“Pfekai Zvombo Zvechiedza”
“Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirase mabasa erima, [uye ngatipfekei zvombo zvechiedza, “NW”].” —VAROMA 13:12.
1, 2. VaJudha vazhinjisa vomuzana rokutanga ramakore vakagamuchira sei “chiedza chechokwadi,” uye ikoku pasinei hapo nebetseroi?
JESU KRISTU “chiedza chechokwadi chinopa chiedza kurudzi rwuri rwose rwomunhu.” (Johane 1:9, NW) Apo akauya saMesia muna 29 N.V., akauya kurudzi rwakanga rwasarudzwa naMwari kuva zvapupu Zvake uye urwo, nezita, rwakanga rwakazvitsaurira kuna Jehovha. (Isaya 43:10) Vazhinji vavaIsraeri vakanga vave vachimirira Mesia, uye chiverengero chakati chaiziva mamwe amauporofita aizomuzivisa. Uyezve, Jesu akaparidzira mumativi ose eParestina, achiita zviratidzo mukuona kwakazara kwavazhinji-zhinji. Mapoka akadirana kuzomunzwa uye akaororwa nezvaakaona nokunzwa.—Mateo 4:23-25; 7:28, 29; 9:32-36; Johane 7:31.
2 Pakupedzisira, kunyanguvezvo, voruzhinji vavaJudha vakaramba Jesu. Evhangeri yaJohane inoti: “Akauya kumusha wake amene, asi vanhu vake amene havana kumugamuchira.” (Johane 1:11, NW) Neiko ikoku kwakanga kwakadaro? Mhinduro kumubvunzo iwoyo ichatibetsera kudzivisa kudzokorora chikanganiso chavo. Ichatibetsera ku“bvisa mabasa erima uye . . . kupfeka zvombo zvechiedza,” nokudaro tichidzivisa rutongeso rwakaipa rwakafanana nourwo rwakatamburwa naIsraeri womuzana rokutanga ramakore.—VaRoma 13:12, NW; Ruka 19:43, 44.
Chishoro Chinobva Kuzviremera Zvorudzidziso
3. Munzirai umo vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakabvumikisa kuva “mapofu anotungamirira mapofu”?
3 Muna Israeri vatungamiriri vorudzidziso vakanga vachitungamirira mukuramba chiedza. Pasinei hapo nokuva vadzidzisi “vavadudziri vomurairo,” vakanga vaisa pavanhu tsika yemitemo iyo kazhinji kazhinji yaipokanidzana noMutemo waMwari. (Ruka 11:45, 46) Nokudaro, va‘kaita kuti Shoko raMwari rishaye simba negamuchidzanwa ravakapa.’ (Marko 7:13; Mateo 23:16, 23, 24) Vakanga vari “mapofu anotungamirira mapofu,” vachidzivisa chiedza kupenya.—Mateo 15:14.
4, 5. (a) VaFarise vakaita sei apo chiverengero chakati chavaJudha chakavamba kushamisika kana Jesu akanga ari Mesia? (b) Chimiroi chomwoyo chakaipa icho vaFarise vakaratidzira?
4 Pane imwe nhambo apo vaIsraeri vazhinji vakanga vachishamisika kana Jesu zvichida akanga ari Kristu, vaFarise vakashamiswa vakatumira vakuru vakuru kundomusunga. Vakuru vakuru vacho vakadzokera vasina munhu, vachiti: “Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” Vasingakendengi, vaFarise vakabvunza vakuru vakuru vacho, kuti: “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murairo, vakatukwa.” Nikodhimo, mutezo weSanihedrini, akaramba kuti kwakanga kusati kuri pamutemo kutonga munhu pamberi pokumunzwa. Nenzira youtsinye, vaFarise vakatendeukira kwaari ndokuti: “Ko newewo uri weGarirea here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, unobva Garirea.”—Johane 7:46-52.
5 Neiko vatungamiriri vorudzidziso murudzi rwakatsaurirwa kuna Mwari vakaita nenzira yakadaro? Nemhaka yokuti vakanga vatanga mugariro wakaipa womwoyo. (Mateo 12:34) Murangariro wavo wokuzvidza vanhu venhando wakaratidzira kuzvitutumadza kwavo. Kutaura kwavo kwokuti “kuvakuru nokuvaFarise kune mumwe wakatongotenda kwaari here” kwakaita kuti kufunga kworudado kwokuti Mesia aigona kuva wapachokwadi kana bedzi vakamutendera. Uyezve, vakanga vasina kutendeseka, vachiedza kuzvidza Jesu nemhaka yokuti akabva Garirea, apo nzvero yakapfava ingava yakazivisa kuti chaizvoizvo akaberekerwa muBhetrehema, nzvimbo yakaporofitwa yokuberekwa kwaMesia.—Mika 5:2; Mateo 2:1.
6, 7. (a) Vatungamiriri vorudzidziso vakaita sei kurumuko rwaRazaro? (b) Chii icho Jesu akataura kufumura rudo rwavatungamiriri vorudzidziso rwerima?
6 Chishoro chakaoma chaava vatungamiriri vorudzidziso kuchiedza chakaratidzwa nenzira inopwisa apo Jesu akamutsa Razaro. Kumunhu anotya Mwari, chiito chakadaro chingadai chakava chibvumikiso chokuti Jesu akanga ane tsigiro yaJehovha. Vatungamiriri vorudzidziso, zvisinei, vaigona bedzi kuona tyisidziro inobvira kunzvimbo yavo yakaropafadzwa. Ivo vakati: “Todiniko? nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.” (Johane 11:44, 47, 48) Naizvozvo vakarangana kuuraya vose vari vaviri Jesu naRazaro, zvichida vachikarira neiyi nzira kudzima chiedza.—Johane 11:53, 54; 12:9, 10.
7 Nokudaro, vatungamiriri ivavo vorudzidziso vorudzi rwaMwari vakadzingirwa kure nechiedza kupfurikidza nokuzvitutumadza, rudado, kusatendeseka kwezivo, uye fariro huru yomunhu oga. Nechokumugumo kwoushumiri hwake, Jesu akaratidzira mhaka yavo, achiti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda.”—Mateo 23:13.
Udyire Norudado
8. Ndizvinoitikai muNazareta zvakaratidzira chimiro chakaipa chomwoyo chavamwe vanhu imomo?
8 Kazhinji kazhinji, vanhu vechiJudha vezana rokutanga ramakore vakatevedzera vatungamiriri vavo vorudzidziso mukuramba chiedza nemhaka yechimiro chomwoyo chakaipa. Somuenzaniso, pane imwe nhambo Jesu akakokwa kuzotaura musinagoge muNazareta. Iye akarava uye akatsanangura chikamu chomuna Isaya, uye pakutanga, ungano yakamuteerera. Asi paakaita enzaniso dzenhau idzo dzakaratidzira udyire hwavo nokushaiwa kutenda, vakatsamwiswa uye vakaedza kumuuraya. (Ruka 4:16-30) Rudado, pakati pamamwe mavara akaipa, rwakavadzivisa kugamuchira chiedza zvakafanira.
9. Vavariro dzisina kururama dzeboka guru ravaGarirea dzakaratidzirwa sei?
9 Pane imwe nhambo, Jesu akadyisa nenzira yenenji boka guru parutivi peGungwa reGarirea. Zvapupu zveiri nenji zvakati: “Zvirokwazvo uyu muporofita, unouya panyika.” (Johane 6:10-14) Apo Jesu akaenda kune imwe nzvimbo nechikepe, boka rakamutevera. Jesu aiziva, zvisinei, kuti vavariro yavazhinji yakanga isati iri rudo rwechiedza. Iye akavaudza, kuti: “Hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.” (Johane 6:26) Akakurumidza kubvumikiswa kuva akarurama apo chiverengero chakanga chave chichimutevera chakadzokera shure kunyika. (Johane 6:66) Chimiro choudyire chokuti, “ndofireiko?” chakadzivisa chiedza chacho.
10. Voruzhinji vaVamarudzi vakaita sei kuchiedza?
10 Pashure porufu rwaJesu norumuko, vaJudha vanotenda vakapfuurira kuendesa chiedza kuvamwe vechiJudha, asi vashomanene vakagamuchira. Naizvozvo, muapostora Pauro navamwe, vaibatira se“chiedza chamarudzi,” vakaparadzira mashoko akanaka kudzimwe nyika. (Mabasa 13:44-47, NW) Vazhinji vakanga vasiri vaJudha vakagamuchira, asi chiito chavose chakava sokurondedzera kwakaita Pauro, kuti: “Isu tinoparidza Kristu akarovererwa, . . . [shoko riri] upenzi kumarudzi.” (1 VaKorinte 1:22, 23, NW) Vazhinjisa vasiri vaJudha vakaramba chiedza nemhaka yokuti vakanga vapofumadzwa nokutenda mashura kwechihedheni kana kuti nouzivi hwenyika.—Mabasa 14:8-13; 17:32; 19:23-28.
‘Vakadanwa Kubva Murima’
11, 12. Ndivanaani vakagamuchira chiedza muzana rokutanga ramakore, uye ndivanaani vanogamuchira nhasi?
11 Muzana rokutanga ramakore, pasinei hapo nokushaiwa kugamuchira kwavose, vazhinji vane mwoyo yakarurama ‘vakadanwa kubuda murima kuti vapinde muchiedza chinoshamisa chaMwari.’ (1 Petro 2:9) Nezvaivava muapostora Johane anonyora, kuti: “Asi vose vakamugamuchira [Kristu], wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake.” (Johane 1:12) Kutanga paPentekosta ya 33 N.V., ava vadi vechiedza vakabhapatidzwa nomudzimu mutsvene ndokuva vanakomana vaMwari vane tariro yokutonga naJesu muUmambo hwake hwokudenga.
12 Muzuva redu vokupedzisira vavanakomana vakazodzwa ivavo vaMwari vakaunganidzwa, uye vachizadzisa uporofita hwaDhanieri, “vanopenya sokupenya kwokudenga . . . , vachidzorera vazhinji kukururama.” (Dhanieri 12:3, NW) Vakarega chiedza chavo chichipenya kusvikira kutambanuko yakadaro zvokuti “mamwe makwai” anopfuura mamirioni mana akakweverwa kuzvokwadi uye anofarikanya chimiro chakarurama pamberi paMwari. (Johane 10:16) Ivavawo, vanoratidzira chiedza kupote nyika, zvokuti zvino chiedza ichocho chiri kupenya sezvisakamboitika nakare kose. Muzuva redu, somuzana ramakore rokutanga, “rima harina kuchikunda [chiedza].”—Johane 1:5.
‘Kuna Mwari Hakuna Rima’
13. Inyeveroi iyo muapostora Johane akatipa?
13 Zvisinei, hatitongofaniri kukanganwa nyevero yomuapostora Johane, yokuti: “Mwari chiedza, hamuna rima maari. Kana tichiti: ‘Tinoyana naye,’ tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi.” (1 Johane 1:5, 6) Nenzira yakajeka, kunobvirira maKristu kuita chikanganiso chakafanana sezvakaita vaJudha uye, nepo achiva zvapupu nezita zvaMwari, kubereka mabasa erima.
14, 15. Mabasai erima akazviratidzira amene muungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore, uye tinodzidzei muna ikoku?
14 Zvamazvirokwazvo, ikoku kwakaitika muzana rokutanga ramakore. Tinorava nezvamapoka akakomba muKorinte. (1 VaKorinte 1:10-17) Muapostora Johane aitofanira kunyevera maKristu akazodzwa kuti asavengane, uye Jakobho aitofanira kupa zano vamwe rokusada vapfumi kupfuura varombo. (Jakobho 2:2-4; 1 Johane 2:9, 10; 3 Johane 11, 12) Mukuwedzera, apo Jesu akanzvera ungano nomwe dzeAsia Minor, sezvinorondedzerwa mubhuku raZvakazarurwa, iye akashuma kupinda kwamabasa erima, kubatanidza kuwa pakutenda, kunamata zvidhori, utere, uye kudisa zvenyika. (Zvakazarurwa 2:4, 14, 15, 20-23; 3:1, 15-17) Mumazuva iwayo apakuvamba eungano yechiKristu, chiverengero chakati nokudaro chakanga charega chiedza, vamwe vachidzingwa uye vamwe vachingokukurikira ku“rima rokunze.”—Mateo 25:30; VaFiripi 3:18; VaHebheru 2:1; 2 Johane 8-11.
15 Mishumo iyi yose inobva muzana rokutanga ramakore inoratidza nzira dzakasiana-siana idzo rima renyika yaSatani rinogona kupinda nadzo mukufunga kwamaKristu mamwe namamwe kana kuti kunyange ungano dzose. Tinofanira kungwarira kuti chinhu chakadaro chisatongoitika kwatiri. Tinogona sei kuita izvozvo?
Hunhu Hutsva
16. Izanoi rine mufungo iro Pauro akapa kuvaEfeso?
16 Pauro akakurudzira vaEfeso kusatongovazve “murima mumurangariro, uye vakatsauka paupenyu hwaMwari.” Kuti vagorega kudzokera kurima iroro, vaifanira kusakurira zvimiro zvemwoyo yechiedza. Pauro akati: “Munofanira kubvisa hunhu hwekare hunowirirana neyaichimbova nzira yenyu yomufambiro iyo iri kushatiswa mukuwirirana nezvishuvo zvake zvinotsausa; asi . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinosimbaradza ndangariro yenyu, uye munofanira kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:18, 22-24.
17. Isu nhasi tinogona sei kudzivisa kutsvedzemuka tichidzokera shure murima?
17 Pauro pano anopa zano, sokunge zvakadaro, kuvhiya kukuru—kucheka rwaimbova rutivi rwedu, hunhu hwedu hwekare, uye kubvumira kukura kwomudzimu mutsva wakazara ‘kusunda ndangariro dzedu.’ Uye iye akanga achitaura kwete kuvanhu vakanga vachangobva kufarira asi kumaKristu akabhapatidzwa. Kuchinja kwohunhu hwedu hakugumiri parubhapatidzo. Muitiro unopfuurira. Kana tikarega kusakurira hunhu hutsva, sezvingabvira hwekare hunoonekazve, norudado rwahwo, kuzvitutumadza, uye udyire. (Genesi 8:21; VaRoma 7:21-25) Ikoku kungagona kutungamirira kukudzokera kumabasa erima.
“Kupfurikidza Nechiedza Chinobva Kwamuri Tinogona Kuona Chiedza”
18, 19. Jesu naPauro vakarondedzera sei nzira yokuziva nayo “vana vechiedza”?
18 Yeuka kuti kuwana kwedu upenyu husingagumi kunotsamira pakugamuchira kwedu rutongeso rwakanaka runobva kuna Mwari, ruri rutongeso rwakavakirwa pakuti tinoda zvikuru sei chiedza. Pashure pokunongedzera kuidi irori rapashure, Jesu akati: “Mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haauyi pachiedza kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. Asi unoita zvokwadi, unouya pachiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.”—Johane 3:19-21.
19 Pauro akatsigira uyu mufungo paakanyora kuvaEfeso, achiti: “Rambai muchifamba savana vechiedza, nokuti chibereko chechiedza chakaumbwa norudzi rwuri rwose rworunako nokururama nezvokwadi.” (VaEfeso 5:8, 9, NW) Naizvozvo mabasa edu anoratidza kana tiri vana vechiedza kana kuti verima. Asi mabasa akarurama anogona bedzi kubva mumwoyo wakanaka. Ndicho chikonzero nei tichifanira kungwarira mwoyo wedu, kuva tinoziva kudikanwa kwokuramba tichivandudza hunhu hwedu, kuva vanongwarira mudzimu unosunda ndangariro yedu.—Zvirevo 4:23.
20, 21. (a) Idenhoi chaiyo inotarisana navana vanoberekerwa mumhuri dzechiKristu? (b) Idenhoi inotarisana navana vose vavabereki vechiKristu?
20 Mune zvimwe zvinoitika, ikoku kwakabvumikisa kuva denho chaiyo nokuda kwavana vanoberekwa neZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha. Neiko? Eya, pane rumwe rutivi, vana vakadaro vanofarikanya chikomborero chinoshamisa. Kuziva zvokwadi kuvambira pahuduku hwapakuvamba zvikurusa kunoreva, chaizvoizvo, kuti munhu haatongodi kuwana zvakananga kuva murima renyika yaSatani. (2 Timotio 3:14, 15) Pane rumwe rutivi, vamwe vana vari muuyu mugariro vanorerutsa zvokwadi uye havatongodzidzi zvirokwazvo kuda chiedza. Iwoyu wakanga uri mugariro wavaJudha vazhinjisa vezana rokutanga ramakore. Vakakurira murudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, uye kusvikira kutambanuko yakati vakanga vane zivo yezvokwadi. Asi yakanga isati iri mumwoyo mavo.—Mateo 15:8, 9.
21 Vabereki vechiKristu vane mutoro pamberi paMwari wokurera vana vavo muchiedza. (Dheuteronomio 6:4-9; VaEfeso 6:4) Pakupedzisira, kunyanguvezvo, mwana wacho amene anofanira kusvika pakuda chiedza kupfuura rima. Anofanira kuita kuti chiedza chezvokwadi chive chake amene. Sezvaanokura, mamwe mativi enyika yaSatani angaratidzika kuva anokwezva. Mararamire amadiro kana kuti okusakendenga avaenzani vake angaratidzika kuva anofadza. Panikiro inodzidziswa mukirasi ingava inonyengera. Asi iye haatongofaniri kukanganwa kuti kunze kwechiedza, ‘rima rinofukidza pasi.’ (Isaya 60:2) Pakupedzisira, nyika ino yakasviba haina chinhu chakanaka chokupa.—1 Johane 2:15-17.
22. Jehovha zvino anokomborera sei avo vanouya kuchiedza, uye iye achavakomborera sei munguva yemberi?
22 Mambo Dhavhidhi akanyora, kuti: “Nokuti kwamuri [Jehovha] ndiko kune tsime roupenyu; muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu.” (Pisarema 36:9, 10) Avo vanoda chiedza vanosvika pakuziva Jehovha, uye ikoku kunogona kureva upenyu nokuda kwavo. (Johane 17:3) Mumutsa wake worudo, Jehovha anovatsigira zvino, uye apo dambudziko guru rinorova, iye achavapinza munyika itsva. Ikoku kunogona kuva chinoitika chedu kana tikadzivisa zvino rima renyika yaSatani. Munyika itsva, rudzi rwomunhu ruchadzorerwa kuupenyu hwakakwana muParadhiso. (Zvakazarurwa 21:3-5) Avo vanogamuchira rutongeso rwakanaka ipapo vachava nekariro yokufarikanya chiedza chaJehovha kwenguva yose ichauya. Ikariro ine mbiri zvakadini! Uye ikurudziro ine simba zvakadini zvino yo“kubvisa mabasa erima uye . . . kupfeka zvombo zvechiedza”!—VaRoma 13:12, NW.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko vaJudha vazhinjisa vezuva raJesu vakaramba chiedza?
◻ Chiedza chave chichipenya kusvikira patambanukoi munguva dzazvino uno?
◻ Inyeveroi pamusoro poudyire norudado idzo mienzaniso yomuzana rokutanga ramakore inogovera?
◻ Chii chinokosha kana tichizorambira muchiedza?
◻ Zvikomboreroi zvakachengeterwa vadi vechiedza?
[Mufananidzo uri papeji 14]
Voruzhinji vavaJudha vomuzuva raJesu havana kugamuchira chiedza
[Mifananidzo iri papeji 17]
Mumakumi amakore mitoo yakasiana-siana yakashandiswa kuita kuti chiedza chipenye mukuita vadzidzi
[Mufananidzo uri papeji 18]
“Munofanira kubvisa hunhu hwekare . . . uye munofanira kupfeka hunhu hutsva”