Pane Mumwe Munhu Ane Hanya Zvechokwadi Here?
Wakambonzwa wasurukirwa uye usingagoni kuzvibatsira here, zvichiita sokuti hapana munhu ari kunyatsonzwisisa matambudziko ako? Uye kunyange vaiziva nezvematambudziko acho, wainzwa sokuti havana hanya.
MATAMBUDZIKO paanomuka, upenyu hwedu hunoita sedutu risingazomboperi. Dzimwe nguva, tinogona kugumisa kuti zviri kuitika kwatiri zvakaoma uye kuti hatisi kururamisirwa zvokuti hatikwanisi kutombozvitsungirira. Izvi ndizvo zvinowanzoitika patinotambura nepfungwa, patinoora mwoyo, patinopinda mutsaona inoremadza, patinobatwa nezvirwere zvisingaperi, kana zvimwewo. Tinganzwa tisingagoni kuzvibatsira uye tisina tariro tichinetseka kuti ndiani angatinyaradza. Pane mumwe munhu ane hanya zvechokwadi here?
“Mwari Wokunyaradza Kwose” Ane Hanya
MuBhaibheri, Mwari anotsanangurwa sa“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Mwari ane zita rinonzi Jehovha anoziva kuti tinoda kunyaradzwa. Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “kunyaradza” munzira dzakawanda kanopfuura zana, richitivimbisa kuti Mwari anonzwisisa zvatinotarisana nazvo uyewo anoda kutinyaradza. Kuziva izvozvo kunotivimbisa kuti kunyange vamwe vanhu pavanoita sevasingaoni, sevasinganzwisisi, kana sevasina hanya nematambudziko edu, Jehovha ane hanya.
Magwaro anonyatsoratidza kuti Jehovha ane hanya nomunhu mumwe nomumwe. Bhaibheri rinoti: “Maziso aJehovha ari pose pose, achiramba akatarira vakaipa nevakanaka.” (Zvirevo 15:3) Saizvozvowo, pana Jobho 34:21 tinoverenga kuti: “Maziso ake ari panzira dzomunhu, uye anoona nhanho dzake dzose.” Jehovha anoona zvatinoita—zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa—uye anoziva zviri kuitika kwatiri, uye anoita zvaanoona kuti zvakakodzera. Izvi zvinotsigirwa nemashoko omuoni kana kuti muprofita Hananai, kuna Mambo Asa wevaJudha okuti: “Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 Makoronike 16:7, 9.
Jehovha anotitarisira nokuda kwechimwe chikonzero. Jesu akatsanangura kuti: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Johani 6:44) Jehovha ane hanya zvokuti anoongorora mwoyo womunhu kuti aone kana munhu wacho achida kumuziva zviri nani. Kana munhu wacho achida kumuziva zviri nani, Mwari anobva amubatsira nenzira dzinoshamisa kwazvo. Somuenzaniso, kuDominican Republic, mumwe mukadzi aiva muchipatara aine kenza achida kuvhiyiwa. Akakumbira Mwari kuti amubatsire kuwana chechi yechokwadi. Murume wake akabva amuendesera bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?a raakanga apiwa mangwanani acho neChapupu chaJehovha chakanga chamushanyira kumba kwake. Mukadzi wacho akaverenga bhurocha racho uye akaziva kuti Mwari akanga apindura munyengetero wake. Akabvuma kudzidza Bhaibheri neChapupu chacho, uye munguva isingasviki mwedzi mitanhatu, akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari uye akabhabhatidzwa.
Mubhuku reBhaibheri reMapisarema, tinoona mashoko anokurudzira akataurwa nevanyori vemapisarema vekare vechiHebheru, vakaita saMambo Dhavhidhi, anotsanangura nezvokuti Jehovha ane hanya nevashumiri vake. Pana Pisarema 56:8, tinoona Mambo Dhavhidhi achikumbira Mwari achiti: “Isai misodzi yangu muhombodo yenyu. Haisi mubhuku renyu here?” Sezvinoratidzwa nomuenzaniso uyu, Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aiziva kwete kutambura kwake chete asi manzwiro aaiitawo. Jehovha aiziva kurwadziwa kwaiita Dhavhidhi uye aiyeuka zvakanga zvaitika kwaari zvichizoita kuti asvimhe misodzi. Chokwadi, Musiki wedu anoona vose vanoda kuita kuda kwake, “vaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”
Imwe ndima inotsanangura kuitira hanya kwaMwari iPisarema rechi23 rakakurumbira. Mashoko aro okutanga anofananidza Mwari nomufudzi ane rudo, anoti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.” Mufudzi wokuMiddle East anoitira hanya makwai ake, achitopa zita rimwe nerimwe rawo. Zuva rimwe nerimwe anoshevedza gwai rimwe nerimwe oribata zvakanaka, uye anotarisa kana riine pakakuvara. Kana akawana rakakuvara, anorizora mafuta kana kuti mushonga kuti ripore nokukurumidza. Kana gwai racho richirwara, mufudzi wacho angatofanira kurimanikidza kuti rimedze mushonga uye anorimisa kuti risarara pasi ndokufa. Chokwadi uyu mufananidzo wakanaka wokuti Jehovha ane hanya nevanhu vanoda kubatsirwa naye.
Munyengetero uye Rumuko—Zvinoratidza Kuti Mwari Ane Hanya
Mapisarema aya nemamwewo haana kunyorwa muBhaibheri kuti tingoverenga tonakidzwa. Anotiratidza kudurura kwakaita vashumiri vaMwari vekare mwoyo yavo kuna Jehovha kuti varatidze kuti vaida kubatsirwa naye uyewo kuti varatidze kutenda kwavaiita kutungamirira uye kukomborera kwaaivaita. Mashoko iwayo anonyatsoratidza kuti vashumiri vaMwari ivavo vekare vainyatsotenda kuti Mwari ane hanya navo. Kuverenga uye kufungisisa mashoko iwayo aibva pamwoyo kunogona kutibatsira kuti tinzwewo zvakafanana nezvaMwari. Kubvumirwa kwatinoitwa naMwari kunyengetera kwaari uchapupu hwakasimba hwokuti ane hanya nesu.
Zvisinei, dzimwe nguva tinonetseka nedambudziko zvokuti hatizivi kuti tonyengetera sei nezvedambudziko racho. Izvozvo zvinoita kuti Jehovha asaziva kunetseka kwatinenge tichiita here? VaRoma 8:26 inopindura kuti: “Mudzimu unotibatsira nokuda kwokushayiwa simba kwedu; nokuti hatizivi chinhu chinonetsa chatinofanira kunyengeterera patinofanira kunyengetera, asi mudzimu unotitetererera nokugomera kusinganzwiki.” Rugwaro urwu runotiudza kuti minyengetero yakafuridzirwa yevashumiri vaMwari vekare inogona kuratidza manzwiro atinenge tichiita zvichizoita kuti Jehovha, “Munzwi womunyengetero” aigamuchire sokuti ndisu tiri kunyengetera.—Pisarema 65:2.
Tariro yokuti vakafa vachamuka ndehumwezve uchapupu hunoratidza kuti Mwari anofarira munhu mumwe nomumwe. Jesu Kristu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.” (Johani 5:28, 29) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “makuva” rakabva pashoko rechiito rechiGiriki rinoreva kuti “kuyeuchidza.” Rinobudisa pfungwa yokuti Mwari anoyeuka mararamiro aiita munhu wacho paaive mupenyu.
Chimbofunga, kuti amutse mumwe munhu, Mwari anofanira kuziva zvose nezvomunhu wacho, kusanganisira kuti aitaridzika sei, aiva nounhu hwakaita sei, nezvose zvaaifunga! (Mako 10:27) Mwari haakanganwi munhu akadaro kunyange pashure pezviuru zvemakore. (Jobho 14:13-15; Ruka 20:38) Saka, Jehovha Mwari anonyatsoyeuka zvose nezvemabhiriyoni evanhu vakafa—uchapupu hunonyatsoratidza kuti Mwari ane hanya nesu somunhu mumwe nomumwe!
Jehovha Anopa Mubayiro
Zvii zvatinofanira kuita kuti Mwari ave nehanya nesu? Chokutanga, tinofanira kuratidza kuti tinovimba naye uye tinomuteerera, kuti tinotenda maari. Muapostora Pauro akaratidza kubatana kwakaita kutenda muna Mwari nokutarisirwa naye. Akanyora kuti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.
Onai kuti kutenda kunofadza Mwari kunobatanidza zvinhu zviviri. Chokutanga, tinofanira “kutenda kuti ariko” kureva kuti tinofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti ndiye Mutongi Mukuru watinofanira kuteerera nokunamata. Chechipiri, tinofanira kutenda kuti iye “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Kutenda kwechokwadi kunosanganisira kudavira kuti Mwari ane hanya nevose vanoda nemwoyo wose kuita kuda kwake uye anovapa mubayiro. Kana ukadzidza shoko raMwari uye ukashamwaridzana nevaya vanomuteerera, unogonawo kuva nokutenda kunoita kuti Mwari akupe mubayiro uye ave nehanya newe.
Vanhu vakawanda nhasi vanodavira kuti Mwari haana hanya nezvinoitika kuvanhu. Asi sezvataona, Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti Mwari ane hanya zvikuru nevaya vanotenda zvechokwadi maari. Kunyange zvazvo upenyu hwanhasi hwakazara nezvinhu zvinoodza mwoyo, zvinetso, zvinhu zvinorwadza, hatifaniri kuora mwoyo. Jehovha ane hanya. Chokwadi, anototikoka norudo kuti titsvake kubatsirwa naye. Munyori wePisarema anoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, Iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”—Pisarema 55:22.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 29]
Magwaro Anosimbisa Kutenda Kwako Kuti Mwari Ane Hanya Newe
“Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 MAKORONIKE 16:9
“Isai misodzi yangu muhombodo yenyu. Haisi mubhuku renyu here?”—PISAREMA 56:8
“Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.”—PISAREMA 23:1
“Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.”—PISAREMA 65:2
“Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.”—JOBHO 14:15
“Iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VAHEBHERU 11:6
“Kanda mutoro wako pana Jehovha, Iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”—PISAREMA 55:22