kuna Jehovha, uyo anonzi nomunyori wepisarema “Mwari wechokwadi,” vakabudirira zvichienderana nematsvakiro avakaita.—Pisarema 31:5.
Zita rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” (Genesisi 2:4) Saka zvinoreva zita raMwari zvinoratidza kuti iye ndiye Musiki uye zvinoratidza chinangwa chake. Kutaura zvazviri, kuziva uye kushandisa zita rokuti Jehovha ndiko kunoratidza chitendero chechokwadi. Jesu ainyatsoziva izvozvo. Achitaura nezvevateveri vake, achinyengetera kuna Mwari akati: “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”—Johani 17:26.
Achivimba kuti aiva noushamwari naMwari, mumwe muHebheru wekare ainzi Josefa, paakapiwa basa rokuti atsanangure hope, nechivimbo akati: “Kududzira hakusi kwaMwari here?”—Genesisi 40:8; 41:15, 16.
Mazana emakore anoverengeka gare gare, Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akarota hope dzakatadzwa kududzirwa nevarume vake vakachenjera. Muprofita Dhanieri akati kuna mambo: “Kuna Mwari ari kumatenga, Muzivisi wezvinhu zvakavanzika, uye aita kuti Mambo Nebhukadhinezari azive zvichazoitika mumazuva okupedzisira.”—Dhanieri 2:28.
Mienzaniso yaJosefa naDhanieri inoratidza kuti uchenjeri nezivo yaMwari zvinongowanikwa nevaya vari kushumira Jehovha Mwari. Zvechokwadi, kuti tifarirwe naMwari zvingada kuti tisiye pfungwa dzataimbova nadzo. Ndizvo chaizvo zvaifanira kuitwa nevaJudha vomuzana remakore rokutanga vakava vaKristu. Sezvo vakanga varerwa vachidzidziswa kuti varemekedze uye vateerere mitemo yechiJudha, vaida nguva yokuti vabvume kuti Jesu ndiye aiva Mesiya. Akauya kuzozadzika Mutemo waMosesi, waishanda so“mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.” (VaHebheru 10:1; Mateu 5:17; Ruka 24:44, 45) Wakatsiviwa no“mutemo waKristu,” wakakwirira zvikuru kudarika Mutemo waMosesi.—VaGaratiya 6:2; VaRoma 13:10; Jakobho 2:8.
Tose zvedu takaberekerwa munyika yakaparadzana naMwari. Pamusana pechivi chatakagara nhaka kuvanhu vaviri vokutanga, takaberekwa tichivengana naMwari, tisina zivo yakarurama yezvinangwa zvake. Takasvikawo pakuva nomwoyo unonyengera. (Jeremiya 17:9; VaEfeso 2:12; 4:18; VaKorose 1:21) Kuti tishamwaridzane naMwari, tinofanira kudzidza kuti mafungiro edu aenderane nezvinodiwa naMwari. Kuita izvozvo hakusi nyore.
Zvingava zvakaoma kusiya pfungwa dzenhema dzechitendero nezviito zvacho, zvikurukuru kana takazvidzidziswa tichiri vaduku. Asi kuchenjera here kuramba tichiita zvakaipa? Kwete! Chokwadi kuchenjera kuti munhu achinje mafungiro ake obva afarirwa naMwari.
Kuziva Nzira Yokudzidzisa Iri Kushandiswa naMwari
Ndokupi kwatingawana rubatsiro kuti tinzwisise Shoko rechokwadi, tobva tararama maererano naro? Muna Israeri wekare, Mwari akatungamirira achishandisa vanhu vaaivimba uye vakatendeka kuti vave muzvinzvimbo zvokutungamirira. Mutungamiriri weungano yechiKristu nhasi, Kristu, anotungamirira saizvozvowo vaya vari kutsvaka chokwadi nomwoyo wose. Anoita saizvozvo achishandisa vateveri vake vaanovimba navo uye vakavimbika, vari ivo nzira iri kushandiswa kutungamirira nokudzivirira vaya vari kutsvaka chokwadi nomwoyo wose. (Mateu 24:45-47; VaKorose 1:18) Asi munhu angaziva sei nzira yokudzidzisa iri kushandiswa naMwari?
Vateveri vechokwadi vaJesu Kristu vanoedza kuratidza unhu hwakafanana nohwairatidzwa naJesu paaiva munhu wenyama. Munyika ino iri kuramba ichiipa, kusiyana kwavakaita nevamwe vanhu pamaratidziro avanoita unhu hwakadaro kunoita kuti zvive nyore kuziva vateveri ava. (Ona bhokisi riri papeji 6.) Zvitendero zvawave uchipinda kana kuti zvevavakidzani vako zvine vanhu vane unhu uhwu here? Zvingakubatsira kana ukaongorora nyaya iyi uchibatsirwa neBhaibheri.
Tinokumbira iwe muverengi wemagazini edu kuti udaro nokuita kosi yeBhaibheri. Gore rapera, paavhareji, vanhu vanodarika 6 000-000 munyika 235 vakashandisa zvakanaka urongwa uhwu hwokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kuwana uchenjeri nezivo yaMwari ibasa rinongoramba richienderera mberi, rinogutsa, uye rine mubayiro. Wadii watangawo kutsvaka uchenjeri nezivo yaMwari? Hauzombofi wakademba kuti wakaita izvi. Chokwadi, tingasvika pakunyatsoziva Mwari!
[Bhokisi riri papeji 6]
VAYA VANOITA MAERERANO NEZVINODIWA NAMWARI . . .
vanoramba vasina kwavakarerekera muhondo dzezvematongerwo enyika.—Isaya 2:4.
vanobereka zvibereko zvakanaka nokuita zvinoda Mwari.—Mateu 7:13-23.
vanodanana zvechokwadi.—Johani 13:35; 1 Johani 4:20.
kwose kwose vanotaura zvinhu zvakafanana.—Mika 2:12.
havatevedzeri mafungiro akaipa uye zvinoitwa munyika yavanogara.—Johani 17:16.
vanopupurira chokwadi uye vanoita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
vanoungana nguva dzose vachikurudzirana.—VaHebheru 10:25.
vanorumbidza Mwari sesangano romunyika yose.—Zvakazarurwa 7:9, 10.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Zivo yaMwari inogona kuwanwa nomunhu mumwe chete, nemhuri, uye neungano yose