Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
26 Nditongei, haiwa Jehovha, nekuti ndakafamba ndakaperera kwamuri;+
Ndakavimba naJehovha ndisingazununguki.+
6 Ndichageza maoko angu kuratidza kuti handina mhosva,
Uye ndichafamba ndichitenderera atari yenyu, haiwa Jehovha,
7 Kuti ndiite kuti kuonga kwangu kunzwike+
Uye kuti ndizivise mabasa enyu ese anoshamisa.
9 Musandiparadza* pamwe chete nevatadzi+
Uye musatora upenyu hwangu pamwe chete nevanhu vanoda zvemhirizhonga,*
10 Vane maoko anoita mabasa anonyadzisa,
Uye vane ruoko rwerudyi rwakazara chiokomuhomwe.
11 Asi ini ndichafamba ndakaperera kwamuri.
Ndinunurei,* mundinzwire nyasha.