Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kuporesa Munhu Akaberekwa Riri Bofu
APO vaJudha vanoedza kutaka Jesu namabwe apo aiva mutembere, anozvivanza amene uye anonzvenga. Asi haasati achibva muJerusarema. Gare gare, paSabata, iye navadzidzi vake vari kufamba muguta apo vanoona mumwe munhu ave ari bofu kubvira pakuberekwa. “Rabhi, ndianiko wakatadza,” vadzidzi vanobvunza Jesu, “uyu kana vabereki vake zvaakaberekwa riri bofu?”
Zvichida vadzidzi vanodavira, sezvinoita vamwe varabhi, kuti munhu anogona kutadza ari mudumbu ramai vake. Asi Jesu anopindura, kuti: “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.” Upofu hwomunhu wacho hahuzi muuyo wechikanganiso chaicho kana kuti chivi chakaitwa zvimwe nomunhu wacho kana kuti navabereki vake. Chivi chomurume wokutanga Adhama chakaguma nokusakwana kwavanhu vose, uye nokudaro vanova nourema hwakadai sokuberekwa uri bofu. Urema ihwohwu huri mumunhu zvino hunogovera banza rokuti Jesu aratidzire mabasa aMwari.
Jesu anosimbisa kurumidziro mukuita aya mabasa. “Tinofanira kubate basa rowakandituma, achiri masikati,” iye anodaro. “Usiku hunouya, husingagoni munhu kubate basa nahwo. Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” Nokukurumidza rufu rwaJesu ruchamupinza murima reguva umo asingazogonizve kuita chinhu chipi nechipi. Munguvayi, iye manyuko echiedza kunyika.
Pashure pokutaura izvi zvinhu, Jesu anopfira mate pasi uye namate anokanya dope. Iye anoisa irori pameso ebofu uye anoti: “Enda kundoshamba mudziva reSiroami.” Munhu wacho anoteerera. Uye apo anodaro, iye anoona! Haiwa anofara sei pakudzokera kwake, achiona kwenguva yokutanga muupenyu hwake!
Vavakidzani navamwe vanomuziva vanokatyamadzwa. “Ko uyu haaziri waigara achikumbira here?” Ivo vanobvunza kudaro. “Ndiye,” vamwe vanopindura kudaro. Asi vamwe havagoni kukudavira: “Kwete, asi wakatodzana naye.” Bva munhu wacho anoti: “Ndini.”
“Meso ako akagosvinudzwa seiko?” vanhu vanoda kuziva.
“Munhu unonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: ‘Enda Siroami, undoshamba;’ naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.”
“Iye uripiko,” vanobvunza kudaro.
“Handizivi,” iye anopindura kudaro.
Vanhu zvino vanotungamirira munhu aichimbova bofu kuvatungamiriri vavo vorudzidziso, vaFarise. Ivavawo vanovamba kumubvunza kuti akaona sei. “Wakaisa dope pameso angu, ndikandoshamba ndikaona,” munhu wacho anotsanangura kudaro.
Zvirokwazvo, vaFarise vanofanira kufara nomupemhi aporeswa! Asi panzvimbo pezvo vanozvidza Jesu. “Munhu uyu haazi waMwari,” ivo vanodaro. Vanodarirei? “Nokuti haachengeti Sabata.” Uye vamwe vaFarise vanoshamisika, vachiti: “Ko munhu mutadzi ungaita seiko zviratidzo zvakadai?” Naizvozvo pakati pavo pane kupesana.
Nokudaro, vanobvunza munhu wacho, kuti: “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake zvaakasvinudza meso ako?”
“Muporofita,” iye anopindura kudaro.
VaFarise vanoramba kudavira ikoku. Ivo vanopwiswa kuti panofanira kuva nechibvumirano chapachivande pakati paJesu nouyu munhu chokuita vanhu mapenzi. Naizvozvo kupedza nhau yacho, ivo vanodana vabereki vomupemhi kuti vavabvunze. Johane 8:59; 9:1-18.
◆ Chii chakanga chiri mutoro woupofu hwomunhu wacho uye chakanga chisiri?
◆ Chii chiri usiku apo munhu asingagoni kushanda?
◆ Apo munhu wacho anoporeswa, ndokupi kuri kuita kwaavo vaimuziva?
◆ VaFarise vakakamuraniswa sei pamusoro pokuporeswa kwomunhu wacho?