Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?
“Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni.”—MABASA 13:47.
1. Muapostora Pauro akapesvedzerwa sei nomurairo unonongedzerwa kwauri pana Mabasa 13:47?
“[JEHOVHA, NW] wakatiraira saizvozvo, achiti: ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika,’” akataura kudaro muapostora Pauro. (Mabasa 13:47) Haana kungotaura kudaro bedzi asi akazivawo ukombi hwako. Pashure pokuva muKristu, Pauro akapa upenyu hwake kukuitwa kwomurairo iwoyo. (Mabasa 26:14-20) Murairo iwoyo wakaiswawo patiri here? Kana zvakadaro, nei uchikosha muzuva redu?
Apo ‘Zviedza Zvakadzimira’ Rudzi Rwomunhu
2. (a) Sezvo nyika yakapinda munguva yayo yomugumo, chii chakaitika chakatapura zvikuru mugariro wayo womudzimu uye wetsika? (b) Mukuru wehurumende yeBritain akaita sei kune zvaakaona zvichiitika muna August 1914?
2 Vanhu vazhinjisa vari vapenyu nhasi vasati vaberekwa, nyika ino yakapinda munguva yayo yomugumo. Zvinoitika zvikuru zvakaitika munhevedzano inokurumidza. Satani Dhiabhorosi, mutsigiri mukuru werima romudzimu uye retsika, akakandirwa kupasi. (VaEfeso 6:12; Zvakazarurwa 12:7-12) Rudzi rwomunhu rwakanga rwatopinzwa muhondo yarwo yenyika yokutanga. Pakuvamba muna August 1914, apo hondo yakaratidzika kuva yechokwadi, Changamire Edward Grey, munyori wezvinoitika zvokumwe wehurumende yeBritain, akamira pafafitera rehofisi yake muLondon ndokuti: “Marambi ari kudzima muEurope yose; hatisati tichizoaona akabatidzwazve munduramo yedu.”
3. Ibudiriroi vatungamiriri venyika vakava nayo mukuedza kujekesa chitarisiko chorudzi rwomunhu?
3 Munhamburiko yokuita kuti zviedza izvozvo zvibakezve, Chinzwano chaMarudzi chakaitwa kuti chishande muna 1920. Asi zviedza zvakadokuva zvisingan’aimi. Pakuguma kwehondo yenyika yechipiri, vatungamiriri venyika vakaedzazve, nguva ino nesangano reChibatanwa chaMarudzi. Zvakare, zviedza hazvina kubvira zvakajeka. Mukurangarira zvinoitika zvemisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, zvisinei, vatungamiriri venyika vave vachitaura pamusoro pe“nhevedzo yenyika itsva.” Asi hakutongogoni kutaurwa kuti “nyika itsva” ipi neipi yavanoita yakagovera rugare rwechokwadi nechengeteko. Mukupesana, rwisano nezvombo, gakava ramadzinza, utsotsi, kushaikwa kwamabasa, urombo, shatiswo yemhoteredzo, uye zvirwere zvose zvinopfuurira kushatisa kufarikanya upenyu kwavanhu.
4, 5. (a) Rima rakava pamusoro pemhuri yohunhu rini uye sei? (b) Chii chiri madikanwa nokuda kwokugovera rusununguko?
4 Chaizvoizvo, kakanga kari kare pamberi pa 1914 apo zviedza zvakadzimira rudzi rwomunhu. Ikoko kwakaitika makore 6 000 akapfuura muEdheni, apo vabereki vedu vohunhu vokutanga vakasarudza kuita zvisarudzo zvavo vamene vasingarangariri kuda kwaMwari kwakataurwa. Zvinoitika zvakakomba zvorudzi rwomunhu chifo chaipapo zvinongova nhevedzanowo zvadzo pasi peizvo Bhaibheri rinonongedzera kwazviri se“simba rerima.” (VaKorose 1:13) Munhu wokutanga, Adhama, akapinza nyika muchivi mupesvedzero yaSatani Dhiabhorosi; uye kubva kuna Adhama chivi norufu zvakapararira kurudzi rwose rwomunhu. (Genesi 3:1-6; VaRoma 5:12) Rudzi rwomunhu nokudaro rwakarasikirwa netendero yaJehovha, Manyuko echiedza neoupenyu.—Pisarema 36:9.
5 Nzira bedzi iyo chiedza chaigona zvakare kupenyeswa nayo nokuda kwoupi noupi worudzi rwomunhu yaizova kana vakawana tendero yaJehovha Mwari, Musiki worudzi rwomunhu. Ipapo, “chifukidziro chinofukidzira vanhu vose,” shurikidzo nemhaka yechivi, chaigona kubviswa. Ikoku kwaizova kunobvira sei?—Isaya 25:7.
Uyo Akapiwa “seChiedza chaMarudzi”
6. Ikariroi huru Jehovha akaita kuti dzitibvirire kupfurikidza naJesu Kristu?
6 Kunyange Adhama naEvha vasati vadzingwa muParadhiso, Jehovha akadeya kutaura “mbeu” iyo yaizova mununuri wavadi vokururama. (Genesi 3:15, NW) Pashure pokuberekwa kwohunhu kweMbeu iyoyo yakapikirwa, Jehovha akaparira Simeoni akwegura, patembere muJerusarema, kuzivisa iyeyo se“chiedza chokuvhenekera vahedheni.” (Ruka 2:29-32) Kupfurikidza nokutenda muchibairo choupenyu hwohunhu hwakakwana hwaJesu, vanhu vaigona kubvisirwa shurikidzo inobva muchivi chokuberekwa nacho. (Johane 3:36) Mutsinhirano nokuda kwaJehovha, vaigona zvino kukarira upenyu husingagumi mukukwana sorutivi rwoUmambo hwokudenga kana kuti savadzorwi vahwo paparadhiso yapasi. Iyoyo igadziriro inoshamisa zvakadini!
7. Neiko zvose zviri zviviri zvipikirwa zviri pana Isaya 42:1-4 uye zadziko yazvo yomuzana rokutanga ramakore zvichitizadza netariro?
7 Jesu Kristu amene ndiye vimbiso yezadziko yeidzi kariro huru. Mukuwirirana nokuporesa kwaJesu vanhu vanotambudzika, muapostora Mateo akashandisira kwaari zvakanyorwa pana Isaya 42:1-4. Rugwaro irworwo runoti, murutivi: “Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu unofadza mweya wangu. Ndakaisa [mudzimu, NW] wangu pamusoro pake, uchavigira marudzi kururamisirwa.” Uye handizvo izvo vanhu vamarudzi ose vanoda here? Uporofita hwacho hunopfuurira, kuti: “Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi.” Mutsinhirano naikoku, Jesu haana kubata nenzira yehasha vanhu vakanga vachitotambudzika. Akaratidza tsitsi nokuda kwavo, akavadzidzisa pamusoro pamadonzo aJehovha, uye akavaporesa.—Mateo 12:15-21.
8. Jesu akapiwa naJehovha se“sungano yavanhu” uye “chiedza chamarudzi” mupfungwai?
8 Mupi wouporofita uhu anotaura iye amene kuMubatiri wake, kuna Jesu, uye anoti: “Ini Jehovha ndakakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uve chiedza chamarudzi; usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.” (Isaya 42:6, 7) Hungu, Jehovha akapa Jesu Kristu sesungano, sevimbiso yemhiko yakakomba. Kunokurudzira sei ikoko! Jesu akaratidza itiro hanya yechokwadi nokuda kworudzi rwomunhu apo aiva pasi pano; akatopa upenyu hwake nokuda kworudzi rwomunhu. Uyu ndiye uyo kwaari Jehovha akaronzesa ubati ushe pamusoro pamarudzi ose. Hakushamisi kuti Jehovha akanongedzera kwaari sechiedza chamarudzi. Jesu amene akati: “Ndini chiedza chenyika.”—Johane 8:12.
9. Neiko Jesu asina kuzvipa amene kuti avandudze tsika yezvinhu yaivapo panguva iyeyo?
9 Jesu akabatira sechiedza chenyika nokuda kwedonzoi? Zvamazvirokwazvo kwakanga kusati kuri nokuda kwedonzo rokunyika ripi neripi kana kuti rokudisa zvenyika. Iye akaramba kuedza kururamisa sangano rezvamatongerwe enyika raivapo panguva iyeyo uye haana kugamuchira umambo zvimwe kuna Satani, mutongi wenyika, kana kuti kuvanhu. (Ruka 4:5-8; Johane 6:15; 14:30) Jesu akaratidza tsitsi huru nokuda kwaavo vaitambudzwa uye akavasunungura munzira idzo vamwe vaisagona. Asi aiziva kuti rusununguko rwechigarire rwaisagona kuwanwa mukati megadziriro yechaunga chavanhu chaiva mushurikidzo youmwari nemhaka yechivi chokuberekwa nacho uye chakanga chichishandiswa namasimba omudzimu wakaipa usingaoneki. Nenzwisiso youmwari, Jesu akanangidzira upenyu hwake hwose pakuitwa kwokuda kwaMwari.—VaHebheru 10:7.
10. Jesu akabatira sechiedza chenyika munzirai uye nokuda kwedonzoi?
10 Ipapoka, Jesu akabatira sechiedza chenyika munzirai uye nokuda kwedonzoi? Akazvipa amene kukuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43; Johane 18:37) Kupfurikidza nokupupurira zvokwadi pamusoro pedonzo raJehovha, Jesu akapawo mbiri zita raBaba vake vokudenga. (Johane 17:4, 6) Mukuwedzera, sechiedza chenyika, Jesu akaisa pachena nhema dzorudzidziso uye nokudaro akagovera rusununguko rwomudzimu nokuda kwaavo vakabatwa muusungwa hworudzidziso. Akafumura Satani somudzori asingaoneki waavo vanozvibvumira vamene kushandiswa naye. Jesu akazivisawo zvakajeka mabasa erima. (Mateo 15:3-9; Johane 3:19-21; 8:44) Nenzira yakatanhamara, akabvumikisa kuva chiedza chenyika kupfurikidza nokuvanzarika upenyu hwake hwakakwana hwohunhu sorudzikinuro, nokudaro achizarurira nzira avo vanoshandisa kutenda mune iyi gadziriro yokuva nekanganwirwo yezvivi, ukama hunotenderwa naMwari, uye kariro youpenyu husingagumi sorutivi rwemhuri yaJehovha yapose pose. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Uye pakupedzisira, kupfurikidza nokuchengeta kuzvipira kwoumwari kwakakwana muupenyu hwake hwose, Jesu akatsigira uchangamire hwaJehovha uye akabvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema, nokudaro achiita kuti betsero dzisingagumi dzibvirire vadi vokururama. Asi Jesu ndiye bedzi aizova mutakuri wechiedza here?
“Imi Muri Chiedza Chenyika”
11. Kuti vagova vatakuri vechiedza, vadzidzi vaJesu vaifanira kuitei?
11 Pana Mateo 5:14, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Imi muri chiedza chenyika.” Vaifanira kutevera mutsoka dzake. Zvose zviri zviviri kupfurikidza namararamire avo uye kupfurikidza nokuparidzira kwavo, vaifanira kunangidzira vamwe kuna Jehovha saManyuko evhenekero yechokwadi. Mukutevedzera Jesu, vaifanira kuzivisa zita raJehovha uye kutsigira uchangamire Hwake. Seizvo Jesu akaita, naizvozvo vaifanira kuzivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu. Vaifanirawo kufumura nhema dzorudzidziso, mabasa ari erima, uye wakaipa ari seri kwezvinhu izvozvi. Vateveri vaKristu vaifanira kuudza vanhu kunzvimbo iri yose pamusoro pegadziriro yorudo yaJehovha yoruponeso kupfurikidza naJesu Kristu. MaKristu apakuvamba akaita mugove iwoyo norushingairo rwakadini, achitanga kutanga muJerusarema neJudhea uye ipapo achipinda muSamaria, sokuraira kwakanga kwaita Jesu!—Mabasa 1:8.
12. (a) Chiedza chomudzimu chaizosvika kutambanukoi? (b) Mudzimu waJehovha wakagonesa Pauro kunzwisisei pamusoro paIsaya 42:6, uye uporofita ihwohwo hunofanira kutapura sei upenyu hwedu?
12 Zvisinei, kuparidzira mashoko akanaka kwakanga kusingafaniri kuganhurirwa kumunda iwoyo. Jesu akarairidza vateveri vake ku“ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.” (Mateo 28:19, NW) Panguva yokutendeuka kwaSauro weTarso, Ishe akaratidza nenzira yakananga kuti Sauro (uyo akava muapostora Pauro) aifanira kuparidzira kwete bedzi kuvaJudha asiwo kuVamarudzi. (Mabasa 9:15) Nebetsero yomudzimu mutsvene, Pauro akasvika pakunzwisisa chaibatanidza ikoko. Nokudaro, akanzwisisa kuti uporofita huri pana Isaya 42:6, hunozadzikwa zvakananga muna Jesu Kristu, murairo unoshandiswawo kuvose vanoshandisa kutenda muna Kristu. Naizvozvo, pana Mabasa 13:47, apo iye akanokora mashoko muna Isaya, Pauro akati: “Nokuti [Jehovha, NW] wakatiraira saizvozvo, achiti: ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’” Zvakadiniko newe? Wati wafunga zvakakomba musengwa iwoyo wokuva mutakuri wechiedza here? Kufanana naJesu naPauro, unonangidzira upenyu hwako pakuita kuda kwaMwari here?
Chiedza Nezvokwadi Zvinobva Kuna Mwari kuti Zvititungamirire
13. Mutsinhirano nePisarema 43:3, chii chiri munyengetero wedu wechokwadi, uye ikoku kunotidzivirira pachii?
13 Kana kupfurikidza namazano edu timene taizoedza ku‘ita kuti zviedza zvibakezve,’ kujekesa nguva yemberi yorudzi rwomunhu, taizova tiri kupotsa zvakakomba pfundo reShoko raMwari rakafuridzirwa. Pasinei zvapo neizvo nyika yose zvayo inoita, zvisinei, maKristu echokwadi anotarisa kuna Jehovha saManyuko echokwadi echiedza. Munyengetero wawo wakafanana nouyo wakanyorwa paPisarema 43:3, uyo unoti: “Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire; zvindisvitse kugomo renyu dzvene, nokutabhenakeri dzenyu.”
14, 15. (a) Jehovha zvino ari kubudisa chiedza chake nezvokwadi munzirai? (b) Tinogona sei kuratidza kuti chiedza chaMwari nezvokwadi zvinotitungamirira chaizvoizvo?
14 Jehovha anopfuurira kupindura munyengetero iwoyo wavabatiri vake vakavimbika. Iye anobudisa chiedza kupfurikidza nokuzivisa donzo rake, kupfurikidza nokugonesa vabatiri vake kurinzwisisa, uye ipapo kupfurikidza nokuzadzika zvaakazivisa. Apo tinonyengetera kuna Mwari, hausati uchingova hawo muitiro, unoitwa kungopa chitarisiko choutsvene. Chishuvo chedu chechokwadi ndechokuti chiedza chinobva kuna Jehovha chichatitungamirira, sezvinotaura pisarema. Tinogamuchira mutoro unofambidzana nokugamuchira chiedza icho Mwari anogovera. Kufanana nomuapostora Pauro, tinonzwisisa kuti kuzadzika kweShoko raJehovha kune murairo unoshandiswa kuna vose vanoshandisa kutenda mauri. Tinonzwa takafanana navakwereti kuna vamwe vanhu kusvikira tavapa mashoko akanaka ayo Mwari akaronzesa kwatiri nokuda kwedonzo iroro.—VaRoma 1:14, 15.
15 Chiedza nezvokwadi izvo Jehovha akatumira muzuva redu zvinoratidza kuti Jesu Kristu ari kutonga nenzira yokushingaira ari pachigaro chake choumambo chokudenga. (Pisarema 2:6-8; Zvakazarurwa 11:15) Jesu akadeya kutaura kuti mukati mokuvapo kwake kwoumambo, aya mashoko akanaka oUmambo aizoparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu. (Mateo 24:3, 14) Basa iroro riri kuitwa zvino, uye saizvozvo zvikuru, kupote nyika yose. Kana tiri kuita basa iroro chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwedu, ipapo chiedza chaMwari nezvokwadi zviri kutitungamirira, seizvo wezvamapisarema akataura.
Mbiri Imene yaJehovha Yakapenya
16, 17. Jehovha akaita sei kuti mbiri yake ipenye pasangano rake rakafanana nomukadzi muna 1914, uye murairoi waakaripa?
16 Mumutauro unonyandura, Magwaro anorondedzera mutoo uyo chiedza choumwari chiri kuparadzirwa nawo kuvanhu kunzvimbo iri yose. Isaya 60:1-3, iyo inotaurwa ku“mukadzi” waJehovha, kana kuti sangano rake rokudenga ravabatiri vakavimbika, inoti: “Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.”
17 Mbiri yaJehovha yakapenya pasangano rake rokudenga rakafanana nomukadzi mugore ra 1914 apo, pashure penguva refu yokumirira, rakabereka Umambo hwoUmesia, naJesu Kristu saMambo. (Zvakazarurwa 12:1-5) Chiedza chine mbiri chaJehovha chinopenya netendero pahurumende iyoyo seine maruramiro nokuda kwapasi rose.
18. (a) Neiko rima richifukidza nyika, sezvakadeya kutaurwa pana Isaya 60:2? (b) Vanhu vamwe navamwe vanogona sei kununurwa murima rapasi?
18 Mukupesana, rima rinofukidza nyika nerima guru mapoka amarudzi. Neiko? Nemhaka yokuti marudzi anoramba hurumende yoMwanakomana anodiwa waMwari achida utongi hwohunhu. Anofunga kuti kupfurikidza nokubvisa chimiro chimwe chehurumende yohunhu uye kugamuchira chimwe, achapedza zvinetso zvawo. Asi ikoku hakusati kuchiunza rusununguko rwaanokarira. Anokundikana kuona ari seri kwezvinoitika achidzora marudzi ari munzvimbo yomudzimu. (2 VaKorinte 4:4) Anoramba Manyuko echiedza chechokwadi uye naizvozvo ari murima. (VaEfeso 6:12) Pasinei zvapo nezvinoita marudzi, zvisinei, vanhu vamwe navamwe vanogona kununurwa murima iroro. Munzirai? Kupfurikidza nokuisa kutenda kwakazara muUmambo hwaMwari uye kuzviisa pasi pahwo.
19, 20. (a) Nei mbiri yaJehovha yakapenya pavateveri vakazodzwa vaJesu uye sei? (b) Jehovha akaita vakazodzwa vake vatakuri vechiedza nokuda kwechikonzeroi? (c) Sezvakadeya kutaurwa, “madzimambo” uye “marudzi” vakakweverwa sei kuchiedza chakapiwa naMwari?
19 ChiKristudhomu hachina kuisa kutenda muUmambo hwaMwari uye hachina kuzviisa pasi pahwo. Asi vateveri vakazodzwa nomudzimu vaJesu Kristu vakadaro. Somuuyo, chiedza chaJehovha chetendero youmwari chakapenya pavamiriri ivava vanooneka vomukadzi wake wokudenga, uye mbiri yake yakava inoratidzwa pavari. (Isaya 60:19-21) Vanofarikanya chiedza chomudzimu icho chisina chinjo mumugariro wezvamatongerwe enyika wenyika kana kuti wezvemari inogona kubvisa. Vakawana rununuro rwaJehovha muBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4) Vanofarikanya nyemwerero yake yetendero nemhaka yokuti vakagamuchira chirango chake uye vakatsigira nenzira yokuvimbika uchangamire hwake. Vane kariro dzakajeka nokuda kwenguva yemberi, uye vanofarira tariro yaakaisa pamberi pavo.
20 Asi Jehovha akabata navo neiyi nzira nokuda kwedonzoi? Seizvo iye amene akataura pana Isaya 60:21, kwakadaro kuti anga“kudzwe,” kuti zita rake riremekedzwe uye vamwe vagokweverwa kwaari saMwari wechokwadi bedzi—uye ikoko nebetsero inogarisa kwavari vamene. Mukuwirirana naikoku, muna 1931 ava vanamati vaMwari wechokwadi vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Somuuyo wokupupurira kwavo, “madzimambo” akakweverwa kuchiedza chavakaratidzira here, sokudeya kutaura kwakaita Isaya? Hungu! Kwete vatongi vezvamatongerwe enyika vapasi, asi chiverengero chavakasarira vaavo vari mumutsara wokutonga samadzimambo naKristu muUmambo hwake hwokudenga. (Zvakazarurwa 1:5, 6; 21:24) Uye zvakadiniko na“marudzi”? Vakakweverwa kuichi chiedza here? Zvamazvirokwazvo akanzarwo! Hapana rudzi rumwe rwezvamatongerwe enyika rwakakweverwa, asi boka guru ravanhu vanobva mumarudzi ose vakatsigira Umambo hwaMwari, uye vanokarira nokudisa rununuro ndokupinda munyika itsva yaMwari. Ichava zvamazvirokwazvo nyika itsva umo kururama kuchatekeshera.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:9, 10.
21. Tinogona kuratidza sei kuti hatina kupotsa donzo romutsa usakafanirwa waJehovha mukutipa nzwisiso yokuda kwake?
21 Uri mumwe weboka iroro rinokura ravatakuri vechiedza here? Jehovha akatipa kunzwisiswa kwokuda kwake kuti isu, kufanana naJesu, tigogona kuva vatakuri vechiedza. Kupfurikidza nokuratidzira shingairo mubasa iro Jehovha akaronzesa kuvabatiri vake muzuva redu, isu tose ngatiratidze kuti hatina kupotsa donzo romutsa usakafanirwa uyo Mwari akatambanudzira kwatiri. (2 VaKorinte 6:1, 2) Hapana basa rinokosha zvikuru muzuva redu kupfuura irori. Uye hakuna ropafadzo yakakura zvikuru inogona kuva yedu kupfuura kurumbidza Jehovha kupfurikidza nokuratidza kuna vamwe chiedza chine mbiri chinobva kwaari.
Waizopindura Sei?
◻ Zvii zviri zvisakiso zvikuru zvezvinetso zvakakomba zvorudzi rwomunhu?
◻ Vose vari vaviri Jesu navateveri vake “zviedza zvenyika” munzirai?
◻ Chiedza nezvokwadi zvaJehovha zviri kutitungamirira sei?
◻ Jehovha akaparira sei mbiri yake kupenya pasangano rake?
◻ Jehovha akaita vanhu vake vatakuri vechiedza nokuda kwedonzoi?
[Mifananidzo iri papeji 9]
Chinoitika muEdheni chinotibetsera kunzwisisa zvinetso zvakakomba zvorudzi rwomunhu nhasi
[Kwazvakatorwa]
Tom Haley/Sipa
Paringaux/Sipa