Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
“Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”—JOHANE 8:32, NW.
1, 2. (a) Rusununguko rwakasimbiswa sei munhau yomunhu? (b) Ndiani oga akasununguka zvirokwazvo? Tsanangura.
RUSUNUNGUKO. Iroro ishoko rine simba zvakadini! Rudzi rwomunhu rwakatsungirira hondo dzisingaverengeki uye kumukira pamwe chete nenyongano yenzanga huru nemhaka yechishuvo chavanhu chokuva vakasununguka. Zvamazvirokwazvo, The Encyclopedia Americana inoti: ‘Mukuchinja kwepepuko, hakuna pfungwa yakaita rutivi runokosha zvikuru kupfuura sununguko.’
2 Kunyanguvezvo, vanhu vangani vakasununguka chaizvoizvo? Vangani vanomboziva chiri rusununguko? The World Book Encyclopedia inoti: “Kuti vanhu vave norusununguko rwakakwana, panofanira kusava neganhuriro panzira yavanofunga nayo, kutaura, kana kuti kuita. Vanofanira kuziva zviri zvisarudzo zvavo, uye vanofanira kuva nesimba rokusarudza pakati pezvisarudzo izvozvo.” Nemhaka yaikoku, unoziva here munhu upi noupi akasununguka zvirokwazvo? Ndivanaani vanogona kutaura kuti “havana ganhuriro panzira yavanofunga nayo, kutaura, kana kuti kuita”? Chokwadi, munhu mumwe bedzi muchisiko chose chapose pose anokodzera rondedzero iyoyo—Jehovha Mwari. Iye oga ane rusununguko rwakakwana. Iye bedzi anogona kuita chisarudzo chipi nechipi chaanoda uye ipapo kuchiita pasinei zvapo nechishoro chose. Iye ndiye “Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 1:8; Isaya 55:11.
3. Vanhu vanowanzofarikanya rusununguko pamugariroi?
3 Nokuda kwavanhu vakaderera, rusununguko runogona bedzi kuva rune mwero. Runowanzopiwa kana kuti kuvimbiswa nechiremera chakati uye rune chokuita nokuzviisa kwedu pasi pechiremera ichocho. Zvamazvirokwazvo, muchinenge chinoitika chiri chose, munhu anogona bedzi kuva akasununguka kana akaziva chiremera chomuvimbisi worusununguko rwake. Somuenzaniso, vanhu vanogara mu“nyika yakasununguka” vanofarikanya betsero dzakawanda, zvakadai sorusununguko rwokufamba, rusununguko rwokutaura, uye rusununguko rworudzidziso. Chii chinovimbisa urwu rusununguko? Mutemo wenyika. Munhu anogona bedzi kurufarikanya chero bedzi achiteerera mutemo. Kana akashatisa rusununguko rwake ndokuputsa mutemo, iye anoitwa kuti azvidavirire nezviremera, uye rusununguko rwake rungadziviswa zvikuru netongero yetorongo.—VaRoma 13:1-4.
Rusununguko Rwoumwari—Rune Kuzvidavirira
4, 5. Vanamati vaJehovha vanofarikanya rusunungukoi, uye iye achaita kuti vazvidavirire nokuda kwechii?
4 Muzana rokutanga ramakore, Jesu akataura pamusoro porusununguko. Iye akati kuvaJudha: “Kana mukarambira mushoko rangu, imi chaizvoizvo muri vadzidzi vangu, uye muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:31, 32, NW) Iye akanga asati achitaura nezverusununguko rwokutaura kana kuti rusununguko rworudzidziso. Iye zvamazvirokwazvo akanga asiri kutaura nezvokusunungurwa mudzvinyiriro yeRoma, uko vaJudha vakawanda vaishuva. Aiwa, ichi chakanga chiri chimwe chinhu chinokosha zvikuru, rusununguko runopiwa, kwete nemitemo yavanhu kana kuti chishuvo chomutongi akati wohunhu, asi naChangamire mukurusa wechisiko chapose pose, Jehovha. Rwakanga rwuri rusununguko mukudavira mashura, rusununguko mukusaziva kworudzidziso, uye zvimwe zvakawanda zvikuru. Rusununguko runopiwa naJehovha rusununguko chairwoirwo, uye ruchapfuurira mukusingagumi mose.
5 Muapostora Pauro akati: “Jehovha Mudzimu; uye pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17, NW) Kwamazana amakore Jehovha ave achibata norudzi rwomunhu kuti vakatendeka vagofarikanya pakupedzisira rudzi rworusununguko rwakanaka zvikurusa norwakakura zvikurusa rwohunhu, “rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21, NW) Munguvayi, Jehovha anotipa mwero wakati worusununguko kupfurikidza nezvokwadi yeBhaibheri, uye anoita kuti tizvidavirire kana tikashatisa rusununguko irworwo. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.
6-8. (a) Rusunungukoi Adhama naEvha vakafarikanya, uye pamugariroi pavaigona kuchengeta rusununguko irworwo? (b) Chii icho Adhama naEvha vakarasikirwa nacho nokuda kwavo vamene uye vana vavo?
6 Kuzvidavirira kuna Jehovha kwakasimbiswa apo vabereki vedu vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, vakanga vari vapenyu. Jehovha akavasika vane chipo chinokosha chokuzvisarudzira. Chero bedzi vakashandisa kuzvisarudzira ikoko nenzira ine mufungo, vakafarikanya zvimwe zvikomborero, zvakadai sorusununguko mukutya, rusununguko mukurwara, rusununguko murufu, uye rusununguko rwokusvika Baba vavo vokudenga nehana yakachena. Asi apo vakashatisa kuzvisarudzira kwavo, kwose ikoko kwakachinja.
7 Jehovha akaisa Adhama naEvha mubindu reEdheni, uye nokuda kwokufarikanya kwavo akavapa muchero womuti uri wose webindu—kunze kwomumwe. Iwoyo akazvichengetera amene; wakanga uri “muti wokuziva chakanaka nechakashata.” (Genesi 2:16, 17, NW) Kupfurikidza nokurega kudya muchero womuti iwoyo, Adhama naEvha vaizobvuma kuti Jehovha bedzi akanga akasununguka kugadza mupimo wechiri chakanaka nechakashata. Kudai vakaita nenzira ine mufungo ndokurega kudya muchero wakarambidzwa, Jehovha aizopfuurira kuva nechokwadi chorumwe rusununguko rwavo.
8 Nenzira inosuruvarisa, Evha akateerera chikarakadzo chamanomano cheNyoka chokuti aifanira ‘kuziva chakanaka nechakashata’ nokuda kwake amene. (Genesi 3:1-5) Kutanga iye, uye ipapo Adhama, vakadya muchero wakarambidzwa. Somuuyo, apo Jehovha Mwari akauya kuzotaura navo mubindu reEdheni, vakanyara uye vakazvivanza vamene. (Genesi 3:8, 9) Ivo zvino vakanga vava vatadzi vakanga varasikirwa nepfungwa yorusununguko rwokusvika kuna Mwari urwo rwakabva muhana yakachena. Nemhaka yaikoku, ivo vakarasikirwawo norusununguko muchirwere norufu, nokuda kwavose vari vaviri ivo vamene navana vavo. Pauro akati: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12, NW; Genesi 3:16, 19.
9. Ndivanaani vanozivikanwa savakashandisa zvakanaka mwero worusununguko rwavakafarikanya?
9 Kunyanguvezvo, rudzi rwomunhu rwakanga ruchiri kuzvisarudzira, uye pashure penguva yakati, vamwe vanhu vasina kukwana vakashandisa ikoku nenzira ine mufungo kubatira Jehovha. Mazita avamwe vavo akachengetwa nokuda kwedu kubvira kare. Varume vakadai saAbheri, Enoki, Noa, Abrahama, Isaka, uye Jakobho (anonziwo Israeri) mienzaniso yavanhu vakashandisa mwero worusununguko rwavaingofarikanya rwokuita kuda kwaMwari. Uye zvakava zvakanaka kwavari somuuyo.—VaHebheru 11:4-21.
Rusununguko Rworudzi Rwakasarudzwa rwaMwari
10. Ndeipi yaiva migariro yesungano iyo Jehovha akaita norudzi rwake chairwo?
10 Mumazuva aMosesi, Jehovha akasunungura vanakomana vaIsraeri—vaisvika mumamirioni panguva iyeyo—muuranda muEgipita uye akaita sungano navo nomutoo iwoyo vakava rudzi rwake chairwo. Muiyi sungano, vaIsraeri vaiva nouprista nomuitiro wezvibairo zvemhuka izvo zvakafukidza zvivi zvavo munzira yokufananidzira. Nokudaro, vaiva norusununguko rwokusvika Mwari mukunamata. Ivo vaivawo nemitemo nemirairo zvokuvachengeta vakasununguka mumiitiro yokudavira mashura nokunamata kwenhema. Gare gare, vaizogamuchira Nyika Yakapikirwa senhaka, nevimbiso yebetsero youmwari mukurwisana navavengi vavo. Rutivi rwavo rwesungano rwaisungira vaIsraeri kuchengeta Mutemo waJehovha. VaIsraeri vakagamuchira nokudisa uyu mugariro, vachiti: “Zvose zvataurwa naJehovha tinodisa kuita.”—Eksodho 19:3-8, NW; Dheuteronomio 11:22-25.
11. Chii chakava muuyo apo Israeri akakundikana kuchengeta rutivi rwake rwesungano yaakaita naJehovha?
11 Kwaanopfuura makore 1 500, vaIsraeri vakanga vari muukama ihwohwo chaihwo naJehovha. Asi nguva nenguva vakakundikana kuchengeta sungano yacho. Vakanyengerwa vanyengerwazve nokunamata kwenhema ndokupinda muusungwa kukunamata zvidhori nokudavira mashura, naizvozvo Mwari akavabvumidza kuiswa muuranda navavengi vavo nenzira yokunyama. (Vatongi 2:11-19) Panzvimbo pokufarikanya zvikomborero zvinosunungura izvo zvakabva mukuchengeta sungano, ivo vakarangwa nemhaka yokuidarika. (Dheuteronomio 28:1, 2, 15) Pakupedzisira, muna 607 P.N.V., Jehovha akabvumira rudzi rwacho kuiswa muuranda muBhabhironi.—2 Makoronike 36:15-21.
12. Chii chakava pachena pakupedzisira pamusoro pesungano yoMutemo waMosesi?
12 Ichochi chakanga chiri chidzidzo chakaoma. Vaifanira kuve vakadzidza machiri kukosha kwokuchengeta Mutemo. Kunyanguvezvo, apo, pashure pamakore 70, vaIsraeri vakadzokera kunyika yavo vamene, vakakundikanazve kuchengeta sungano yoMutemo zvakafanira. Anenge makore ane zana pashure pokudzokera kwavo, Jehovha akati kuvaprista vaIsraeri: “Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurairo; makasvibisa sungano yaRevhi.” (Maraki 2:8) Zvamazvirokwazvo, kunyange vapachokwadi zvikurusa pakati pavaIsraeri vaisagona kuwirirana noMutemo wakakwana. Panzvimbo pokuva chikomborero, wakava, mumashoko omuapostora Pauro, “chituko.” (VaGaratia 3:13, NW) Nenzira yakajeka, chimwe chinhu chinopfuura sungano yoMutemo waMosesi chaidikanwa kuunza vanhu vasina kukwana, vakatendeka kurusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.
Rudzi Rworusununguko rwechiKristu
13. Hwaroi huri nani hworusununguko hwakagoverwa pakupedzisira?
13 Chimwe chinhuzve ichocho chakanga chiri chibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Munenge mugore ra 50 N.V., Pauro akanyorera ungano yamaKristu akazodzwa omuGaratia. Iye akarondedzera nzira iyo Jehovha akanga avasunungura nayo muuranda kusungano yoMutemo uye ipapo akati: “Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.” (VaGaratia 5:1) Jesu akasunungura vanhu munzirai?
14, 15. Munzirai dzinoshamisa umo Jesu akasunungura vaJudha navaisava vaJudha vanotenda?
14 Pashure porufu rwaJesu, vaJudha avo vakamugamuchira saMesia ndokuva vadzidzi vake vakapinda musungano itsva, iyo yakatsiva sungano yoMutemo yekare. (Jeremia 31:31-34; VaHebheru 8:7-13) Muiyi sungano itsva, ivo—navatendi vaisava vechiJudha avo vakavakumbanira gare gare—vakava rutivi rworudzi rutsva, rwomudzimu rwakatsiva Israeri wokunyama sorudzi chairwo rwaMwari. (VaRoma 9:25, 26; VaGaratia 6:16) Savakadaro, ivo vakafarikanya rusununguko urwo Jesu akapikira apo akati: “Zvokwadi ichakusunungurai.” Kunze kwokuvasunungura mukutuka kwoMutemo waMosesi, zvokwadi yakasunungura maKristu echiJudha mumagamuchidzanwa ose anorema ayo vatungamiriri vorudzidziso vakanga vaisa pavari. Uye yakasunungura maKristu asiri echiJudha mukunamata zvidhori nokudavira mashura zvokwaichimbova kunamata kwavo. (Mateo 15:3, 6; 23:4; Mabasa 14:11-13; 17:16) Uye kwakanga kune zvakawanda.
15 Jesu, pakutaura pamusoro pezvokwadi inosunungura, akati: “Zvamazvirokwazvo ndinoti kwamuri, Muiti ari wose wechivi muranda wechivi.” (Johane 8:34, NW) Sezvo Adhama naEvha vakatadza, munhu ari wose ati amborarama ave ari mutadzi uye nokudaro muranda wechivi. Aingosara bedzi akanga ari Jesu amene, uye chibairo chaJesu chakasunungura vatendi muuranda ihwohwo. Chokwadi, ivo vakanga vachiri vasina kukwana uye vanotadza nomuzvarirwo. Zvino, kunyanguvezvo, vaigona kupfidza zvivi zvavo ndokukumbira kanganwirwo pahwaro hwechibairo chaJesu, vaine chivimbo chokuti teterero dzavo dzaizonzwika. (1 Johane 2:1, 2) Pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu, Mwari akavazivisa kuva vakarurama, uye vaigona kumusvika nehana yakacheneswa. (VaRoma 8:33) Uyezve, sezvo rudzikinuro rwakazarura kariro yorumuko kuupenyu husingagumi, zvokwadi yakatovasunungura mukutya rufu.—Mateo 10:28; VaHebheru 2:15.
16. Rusununguko rwechiKristu rwakanga rwakakura zvikuru sei kupfuura rusununguko rupi norupi rwakagoverwa nenyika?
16 Nenzira inoshamisa, rusununguko rwechiKristu rwakazarurirwa varume navakadzi pasinei hapo nouri mugariro wavo, kutaura nenzira yohunhu. Vanhu varombo, vasungwa, kunyange varanda, vaigona kusununguka. Pane rumwe rutivi, vakakwirira vamarudzi vakaramba shoko riri pamusoro paKristu vakanga vachiri muuranda hwokudavira mashura, chivi, uye kutya rufu. Hatitongofaniri kurega kuonga Jehovha nokuda kworusununguko irworwu rwatinofarikanya. Hapana chinhu icho nyika inopa chinosvika pedyo nokuenzana narwo.
Vakasununguka Asi Vanozvidavirira
17. (a) Vamwe muzana rokutanga ramakore vakarasikirwa sei norusununguko rwechiKristu? (b) Neiko tisati tichifanira kunyengerwa norunoratidzika kuva rusununguko munyika yaSatani?
17 Muzana rokutanga ramakore, sezvingabvira voruzhinji vamaKristu akazodzwa vakafarira rusununguko rwavo uye vakachengeta perero yavo pasinei zvapo nemiuyo. Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, vamwe vakaedza rusununguko rwechiKristu nezvikomborero zvarwo zvose uye ipapo vakaruramba, vachidzokera kuuranda munyika. Neiko kwakanga kwakadaro? Kutenda kwavazhinji pasina panikiro kwakaneta, uye ivo ‘vakakukurwa’ havo. (VaHebheru 2:1) Vamwe ‘vakarega kutenda nehana yakanaka ndokutambura kupunzika kwokutenda kwavo.’ (1 Timotio 1:19) Zvichida vakawira kukudisa zvenyika kana kuti mararamiro outere. Kunokosha sei kuti tidzivirire kutenda kwedu ndokuvakira pakuri, tichiramba takabatikana mufundo yomunhu oga, songanirano, munyengetero, uye mubato wechiKristu! (2 Petro 1:5-8) Ngatisatongorege kuonga rusununguko rwechiKristu! Chokwadi, vamwe vangaedzwa nokugarika kwavanoona kunze kweungano, vachifunga kuti avo vari munyika vakasununguka zvikuru kupfuura zvatiri. Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, chinoratidzika sorusununguko munyika kazhinji kazhinji kunongova zvako kusava nomufungo. Kana tisiri varanda vaMwari, tiri varanda vechivi, uye uranda ihwohwo hunobhadhara muripo unorwadza.—VaRoma 6:23; VaGaratia 6:7, 8.
18-20. (a) Vamwe vakava sei “vavengi vedanda rokutambudzira”? (b) Vamwe ‘vakaita rusununguko rwavo sedziviriro youshati’ sei?
18 Uyezve, mutsamba yake kuvaFiripi, Pauro akanyora, kuti: “Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi [vedanda rokutambudzira raKristu, NW].” (VaFiripi 3:18) Hungu, kwaiva navaichimbova maKristu vakava vavengi vokutenda, zvichida vachiva vawi pakutenda. Kunokosha sei kuti tirege kutevera nzira yavo! Mukuwedzera, Petro akanyora, kuti: “[Ivai, NW] savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.” (1 Petro 2:16) Mumwe munhu angabata sei rusununguko rwake sedziviriro youshati? Kupfurikidza nokuita zvivi zvakakomba—zvichida pachivande—apo anenge achiri kusonganirana neungano.
19 Yeuka Dhiotrefe. Johane akati nezvake: “Dhiotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo [muungano], unotiramba isu. . . . iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mu[ungano, NW].” (3 Johane 9, 10) Dhiotrefe akashandisa rusununguko rwake sedziviriro nokuda kwegwinyiro rake amene roudyire.
20 Mudzidzi Judhasi akanyora, kuti: “Vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.” (Judhasi 4) Vachisonganirana neungano, vanhu ivava vaiva pesvedzero inoshatisa. (Judhasi 8-10, 16) Muna Zvakazarurwa tinorava kuti muungano yePergamo neTiatira, maiva namasekete, kunamata zvidhori, uye utere. (Zvakazarurwa 2:14, 15, 20-23) Kushandiswa kwakaipa kwakadini kworusununguko rwechiKristu!
21. Chii chakamirira avo vanoshatisa rusununguko rwavo rwechiKristu?
21 Chii chakamirira avo vanoshatisa rusununguko rwavo rwechiKristu neiyi nzira? Yeuka chakaitika kuna Israeri. Israeri akanga ari rudzi rwakasarudzwa rwaMwari, asi Jehovha pakupedzisira akaruramba. Neiko? Nemhaka yokuti vaIsraeri vakashandisa ukama hwavo naMwari sedziviriro nokuda kwoushati. Vaiganza kuti vaiva vanakomana vaAbrahama asi vakaramba Jesu, Mbeu yaAbrahama naMesia akasarudzwa waJehovha. (Mateo 23:37-39; Johane 8:39-47; Mabasa 2:36; VaGaratia 3:16) “Israeri waMwari” wose zvake haasati achizobvumikisa kuva asina kutendeka nenzira yakafanana. (VaGaratia 6:16, NW) Asi muKristu mumwe nomumwe upi noupi anoparira kushatiswa kwomudzimu kana kuti kwetsika pakupedzisira achanangana nechirango, kunyange rutongeso rwakashata. Tose zvedu tinozvidavirira pamusoro penzira yatinoshandisa nayo rusununguko rwedu rwechiKristu.
22. Mufaroi unouya kuavo vanoshandisa rusununguko rwavo rwechiKristu kuti vashandire Mwari?
22 Kuri nani zvikuru sei kushandira Mwari uye nokudaro ndokuva vakasununguka zvirokwazvo. Jehovha bedzi anopa rusununguko runokosha chaizvoizvo. Chirevo chinoti: “Iva akachenjera, mwanakomana wangu, uye ita kuti mwoyo wangu ufare, kuti ndigopindura uyo ari kundishora.” (Zvirevo 27:11, NW) Ngatishandisei rusununguko rwedu rwechiKristu kukurevererwa kwaJehovha. Kana tikaita kudaro, upenyu hwedu huchava nerevo, tichaunza mufaro kuna Baba vedu vokudenga, uye pakupedzisira tichava pakati paavo vanofarikanya rusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Ndiani oga akasununguka zvirokwazvo?
◻ Rusunungukoi Adhama naEvha vakafarikanya, uye neiko vakarasikirwa narwo?
◻ Rusunungukoi vaIsraeri vakafarikanya pavakachengeta sungano yavo naJehovha?
◻ Rusunungukoi rwakauya kuna avo vakagamuchira Jesu?
◻ Vamwe muzana rokutanga ramakore vakarasikirwa kana kuti kushatisa sei rusununguko rwavo rwechiKristu?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Rusununguko rwakapa Jesu rwakanga ruri nani zvikuru kupfuura rusununguko rupi norupi munhu anogona kupa