Chitsauko 5
Rusununguko Rune Vanamati vaJehovha
1, 2. (a) Mwari akapa vanhu vaviri vokutanga rusununguko rwakadini? (b) Taura mimwe yemitemo yaidzora basa raAdhamu naEvha.
JEHOVHA paakasika murume nomukadzi vokutanga, vaiva norusununguko runopfuura nokure chero rusununguko rwupi harwo rune vanhu nhasi. Musha wavo waiva Paradhiso, Bindu rakanaka reEdheni. Hapana urwere hwaikanganisa kunakidzwa kwavo noupenyu, sezvo vaiva nepfungwa nemiviri yakakwana. Vakanga vasingafaniri kufa sezvakazoita vanhu vose kubva ipapo. Uyezve, vakanga vasiri marobhoti, asi vaiva nechipo chinoshamisa chorusununguko rwokusarudza, kukwanisa kuzvisarudzira zvavanoda. Zvisinei, kuti varambe vaine rusununguko irworwo runoshamisa, vaifanira kuremekedza mitemo yaMwari.
2 Somuenzaniso, funga mitemo inodzora zvinhu yakaiswa naMwari. Ichokwadi kuti mitemo iyi ingave yakanga isina hayo kunyorwa, asi Adhamu naEvha vakaitwa nenzira iya yokuti zvaiva muropa kuti vaiteerere. Nzara yavo yairatidza kuti vanofanira kudya; nyota yavo, kuti vanofanira kunwa; kuvira kwezuva, kuti vanofanira kurara. Jehovha akavapawo basa rokuita. Basa iroro rakanga riri mutemo nokuti raizodzora zviito zvavo. Vaifanira kubereka vana, kutarisira marudzi akawanda ezvipenyu zvepano pasi, uye kuwedzera miganhu yeParadhiso kusvikira yazara pasi pose. (Genesi 1:28; 2:15) Zvechokwadi iwoyo waiva mutemo wakanaka kwazvo, unobatsira! Wakavapa basa rinonyatsogutsa, uchiita kuti vakwanise kushandisa mano avo zvakanakisisa munzira dzinobatsira. Uyezve, vaiva norusununguko rwakakwana rwokusarudza kuti vaizoita sei basa ravo. Munhu aizodeizve zvinopfuura izvi?
3. Adhamu naEvha vaigona sei kudzidza kushandisa nouchenjeri rusununguko rwavo rwokusarudza?
3 Ichokwadi kuti Adhamu naEvha pavakapiwa mukana wokuzvisarudzira hazvina kureva kuti chero chavaizosarudza chaizoguma zvakanaka. Vaifanira kushandisa rusununguko rwavo rwokusarudza vari mumiganhu yemitemo nenheyo dzaMwari. Vaigona sei kudzidza zvinhu izvi? Nokuteerera Muiti wavo uye nokucherechedza mabasa ake. Mwari akapa Adhamu naEvha ungwaru hwaidiwa kuti vashandise zvinhu zvavaidzidza. Zvavakasikwa vakakwana, zvaizova nyore kwavari kuti varatidze unhu hwaMwari pakusarudza. Chokwadi, vaizova vakangwarira kuita izvozvo kana vaionga zvechokwadi zvavakanga vaitirwa naMwari uye vachida kumufadza.—Genesi 1:26, 27; Johani 8:29.
4. (a) Murayiro wakapiwa Adhamu naEvha wokurega kudya muchero womuti mumwe chete wakavatorera rusununguko here? (b) Nei ichi chakanga chiri chinhu chakakodzera chaifanira kuitwa?
4 Saka nenzira yakarurama, Mwari akasarudza kuedza kuzvipira kwavakanga vakaita kwaari soMupi wavo Woupenyu uye kuda kwavaiita kurambira mavakarayirwa naye kuti vagumire. Jehovha akapa Adhamu murayiro uyu: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Evha asikwa, akaudzwawo mutemo uyu. (Genesi 3:2, 3) Zvavakarambidzwa izvi zvakavatorera rusununguko here? Hazvina. Vaiva nezvokudya zvinonaka zvakawanda zvemarudzi ose zvavaigona kudya vasingadyi michero yomuti mumwe chete iwoyo. (Genesi 2:8, 9) Zvakanga zvakangokodzera kuti vazive kuti pasi nderaMwari, sezvo ariye akarisika. Saka ane kodzero yokuita mitemo inoenderana nechinangwa chake uye inobatsira vanhu.—Pisarema 24:1, 10.
5. (a) Adhamu naEvha vakarasikirwa sei norusununguko rwakanaka chaizvo rwavaiva narwo? (b) Chii chakatora nzvimbo yorusununguko rwaimbova naAdhamu naEvha, uye zvakatikanganisa sei?
5 Asi chii chakaitika? Pamusana poudyire hwayo hwokuda chinzvimbo, imwe ngirozi yakashandisa rusununguko rwayo zvisirizvo ndokuva Satani, zvinoreva kuti “Mudzivisi.” Yakanyengedza Evha nokumuvimbisa chimwe chinhu chaipesana nokuda kwaMwari. (Genesi 3:4, 5) Adhamu akabatana naEvha pakuputsa mutemo waMwari. Nokutora kwavakaita chakanga chisiri chavo, vakarasikirwa norusununguko rwavo rwakanga rwakanaka chaizvo. Vakatanga kudzorwa nechivi, uye sokuyambira kwakanga kwaita Mwari, rufu rwakazouya. Vakapfuudza kuvana vavo nhaka yechivi—chinooneka mupfungwa yokuberekwa nayo yokuda kuita zvakaipa. Chivi chakaunzawo kupera kwesimba romuviri, zvichiguma nezvirwere, kuchembera, uye rufu. Pfungwa yokuda kutadza, yakakonzerwa naSatani, yakaita kuti pave nevanhu vanozivikanwa noruvengo, kupara mhosva, udzvinyiriri, uye hondo dzauraya mamiriyoni akawanda evanhu. Zvakasiyana kwazvo norusununguko rwakapiwa vanhu naMwari pamavambo!—Dheuteronomio 32:4, 5; Jobho 14:1, 2; VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 12:9.
Kungawanikwa Rusununguko
6. (a) Rusununguko chairwo rungawanikwa kupi? (b) Jesu akataura nezvokusununguka kworudzii?
6 Tichitarira kuipa kwezvinhu kuripo kwose kwose nhasi, hazvishamisi kuti vanhu vanoda rusununguko rwakakura. Asi rusununguko chairwo rungawanikwa kupi? Jesu akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:31, 32) Rusununguko urwu harusi rwuya runotarisirwa nevanhu pavanoramba mumwe mutongi kana kuti rumwe rudzi rwehurumende vachida imwe. Asi, rusununguko urwu runosvika panotangira zvinetso zvevanhu chaipo. Chaitaurwa naJesu kwaiva kusununguka pakuva varanda vechivi. (Johani 8:24, 34-36) Saka, munhu paanova mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu, anonzwa kuchinja kukuru muupenyu hwake, kusunungurwa!
7. (a) Tingasununguka pachivi mupfungwa ipi iye zvino? (b) Kuti tive norusununguko irworwo, chii chatinofanira kuita?
7 Izvi hazvirevi kuti panguva ino vaKristu vechokwadi havachanzwi migumisiro yepfungwa yokuzvarwa nayo yokuda kutadza. Sezvo vakagara nhaka chivi, chichiri kuita kuti vatambure. (VaRoma 7:21-25) Zvisinei, kana munhu achinyatsorarama maererano nedzidziso dzaJesu haazovi muranda wechivi. Chivi hachizoiti somunhu anomupa mirayiro yaanofanira kuita asina kufunga. Haazobatwi muupenyu husina chinangwa uye hunomusiya aine hana ine mhaka. Achava nehana yakachena pamberi paMwari nokuti zvivi zvekare zvakakanganwirwa pahwaro hwokutenda kwake muchibayiro chaKristu. Pfungwa dzokuda kutadza dzingaedza kumudzora, asi paanoramba kuita maererano nadzo nemhaka yokuti anoyeuka dzidziso dzakachena dzaKristu, anoratidza kuti chivi hachisisiri tenzi wake.—VaRoma 6:12-17.
8. (a) Rusununguko rupi rwatinopiwa nechiKristu chechokwadi? (b) Tinofanira kuona sei vatongi venyika?
8 Funga nezvorusununguko rwatinarwo sevaKristu. Takasunungurwa pane zvinokonzerwa nedzidziso dzenhema, pakuva varanda vemashura, uye pakuva varanda vechivi. Chokwadi chinoshamisa pamusoro pevakafa uye pamusoro porumuko chakatisunungura pakutya vakafa kwokusafunga. Kuziva kuti hurumende dzevanhu vasina kukwana dzichakurumidza kutorerwa nzvimbo noUmambo hwaMwari hwakarurama kunotisunungura pakusava netariro. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Zvisinei, rusununguko irworwo harutipembedzi kuti tisaremekedza zviremera zvehurumende nemitemo yazvo.—Tito 3:1, 2; 1 Petro 2:16, 17.
9. (a) Jehovha anotibatsira sei nenzira yorudo kuwana mwero wakakura zvikuru worusununguko runogona kuwanikwa nevanhu zvino? (b) Tingasarudza sei nokuchenjera?
9 Jehovha haaiti kuti tiedze zvose zvose tichitsvaka zvinoshanda kuti tizoziva nzira yakanakisisa youpenyu. Anoziva maitirwo atakaitwa, chinoita kuti tigutsikane zvechokwadi, uye zvinotibatsira nokusingaperi. Anoziva kufunga uye mufambiro zvinogona kukanganisa ukama hwedu Naye uye nevamwe vanhu, zvichida kutorambidza munhu iyeye kupinda munyika itsva. Jehovha anotizivisa nenzira yorudo zvinhu zvose izvi achishandisa Bhaibheri nesangano rake rinooneka. (Mako 13:10; VaGaratiya 5:19-23; 1 Timoti 1:12, 13) Ipapo zviri kwatiri kushandisa rusununguko rwatakapiwa naMwari kuti tisarudze kuti tichaita sei nazvo. Kusiyana naAdhamu, kana tateerera zvatinoudzwa neBhaibheri, zvatichasarudza zvinenge zviri zvokuchenjera. Ticharatidza kuti ukama hwakanaka naJehovha ndihwo hwatine basa nahwo zvakanyanya muupenyu.
Kuda Rumwe Rudzi Rworusununguko
10. Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakatsvaka rusununguko rworudzii?
10 Dzimwe nguva zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvechiduku—nezvimwewo zvakura—zvingafunga kuti zvinoda rumwe rudzi rworusununguko. Nyika ingaratidzika seinonakidza zvikuru, uye pazvinonyanya kufunga izvozvo, chido chazvo chokuita zvinhu zvisiri zvechiKristu zvakakurumbira munyika chinobva chasimbawo. Vakadaro vangasaronga kushandisa zvinodhaka, kunyanya kunwa doro, kana kuita ufeve. Asi vanotanga kusonganira nevamwe vasiri vaKristu vechokwadi, vachida kugamuchirwa naivava. Vangatotanga kutevedzera matauriro avo nomufambiro wavo.—3 Johani 11.
11. Dzimwe nguva muedzo wokuita zvakaipa unobvepi?
11 Dzimwe nguva muedzo wokuita mufambiro usiri wechiKristu ungabva kune mumwe munhu anoti anoshumira Jehovha. Ndizvo zvakaitika kune vaKristu vekare, uye zvakadaro zvinogona kuitika muzuva redu. Vanhu vakadaro vanowanzoda kuita zvinhu zvavanofunga kuti zvichaita kuti vafare, asi zvinhu izvi zvichipesana nemitemo yaMwari. Vanokurudzira vamwe kuti va“nakirwe.” Vano‘vimbisa rusununguko, nepo ivo pachavo vari varanda vokuora.’—2 Petro 2:19.
12. Ndeipi iri migumisiro inosuruvarisa yomufambiro unopesana nemitemo nenheyo dzaMwari?
12 Nguva dzose runonzi rusununguko urwu runova nemigumisiro yakaipa, sezvo ruchireva kurega kuteerera mitemo yaMwari. Somuenzaniso, unzenza hungaguma nokutambura mupfungwa, kurwara, kufa, kana kuva nepamuviri pasingadiwi, uye zvichida kuparara kwemba. (1 VaKorinde 6:18; 1 VaTesaronika 4:3-8) Kushandisa zvinodhaka kungaita kuti munhu aite hasha, ataure zvisinganyatsonzwiki, aone madzerere, anzwe dzungu, atadze kufema zvakanaka, aone zvinhu zvisipo, uye afe. Kungaguma nokupindwa muropa, zvingaita kuti apare mhosva kuti atsigire muitiro wacho. Kunwa doro zvakanyanya kungagumawo nezvakadai. (Zvirevo 23:29-35) Vaya vanozvibata nenzira yakadaro vangafunga kuti vakasununguka, asi vanozoziva kuti vava varanda vechivi vatokuvadzwa. Uye chivi nditenzi ane utsinye chaizvo! Kufunga nezvenyaya yacho iye zvino kungabatsira kudzivirira kuti zvakadai zvisaitika kwatiri.—VaGaratiya 6:7, 8.
Panotangira Zvinetso
13. (a) Kuchiva kunotungamirira kuzvinetso kunowanzotanga sei? (b) Kuti tinzwisise kuti “songaniro dzakaipa” ndedzipi, tinoda maonero aani? (c) Sezvaunopindura mibvunzo iri mundima 13, simbisa maonero aJehovha.
13 Funga nezvepanowanzotangira zvinetso. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva, pakunenge kwakura, kunobereka chivi, chiviwo, pachinenge chaitwa, chinoparira rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Kuchiva kwacho kunotanga sei? Nezvinopinda mupfungwa. Kazhinji kacho izvi zvinobva pakusonganira nevanhu vasingashandisi nheyo dzeBhaibheri. Chokwadi, tose tinoziva kuti tinofanira kudzivisa “songaniro dzakaipa.” (1 VaKorinde 15:33) Asi isonganiro dzipi dzakaipa? Jehovha anoona sei nyaya yacho? Kufunga nezvemibvunzo inotevera nokuverenga magwaro akanyorwapo kunofanira kutibatsira kuona zvakarurama.
Kana vanhu vachiratidzika sevanoremekedzeka zvinoreva here kuti vasonganiri vakanaka? (Genesi 34:1, 2, 18, 19)
Zvavanotaura, zvichida majee avo, zvingaratidza kana tingafanira kushamwaridzana navo here? (VaEfeso 5:3, 4)
Jehovha anonzwa sei kana tikasarudza kushamwaridzana nevanhu vasingamudi? (2 Makoronike 19:1, 2)
Kunyange zvazvo tingashanda kana kuenda kuchikoro nevanhu vasingatendi zvatinotenda, nei tichifanira kungwarira? (1 Petro 4:3, 4)
Kuona terevhizheni uye mafirimu, kushandisa Indaneti, uye kuverenga mabhuku, magazini, nemapepanhau inzira dzokusonganira nevamwe. Zvii zvatinofanira kungwarira zvinobva muzvinhu izvi? (Zvirevo 3:31; Isaya 8:19; VaEfeso 4:17-19)
Kusarudza kwatinoita shamwari kunoratidza Jehovha kuti tiri vanhu vorudzii? (Pisarema 26:1, 4, 5; 97:10)
14. Rusunungukoi rwunoshamisa ruri mberi nokuda kwevaya vanoshandisa nokutendeka zano reShoko raMwari iye zvino?
14 Nyika itsva yaMwari iri pamberi pedu chaipo apa. Pachishandiswa hurumende yoUmambo hwaMwari hwokudenga, vanhu vachasunungurwa pasimba raSatani nenyika yake yose yakaipa. Zvishoma nezvishoma, migumisiro yose yechivi ichabviswa muvanhu vanoteerera, zvichiguma nokukwana kwepfungwa nemiviri, zvokuti tichakwanisa kunakidzwa noupenyu husingaperi muParadhiso. Rusununguko runoenderana zvizere no“mudzimu waJehovha” pakupedzisira ruchava rwezvisikwa zvose. (2 VaKorinde 3:17) Zvingaratidza kufunga here kuti tive pangozi yokukundikana kuwana zvose izvozvo pamusana pokusateerera zano reShoko raMwari iye zvino? Tichishandisa rusununguko rwedu rwechiKristu nouchenjeri nhasi, tose ngatiratidze pachena kuti chatinoda chaizvoizvo “rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:21.
Kudzokorora
• Vanhu vaviri vokutanga vaiva norusununguko rworudzii? Rwakasiyana papi nezviri kuwanikwa nevanhu iye zvino?
• VaKristu vechokwadi vane rusununguko rupi? Runosiyana sei nerunonzi nenyika rusununguko?
• Nei zvichikosha kwazvo kusava nesonganiro dzakaipa? Kusiyana naAdhamu, tinobvuma kusarudza kwaani pane zvinonzi zvakaipa?
[Mifananidzo iri papeji 46]
Shoko raMwari rinonyevera kuti: “Musatsauswa. Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera”