Uchamira Sei Pamberi Pechigaro Chokutonga?
“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya.”—MATEO 25:31.
1-3. Chikonzeroi chetariro chatinacho pamusoro peruramisiro?
‘KUVA ANE MHAKA KANA KUTI ASINA?’ Vakawanda vanoshamisika sezvavanonzwa mishumo pamusoro peimwe nhau yedare. Vatongi nemitezo inoita chisarudzo vangaedza kuva vakatendeseka, asi ruramisiro inowanzokurira here? Hauna kumbonzwa nezvokusaruramisira uye kushayikwa kwokururamisira mukutonga here? Kusaruramisira kwakadaro hakusati kuri kutsva, sezvatinoona mumuenzaniso waJesu unowanikwa pana Ruka 18:1-8.
2 Chipi kana chipi chaungawana neruramisiro yavanhu, cherekedza mhedziso yaJesu: “Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku . . . here? Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?”
3 Hungu, Jehovha achaona kuti vabatiri vake pakupedzisira vanowana ruramisiro. Jesu anobatanidzwawo, zvikurukuru zvino nemhaka yokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika yakaipa iripo. Jehovha nokukurumidza achashandisa Mwanakomana wake ane simba kubvisa chose chose uipi pamusoro papasi. (2 Timotio 3:1; 2 VaTesaronika 1:7, 8; Zvakazarurwa 19:11-16) Tinogona kuwana nzwisiso mubasa raJesu kubva mune mumwe wemienzaniso yokupedzisira yaakapa, unowanzodanwa kuti mufananidzo wamakwai nembudzi.
4. Takanzwisisa sei nguva yomufananidzo wamakwai nembudzi, asi neiko tichapa ngwariro kumufananidzo wacho zvino? (Zvirevo 4:18)
4 Kwenguva yakareba tave tichinzwisisa kuti mufananidzo wacho unoratidzira kugara pasi kwaJesu saMambo muna 1914 uye kubvira panguva iyeyo achiita rutongeso—upenyu husingaperi nokuda kwavanhu vanobvumikisa kuva vakafanana namakwai, rufu rwechigarire nokuda kwembudzi. Asi kurangarirwazve kwomufananidzo wacho kunonongedzera kunzwisiso yakaruramiswa yenguva yawo uye zvaunofananidzira. Iyi ruramiso inosimbisa ukoshi hwebasa redu rokuparidza uye ukoshi hwokudavidza kwavanhu. Kuti tione hwaro hweiyi nzwisiso yakadzama zvikuru yomufananidzo, ngatirangarirei icho Bhaibheri rinoratidza pamusoro paJehovha naJesu, vose vari vaviri saMadzimambo uye saVatongi.
Jehovha soMutongi Mukurusa
5, 6. Neiko kwakakodzera kurangarira Jehovha seari zvose zviri zviviri Mambo noMutongi?
5 Jehovha anotonga chisiko chose nesimba pamusoro pezvose. Zvaasina mavambo uye mugumo, iye ndiye “Ishe usingaperi.” (1 Timotio 1:17; Pisarema 90:2, 4; Zvakazarurwa 15:3) Ane chiremera chokuumba mirau, kana kuti mitemo, uye kumanikidzira iyoyi. Asi chiremera chake chinobatanidza kuva Mutongi. Bhuku raIsaya 33:22 rinoti: “Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.”
6 Vanhu vaMwari vakanguve vaziva Jehovha soMutongi wemhosva nenhau. Somuenzaniso, pashure pokunge “Mutongi wenyika yose” ayera ufakazi pamusoro pouipi hweSodhoma neGomora, iye akaita zvose zviri zviviri kutonga kuti vagari vaifanirwa nokuparadzwa uye akaita rutongeso irworwo rwakarurama. (Genesi 18:20-33; Jobho 34:10-12) Kunofanira kutiita kuti tive vane chivimbo sei kuziva kuti Jehovha Mutongi akarurama uyo anogona nguva dzose kuita rutongeso rwake!
7. Jehovha akaita sei soMutongi mukubata naIsraeri?
7 Muna Israeri wekare, Jehovha pane dzimwe nguva akaita rutongeso zvakananga. Ungadai usina kunyaradzwa here shure panguva iyeyo kuziva kuti Mutongi akakwana akanga achisarudza nhau? (Revhitiko 24:10-16; Numeri 15:32-36; 27:1-11) Mwari akagoverawo zva“akatonga” izvo zvaiva zvakanaka chose semipimo yokutonga. (Revhitiko 25:18, 19; Nehemia 9:13; Pisarema 19:9, 10; 119:7, 75, 164; 147:19, 20) Iye ndiye “Mutongi wenyika yose,” naizvozvo tose zvedu tinotapurwa.—VaHebheru 12:23.
8. Dhanieri akava nechionoi chine revo?
8 Tine chipupuriro che“chapupu chakaona” chine chokuita neiyi nhau. Muporofita Dhanieri akapiwa chiono chezvikara zvinotyisa izvo zvaimirira hurumende kana kuti umambo. (Dhanieri 7:1-8, 17) Iye akawedzera, kuti: “Zvigaro zvoushe zvagadzwa ipapo, mumwe wakakwegura pamazuva ake akagara ipapo, nguo yake yakanga yakachena sechando.” (Dhanieri 7:9) Cherekedza kuti Dhanieri akaona zvigaro zvoushe “wakakwegura pamazuva [Jehovha] akagara ipapo.” Zvibvunze umene, ‘Dhanieri pano akanga achipupurira kuva kwaMwari Mambo here?’
9. Chii chiri revo imwe yoku‘gara pasi’ pachigaro choushe? Ipa mienzaniso.
9 Eya, apo tinorava kuti mumwe munhu “akagara” pachigaro choushe, tingafunga nezvokuva kwake mambo, nokuti pane dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa mutauro wakadaro. Somuenzaniso: “Zvino pakutanga kwake [Zimri] kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, . . .” (1 Madzimambo 16:11; 2 Madzimambo 10:30; 15:12; Jeremia 33:17) Uporofita hwaMesiya hwakati: “Uchagara pachigaro chake achibata ushe.” Nokudaro, ku‘gara pachigaro choushe’ kunogona kureva kuva mambo. (Zekaria 6:12, 13) Jehovha anorondedzerwa saMambo anogara pachigaro choushe. (1 Madzimambo 22:19; Isaya 6:1; Zvakazarurwa 4:1-3) Ndiye “Ishe usingaperi.” Bva, sezvaakatora rutivi rutsva rwouchangamire, angagona kutaurwa kuve akava Mambo, sokunge kuti kugara pachigaro chake choushe patsva.—1 Makoronike 16:1, 31; Isaya 52:7; Zvakazarurwa 11:15-17; 15:3; 19:1, 2, 6.
10. Chii chakanga chiri basa guru ramadzimambo avaIsraeri? Enzanisira.
10 Asi herino pfundo rinokosha: Basa guru ramadzimambo ekare rakanga riri rokunzwa mhosva ndokuita zvisarudzo. (Zvirevo 20:8; 29:14) Yeuka chisarudzo chouchenjeri chaSoromoni apo vakadzi vaviri vaida mwana mumwe chete. (1 Madzimambo 3:16-28; 2 Makoronike 9:8) Chimwe chezvivako zvehurumende yake chakanga chiri “Biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka,” uye rainziwo “biravira rokutonga.” (1 Madzimambo 7:7) Jerusarema rakarondedzerwa senzvimbo uko “kwakagadzwa zvigaro zvokutonga.” (Pisarema 122:5) Nenzira yakajeka, ‘kugara pachigaro choushe’ kunogonawo kureva kushandisa chiremera chokutonga.—Eksodho 18:13; Zvirevo 20:8.
11, 12. (a) Chii chakanga chiri revo yokugara pasi kwaJehovha, kunodudzwa muna Dhanieri ganhuro 7? (b) Mamwe magwaro anosimbisa sei kuti Jehovha anogara pasi kuti atonge?
11 Zvino ngatidzokerei kuchiono icho Dhanieri akaona ‘Akakwegura paMazuva achigara pasi.’ Bhuku raDhanieri 7:10 rinowedzera kuti: “Kutonga kukatanga, bhuku dzikazarurwa.” Hungu, Akakwegura paMazuva akanga agere kuti aite rutongeso pamusoro pokudzorwa kwenyika uye kuti asarudze Mwanakomana womunhu saakafanirwa nokutonga. (Dhanieri 7:13, 14) Ipapo tinorava kuti “wakakwegura pamazuva ake a[ka]svika, vatsvene voWokumusorosoro vakaruramisirwa,” avo vakasarudzwa savakakodzera kutonga noMwanakomana womunhu. (Dhanieri 7:22) Pakupedzisira “Kutonga [kwaka]tanga” ndokuita rutongeso rwakakomba pasimba renyika rokupedzisira.—Dhanieri 7:26.a
12 Somugumisiro, kuona kwaDhanieri Mwari achi‘gara pachigaro choushe’ kwakareva kuuya Kwake kuzoita rutongeso. Pakuvamba zvikuru Dhavhidhi akaimba, kuti: “Nokuti [Jehovha] mandiruramisira mhosva yangu; makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.” (Pisarema 9:4, 7) Uye Joere akanyora, kuti: “Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nokuti ndipo pandichagara [ini Jehovha] ndichitonga marudzi ose akapoteredza.” (Joere 3:12; Enzanisa naIsaya 16:5.) Vose vari vaviri Jesu naPauro vakanga vari mumamiriro ezvinhu okutongwa maari munhu akagara kuti anzwe nhau ndokuita rutongeso.b—Johane 19:12-16; Mabasa 23:3; 25:6.
Nzvimbo yaJesu
13, 14. (a) Vanhu vaMwari vaiva nevimbisoi yokuti Jesu aizova Mambo? (b) Jesu akagara rini pachigaro chake choushe, uye mupfungwai umo akatonga kubva muna 33 C.E. zvichienda mberi?
13 Jehovha ari zvose zviri zviviri Mambo noMutongi. Zvakadiniko naJesu? Ngirozi ichizivisa nezvokuberekwa kwake yakati: “Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. . . . noushe hwake haungavi nomugumo.” (Ruka 1:32, 33) Jesu aizova mugari wenhaka wechigarire woumambo hwaDhavhidhi. (2 Samueri 7:12-16) Aizotonga ari kudenga, nokuti Dhavhidhi akati: “Jehovha wakati kunaShe wangu [Jesu]: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. Jehovha uchatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZioni, achiti: Bata ushe pakati pavavengi vako.”—Pisarema 110:1-4.
14 Ikoko kwaizova rini? Jesu haana kutonga saMambo apo aiva munhu. (Johane 18:33-37) Muna 33 C.E., akafa, akamutswa, uye akakwira kudenga. Bhuku raVaHebheru 10:12 rinoti: “Wakati abayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari.” Chiremerai icho Jesu aiva nacho? “[Mwari aka]mugarisa kurudyi rwake kudenga, kumusorosoro kwavabati vose, noukuru, nesimba, noushe, . . . akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose.” (VaEfeso 1:20-22) Nemhaka yokuti Jesu panguva iyeyo akanga ane chiremera choumambo pamusoro pavaKristu, Pauro aigona kunyora kuti Jehovha “vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo.”—VaKorose 1:13; 3:1.
15, 16. (a) Neiko tichitaura kuti Jesu haana kuva Mambo woUmambo hwaMwari muna 33 C.E.? (b) Jesu akavamba rini kutonga muUmambo hwaMwari?
15 Panguva iyeyo, zvisinei, Jesu haana kuita saMambo noMutongi pamusoro pamarudzi. Akanga agere pedyo naMwari, achimirira nguva yokuti aite saMambo woUmambo hwaMwari. Pauro akanyora nezvake, kuti: “Wakambotaura kunaani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?”—VaHebheru 1:13.
16 Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa ufakazi hwakawanda hwokuti nhambo yaJesu yokumirira yakaguma muna 1914, apo akava mutongi woUmambo hwaMwari mumatenga asingaoneki. Bhuku raZvakazarurwa 11:15, 18 rinoti: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperiperi.” “Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika.” Hungu, marudzi akatsamwirana mukati meHondo yeNyika I. (Ruka 21:24) Hondo, kudengenyeka kwapasi, nhenda, perevedzo dzezvokudya, nezvakafanana, zvatakaona kubva muna 1914 zvinosimbisa kuti Jesu zvino ari kutonga muUmambo hwaMwari, uye mugumo wenyika wokupedzisira wava pedyo.—Mateo 24:3-14.
17. Mapfundoi anokosha atasimbisa kusvikira panguva ino?
17 Nenzira yokuhwirudzura kupfupi: Mwari anogona kutaurwa kuti anogara pachigaro choushe saMambo, asi nomumwe mufungo anogona kugara pachigaro chake choushe kuti atonge. Muna 33 C.E., Jesu akagara kuruoko rworudyi rwaMwari, uye zvino ndiye Mambo woUmambo hwacho. Asi Jesu, zvino ari kutonga saMambo, anobatirawo soMutongi here? Uye neiko ikoku kuchifanira kutitapura, zvikurukuru panguva ino?
18. Ufakazii huripo hwokuti Jesu aizovawo Mutongi?
18 Jehovha, uyo ane kodzero yokugadza vatongi, akasarudza Jesu soMutongi anosvitsa zvinodikanwa Zvake. Jesu akaratidza ikoku paaitaura nezvevanhu vachiva vapenyu mumudzimu: “Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose.” (Johane 5:22) Bva, basa raJesu rokutonga rinopfuura rudzi irworwo rwokutonga, nokuti iye mutongi wavapenyu uye wavakafa. (Mabasa 10:42; 2 Timotio 4:1) Pauro akambozivisa, kuti: “[Mwari] wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume [Jesu] waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”—Mabasa 17:31; Pisarema 72:2-7.
19. Neiko kwakarurama kutaura nezvaJesu seanogara pasi soMutongi?
19 Naizvozvo tinoruramiswa here kugumisa kuti Jesu anogara pachigaro choushe chine mbiri mubasa rakananga roMutongi? Hungu. Jesu akaudza vaapostora, kuti: “Pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Mateo 19:28) Kunyange zvazvo Jesu zvino ava Mambo woUmambo, mumwe mubato wake wakadudzwa pana Mateo 19:28 uchabatanidza kugara pachigaro choushe kuti atonge mukati meMireniyumu. Panguva iyeyo achatonga rudzi rwose rwomunhu, vakarurama navasakarurama. (Mabasa 24:15) Kunobetsera kurangarira ikoku sezvatinorereudzira ngwariro yedu kumumwe wemifananidzo yaJesu ine chokuita nenguva yedu uye upenyu hwedu.
Mufananidzo Wacho Unotii?
20, 21. Vaapostora vaJesu vakabvunzei chine chokuita nenguva yedu, kuchitungamirira kumubvunzoi?
20 Nokukurumidza Jesu asati afa, vadzidzi vake vakamubvunza, kuti: “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Jesu akafanotaura zviitiko zvinokosha pamusoro papasi ‘mugumo [usati] wasvika.’ Nokukurumidza mugumo iwoyo usati wasvika, marudzi acha“ona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.”—Mateo 24:14, 29, 30.
21 Kunyange zvakadaro, vanhu vari mumarudzi iwayo vachaita sei apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake? Ngationei mumufananidzo wamakwai nembudzi, uyo unovamba namashoko, okuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake.”—Mateo 25:31, 32.
22, 23. Mapfundoi anoratidzira kuti mufananidzo wamakwai nembudzi hauna kuvamba zadziko yawo muna 1914?
22 Uyu mufananidzo unoshanda apo Jesu akagara pasi musimba roumambo muna 1914, sezvatave tichinzwisisa kwenguva refu here? Eya, Mateo 25:34 inotaura nezvake saMambo, naizvozvo mufananidzo wacho nenzira ine mufungo unowana kushanda kwawo sezvo Jesu akava Mambo muna 1914. Asi kutongai kwaakaita nokukurumidza pashure paikoko? Kwakanga kusiri kutonga “marudzi ose.” Panzvimbo pezvo, akarereudzira ngwariro yake kuna avo vaitaura kuti vanoumba “imba yaMwari.” (1 Petro 4:17) Maererano naMaraki 3:1-3, Jesu, senhume yaJehovha, nenzira yokutonga akanzvera vaKristu vakazodzwa vaiva vachiri pasi pano. Yakanga iriwo nguva nokuda kwechirango chokutonga pachiKristudhomu, icho nenzira yenhema chaitaura kuva “imba yaMwari.”c (Zvakazarurwa 17:1, 2; 18:4-8) Bva hapana chinoratidzira kuti panguva iyeyo, kana kuti nokuda kwechikonzero ichocho kubvira panguva iyeyo, Jesu akagara kuti atonge vanhu vamarudzi ose pakupedzisira sehwai kana kuti mbudzi.
23 Kana tikanzvera mubato waJesu mumufananidzo wacho, tinomucherekedza pakupedzisira achitonga marudzi ose. Mufananidzo wacho hauratidzi kuti kutonga kwakadaro kwaizopfuurira kwenhambo yakatambanudzwa yamakore akawanda, sokunge kuti munhu ari wose aifa mukati meaya makumi amakore apfuura akatongwa seakafanirwa norufu rwokusingaperi kana kuti upenyu husingaperi. Kunoratidzika kuti voruzhinji vakafa mumakumi amakore achangobva kupfuura vakaenda kuguva ravose rorudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 6:8; 20:13) Mufananidzo wacho, zvisinei, unoratidzira nguva apo Jesu anotonga vanhu va“marudzi ose” vari vapenyu panguva iyeyo uye vari kutarisana nokuitwa kwechirango chorutongeso rwake.
24. Mufananidzo wamakwai nembudzi uchazadzikwa rini?
24 Namamwe mashoko, mufananidzo wacho unonongedzera kunguva yemberi apo Mwanakomana womunhu achauya ari mumbiri yake. Achagara pasi kuti atonge vanhu vari vapenyu panguva iyeyo. Kutonga kwake kuchave kwakavakirwa pane zvavakaratidzira vamene kuva. Panguva iyeyo “kusiyana kwowakarurama nowakaipa” kuchave kwaitwa zvakajeka. (Maraki 3:18) Kuziviswa chaikoiko nokuitwa kworutongeso zvichaitwa munguva yakaganhurirwa. Jesu achaita zvisarudzo zvakarurama zvakavakirwa pane zvakava zvakajeka pamusoro pevanhu vamwe navamwe.—Onawo 2 VaKorinte 5:10.
25. Bhuku raMateo 25:31 riri kuratidzirei mukutaura nezvoMwanakomana womunhu achigara pasi pachigaro choushe chine mbiri?
25 Ikoku kunoreva, ipapoka, kuti ‘kugara pachigaro chake choushe chine mbiri’ kwaJesu kuti atonge, kunodudzwa pana Mateo 25:31, kunoshanda kunguva yemberi apo uyu Mambo ane simba achagara pasi kuti azivise nokuita rutongeso pamarudzi. Hungu, chiitiko chokutonga icho chinobatanidza Jesu pana Mateo 25:31-33, 46 chinoenzaniswa nechiitiko chaDhanieri ganhuro 7, uko Mambo anotonga, Akakwegura paMazuva, akagara pasi kuti aite basa rake soMutongi.
26. Itsananguroi itsva yomufananidzo inova yakajeka?
26 Kunzwisisa mufananidzo wamakwai nembudzi neiyi nzira kunoratidzira kuti kuitwa kworutongeso pamakwai nembudzi kuri munguva yemberi. Kuchaitika pashure pe“kutambudzika” kunodudzwa pana Mateo 24:29, 30 kwavamba uye Mwanakomana womunhu ‘asvika ari mumbiri yake.’ (Enzanisa naMarko 13:24-26.) Ipapo, netsika yose yakaipa yasvika pamugumo wayo, Jesu achadanira dare ndokupa nokuita rutongeso.—Johane 5:30; 2 VaTesaronika 1:7-10.
27. Tinofanira kufarira chii mukuziva pamusoro pomufananidzo wokupedzisira waJesu?
27 Ikoku kunojekesa kunzwisisa kwedu kwenguva yomufananidzo waJesu, uyo unoratidza apo makwai nembudzi zvichatongwa. Asi kunotitapura sei isu tiri kuparidza nokushingaira mashoko akanaka oUmambo? (Mateo 24:14) Kunoita kuti basa redu rive rinokosha zvishoma here, kana kuti kunounza mutoro unorema zvikuru webasa? Ngationei munyaya inotevera kuti tinotapurwa sei.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rakashandurwa kuti “Kutonga” pana Dhanieri 7:10, 26 rinowanikwawo pana Ezra 7:26 uye Dhanieri 4:37; 7:22.
b Pamusoro pokuendesana kudare kwavaKristu, Pauro akabvunza, kuti: “Munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge [chaizvoizvo “muri kugadza”]?”—1 VaKorinte 6:4.
c Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 56, 73, 235-45, 260, rakaburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Jehovha anobatira sei sezvose zviri zviviri Mambo noMutongi?
◻ Irevoi mbiri dzinogona kuvapo ku‘kugara pasi pachigaro choushe’?
◻ Taisimbotii pamusoro penguva yaMateo 25:31, asi hwaroi huripo nokuda kwomurangariro wakagadziridzwa?
◻ Mwanakomana womunhu anogara rini pachigaro chake choushe, sezvinoratidzirwa pana Mateo 25:31?