Waizviziva Here?
Chii chakaita kuti nguo yaJesu yomukati ifarirwe zvikuru nevarwi veRoma?
Varwi vana vaitungamirira pakuurayiwa kwakaita Jesu vakagovana mbatya dzake. Johani 19:23 inoti, “Asi nguo yomukati yakanga isina musono, zvayakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvikira pasi.” Varwi vakasarudza kusaibvarura asi vakakanda mijenya kuti vawane wokupa. Nguo iyi yaive yakagadzirwa sei?
Nguo yomukati iyi inenge inoreva mbatya yakaita sehembe yerineni kana kuti yemvere dzemakwai uye yaisvika kumabvi kana kuti kuzviziso zvemakumbo. Nguo idzi dzaiwanzogadzirwa nokusonerera machira maviri ane mativi akaenzana, vozosonanidza mativi matatu acho. Vaizosiya panopinda musoro uye maoko.
Bhuku rinonzi Jesus and His World rinotaura kuti nguo yaidhura yaigadzirwa seizvi asi pachishandiswa “jira rimwe chete rakareba, raizopetwa vocheka panopinda musoro” uye vopendera. Nguo iyi yaizoda kusonwa mumativi.
Nguo dzaiva dzisina musono, seyaipfekwa naJesu, dzaingogadzirwa muParestina chete. Machira acho airukirwa pamichina yekuruka machira yaishandisa shinda mbiri dzaibva kumusoro, imwe iri kumberi imwe kumashure kwepuranga rakachinjika. Rimwe bhuku rinoti munhu anenge achiruka anenge achichinjanisa shinda yakachinjika, akaiendesa mberi oiendesa kumashure, “achigadzira jira rakaita sezihomwe.” Nguo isina musono yakanga isingawanikwi nevanhu vakawanda, saka mumwe nomumwe wevarwi ava aiida kuti iite yake.
MuIsraeri yekare maiva nevanhu vaichengeta nyuchi here?
Maererano neMagwaro echiHebheru, Mwari akavimbisa vaIsraeri vekare kuti aizovaendesa “kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8) Zvinoita sokuti Magwaro akawanda anotaura nezvouchi anotaura uchi hwaigadzirwa nenyuchi dzemusango. Bhaibheri harina parinombotaura nezvevanhu vaichengeta nyuchi muIsraeri yekare. Zvisinei, zvichangobva kuwanikwa kuIsraeri mumupata weBet She’an zvinoratidza kuti vanhu vaigara munzvimbo iyi kare “vaiita bhizimisi rokuchengeta nyuchi.”
KuTel Rehov, vatsvakurudzi vepaHebrew University of Jerusalem’s Institute of Archaeology vakachera vakawana nzvimbo yaiva nemikoko yaichengeterwa nyuchi uye yairatidza kuti ndeyomuzana remakore rechigumi kusvika kune rechipfumbamwe B.C.E.—nguva yakatanga dzinza remadzimambo eIsraeri. Aka ndiko kekutanga kuwana mikoko yenyuchi yekare muMiddle East. Zvinofungidzirwa kuti nzvimbo iyi yaiva nemikoko zana yaive yakarongwa yakaita nhurikidzwa nhatu.
Mushumo weyunivhesiti unoti mukoko mumwe nomumwe waive “mugomo wakaita zvokuumbwa nevhu . . . panzvimbo yakareba masendimita 80 uye yakafara masendimita 40. . . . Nyanzvi dzokuchengeta nyuchi uye dzimwe nyanzvi dzakashanyira nzvimbo iyi dzakafungidzira kuti pagore mikoko iyi yaigona kubudisa uchi hwaigona kusvika hafu yetani.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Nzvombo yacho kuTel Rehov
[Kwazvakatorwa]
Institute of Archaeology/Hebrew University © Tel Rehov Excavations