Ganhuro 9
Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?
“MUNHU anotambura apo mudiwa anofa nemhaka yokuti rufu kurasikirwa kunotungamirira kukusava namaturo kunopfuura nzwisiso yose.” Izvozvo ndizvo izvo mumwe mwanakomana akataura apo baba vake uye nokukurumidza pashure paikoko amai vake vakafa. Marwadzo ake nokunzwa kwokurasikirwa kukuru zvakamuita kuti anzwe kuti akanga achi“kundwa mupfungwa.” Zvichida wakatambura nenzira yakafanana. Ungave wakashamiswa kuti vadiwa vako vari kupi uye kana uchazombovaona zvakare.
2 Vamwe vabereki vanotambudzika vakaudzwa kuti, “Mwari anotanha maruva akaisvonaka zvikurusa kuti aendese kwaari amene mudenga.” Ndizvo chaizvoizvo here? Vadiwa vedu vakafa vakaenda kunzvimbo yemidzimu here? Ndiyo here iyo vamwe vanodana kuti Nirvana, inorondedzerwa somugariro unofadza wokusava namarwadzo ose nechishuvo? Avo tinoda vakapfuura napasuo racho vachienda kuupenyu husingafi muparadhiso here? Kana kuti sezvinotaura vamwe, rufu kupinda mukutambudzwa kusingatongogumi nokuda kwaavo vakagumbura Mwari here? Vakafa vanogona kutapura upenyu hwedu here? Kuti tiwane mhinduro dzechokwadi kumibvunzo yakadaro, tinofanira kunzvera Shoko raMwari, Bhaibheri.
CHII CHIRI “MUDZIMU” URI MUVANHU?
3 Vazivi vakare vechiGiriki Socrates naPlato vaidavira kuti kunofanira kuva nechimwe chinhu chisingafi nenzira yomuzvarirwo chiri mukati momurume nomukadzi—mweya unopukunyuka rufu uye usingatongofi chaizvoizvo. Mupasi rose, mamiriyoni anodavira ikoku nhasi. Ichi chitendero chinowanzoparira kutya vakafa kukuru sezvachinoita kuitira hanya garikano yavo. Bhaibheri rinotidzidzisa chimwe chinhu chakasiyana zvikuru pamusoro pavakafa.
4 Mukurangarira mugariro wavakafa, hatifaniri kufuratira kuti baba vedu vapakuvamba, Adhama, vakanga vasina mweya. Iye akanga ari mweya. Muchiito chinotyisa chokusika, Mwari akaumba munhu—mweya—nezvinhu zvikuru zvapasi uye ipapo akafuridzira maari “mweya woupenyu.” Genesi 2:7 anotiudza, kuti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” Upenyu hwaAdhama hwakanga huchitsigirwa nokufema. Bva, zvinopfuura kufuridzirwa kwomweya mumapapu omunhu zvakabatanidzwa apo Mwari akaisa mweya woupenyu muna Adhama. Bhaibheri rinotaura nezve“simba roupenyu” iro rinoshanda muzvisikwa zvipenyu zvapasi.—Genesi 7:22, NW.
5 Chii chiri “simba roupenyu”? Chinhu chinokosha choupenyu icho Mwari akaisa mumuviri usina upenyu waAdhama. Iri simba panguva iyeyo rakatsigirwa nokufema. Asi chii chiri “mudzimu” unonongedzerwa kwauri paPisarema 146:4, (NW)? Ndima iyoyo inoti nezvomunhu anofa: “Mudzimu wake unobuda, iye anodzokera kuvhu rake; muzuva iroro mifungo yake inoparara.” Apo vanyori veBhaibheri vakashandisa shoko rokuti “mudzimu” neiyi nzira, vakanga vasingarangariri mweya usina muviri uyo unopfuurira kurarama pashure pokunge muviri wafa.
6 “Mudzimu” uyo unobuda muvanhu parufu isimba roupenyu iro rakabva kuMusiki wedu. (Pisarema 36:9; Mabasa 17:28) Iri simba roupenyu harina api naapi amavara echisikwa icho rinoraramisa, kungofanana namagetsi asingavi namativi omudziyo uyo anopa simba. Apo mumwe munhu anofa, mudzimu (simba roupenyu) unorega kuraramisa masero omuviri, zvikuru seizvo girobhu rinodzima apo magetsi anodzimwa. Apo simba roupenyu rinorega kutsigira muviri womunhu, munhu—mweya—anofa.—Pisarema 104:29; Muparidzi 12:1, 7.
“UCHADZOKERAZVE KUGURUVA”
7 Jehovha akatsanangura zvakajeka chaizoreva rufu nokuda kwomutadzi Adhama. Mwari akati: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Adhama aizodzokerepi? Kuvhu, kuguruva raakanga asikwa naro. Parufu Adhama aizongorega kuvapo!
8 Muna ikoku, kufa kwomunhu hakusiyani nouko kwemhuka. Idzowo mweya, uye mudzimu mumwe chetewo, kana kuti simba roupenyu, unodzipa simba. (Genesi 1:24) Pana Muparidzi 3:19, 20, murume akachenjera Soromoni anotiudza, kuti: “Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, zvose zvino [mudzimu, NW] mumwe; munhu haana paanopfuura mhuka [murufu]; . . . zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.” Munhu akanga achipfuura zvikara mukuti akasikwa mumufananidzo waMwari, achiratidzira mavara aJehovha. (Genesi 1:26, 27) Bva, parufu vanhu nemhuka zvakafanana zvinodzokera kuguruva.
9 Soromoni akatsanangurazve chinoreva rufu, achiti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” Hungu, vakafa havazivi chinhu chose chose. Nemhaka yaikoku, Soromoni akakurudzira, kuti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 10) Vakafa vanoendepi? KuSheori, (chiHebheru, sheʼolʹ) guva ravose rorudzi rwomunhu. Vadiwa vedu vakafa havazivi chinhu chipi nechipi. Havasi kutambura, uye havagoni kutitapura munzira ipi neipi.
10 Tose zvedu navadiwa vedu tinofanira kungorarama bedzi makore mashomanene ibvei torega kuvapo nokusingaperi here? Kwete maererano neBhaibheri! Panguva yokupanduka kwaAdhama, Jehovha Mwari akatanga pakare pakarepo gadziriro dzokuchinja migumisiro yakaipa yechivi chomunhu. Rufu rwakanga rwusiri rutivi rwechinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu. (Ezekieri 33:11; 2 Petro 3:9) Nokudaro, rufu harufaniri kuva mugumo nokuda kwedu kana kuti nokuda kwavadiwa vedu.
“AZORORA”
11 Chinangwa chaJehovha kutinunura navadiwa vedu vakafa murufu rwaAdhama. Naizvozvo, Shoko raMwari rinonongedzera kuvakafa savavete. Somuenzaniso, pakuziva kuti shamwari yake Razaro yakanga yafa, Jesu Kristu akaudza vadzidzi Vake, kuti: “[Razaro shamwari yedu azorora, NW]; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” Sezvo vadzidzi vasina kunzwisisa pakare pakarepo revo youku kutaura, Jesu akati zvakajeka: “Razaro wafa.” (Johane 11:11, 14) Jesu ipapo akaenda kutaundi reBhetania, uko hanzvadzi dzaRazaro Marta naMaria vakanga vachichema rufu rwehanzvadzi yavo. Apo Jesu akaudza Marta kuti, “Hanzvadzi yako ichamuka,” akaratidzira kutenda kwake muchinangwa chaMwari chokuchinja migumisiro yorufu pamhuri yavanhu. Iye akati: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.”—Johane 11:23, 24.
12 Marta haana kutaura mufungo pamusoro pomweya usingafi unopfuurira kurarama kune imwe nzvimbo pashure porufu. Haana kudavira kuti Razaro akanga atoenda kunzvimbo yakati yemidzimu kundopfuuridzira kuvapo kwake. Marta aitenda tariro yakaisvonaka yorumuko muna vakafa. Ainzwisisa, kwete kuti mweya usingafi wakanga wabva mumuviri waRazaro, asi kuti hanzvadzi yake yakafa yakanga yarega kuvapo. Mushonga waizova rumuko rwehanzvadzi yake.
13 Jesu Kristu ndiye akapiwa simba naJehovha Mwari rokudzikinura rudzi rwomunhu. (Hosea 13:14) Nokudaro, mumhinduro kukutaura kwaMarta, Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.” (Johane 11:25) Jesu akaratidzira simba rake rakapiwa naMwari muna ikoku apo akaenda kuguva raRazaro, uyo akanga ave akafa kwamazuva mana, uye akamudzorera kuupenyu. (Johane 11:38-44) Imbofungidzira zvako mufaro waavo vakaona rumuko irworwu kana kuti rumwe rwakaitwa naJesu Kristu!—Marko 5:35-42; Ruka 7:12-16.
14 Mira kwechinguvana kuti urangarire izvi: Hakuna munhu aizofanira kumutswa, kana kuti kudzorerwa kuupenyu, kana mweya usingafi wakapukunyuka rufu. Kutaura idi, kwaizova kusava nomutsa kumutsira mumwe munhu akafanana naRazaro kuupenyu husina kukwana pasi pano kana iye akanga atopfuurira kutuso yakaisvonaka yokudenga. Chaizvoizvo, Bhaibheri haritongoshandisi kutaura kwokuti “mweya usingafi.” Panzvimbo pezvo, Magwaro anotaura kuti mweya womunhu unotadza unofa. (Ezekieri 18:4, 20) Naizvozvo Bhaibheri rinonongedzera kugadziriro yorumuko somushonga chaiwoiwo worufu.
“VOSE VARI MUMAKUVA ECHIRANGARIDZO”
15 Shoko iro vadzidzi vaJesu vakashandisa nokuda kwo“rumuko” rinoreva chaizvoizvo kuti “kumuka” kana kuti “kumira.” Uku kumuka kubva mumugariro wokusava noupenyu worufu—sokunge zvakadaro, kumira ndokubuda muguva ravose rorudzi rwomunhu. Jehovha Mwari anogona kumutsa munhu nyore nyore. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha ndiye Muvambi woupenyu. Nhasi, vanhu vanogona kurekodha manzwi nemifananidzo zvavarume navakadzi patepi yevhidhiyo uye vanogona kudzokorora izvi zvakarekodhwa pashure pokunge vanhu vacho vafa. Zvirokwazvo, ipapoka, Musiki wedu wamasimba ose anogona kurekodha udzame hwomunhu upi noupi ndokumutsa munhu mumwe cheteyo, achimupa muviri uchangobva kuumbwa.
16 Jesu Kristu akati: “Nguva inouya, nayo vose vari [mumakuva echirangaridzo, NW] vachanzwa inzwi rake [raJesu], vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.” (Johane 5:28, 29) Vose avo vanoyeukwa naJehovha vachamutswa ndokurayiridzwa munzira dzake. Nokuda kwaavo vanoita mutsinhirano nokuziva Mwari, irworwu rwuchava rumuko rwoupenyu. Zvisinei, rwuchava rumuko rworutongeso rweshurikidzo nokuda kwaavo vanoramba dzidziso dzaMwari nokutonga.
17 Nenzira yomuzvarirwo, avo vakaronda nzira yakarurama savabatiri vaJehovha vachamutswa. Kutaura idi, tariro yorumuko yakasimbisa vakawanda kuti vatarisane norufu, kunyange muzviitiko zvechitambudzo chamasimba masimba. Vaiziva kuti Mwari aigona kuvadzorera kuupenyu. (Mateo 10:28) Asi mamiriyoni avanhu akafa asina kuratidza kana aizowirirana nemipimo yakarurama yaMwari. Iwowo achamutswa. Ane chivimbo nechinangwa chaJehovha muna ikoku, muapostora Pauro akati: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.
18 Muapostora Johane akagamuchira chiono chinofadza chavakamutswa vakamira pamberi pechigaro choumambo chaMwari. Johane ipapo akanyora, kuti: “Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romwoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romwoto.” (Zvakazarurwa 20:12-14) Funga nezvaikoko! Vakafa vose vanoyeukwa naMwari vane kariro yokusunungurwa muHadhesi (chiGiriki, haiʹdes), kana kuti Sheori, guva ravose rorudzi rwomunhu. (Pisarema 16:10; Mabasa 2:31) Vachava nomukana wokuratidzira namabasa avo kana vachizobatira Mwari. Ipapo “rufu neHadhesi” zvichakandirwa murinonzi “dziva romwoto,” rinofananidzira ruparadziko rwakakwana, sezvinoita shoko rokuti “Gehena”. (Ruka 12:5) Guva ravose rorudzi rwomunhu rimene richava rabviswa zvinhu uye richaguma kuvapo apo rumuko runopedzwa. Kunonyaradza sei kuziva kuti Mwari haatambudzi munhu upi noupi!—Jeremia 7:30, 31.
RUMUKO RWOKUPI?
19 Nhamba yakaganhurwa yavarume navakadzi ichamutsirwa kuupenyu mudenga. Samadzimambo navaprista naJesu, vachagoverana mukuparadza migumisiro yose yorufu urwo rudzi rwomunhu rwakagara nhaka kumurume wokutanga, Adhama. (VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 5:9, 10) Vangani avo Mwari achaendesa kudenga kundotonga naKristu? Maererano neBhaibheri, 144 000 bedzi. (Zvakazarurwa 7:4; 14:1) Jehovha achapa mumwe nomumwe waava vanomutswa muviri womudzimu kuti vagogona kugara mudenga.—1 VaKorinte 15:35, 38, 42-45; 1 Petro 3:18.
20 Ruzhinji zvikuru rwaavo vakafa ruchamutsirwa kuparadhiso yapasi. (Pisarema 37:11, 29; Mateo 6:10) Rutivi rwechikonzero chokumutsira vamwe kudenga ndechokupedza chinangwa chaMwari nokuda kwapasi. Jesu Kristu navane 144 000 mudenga vachadzorera nenzira inofambira mberi rudzi rwomunhu runoteerera kukukwana uko vabereki vedu vokutanga vakarasa. Ikoku kuchabatanidza vanomutswa, sezvakaratidzirwa naJesu apo akaudza murume akanga achifa akarovererwa parutivi pake: “Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:42, 43.
21 MuParadhiso yapasi, rufu, urwo nhasi runoparira kusava namaturo kukuru, ruchabviswa. (VaRoma 8:19-21) Muporofita Isaya akazivisa kuti Jehovha Mwari “uchaparadza chaizvoizvo rufu nokusingaperi.” (Isaya 25:8, NW) Muapostora Johane akapiwa chiono chenguva apo rudzi rwomunhu runoteerera ruchava norusununguko pamarwadzo norufu. Hungu, “Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:1-4.
22 Dzidziso dzakajeka dzeBhaibheri dzinobvisa nyongano pamusoro pechinoitika kuvakafa. Magwaro anotaura zvakajeka kuti rufu ndirwo “muvengi wokupedzisira” achaparadzwa. (1 VaKorinte 15:26) Isimba nenyaradzo zvakadini zvatinogona kuwana mukuziva tariro yorumuko! Uye tinogona kuva vanofara sei kuti vadiwa vedu vakafa vanoyeukwa naMwari vachamuka mukuvata kworufu kuti vafarikanye zvinhu zvose zvakanaka zvaakachengetera avo vanomuda! (Pisarema 145:16) Zvikomborero zvakadaro zvichaitwa kupfurikidza noUmambo hwaMwari. Asi kutonga kwahwo kwaizovamba rini? Ngationei.
EDZA ZIVO YAKO
Chii chiri mudzimu uri muvanhu?
Ungarondedzera sei mugariro wavakafa?
Ndivanaani vachamutswa?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Vanhu vanonzwa sei apo rufu runorova mudiwa?
2. Mibvunzoi inokangaidza inomuka pamusoro porufu?
3. Murangariroi waiva naSocrates naPlato pamusoro pavakafa, uye iwoyu unotapura sei vanhu nhasi?
4. (a) Genesi anotiudzei pamusoro pomweya? (b) Chii icho Mwari akaisa muna Adhama kuti amuite kuti ararame?
5, 6. (a) Chii chiri “simba roupenyu”? (b) Chii chinoitika apo “mudzimu” unodudzwa pana Pisarema 146:4 unorega kuraramisa muviri?
7. Chii chaizoitika kuna Adhama kudai aisazoteerera Mwari?
8. Semweya, vanhu havasati vachipfuura mhuka munzirai?
9. Ndoupi uri mugariro wavakafa, uye vanoendepi?
10. Nei tichigona kutaura kuti rufu harufaniri kuva mugumo?
11. Jesu akarondedzera sei mugariro weshamwari yake yakafa Razaro?
12. Itariroi yaiva naMarta akafirwa pamusoro pavakafa?
13. Isimbai rakapiwa naMwari rina Jesu, uye akaratidzira sei iri simba?
14. Nei rumuko nepfungwa yomweya usingafi zvisingawirirani?
15. (a) Shoko rokuti “rumuko” rinorevei? (b) Nei kumuka kwavanhu kusati kuchizopa Jehovha Mwari chinetso?
16. (a) Chipikirwai icho Jesu akaita pamusoro paavo vose vari mumakuva echirangaridzo? (b) Chii chichasarudza kuti rumuko rwomunhu ruchava rwakaita sei?
17. Ndivanaani vachamutswa?
18. (a) Muapostora Johane akagamuchira chionoi chorumuko? (b) Chii chinoparadzwa mu“dziva romwoto,” uye “dziva” irori rinofananidzirei?
19. Nei vamwe vorudzi rwomunhu vachamutsirwa kudenga, uye rudzii rwomuviri urwo Mwari achavapa?
20. Chii chichawanwa norudzi rwomunhu runoteerera, kubatanidza vanomutswa?
21. Maererano nomuporofita Isaya nomuapostora Johane, chii chichaitika kurufu?
22. Kuziva rumuko kunokutapura sei?
[Mufananidzo uri papeji 85]
Sezvo Jesu akadana Razaro kuti abude muguva, naizvozvo mamiriyoni achamutswa
[Mufananidzo uri papeji 86]
Mufaro uchatekeshera apo ‘Mwari anoparadza rufu nokusingaperi’