20 Waini inotsvinya,+ doro harizvibati;+
Munhu wese anotsauswa nazvo haana kuchenjera.+
2 Kutyisa kwamambo kwakafanana nekuhon’a kweshumba;+
Munhu wese anomushatirisa anoisa upenyu hwake pangozi.+
3 Munhu asingapindi mukukakavadzana anokudzwa,+
Asi benzi rinoita kunyura mugakava.+
4 Simbe hairimi nekuti kuri kutonhora,
Saka inozopemha munguva yekukohwa painenge isisina chinhu.+
5 Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika,
Asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.
6 Vanhu vakawanda vanozviti vakavimbika,
Asi ndiani angawana munhu akatendeka?
7 Munhu akarurama anofamba mukururama kwake.+
Vana vake vanomutevera vanofara.+
8 Kana mambo agara pachigaro chake kuti atonge,+
Anourutsa zvakaipa zvese nemaziso ake.+
9 Ndiani angati: “Ndakachenesa mwoyo wangu;+
Ndakachena pachivi changu”?+
10 Zvekuyeresa zvinobiridzira uye chikero chenhema,
Zvese zvinosemesa Jehovha.+
11 Kunyange mwana anozivikanwa nemabasa ake,
Kuti tsika dzake dzakachena uye dzakarurama.+
12 Nzeve inonzwa neziso rinoona,
Zvese zviri zviviri zvakasikwa naJehovha.+
13 Usada hope, kuti urege kuva murombo.+
Svinura, kuti ugute nezvekudya.+
14 “Hachina kunaka, hachina kunaka!” anodaro mutengi;
Anobva aenda otanga kuzvirumbidza.+
15 Kune goridhe, uye kune matombo ekorari akawanda,
Asi miromo ine ruzivo inokosha.+
16 Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;+
Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.+
17 Zvekudya zvinowanikwa nekunyengera zvinonakira munhu,
Asi mukanwa make muchazara jecha.+
18 Kana muchipanana mazano, zvirongwa zvichabudirira,+
Uye irwai hondo yenyu nekutungamirira kweunyanzvi.+
19 Munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzavo;+
Usashamwaridzana nemunhu anofarira makuhwa.
20 Munhu wese anotuka baba vake naamai vake,
Rambi rake richadzimwa kana kwava nerima.+
21 Nhaka inotanga kuwanikwa nemakaro
Haizokomborerwi pakuguma kwayo.+
22 Usati: “Ndichatsiva chakaipa!”+
Isa tariro muna Jehovha,+ uye achakuponesa.+
23 Zvekuyeresa zvinobiridzira zvinosemesa Jehovha,
Uye chikero chinonyengera hachina kunaka.
24 Nhanho dzemunhu dzinotungamirirwa naJehovha;+
Munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
25 Iwo musungo kana munhu akashevedzera asina kufunga, achiti, “Chitsvene!”+
Ozotanga kufunga zvaanenge apika pava paya.+
26 Mambo akachenjera anourutsa vakaipa+
Ofambisa pamusoro pavo vhiri rinoshandiswa pakupura.+
27 Mhepo inofemwa nemunhu irambi raJehovha,
Rinonyatsoongorora zvaari nechemukati.
28 Rudo rusingachinji nekutendeka zvinochengetedza mambo;+
Rudo rusingachinji runotsigira chigaro chake cheumambo.+
29 Kukudzwa kwemajaya ndiro simba rawo,+
Uye kubwinya kwevakwegura ndiro bvudzi ravo rachena.+
30 Kusvuuka nemaronda zvinobvisa uipi,+
Uye kurohwa kunochenesa munhu nechemukati.