Iwe Unodisa Kuteerera Mwari Here?
APO tinorava Bhaibheri, tinokurumidza kuziva kuti mugariro wavanhu vomuzana rokutanga ramakore munzira dzakawanda wakanga wakafanana nowedu nhasi. Makanga mune utere nokusatendeseka zvakawanda, zvikurukuru pakati pavavakidzani vasingazvibati vaIsraeri, avo utere hwaiwanzova rutivi rworudzidziso. Upenyu hwakanga husina chokwadi nokuda kwavanhu varombo, uye kwakanga kune zvinetso zvamatongerwe enyika. Pakasvika gore ra 66 N.V., Israeri neRoma zvakapinda muhondo yomwero wakazara. Mumazuva iwayo, sazvino, vanhu vaida betsero.
Mune zvorudzidziso, fanano pakati pamazuva iwayo nenguva yedu dzakawanda. Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakanga vari vanyengeri. (Mateo 23:15; Ruka 20:46, 47) Munyika yaisava yechiJudha, zvimiro zvorudzidziso zvaivambira pakusadavira kusvikira kukutenda mashura neshingairo yokunyanyisa yorudzidziso. (Enzanisa Mabasa 14:8-13; 19:27, 28.)Kunyange muungano yechiKristu itsva zvikuru, zvose zvakanga zvisina kunaka. Pamugumo pezana racho ramakore, muapostora Johane akanyevera, kuti: “Vanyengeri vazhinji vakabudira munyika.” (2 Johane 7) Hungu, shure ikokowo, zano rakawanda rechipameso raipiwa panhau yorudzidziso. Bva betsero inovimbika yakanga ichiwanika.
Iwe Ungadai Wakateerera Jesu Here?
Jesu akanga ari munhu aipa zano rakanaka mumazuva iwayo. Iro rakanga richinyengetedza kwazvo zvokuti tinorava izvi nezvomuuyo waro: “Mapoka akashamiswa nenzira yake yokudzidzisa.” (Mateo 7:28) Asi vashomanene pakati pamapoka iwayo vakateerera chaizvoizvo izvo iye akataura. Jesu akaita mabasa enenji uye akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokurarama kwoumwari nomufambiro. Bva, kunyange vatungamiriri vairangarirwa kuva vakadzidza zviri nani vakaramba kuona ukoshi hweizvo akataura. Neiko?
Kusvikira pamwero mukuru, yakanga iri nhau yokufungira mano akaipa. Vamwe vakazvidza Jesu nemhaka yokuti iye akabva Nazareta. Vamwe vakamuramba nemhaka yokuti akanga asina kupinda chimwe chezvikoro zvavo uye akanga asina batano neboka rinotonga. (Johane 1:46; 7:12, 15, 47, 48) Uyezve, Jesu nguva dzose aisataura izvo vanhu vaida kunzwa. Iye aitaura zvokwadi bedzi, uye vaFarise, somuenzaniso, vaiwanzogumburwa namashoko ake. (Mateo 15:12-14) Zvamazvirokwazvo, pashure pokunge aparidzira kwamakore matatu nehafu vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakamuurayisa. (Ruka 23:20-35) Ibanza rakadini ravakapotsa, sezvo Jesu aiva “namashoko oupenyu husingaperi”!—Johane 6:68.
Kudai iwe wakanga wararama muJerusarema panguva iyoyo, ungadai wakatevera vatungamiriri vorudzidziso navasara veboka here? Kana kuti ungadai here wakava nendangariro yakazaruka zvakakwana kunzwisisa pfungwa yeizvo Jesu akanga achitaura? Kana zvakadaro, ungadai wakava akafanana nomukadzi anoshamisa uyo Jesu akasangana naye ari pakufamba kwake.
Munhu Akateerera
Iye akasangana nouyu mukadzi paakanga achifamba muSamaria. Iye akanga agara pasi parutivi petsime kuti azorore, uye mukadzi akauya kuzochera mvura apo akanga aripo. Hatizivi zita rake, asi Bhaibheri rinotaura kuti Jesu, pasinei zvapo nokuneta kwake, akashandisa banza rokutaura naye pamusoro porudzidziso.—Johane 4:5-15.
Zvino, kwakanga kune zvikonzero zvakawanda nei uyu mukadzi angave akaramba kusvika kwaJesu. Iye akanga ari worudzidziso rwakasiana—nzira yechiSamaria yokunamata yakanga yakasiana neyechiJudha. Uyewo, vaJudha vaizvidza vaSamaria ndokuramba kusonganirana navo. Ipapowo, varume vechiJudha vaisawanzotaura navakadzi vakanga vari vaenzi kwavari. (Johane 4:9, 27) Uyezve, mukadzi weSamaria akanga achirarama upenyu hwoutere, uye angave akashatirirwa kubvira kwokutsoropodzwa kana kuti kwokuita kuti zvivi zvake zviratidzirwe.—Johane 4:18.
Zvisinei, iyoyo haisi nzira yaakaita nayo. Panzvimbo pezvo, iye akabvunza mibvunzo ine mifungo mumhinduro kusviko yokungwarira pakutaura, inonyandura fariro yaJesu. Sezvo kurukurirano yacho yakakura, iye akapinda munzvimbo yakaoma, achinongedzera kumukaha worudzidziso waivapo pakati pavaJudha navaSamaria. Jesu akapindura nomutsa asi zvakajeka, achiudza mukadzi wacho, kuti: “Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva.” (Johane 4:19-22) Asi iye haana kugumbuka. Ndangariro yake yakazaruka yakanga yakagadzirira kunzwa zvakawanda.
Naizvozvo Jesu akapfuurira neziviso inokosha: “Kunyanguvezvo, nguva ichasvika, uye yatovapo zvino, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvamazvirokwazvo, Baba vanotsvaka vakadai kumunamata. Mwari mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata mumudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Gare gare, uyu mukadzi ane ndangariro yakazaruka akaratidza nzwisiso kupfurikidza nokuudza nokudisa vavakidzani vake zvaakanga adzidza. Ivowo vakatsvaka mamwe mashoko kupfurikidza nokuteerera mashoko aJesu.—Johane 4:39-42.
Chiiko chatinogona kudzidza muna ikoku? Eya, kana tichigara munharaunda umo mune kufungira mano akaipa akasimba edzinza, orudzi, kana kuti orudzidziso, tinoita sei apo mumwe munhu wedzinza, rudzi, kana kuti rudzidziso rwakasiana anotisvika? Tinoterama here apo zvinhu zvinokurukurwa izvo zvingatiratidza kuva vasina kururama? Kana kuti, kufanana nomukadzi weSamaria, tinodisa here kutaura?
Iwe Ungadai Wakateerera Pauro here?
Mumwe uyo akapa zano rakaisvonaka mukati mezana rokutanga ramakore akanga ari muapostora Pauro. Pane imwe nguva Paurowo aiva nendangariro yakavhara. Iye akabvuma kuti: “Kunyange ini ndaiva mumhuri waMwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda.” (1 Timotio 1:13) Zvisinei, iye akagamuchira zvokwadi pamusoro paJesu Kristu uye akabvisa kufungira mano akaipa kwake. Muenzaniso wake unoratidza kuti zvokwadi yeBhaibheri inogona kubetsera ‘kukurira zvinhu zvakasimba zvikuru’ zviri mwoyo kana zvinhu zvakadaro zvichikuvadza kugarikano yedu.—2 VaKorinte 10:4.
Apo bedzi akanga ava muKristu, Pauro akabuda noushingi kuzoparadzira mashoko akanaka ayo iye akanga adzidza. Uye sezvaizokarirwa, iye akasangana norudzi rumwe cheterwo rwokuva nendangariro yakavhara urwo iye amene akanga ambova narwo—asi kwete muchinoitika chiri chose. MuBherea, kuchamhembe kweGirisi, iye akawana vanyoro avo vakanga vari muenzaniso wakaisvonaka wenzira yokuteerera nayo zano. Ivava vakaziva zvokwadi mumashoko aPauro. Nokudaro, “ivo vakagamuchira shoko nediso hurusa yendangariro.” Asi ivo vakanga vakazaruka ndangariro, kwete vasingatani kunyengerwa. Ivo ‘vakasanonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvozvi zvakanga zvakadaro.’ (Mabasa 17:11, NW) Ivo vakada izvo vakanzwa, kunyange zvazvo vakanzvera uchokwadi hwazvo neBhaibheri vasati vaigamuchira chose chose.
“Ivai Nechokwadi Chezvinhu Zvose”
Muzuva redu, Zvapupu zvaJehovha zvinopedza nguva yakawanda zvichiedza kugoverana mashoko akanaka oUmambo navavakidzani vazvo vamamwe marudzidziso. Kuitai kunowana Zvapupu? Vanhu vazhinji vane ushamwari vanofara kuzvigamuchira. Asi chiverengero chakati chinoramba, uye vamwe vanotoshatirwa nemhaka yokuti Zvapupu zvinoshanyira.
Ikoku kunosuruvarisa, nokuti izvo Zvapupu zvaJehovha zvinoda kutaura pamusoro pazvo zvinonzi “mashoko akanaka” muBhaibheri. (Mateo 24:14, NW) Uyezve, izvo zvinokurudzira chimiro chomuapostora Pauro, uyo akati: “Ivai nechokwadi chezvinhu zvose; batisisai chiri chakaisvonaka.” (1 VaTesaronika 5:21, NW) Kunyange kana mumwe munhu ane mirangariro yakasimba, zvirokwazvo, kufanana navaBherea nomukadzi weSamaria, munhu iyeyo anofanira kuva akazaruka ndangariro zvakakwana kutaura pamusoro paMwari navamwe.
Kuvirei Nendangariro Yakazaruka?
Nomufaro, mazana ezviuru avanhu gore rimwe nerimwe ari kuita izvozvo chaizvo. Vazhinji vanodzidza kuziva uchenjeri hune Bhaibheri, uye muuyo wacho ichinjo chaidzoidzo, dzisingagumi muupenyu hwavo. Vamwe kare vakanga vakafanana naJanet, mukadzi muduku ane nhau refu yokushandisa mirimo nezvinodhaka zvisakafanira uyo pakupedzisira akasundwa kuedza kuzviuraya. Nhasi, Janet munhu wechiKristu anofara. Fundo yake yeBhaibheri yakamubetsera kuwana simba rokutevera zano raPauro, rinoti: “Ngatizvichenesei timene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu.”—2 VaKorinte 7:1, NW.
Vernon akanga ari chidhakwa, uye roorano yake yakanga iri mungozi yokuputsika. Asi kutevera zano reBhaibheri kwakamugonesa kukurira ichi chakaipa ndokuyananiswa nomudzimai wake. (1 VaKorinte 6:11) Debra aiva nokufungira mano akaipa akasimba edzinza. Asi fundo yeBhaibheri nesonganirano navanhu vechiKristu zvakamubetsera kugadziridza kufunga kwake. (Mabasa 10:34, 35) Uye ndiani angadai akadavira chinjo dzaizoitika muupenyu hwehure duku romuNetherlands apo, rimwe zuva, iye akabvuma kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha? Nokukurumidza, iye akanga ari muKristu akabhapatidzwa anorarama upenyu hwakachena uye anotarisira vana vake nenzira ine mufungo.
Zvinoitika zvakadaro zvinodzokororwa kakawanda sezvo vanhu vanoteerera izvo Bhaibheri rinotaura. Upenyu hwavo hunovandudzwa munzira idzo vazhinji vavo vasina kutongofunga kuva dzinobvira. Chinokosha zvikuru, ivo vanowana ukama naMwari, zvokuti vanogona kunyengetera kwaari nouchokwadi sa“Baba vedu vari mumatenga.” (Mateo 6:9, NW) Uye ivo vanowana tariro yechokwadi, isingapunziki yenguva yemberi sezvavanowana zvokwadi yamashoko aJesu, anoti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, neyouyo makatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3, NW.
Urwu ndirwo rudzi rwamashoko urwo Zvapupu zvaJehovha zvinoda kukurukura apo zvinoita ushumiri hwazvo uye zvinoshanyira vavakidzani vazvo. Sezvingabvira, izvo zvichakushanyirazve nokukurumidza. Uchava akazaruka ndangariro zvakakwana kuzviteerera here?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Mukadzi weSamaria haana kurega kufungira mano akaipa kuchimudzivisa kuteerera Jesu. Iwe wakazaruka ndangariro zvakaenzana here?